Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une Mweya Usingafi Here?

Une Mweya Usingafi Here?

Une Mweya Usingafi Here?

Tingori vanhu venyama neropa here? Kunze kwenyama neropa, tine chimwe chinhu chiri matiri here? Upenyu hwedu hunongova hwenguva pfupi here? Kana kuti pane chimwe chinhu chisingaoneki chiri matiri chinoramba chichirarama kana tafa?

KUNYANGE zvazvo zvitendero zviri munyika yose zvave zvichidzidzisa dzidziso dzinovhiringidza pane zvinoitika kana vanhu vafa, zvakawanda zvinobvumirana nepfungwa imwe chete iyi: Pane chimwe chinhu chiri mumunhu chisingafi chinoramba chichirarama paanofa. Vanhu vakawanda vanodavira kuti “chinhu” ichi mweya. Ko iwe unodavirei? Tiri nyama nomweya here? Mweya chii? Vanhu vane mweya usingafi here? Zvinokosha zvikuru kuti tizive chokwadi chemasikirwo atakaitwa!

“Munhu Akava Mweya Mupenyu”

Munhu ane “mweya” unobuda mumuviri wake paanofa here uye unozoramba uchirarama? Maererano neduramazwi rinonzi Holman Illustrated Bible Dictionary, “mweya unowanzoreva munhu sezvaari.” Somuenzaniso, pana Genesisi 2:7 panoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” Munhu wokutanga Adhamu aiva mweya.

Izvi zvokuti shoko rokuti “mweya” rinogona kureva munhu sezvaari zvinotsigirwawo nemamwe Magwaro. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvomweya unoita basa. (Revhitiko 23:30) Mweya unonzi haushiviriri, unoshungurudzwa, haurari, unotya, uye unoora mwoyo. (Vatongi 16:16; Jobho 19:2; Pisarema 119:28; Mabasa 2:43; 1 VaTesaronika 5:14) Ichitaura nezvomweya kuti munhu, VaRoma 13:1 inoti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru.” Uye pana 1 Petro 3:20, tinoverenga kuti: “Mumazuva aNoa, . . . vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.” Magwaro ose aya haaratidzi kuti mweya chimwe chinhu chisingaoneki chinoramba chichirarama kana munhu afa.

Zvakadini nemhuka nezvinhu zvinomera? Izvo mweya here? Chimboona kurondedzera kunoita Bhaibheri kusikwa kwemhuka. Mwari akarayira kuti: “Mvura ngaizare nemweya mipenyu mizhinji.” Pazuva rakatevera rokusika, Mwari akati: “Nyika ngaibudise mweya mipenyu maererano nemarudzi ayo, zvipfuwo nezvinokambaira nemhuka dzomusango dzenyika maererano nemarudzi azvo.” (Genesisi 1:20, 24) Saka zvisikwa zvose zvipenyu, kusanganisira vanhu nemhuka mweya. MuMagwaro, zvinhu zvinomera hazvisi mweya.

Shoko rokuti “mweya” rinoshandiswa kureva imwe pfungwa. Pana Jobho 33:22: tinoverenga kuti: “Mweya wake unoswedera pedyo negomba, uye upenyu hwake hunoswedera pedyo nevaya vanokonzera rufu.” Pano, mashoko okuti “mweya” no“upenyu” ane pfungwa imwe chete. Saka, “mweya” unogonawo kureva munhu kana kuti upenyu hwake. Ndosaka Magwaro achitaura nezvevavengi vaMosesi vaida kumuuraya achiti, “varume vose vakanga vachivhima mweya” wake. (Eksodho 4:19) NezvaJesu Kristu, Bhaibheri rinoti: ‘Mwanakomana womunhu akauya kuzopa mweya wake kana kuti upenyu kuti huve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’—Mateu 20:28.

Tsananguro yeBhaibheri yeshoko iri rokuti “mweya” yakajeka uye haichinji-chinji. Shoko racho rinogona kureva munhu kana mhuka kana kuti upenyu hune chisikwa pachinorarama somweya mupenyu. Sezvatichaona, izvi zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pezvinoitika kumweya panofa munhu.

‘Mweya Unotadza Ndiwo Uchafa’

Bhaibheri rinoti: “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Ezekieri 18:4) Ashungurudzika muprofita Eriya “akatanga kukumbira kuti mweya wake ufe.” (1 Madzimambo 19:4) Saizvozvowo, Jona “akaramba achikumbira kuti mweya wake ufe.” (Jona 4:8) Chokwadi, mweya unofa munhu paanofa; haurambi uchirarama. Munhu zvaari mweya, patinoti munhu afa tinenge tiri kutiwo mweya wake wafa.

Asi zvakadini nendima dzeBhaibheri dzinotaura nezvokubuda uye kudzoka kwomweya? Nezvezvakaitika kuna Rakeri paakasununguka mwanakomana, Bhaibheri rinoti: “Zvino mweya wake zvawakanga uchibuda (nokuti akafa), akamutumidza kuti Bheni-oni; asi baba vake vakamutumidza kuti Bhenjamini.” (Genesisi 35:18) Pana 1 Madzimambo 17:22 panotaura nezvorumuko rwemwanakomana wechirikadzi, pachiti: “Jehovha akazoteerera inzwi raEriya [mumunyengetero], zvokuti mweya womwana wacho wakadzoka maari, akava mupenyu.” Ndima idzi dzinoratidza here kuti mweya chinhu chisingaoneki, chakaita somumvuri chinobuda kana kuti chinopinda mumuviri?

Yeuka kuti shoko rokuti “mweya” rinorevawo kuti “upenyu.” Saka mweya waRakeri wakanga uchibuda pakuti upenyu hwake hwakanga huchipera. Kutaura zvazviri, mamwe maBhaibheri anoshandura mashoko okuti ‘mweya wake wakanga uchibuda’ achiti “upenyu hwake hwakanga huchipera” (Bhaibheri raKnox) uye “akanga achiita mafemo ari kutandadza.” (Bhaibheri Rinoera). Saizvozvowo, pane zvakaitika kumwanakomana wechirikadzi, upenyu hwomwanakomana wacho ndihwo hwakadzoka.—1 Madzimambo 17:23.

Masikirwo Akaitwa Munhu

Zviri pachena kuti Bhaibheri rinoratidza masikirwo akaitwa munhu. Haana mweya; iye ndiye mweya. Pamusana pemasikirwo akaitwa munhu, tariro chero ipi zvayo yokurarama kwevakafa mune ramangwana inobva pakumutswa. Bhaibheri rinopikira kuti: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.” (Johani 5:28, 29) Tariro yechokwadi yevakafa inobva pachipikirwa ichocho chechokwadi chokumutswa kwevakafa kwete padzidziso yokusafa kwomweya.

Zvinokosha chaizvo kuti urambe uchiwana zivo yakarurama yokumutswa kwevakafa uye zvazvinoreva kuvanhu! Uyewo zvinokosha kuziva Mwari naKristu, nokuti achinyengetera Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukubatsira kudzidza Bhaibheri kuti uwedzere kuziva kwaunoita Mwari, Mwanakomana wake uye zvipikirwa zvake. Tinokukumbira kuti uone Zvapupu kana kuti unyorere vabudisi vemagazini ino.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Zvose mweya

[Kwazvakatorwa]

Mbudzi: CNPC—Centro Nacional de Pesquisa de Caprinos (Sobral, CE, Brasil)