Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakatadzira Mudzimu Mutsvene Here?

Wakatadzira Mudzimu Mutsvene Here?

Wakatadzira Mudzimu Mutsvene Here?

“Kune chivi chinounza rufu.”—1 JOHANI 5:16.

1, 2. Tinoziva sei kuti zvinoita kutadzira mudzimu mutsvene waMwari?

“NDAVE ndichinetseka nepfungwa dzokuti ndakatadzira mudzimu mutsvene.” Akanyora kudaro mumwe mukadzi wokuGermany, kunyange zvazvo akanga achishumira Mwari. Chaizvoizvo muKristu angatadzira mudzimu mutsvene waMwari here, kana kuti simba rake rinoita basa?

2 Hungu, zvinoita kutadzira mudzimu mutsvene waJehovha. Jesu Kristu akati: “Zvivi zvemarudzi ose nokumhura zvichakanganwirwa vanhu, asi kumhura mudzimu hakuzokanganwirwi.” (Mateu 12:31) Tinonyeverwa kuti: “Kana tiine tsika yokuita chivi nemaune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapasisina kana chibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi, asi pane kutarisira kunotyisa kwokutongwa.” (VaHebheru 10:26, 27) Uye muapostora Johani akanyora kuti: “Kune chivi chinounza rufu.” (1 Johani 5:16) Asi zvinosiyirwa kune munhu anenge aita chivi chakakomba here kuti asarudze kana akaita “chivi chinounza rufu”?

Kupfidza Kunoita Kuti Tikanganwirwe

3. Zvingangove zvichiratidzei kana tichinetseka zvikuru nechivi chatakaita?

3 Jehovha ndiye Mutongi wokupedzisira pavaiti vezvakaipa. Zvechokwadi, tose zvedu tinofanira kuzvidavirira kwaari, uye iye anoita zvakarurama nguva dzose. (Genesisi 18:25; VaRoma 14:12) Jehovha ndiye anosarudza kana takaita chivi chisingakodzeri kukanganwirwa, uye anogona kutitorera mudzimu wake. (Pisarema 51:11) Zvisinei, kana tichinetseka zvikuru nechivi chatakaita, tingangove tiri kupfidza zvepachokwadi. Asi chii chinonzi kupfidza zvepachokwadi?

4. (a) Kupfidza kunorevei? (b) Nei mashoko ari pana Pisarema 103:10-14 achinyaradza?

4 Kupfidza kunoreva kuti tinochinja maonero ataimbova nawo pane zvakaipa zvataiita kana kuti zvakaipa zvataida kuita tisati tapfidza. Kunoreva kuti tinozvinzwira tsitsi kana kuti tinozvidemba tosiya nzira yokutadza. Kana takatadza zvakakomba asi takatora matanho anodiwa kuti tiratidze kuti takapfidza zvepachokwadi, tinogona kunyaradzwa nemashoko omunyori wepisarema anoti: “[Jehovha] haana kumbotiitira maererano nezvivi zvedu; uyewo haana kutiitira zvatakafanirwa nazvo maererano nokukanganisa kwedu. Nokuti sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, ndizvo zvakaita ukuru hwomutsa wake worudo kune vaya vanomutya. Sokuva kure kwakaita kunobuda zuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa kudarika kwedu kure nesu. Sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni vaya vanomutya. Nokuti iye anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:10-14.

5, 6. Taura pfungwa huru dziri pana 1 Johani 3:19-22, uye tsanangura kuti mashoko omuapostora wacho anorevei.

5 Mamwezve mashoko anonyaradza ndeomuapostora Johani anoti: “Neizvi tichaziva kuti tinobva muchokwadi, uye tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi pamberi pake pamusoro pezvinhu zvose izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva mazviri, nokuti Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose. Vadiwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tine rusununguko rwokutaura naMwari; uye zvinhu zvose zvatinokumbira tinozvigamuchira kubva kwaari, nokuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinhu zvinofadza pamberi pake.”—1 Johani 3:19-22.

6‘Tinoziva kuti tinobva muchokwadi’ nokuti tinoratidzirana rudo sehama uye hatina tsika yokuita chivi. (Pisarema 119:11) Kana tichinzwa tiine mhosva pamusana pezvatakaita, tinofanira kuyeuka kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” Jehovha anotinzwira ngoni nokuti anoziva ‘kudanana kwatinoita kwazvo sehama kusina unyengeri,’ kurwisana kwatinoita nechivi, uye kuedza kwatinoita kuita zvaanoda. (1 Petro 1:22) Kana tichivimba naJehovha, tichidanana sehama, uye tisinganzwi tiine mhosva yokugara tichiita chivi nemaune, mwoyo yedu ‘haingatipi mhosva.’ Tichava no“rusununguko rwokutaura naMwari” mumunyengetero, uye achatipindura nokuti tinenge tichichengeta mirayiro yake.

Vanhu Vakatadzira Mudzimu

7. Chii chinosarudza kana chivi chichizokanganwirwa?

7 Zvivi zvakaita sei zvisingakanganwirwi? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngationei mimwe mienzaniso yomuBhaibheri. Izvi zvinofanira kutinyaradza kana tichipfidza zvepachokwadi asi tichiri kushungurudzika pamusana pezvikanganiso zvedu zvakakomba. Tichaona kuti kukanganwirwa kwezvivi hakubvi pakuti munhu aita chivi chakaita sei, asi vavariro, manzwiro aanoita mumwoyo, uye ukuru hwechido chokuita chivi chacho ndizvo zvinosarudza kana achizokanganwirwa kana kuti kwete.

8. Vamwe vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzana remakore rokutanga vakatadzira sei mudzimu mutsvene?

8 Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzana remakore rokutanga vaishora Jesu Kristu zvakaipa, vakanga vachitadzira mudzimu mutsvene. Vaiona mudzimu waMwari uchishanda muna Jesu paaiita zvishamiso zvaikudza Jehovha. Asi vavengi vaKristu ava vaiti simba iri nderaSatani Dhiyabhorosi. Maererano naJesu, vaya vaimhura mudzimu mutsvene waMwari seizvi vakanga vachiita chivi chakanga chisingazokanganwirwi “mumamiriro ano ezvinhu kana mune aya anouya.”—Mateu 12:22-32.

9. Kumhura kuita sei, uye Jesu akati kudini nezvazvo?

9 Kumhura kutaura kwokuchera, kunokuvadza, kana kuti kutuka. Sezvo mudzimu mutsvene uchibva kuna Mwari, kutaura zvinhu zvakaipa nezvomudzimu wake kwakafanana nokutaura zvinhu zvakaipa nezvaJehovha. Kutaura seizvi usingapfidzi kunoita kuti usakanganwirwa. Zvakazoita kuti Jesu azotaura mashoko pamusoro pechivi chakadaro zvinoratidza kuti Jesu aireva vaya vanoshora nemaune kushanda kwomudzimu mutsvene waMwari. VaFarisi vakamhura noune mudzimu nokuti vakanga vaona mudzimu waJehovha uchishanda muna Jesu asi vakati raiva simba raDhiyabhorosi. Saka Jesu akati: “Munhu wose anomhura mudzimu mutsvene haakanganwirwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”—Mako 3:20-29.

10. Nei Jesu akati Judhasi “mwanakomana wokuparadzwa”?

10 Chimbofungawo zvakaitika kuna Judhasi Iskariyoti. Akanga asina kutendeseka, aiba mari mubhokisi raakanga achengeteswa. (Johani 12:5, 6) Judhasi akazoendawo kuvatongi vechiJudha ndokuronga kutengesa Jesu nezvidimbu 30 zvesirivha. Chokwadi, Judhasi akanzwa aine mhosva uye achizvidemba pashure pokunge amutengesa, asi haana kupfidza chivi chake chaakaita nemaune. Saka Judhasi haasi kuzomutswa. Ndosaka Jesu akamuti “mwanakomana wokuparadzwa.”—Johani 17:12; Mateu 26:14-16.

Vanhu Vasina Kutadzira Mudzimu

11-13. Mambo Dhavhidhi akaita chivi chei naBhatishebha, uye tinganyaradzwa sei nematongerwo avakaitwa naMwari?

11 Kakawanda, vaKristu vaya vakareurura zvivi zvavo zvakakomba uye vakabatsirwa nevakuru veungano vangaramba vachinetseka pamusana pokutyora mutemo waMwari kwavanenge vakaita. (Jakobho 5:14) Kana tichinetsekawo saizvozvo, zvimwe tichabatsirwa nokufunga zvinotaura Magwaro nezvevaya vakakanganwirwa zvivi zvavo.

12 Mambo Dhavhidhi akatadza zvakakomba pachivi chaakaita naBhatishebha, mudzimai waUriya. Aona mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo achigeza iye ari padenga reimba, Dhavhidhi akabva aronga kuti aunzwe kumuzinda wake akarara naye. Paakazoudzwa kuti akanga ava nepamuviri, akaronga kuti Uriya, murume wake, arare naye kuvhara upombwe hwaakanga aita. Zano iri parakakundikana, mambo akaronga kuti Uriya aurayiwe muhondo. Pashure pacho, Bhatishebha akava mudzimai waDhavhidhi ndokumuberekera mwana akazofa.—2 Samueri 11:1-27.

13 Jehovha ndiye akatonga nyaya yaDhavhidhi naBhatishebha. Mwari akakanganwira Dhavhidhi nokuti akafunga nezvokupfidza kwake uye nezvesungano yoUmambo yaakanga aita naye. (2 Samueri 7:11-16; 12:7-14) Zviri pachena kuti Bhatishebha akapfidza, nokuti akazova neropafadzo yokuva amai vaMambo Soromoni uye ambuya vaJesu Kristu. (Mateu 1:1, 6, 16) Kana takaita chivi, zvakanaka kuti tiyeuke kuti Jehovha anocherechedza kupfidza kwedu.

14. Kukanganwira kwaMwari kunooneka sei mune zvakaitika kuna Manase?

14 Kukanganwira kunoita Jehovha kunoonekawo mune zvakaitika kuna Mambo Manase weJudha. Akaita zvakaipa mumaziso aJehovha. Manase akavakira Bhaari atari, akanamata “uto rose rokumatenga,” uye akatovakira vanamwari venhema atari muzvivanze zviviri zvetemberi. Akabayira vanakomana vake mumoto, akakurudzira kuita zvemidzimu, uye akaita kuti vanhu vaigara munyika yeJudha neJerusarema “vaite zvakaipa kwazvo kupfuura marudzi akanga atsakatiswa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri.” Vanhu havana kuteerera zvavakanyeverwa nevaprofita vaMwari. Pakupedzisira, mambo weAsiriya akatapa Manase. Paakanga akatapwa, Manase akapfidza uye akaramba achinyengetera kuna Mwari achizvininipisa. Mwari akamukanganwira ndokumuitazve mambo muJerusarema, achibva asimudzira kunamata kwechokwadi.—2 Makoronike 33:2-17.

15. Muapostora Petro akamboitei muupenyu zvinoratidza kuti Jehovha anokanganwira “zvikuru”?

15 Mazana emakore gare gare, muapostora Petro akaita chivi chakakomba chokuramba Jesu. (Mako 14:30, 66-72) Zvisinei, Jehovha akakanganwira Petro “zvikuru.” (Isaya 55:7) Nei? Nokuti Petro akapfidza zvepachokwadi. (Ruka 22:62) Mazuva 50 akazotevera uchapupu hwakajeka hwokukanganwira kwaMwari hwakaoneka pazuva rePendekosti, Petro paakapiwa ropafadzo yokupupurira Jesu noushingi. (Mabasa 2:14-36) Ichi hachisiwo here chikonzero chokudavira kuti Mwari anokanganwira zvakafanana vaKristu vanopfidza zvepachokwadi mazuva ano? Munyori wepisarema akaimba kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, haiwa Jehovha, ndiani aizomira? Nokuti imi munokanganwira zvechokwadi.”—Pisarema 130:3, 4.

Tisanyanya Kuzvidya Mwoyo Kana Tatadza

16. Mwari anozokanganwira munhu kana zvaita sei?

16 Mienzaniso yataurwa pamusoro apa inofanira kutibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo kana tatadzira mudzimu mutsvene. Inoratidza kuti Jehovha anokanganwira vatadzi vanopfidza. Munyengetero womwoyo wose kuna Mwari ndiwo unonyanya kukosha. Kana takatadza, tinogona kukumbira kukanganwirwa tichitaura nezvechibayiro chorudzikinuro chaJesu, ngoni dzaJehovha, kusakwana kwatakagara nhaka, uye basa ratakaita nokutendeka. Kuziva kuti Jehovha ane mutsa watisina kukodzera kuwana kungaita kuti tikumbire kukanganwirwa tiine chivimbo chokuti achadaro.—VaEfeso 1:7.

17. Tinofanira kuitei kana takaita chivi uye tichifanira kubatsirwa muukama hwedu naJehovha?

17 Zvakadini kana chivi chakakanganisa ukama hwedu naJehovha zvokuti tinonzwa tisingakwanisi kunyengetera kwaari? Kana tichinzwa saizvozvo, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “[Munhu akadaro] ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.”—Jakobho 5:14, 15.

18. Kunyange munhu akadzingwa muungano, nei zvisingarevi hazvo kuti anenge aita chivi chisingakanganwirwi?

18 Kunyange kana mutadzi akasapfidza panguva ino, odzingwa muungano, hazvirevi hazvo kuti anenge aita chivi chisingakanganwirwi. Nezvomutadzi akazodzwa akadzingwa muungano yeKorinde, Pauro akanyora kuti: “Kutsiura uku kwakaitwa nevoruzhinji kwakakwanira munhu akadaro, zvokuti iye zvino imi munofanira kumukanganwira nomutsa uye kumunyaradza, kuti zvimwe munhu akadaro arege kukurirwa nokunyanyosuruvara kwake.” (2 VaKorinde 2:6-8; 1 VaKorinde 5:1-5) Zvisinei, kuti vatadzi vavezve noukama hwakanaka naJehovha, vanofanira kubvuma zano reBhaibheri rinobva kuvakuru veungano, voratidza kupfidza zvepachokwadi. Vanofanira ‘kubereka zvibereko zvakakodzera rupfidzo.’—Ruka 3:8.

19. Chii chingatibatsira kuti tirambe tiine ‘kutenda’?

19 Chii chingaita kuti tifunge kuti takatadzira mudzimu mutsvene? Zvingakonzerwa nokunyanya kuzvidya mwoyo kana kuti kunyanya kutya. Kana zvakadaro, zvingabatsira kana tikanyengetera uye tikazorora zvakakwana. Hatimbofaniri kurega Satani achitiodza mwoyo zvokuti tinorega kushumira Mwari. Sezvo Jehovha asingafariri kuti munhu akaipa afe, zvechokwadi haafaririwo kuti chero upi zvake wevashumiri vake afe mune zvokunamata. Saka kana tichitya kuti takatadzira mudzimu mutsvene, tinofanira kuramba tichiverenga Shoko raMwari, kusanganisira zvikamu zvinonyaradza zvakadai seMapisarema. Tinofanira kuramba tichipinda misangano yeungano uye tichiitawo basa rokuparidza Umambo. Izvi zvichatibatsira kuti tive ‘nokutenda’ torega kuzvidya mwoyo tichifunga kuti takaita chivi chisingakanganwirwi.—Tito 2:2.

20. Mafungiro api angabatsira munhu kuti aone kuti haana kutadzira mudzimu mutsvene?

20 Vapi nevapi vanotya kuti vakatadzira mudzimu mutsvene vangazvibvunza kuti: ‘Ndakamhura mudzimu mutsvene here? Sezvo ndakapfidza chivi changu, iye zvino ndachinja pfungwa dzangu here? Ndinotenda here kuti Mwari anokanganwira? Ndiri munhu akaramba kutenda here akaramba chiedza chaMwari?’ Zvichida vanhu vakadaro vachaona kuti havana kumhura mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti havasi vanhu vakaramba kutenda. Vachapfidza, uye nguva dzose vachava nokutenda kuti Jehovha anokanganwira. Kana zvakadaro, vanenge vasina kutadzira mudzimu mutsvene waJehovha.

21. Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo ipi?

21 Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti hatina kutadzira mudzimu mutsvene! Zvisinei, munyaya inotevera tichakurukura mibvunzo ine chokuita nomudzimu mutsvene. Somuenzaniso, tingazvibvunza kuti: ‘Chaizvoizvo ndiri kutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari here? Zvibereko zvawo zviri kuoneka muupenyu hwangu here?’

Ungapindura Sei?

• Nei tingati zvinoita kutadzira mudzimu mutsvene?

• Kupfidza kunorevei?

• Ndivanaani vakatadzira mudzimu Jesu paaiva pasi pano?

• Tingakurira sei kuzvidya mwoyo kana tichifunga kuti takaita chivi chisingakanganwirwi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vaya vakataura kuti Jesu akanga achiita zvishamiso nesimba raSatani vakatadzira mudzimu mutsvene waMwari

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kunyange zvazvo Petro akaramba Jesu, haana kuita chivi chisingakanganwirwi