Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ucharamba Uchifamba Maererano Nomudzimu’ Here?

‘Ucharamba Uchifamba Maererano Nomudzimu’ Here?

‘Ucharamba Uchifamba Maererano Nomudzimu’ Here?

“Rambai muchifamba maererano nomudzimu uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.”—VAGARATIYA 5:16.

1. Tingadzivisa sei kuzvidya mwoyo kana tatadzira mudzimu?

PANE nzira yokudzivisa nayo kuzvidya mwoyo kana tatadzira mudzimu mutsvene waJehovha. Nzira yacho ndeyokuita zvakataurwa nomuapostora Pauro paakati: “Rambai muchifamba maererano nomudzimu uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.” (VaGaratiya 5:16) Kana tikatungamirirwa nomudzimu waMwari, hatizokundwi nezvido zvenyama zvisina kururama.—VaRoma 8:2-10.

2, 3. Kana tikaramba tichifamba nomudzimu, tichabatsirwa munzira dzipi?

2 ‘Tikaramba tichifamba nomudzimu,’ simba raMwari rinoita basa richatikurudzira kuti titeerere Jehovha. Ticharatidza unhu hunodiwa naMwari muushumiri hwedu, muungano, pamba, uye mune dzimwewo nzvimbo. Zvibereko zvomudzimu zvichaoneka pane zvatinoitira watakaroorana naye, vana vedu, vatinonamata navo, nevamwewo vanhu.

3 Kurarama no“mudzimu sokuona kunoita Mwari” kunoita kuti tisaite chivi. (1 Petro 4:1-6) Kana tichirarama nomudzimu, chokwadi hatizoiti chivi chisingakanganwirwi. Asi ndedzipi dzimwe nzira dzakanaka dzatichabatsirwa nadzo kana tikaramba tichifamba nomudzimu?

Ramba Uri Pedyo naMwari naKristu

4, 5. Kufamba nomudzimu kunoita kuti tione sei Jesu?

4 Nokuti tinofamba nomudzimu mutsvene, tinokwanisa kuramba tiine ukama hwepedyo naMwari noMwanakomana wake. Achinyora nezvezvipo zvomudzimu, muapostora Pauro akaudza vaainamata navo vomuKorinde kuti: “Ndingada kuti [imi maimbonamata zvidhori] muzive kuti hapana munhu anoti kana achitaura achishandisa mudzimu waMwari oti: ‘Jesu akatukwa!’ uye hapana munhu angati: ‘Jesu ndiShe!’ kana asingashandisi mudzimu mutsvene.” (1 VaKorinde 12:1-3) Mudzimu wose unokurudzira vanhu kuti vatuke Jesu ndewaSatani Dhiyabhorosi. Zvisinei, zvatiri vaKristu vari kufamba nomudzimu mutsvene, tine chokwadi chokuti Jehovha akamutsa Jesu kuvakafa ndokumukwidziridza kudarika zvisikwa zvose. (VaFiripi 2:5-11) Tinotenda muchibayiro chaKristu chorudzikinuro uye tinobvuma kuti Jesu ndiye Ishe akagadzwa naMwari kuti atitonge.

5 Vamwe vaizviti vaKristu vomuzana remakore rokutanga C.E. vakaramba kuti Jesu akauya ari munhu. (2 Johani 7-11) Kubvuma mafungiro aya enhema kwakaita kuti vamwe varambe dzidziso dzechokwadi nezvaJesu, aiva Mesiya. (Mako 1:9-11; Johani 1:1, 14) Kufamba nomudzimu mutsvene kunoita kuti tisawire mumusungo iwoyo wokuramba kutenda. Asi kuramba takamuka mune zvokunamata ndiko chete kunogona kuita kuti tirambe tichiwana mutsa watisina kukodzera kuwana waJehovha tobva ‘taramba tichifamba muchokwadi.’ (3 Johani 3, 4) Saka ngatitsungei kuramba zvinhu zvose zvine chokuita nokuramba kutenda kuitira kuti tichengetedze ukama hwakasimba naBaba vedu vokudenga.

6. Mudzimu waMwari unobereka zvibereko zvipi pane vaya vanofamba nomudzimu?

6 Pauro paakataura nezve“mabasa enyama” akadai soufeve nokusazvibata akataurawo nezvevakaramba kutenda vachinamata zvidhori uye vaiita mapoka. Asi akatsanangura kuti: “Vaya vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera nyama pamwe chete nezvido zvayo nokuchiva kwayo. Kana tichirarama maererano nomudzimu, ngatirambei tichifambawo zvakanaka maererano nomudzimu.” (VaGaratiya 5:19-21, 24, 25) Simba raMwari rinoita basa rinobereka zvibereko zvipi pane vaya vanorarama vachifamba nomudzimu? Pauro akanyora kuti: “Chibereko chomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratiya 5:22, 23) Ngatikurukurei zvibereko izvi zvomudzimu.

‘Dananai’

7. Rudo chii, uye rwakaita sei?

7 Rudo, chimwe chezvibereko zvomudzimu, runowanzosanganisira kuratidzirana hanya kune ushamwari uye kusina udyire, ruchibatanidza ushamwari hwepedyo zvikuru. Magwaro anotaura kuti “Mwari rudo” nokuti ndiye musimboti weunhu uhwu. Kuda vanhu zvikuru kunoita Mwari noMwanakomana kunooneka pachibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (1 Johani 4:8; Johani 3:16; 15:13; VaRoma 5:8) Sevateveri vaJesu, tinozivikanwa nokudanana kwatinoita. (Johani 13:34, 35) Kutaura zvazviri, tinorayirwa kuti “tidanane.” (1 Johani 3:23) Uye Pauro anotaura kuti rudo rune mwoyo murefu nomutsa. Haruna godo, uye haruzvikudzi, haruzvibati zvisina kufanira, kana kuzvitsvakira zvarwo. Rudo harutsamwi kana kuchengeta mafi. Runofara nechokwadi, kwete nezvisina kururama. Rudo runoshivirira, runotenda, rune tariro, uye runotsungirira pazvinhu zvose. Uyezve, harumbokundikani.—1 VaKorinde 13:4-8.

8. Nei tichifanira kuda vatinonamata navo Jehovha?

8 Kana tikabvumira mudzimu waMwari kuti uite kuti tive norudo, tichava nounhu ihwohwo muukama hwedu naMwari nomuvakidzani. (Mateu 22:37-39) Muapostora Johani akanyora kuti: “Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu. Munhu wose anovenga hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” (1 Johani 3:14, 15) Muurayi aichengetedzwa muguta revaIsraeri rokupotera kana bedzi ainge asingavengi munhu waainge auraya. (Dheuteronomio 19:4, 11-13) Kana tichitungamirirwa nomudzimu mutsvene, ticharatidza kuti tinoda Mwari, vatinonamata navo, nevamwewo vanhu.

“Mufaro waJehovha Ndiyo Nhare Yenyu”

9, 10. Mufaro chii, uye zvikonzero zvipi zvinoita kuti tifare?

9 Mufaro manzwiro aunoita kana zvinhu zvichikufambira zvakanaka. Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11; Pisarema 104:31) Mwanakomana anofarira kuita zvinodiwa naBaba vake. (Pisarema 40:8; VaHebheru 10:7-9) Uye “mufaro waJehovha ndiyo nhare” yedu.—Nehemiya 8:10.

10 Mufaro unobva kuna Jehovha unoita kuti tigutsikane zvikuru patinoita zvaanoda kunyange munguva yakaoma, yokusuwa, kana kuti yokutambudzwa. Chokwadi “zivo pamusoro paMwari” inoita kuti tifare zvikuru! (Zvirevo 2:1-5) Ukama hwedu naMwari hunofadza hunobva pazivo yakarurama, pakutenda maari uye muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. (1 Johani 2:1, 2) Kungova mumwe wehama dzepachokwadi dziri munyika yose kunoita kuti tifare. (Zefaniya 3:9; Hagai 2:7) Tariro yedu yoUmambo neropafadzo huru yokuzivisa mashoko akanaka zvinoita kuti tifare. (Mateu 6:9, 10; 24:14) Ndizvo zvinoitawo tariro youpenyu husingaperi. (Johani 17:3) Sezvo tiine tariro inoshamisa iyi, tinofanira “kufara kwazvo.”—Dheuteronomio 16:15.

Iva Norugare Nomwoyo Murefu

11, 12. (a) Ungarondedzera sei rugare? (b) Rugare rwaMwari runoitei patiri?

11 Rugare—chimwezve chibereko chomudzimu—kuva norunyararo uye kusazvidya mwoyo. Baba vedu vokudenga ndiMwari ane rugare, uye tinovimbiswa kuti: “Jehovha achakomborera vanhu vake norugare.” (Pisarema 29:11; 1 VaKorinde 14:33) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu.” (Johani 14:27) Izvozvo zvaizobatsira sei vateveri vake?

12 Rugare rwakapa Jesu vadzidzi vake rwakadzikamisa mwoyo nepfungwa dzavo ndokuita kuti vasanyanye kutya. Vakatonyanya kuva norugare pavakawana mudzimu mutsvene wavakanga vavimbiswa. (Johani 14:26) Patinotungamirirwa nomudzimu uye patinenge tichipindurwa minyengetero yedu nhasi, tinovawo no“rugare rwaMwari” rusingaenzaniswi, runoita kuti mwoyo yedu nepfungwa zvizorore. (VaFiripi 4:6, 7) Uyezve, mudzimu waJehovha unotibatsira kuti tidzikame uye tive norugare nevatinonamata navo nevamwewo vanhu.—VaRoma 12:18; 1 VaTesaronika 5:13.

13, 14. Kuva nomwoyo murefu zvinorevei, uye nei tichifanira kuuratidza?

13 Mwoyo murefu unoenderana norugare, nokuti zvinoreva kushivirira kwedu tichitsungirira patinenge tagumburwa kana kuti taitirwa zvakaipa tichitarisira kuti mamiriro ezvinhu achavandudzika. Mwari ane mwoyo murefu. (VaRoma 9:22-24) Jesu anoratidzawo unhu uhwu. Tinogona kubatsirwawo nounhu uhwu hwaJesu nokuti Pauro akanyora kuti: ‘Chakaita kuti ini ndinzwirwe ngoni ndechokuti, Kristu Jesu, achishandisa ini somuenzaniso mukuru, akaratidza mwoyo murefu wake wose kuti ape muenzaniso vaya vaizoisa kutenda kwavo paari kuti vawane upenyu husingaperi.’—1 Timoti 1:16.

14 Mwoyo murefu unotibatsira kutsungirira vamwe pavanotiitira kana kutaura zvinhu zvinotirwadza kana kuti zvinoratidza kusafunga. Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Itirai mwoyo murefu vanhu vose.” (1 VaTesaronika 5:14) Sezvo tose tisina kukwana uye tichikanganisa, chokwadi tinoda kuti vamwe vanhu vatishivirire, vatiitire mwoyo murefu patinovakanganisira. Saka ngatiedzei nepatinokwanisa “kuva vane mwoyo murefu nomufaro.”—VaKorose 1:9-12.

Ratidza Mutsa Nokunaka

15. Tsanangura kuti mutsa chii, uye ipa muenzaniso.

15 Tinoratidza mutsa patinofarira vamwe noushamwari nokutaura mashoko uye kuita zvinhu zvinovabatsira. Jehovha ane mutsa, uye ndizvowo zvakaita Mwanakomana wake. (VaRoma 2:4; 2 VaKorinde 10:1) Zvinotarisirwa kuti vashumiri vaMwari naKristu vave nomutsa. (Mika 6:8; VaKorose 3:12) Kunyange vanhu vasina ukama hwepedyo naMwari vakaratidza “mutsa unoshamisa.” (Mabasa 27:3; 28:2) Saka zvine musoro kuti tinogona kuratidza mutsa kana ‘tikaramba tichifamba nomudzimu.’

16. Mumamiriro api ezvinhu atinofanira kuratidza mutsa?

16 Tinogona kuratidza mutsa kunyange patinenge tatsamwiswa nomumwe munhu anenge ataura mashoko anorwadza kana kuti aita zviito zvinoratidza kusafunga. Pauro akati: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo. . . . Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.” (VaEfeso 4:26, 27, 32) Zvakakodzera chaizvo kuti tiratidze mutsa kune vaya vanenge vachiedzwa. Chokwadi, kana zviri pachena kuti mumwe munhu ari pangozi yokusiya nzira ‘yakanaka yakarurama nechokwadi,’ mukuru wechiKristu anenge asiri kuratidza mutsa kana akatadza kupa zano repaMagwaro pamusana pokutya kurwadzisa manzwiro omunhu iyeye.’—VaEfeso 5:9.

17, 18. Kunaka kunotsanangurwa sei, uye unhu uhwu hunoshanda sei muupenyu hwedu?

17 Kunaka kuva nounhu hwakanaka, kana kuti kuva netsika dzakanaka kwazvo. Mwari akanaka mupfungwa yakakwana. (Pisarema 25:8; Zekariya 9:17) Jesu ane unhu hwakanaka uye ane tsika dzakanaka kwazvo. Asi haana kubvuma kunzi “Akanaka” paakanzi “Mudzidzisi Akanaka.” (Mako 10:17, 18) Izvi zvaiva pachena nokuti aiziva kuti Mwari ndiye muenzaniso mukuru wokunaka.

18 Mano edu okuita zvakanaka anokanganiswa nechivi chatakagara nhaka. (VaRoma 5:12) Kunyange zvakadaro, tinogona kuratidza unhu uhwu kana tikanyengetera kuti Mwari ‘atidzidzise kuita zvakanaka.’ (Pisarema 119:66) Pauro akaudza vaainamata navo muRoma kuti: “Ini ndinotenda pamusoro penyu, hama dzangu, kuti imi muzerewo norunako, sezvamakazadzwa nezivo yose.” (VaRoma 15:14) Mutariri wechiKristu anofanira kuva munhu “anoda zvakanaka.” (Tito 1:7, 8) Kana tichitungamirirwa nomudzimu waMwari, tichazivikanwa nemhaka yokunaka, uye Jehovha ‘achatiyeuka pamusana pezvakanaka zvatinoita.’—Nehemiya 5:19; 13:31.

“Kutenda Kusina Unyengeri”

19. Chii chinonzi kutenda maererano naVaHebheru 11:1?

19 Kutenda, kuri chimwewo chezvibereko zvomudzimu, “kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.” (VaHebheru 11:1) Kana tiine kutenda, tinenge tiine chokwadi chokuti zvose zvinopikirwa naJehovha zvichazadzika. Munhu ane uchapupu hwakasimba hwezvinhu zvaasati aona anonzi ane kutenda. Somuenzaniso, kuvapo kwezvinhu zvakasikwa kunoita kuti tibvume kuti kune Musiki. Ndiko kutenda kwatichava nako kana tikaramba tichifamba nomudzimu.

20. “Chivi chinotipingirisha nyore nyore” chii, uye tingachidzivisa sei uye tingadzivisa sei mabasa enyama?

20 Bhaibheri rinoti kusava nokutenda “chivi chinotipingirisha nyore nyore.” (VaHebheru 12:1) Tinofanira kuvimba nomudzimu waMwari kuti tidzivise mabasa enyama, kunyanya kuda zvinhu, uye dzidziso dzenhema zvinogona kukanganisa kutenda kwedu. (VaKorose 2:8; 1 Timoti 6:9, 10; 2 Timoti 4:3-5) Mudzimu waMwari unoita kuti vashumiri vaJehovha vemazuva ano vave nokutenda kwakaita sokwezvapupu zvekare zvaivapo chiKristu chisati chavapo uye zvimwe zvakanyorwa muBhaibheri. (VaHebheru 11:2-40) Uye “kutenda [kwedu] kusina unyengeri” kungaita uti tisimbise kutenda kwevamwe.—1 Timoti 1:5; VaHebheru 13:7.

Ratidza Unyoro Nokuzvidzora

21, 22. Unyoro chii, uye nei tichifanira kuhuratidza?

21 Unyoro kuva norupfave muunhu hwedu. Unyoro ndohumwe unhu hwaMwari. Tinozviziva nokuti Jesu, aiva munhu munyoro, akanyatsoratidza zvakakwana zvakaita unhu hwaJehovha. (Mateu 11:28-30; Johani 1:18; 5:19) Saka, sevashumiri vaMwari chii chinodiwa kwatiri?

22 SevaKristu tinotarisirwa kuti ‘tiratidze unyoro kuvanhu vose.’ (Tito 3:2) Tinoratidza unyoro muushumiri hwedu. Vaya vane zvinodiwa pakunamata vanorayirwa kuti varuramise “nounyoro” vaKristu vanotadza. (VaGaratiya 6:1) Tose zvedu tinogona kuita kuti tibatane sevaKristu uye tive norugare nokuva “nepfungwa dzinozvininipisa zvakakwana nounyoro.” (VaEfeso 4:1-3) Tinogona kuratidza unyoro kana tikaramba tichifamba nomudzimu uye tichizvidzora.

23, 24. Kuzvidzora kudini, uye kunotibatsira sei?

23 Kuzvidzora kunoita kuti tirambe tichingwarira mafungiro edu, matauriro edu uye zviito zvedu. Jehovha ‘akaramba achizvidzora’ paaibata nevaBhabhironi vakaparadza Jerusarema. (Isaya 42:14) Mwanakomana wake ‘akatisiyira muenzaniso’ wokuzvidzora paaitambura. Uye muapostora Petro akapa zano vaKristu vaainamata navo rokuti ‘vawedzere pazivo yavo kuzvidzora.’—1 Petro 2:21-23; 2 Petro 1:5-8.

24 Vakuru vechiKristu vanotarisirwa kuti vazvidzore. (Tito 1:7, 8) Chaizvoizvo, vose vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene vanogona kuzvidzora vobva vadzivisa unzenza, kutaura zvinonyadzisira, kana kuti chinhu chose chinoita kuti vasafarirwa naJehovha. Kana tikabvumira mudzimu waMwari kuti uite kuti tizvidzore, vamwe vachazviona nematauriro edu nezviito zvedu.

Rambai Muchifamba Nomudzimu

25, 26. Kufamba nomudzimu kuchatibatsira sei muukama hwedu nevamwe iye zvino uye zvatinotarisira munguva inouya?

25 Kana tikaramba tichifamba nomudzimu, tichava vazivisi voUmambo vanoshingaira. (Mabasa 18:24-26) Tichava shamwari dzakanaka, uye vanhu vakazvipira kuna Mwari vachafarira chaizvo kushamwaridzana nesu. Kana tiri vaya vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene, tichakurudzirawo vatinonamata navo Jehovha. (VaFiripi 2:1-4) SevaKristu, izvi handizvo zvatinoda kuva here?

26 Munyika ino inotongwa naSatani, hazvisi nyore kufamba nomudzimu. (1 Johani 5:19) Kunyange zvakadaro, mamiriyoni evanhu ari kufamba nawo mazuva ano. Kana tichivimba naJehovha nomwoyo wedu wose, tichanakidzwa noupenyu iye zvino uye tichakwanisa kuramba tichifamba munzira dzakarurama nokusingaperi dzouyo ane rudo anotipa mudzimu mutsvene.—Pisarema 128:1; Zvirevo 3:5, 6.

Ungapindura Sei?

• ‘Kufamba nomudzimu’ kunotibatsira sei muukama hwedu naMwari noMwanakomana wake?

• Chibereko chomudzimu mutsvene chinosanganisira unhu hupi?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzokuratidza nadzo chibereko chomudzimu waMwari?

• Kufamba nomudzimu kunotibatsira sei muukama hwedu nevamwe iye zvino uye zvatinotarisira munguva inouya?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mudzimu mutsvene waJehovha unoita kuti tide vatinonamata navo

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ratidza mutsa nemashoko uye zviito zvinobatsira