Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Uchenjeri Hunodzivirira”

“Uchenjeri Hunodzivirira”

“Uchenjeri Hunodzivirira”

ZVIREVO 16:16 inoti: “Haiwa kuwana uchenjeri kuri nani sei pane kuwana ndarama! Uye kuwana kunzwisisa kunofanira kusarudzwa pane kuwana sirivha.” Nei uchenjeri huchikosha? Nokuti “uchenjeri hunodzivirira kufanana nemari inodzivirira; asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.” (Muparidzi 7:12) Zvisinei, uchenjeri hunochengetedza sei varidzi vahwo?

Kuwana uchenjeri hwaMwari, kureva kuti, kuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri, nokuita maererano nezvarinotaura, kunotibatsira kufamba maererano nenzira inodiwa naJehovha. (Zvirevo 2:10-12) Mambo Soromoni weIsraeri yekare anoti: “Mugwagwa mukuru wevakarurama ndiko kubva pane zvakaipa. Munhu anochengetedza nzira yake anochengeta mweya wake.” (Zvirevo 16:17) Chokwadi, uchenjeri hunonunura vanahwo panzira dzakaipa uye hunovachengetedza vari vapenyu! Mashoko akananga, ouchenjeri ari pana Zvirevo 16:16-33 anoratidza kubatsira kunoita uchenjeri hwaMwari paunhu hwedu, matauriro edu, nepazviito zvedu. *

“Kuzvininipisa”

Zvinonzi uchenjeri hunotaurwa somunhu hunoti: “Ndinovenga kuzvikwidziridza nokudada.” (Zvirevo 8:13) Kudada nouchenjeri hazvidyidzani. Tinofanira kuita zvinhu nouchenjeri tongwarira kusava nounhu hwokuzvikudza, kana kuti hwokudada. Tinofanira kunyanya kungwarira kana tikabudirira muzvimwe zvinhu zvatinoita muupenyu kana kuti tikapiwa nzvimbo youtariri muungano yechiKristu.

Zvirevo 16:18 inonyevera kuti: “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.” Chimbofunga nezvokuwa kukuru kwakaita mumwe wevanakomana vaMwari vomudzimu mudenga akanga akakwana uyo akazviita Satani Dhiyabhorosi. (Genesisi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9) Asati awa akanga asina kuzvirova dundundu here? Bhaibheri rinotaura izvi parinoti murume anenge achangotendeuka haafaniri kupiwa nzvimbo youtariri muungano yechiKristu “kuti arege kuzvitutumadza nokudada, akawira mukutongwa kwaDhiyabhorosi.” (1 Timoti 3:1, 2, 6) Zvinokosha chaizvo kuti tisakurudzire vamwe kuti vadade uyewo kuti isu tisadade!

Zvirevo 16:19 inoti: “Zviri nani kuzvininipisa pamwe chete nevanyoro pane kugovana zvakapambwa nevanozvikwidziridza.” Zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi rekare zvinoita kuti tione kunaka kwezano iri. Achidada akagadzira chifananidzo chikuru zvichida chaimirira iye mubani reDhura. Chifananidzo chacho chingave chakanga chakareba mamita 27 kuenda mudenga. (Dhanieri 3:1) Chifananidzo chirefu ichi chairatidza kukura kwoumambo hwaNebhukadhinezari. Kunyange zvazvo zvinhu zvakakwirira zvakadai semifananidzo, makomo, zvivako zvakareba zvingaita kuti vanhu vaome mate mukanwa, kuna Mwari hazvirevi chinhu. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa; asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6) Kutaura zvazviri, “chinhu chakakwirira pakati pevanhu chinhu chinonyangadza pamberi paMwari.” (Ruka 16:15) Saka zvakanaka kuti ‘titungamirirwe nezvinhu zvakaderera’ pane kuti ‘tifunge zvinhu zvakakwirira.’—VaRoma 12:16.

Taura ‘Nenjere’ uye ‘Nokunyengetedza’

Kuwana uchenjeri kunobatsira sei pakutaura kwatinoita? Mambo akachenjera anotiudza kuti: “Munhu anoratidza kuti ane njere panyaya achawana zvakanaka, uye munhu anovimba naJehovha anofara. Munhu ane mwoyo wakachenjera achanzi anonzwisisa, uye ane miromo inotapira anowedzera kunyengetedza. Njere itsime roupenyu kuvaridzi vadzo; asi kurangwa kwemapenzi upenzi. Mwoyo womunhu akachenjera unoita kuti muromo wake uratidze njere, uye unowedzera kunyengetedza pamiromo yake.”Zvirevo 16:20-23.

Uchenjeri hunotibatsira kuti titaure nenjere uye nokunyengetedza. Nei? Nokuti munhu ane mwoyo wakachenjera anoedza ‘kuwana zvakanaka’ panyaya uye ‘anovimba naJehovha.’ Patinoedza kuwana zvakanaka mune vamwe, tingatonyanya kutaura zvakanaka nezvavo. Pane kuvaitira hasha kana kupopotedzana navo, kutaura kwedu ngakutapire uye ngakunyengetedze. Njere dzinotibatsira kunzwisisa mamiriro ezvinhu evamwe akaoma avangave vachisangana nawo uye kuti vari kurarama sei mumamiriro acho ezvinhu.

Kutaura nouchenjeri kunokoshawo patinenge tichiita basa rokuparidza Umambo uye rokuita vadzidzi. Patinodzidzisa vamwe Shoko raMwari, chinangwa chedu hachisi chokungotaura mashoko ari muMagwaro. Asi ndechokusvika pamwoyo yevanhu. Izvi zvinoda kuti titaure tichinyengetedza. Muapostora Pauro akakurudzira shamwari yake Timoti kuti arambire pazvinhu zvaakanga ‘aitwa kuti ave nechokwadi nazvo kana kuti anyengetedzwa.’—2 Timoti 3:14, 15.

Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘nyengetedza’ rinoreva “kuita kuti munhu achinje mafungiro nokuti anenge audzwa zvikonzero kana kuti aitwa kuti afunge nezvetsika,” rinodaro duramazwi rinonzi An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine. Zvinoda njere kuti tizive mafungiro omuteereri wedu, zvaanofarira, mamiriro ake ezvinhu, uye marererwo aakaitwa kuti titaure zvikonzero zvinomugutsa kuti asvike pakuchinja pfungwa dzake. Tingawana sei njere dzakadaro? Mudzidzi Jakobho anopindura achiti: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’ (Jakobho 1:19) Nokuita kuti muteereri ataure tonyatsoteerera zvaanotaura, tinogona kuziva zvaanofunga.

Muapostora Pauro aiva nemano akanaka chaizvo pakunyengetedza vamwe. (Mabasa 18:4) Kunyange mumwe wevanhu vaimushora, Dhemetriyo, mupfuri wesirivha, akabvuma kuti: “Pauro uyu akanyengetedza . . . boka guru revanhu, akaita kuti vave nedzimwe pfungwa, kwete muEfeso chete asi munenge mumaruwa ose eEzhiya.” (Mabasa 19:26) Pauro akazvirova dundundu here nokuti ainge abudirira mubasa rokuparidza? Aiwa. Aiona kuparidza kwaaiita kuti ‘kwairatidza mudzimu nesimba’ zvaMwari. (1 VaKorinde 2:4, 5) Isuwo tinobatsirwa nomudzimu mutsvene waJehovha. Nokuti tinovimba naJehovha, tine chokwadi chokuti anotibatsira patinoedza kutaura nenjere uye patinotaura tichinyengetedza muushumiri hwedu.

Hazvishamisi kuti “munhu ane mwoyo wakachenjera” anonzi “akangwara” kana kuti “anonzwisisa”! (Zvirevo 16:21, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; New International Version) Chokwadi, njere “itsime roupenyu” kune vaya vanadzo. Asi zvakadini nemapenzi? ‘Anozvidza uchenjeri nokurangwa.’ (Zvirevo 1:7) Anokohwa chii nokuramba kurangwa naJehovha? Sezvataona pamusoro apa, Soromoni ati: “Kurangwa kwemapenzi upenzi.” (Zvirevo 16:22) Anopiwazve chimwe chirango, kazhinji kacho chakakomba. Mapenzi anozvipinza oga munyatwa, anozvinyadzisa, anobatwa nezvirwere, uye anokurumidza kufa.

Achitaurazve zvakanakira kushandisa uchenjeri patinenge tichitaura, mambo weIsraeri anoti: “Mashoko anofadza izinga rouchi, anotapira kumweya uye anoporesa mapfupa.” (Zvirevo 16:24) Mashoko akanaka anokurudzira uye anozorodza kungofanana nouchi hunotapira uye hunowanisa simba munhu anenge ava kuziya nenzara. Uchi hunoitawo kuti munhu ave noutano hwakanaka uye hune zvahunorapa. Ndizvo zvinoitawo mashoko akanaka; anovaka mune zvokunamata.—Zvirevo 24:13, 14.

Ngwarira ‘Nzira Inoita Seyakarurama’

Soromoni anoti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvirevo 16:25) Izvi zvinotinyevera kuti tisafunga zvinhu zvisina kunaka uye tisaita zvinhu zvinopesana nomutemo waMwari. Imwe nzira ingaita seyakarurama mukuona kwevanhu asi ingave isingaenderani nezvinodiwa neShoko raMwari zvakarurama. Uyezve, Satani angasimudzira unyengeri hwakadaro kuitira kuti munhu aite zvaanofunga kuti zvakarurama asi chaizvoizvo zvichiita kuti azofa.

Hakuna imwe nzira iri nani yokuzvidzivirira nayo pakuzvinyengera inodarika kuva nomwoyo wakachenjera, kunzwisisa uye hana yakadzidziswa zivo yeShoko raMwari. Patinenge tichisarudza zvinhu muupenyu, dzingava tsika kana kuti zvokunamata kana kuti zvimwewo zvinhu, nzira yakanakisisa yokuti tizvidzivirire pakuzvinyengera ndeyokuti titungamirirwe nemitemo yaMwari yezvakanaka nezvakaipa.

“Nzara Yomubati Inomubatira”

Mambo akachenjera anoenderera mberi achiti: “Mweya womunhu anoshanda nesimba unomushandira nesimba, nokuti muromo wake unomukurudzira kwazvo.” (Zvirevo 16:26) Soromoni ari kutaura kuti kuda kunoita mushandi kudya ‘kunomuita kuti ade kushanda nesimba’ nokuti nzara yake ‘inomukurudzira,’ kana kuti inomutuma. Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinoti: “Nzara yomubati inomubatira; nokuti muromo wake unomukurudzira.” Chido chatinoberekwa tiinacho, chakadai sokuda kudya, chinoita kuti tishande zvine pundutso. Chido chakadaro chinobatsira. Zvisinei, zvakadini kana chido chakanaka chikabvumirwa kuti chipfuure mwero chobva chava nhafu? Zvinozoitika zvakafanana nezvinoitika kana moto unoshandiswa pakubika zvokudya ukagumisira wava marimi asingadzoreki anopisa sango. Makaro chido chisingadzorwi uye anouraya. Achiziva ngozi yacho, munhu akachenjera anoramba achiongorora kunyange zvido zvake zvakanaka.

‘Usaenda Nenzira Isina Kunaka’

Mashoko atinotaura anogona kuparadza sezvinoita moto uri kunganduma. Achitsanangura ngozi yokutsvaka zvikanganiso zvevamwe uye kuzviparadzira, Soromoni anoti: “Murume pasina anochera zvakaipa, uye pamiromo yake panoita sokuti pane moto unopisa. Munhu anonyengera anoramba achibudisa kukakavara, uye munhu anochera vamwe anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.”Zvirevo 16:27, 28.

Munhu anoedza kutaura zvakaipa nezvomumwe wake anoita zvakanaka, iye “murume pasina.” Tinofanira kuedza kutsvaka zvakanaka mune vamwe totaura zvinhu zvinoita kuti varemekedzwe. Zvakadini nokupa nzeve vaya vanoparadzira makuhwa akaipa? Zviri nyore kuti mashoko avo aite kuti tinyumwire vamwe pasina chikonzero, aparadzanise shamwari uye akonzere mapoka muungano. Uchenjeri huchaita kuti tisateerere vanhu vakadaro.

Achinyevera nezvesimba rinonyengera ringaita kuti munhu aende nenzira isina kunaka, Soromoni anoti: “Munhu anoita zvechisimba achanyengera mumwe wake, uye achaita kuti aende nenzira isina kunaka. Anochonya maziso ake kuti aronge kunyengera. Achiruma miromo yake, iye anopedza kuita zvakaipa.”Zvirevo 16:29, 30.

Chisimba chinganyengera vanamati vechokwadi here? Mazuva ano vanhu vakawanda vave vachinyengerwa kuti ‘varonge kunyengera.’ Vanotsigira chisimba kana kuti vanotochiita. Tingaona zviri nyore kudzivisa kuita chisimba zvakananga. Asi zvakadini nokunyengerwa nedzimwe nzira dzisiri nyore kuona? Mamiriyoni evanhu haasi kunyengerwa here kuti aone zvinhu zvinovaraidza kana kuti mitambo inosimudzira chisimba? Magwaro anonyevera zvakajeka kuti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Chokwadi uchenjeri hwaMwari hunochengetedza!

Zvakadini nomunhu anenge apedza upenyu hwake hwose achishandisa uchenjeri nokunzwisisa uye ‘anenge asina kuenda nenzira isina kunaka’? Kana munhu akapedza upenyu hwake achiita zvakarurama izvozvi zvakanaka mukuona kwaMwari uye zvinofanira kukudzwa. Zvirevo 16:31 inoti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.”

Ukuwo, hasha dzisingadzorwi hadzina kumbonaka. Dangwe raAdhamu naEvha, Kaini, ‘akatsamwira kwazvo’ munun’una wake Abheri ‘akamurwisa ndokumuuraya.’ (Genesisi 4:1, 2, 5, 8) Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva zvingava zvakakodzera kuti titsamwe, tinofanira kungwarira kuti tisatsamwa zvisingadzoreki. Zvirevo 16:32 inotaura zvakajeka kuti: “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba, uye anodzora hasha dzake ari nani pane anokunda guta.” Hasha dzisingadzorwi hachisi chiratidzo chesimba kana kuti chokunaka. Izvozvo zvinoratidza kuti chinetso chinogona kukonzera kuti munhu ‘aende nenzira isina kunaka.’

Kana ‘Zvisarudzo Zvaunoita Zvichibva Kuna Jehovha

Mambo weIsraeri anoti: “Mujenya unokandirwa panguo nechepamakumbo, asi zvisarudzo zvose zvaunoita zvinobva kuna Jehovha.” (Zvirevo 16:33) MuIsraeri yekare, dzimwe nguva Jehovha aishandisa mijenya kuzivisa zvaanoda. Mijenya yaiva hurungudo kana kuti mahwendefa emapuranga kana kuti ematombo. Kutanga, Jehovha aikumbirwa kuti asarudze panyaya yakati. Zvadaro, mijenya yaizokandwa muhomwe yenguo yozobudiswa. Zvaibuda ipapo zvainzi zvabva kuna Mwari.

Jehovha haachashandisi mijenya kuudza vanhu zvaanenge achifunga. Akaratidza zvaanoda muShoko rake, Bhaibheri. Zivo yakarurama yezvakanyorwa muBhaibheri inokosha kuti tiwane uchenjeri hwaMwari. Saka hatifaniri kumborega zuva richipfuura tisina kumboverenga Magwaro akafuridzirwa.—Pisarema 1:1, 2; Mateu 4:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuti uwane panokurukurwa Zvirevo 16:1-15, ona mapeji 17-20 eNharireyomurindi yaMay 15, 2007.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Nei uchenjeri huri nani pane ndarama?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Chii chingaita kuti utaure nokunyengetedza paunenge uri muushumiri?

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Murume pasina anochera zvakaipa”

[Mufananidzo uri papeji 11]

Hasha dzisingadzorwi ‘dzingaita kuti munhu aende nenzira isina kunaka’

[Mufananidzo uri papeji 12]

Chisimba chinonyengera