Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Kwechokwadi—Ungakuwana Sei?

Kunamata Kwechokwadi—Ungakuwana Sei?

Kunamata Kwechokwadi—Ungakuwana Sei?

MUAPOSTORA Pauro akanyora kuti: ‘Kufunga kwenyama kunoreva rufu, asi kufunga zvokunamata kunoreva upenyu norugare.’ (VaRoma 8:6) Paakataura mashoko iwayo, muapostora wacho aireva kuti kunamata haisi nyaya yokungosarudza zvaunoda kana kuti yemanzwiro aunoita. Kutaura zvazviri, inyaya youpenyu norufu. Zvisinei, munhu anoda zvokunamata anowana sei “upenyu norugare”? Maererano neBhaibheri, munhu akadaro ane rugare mumwoyo iye zvino, ane rugare naMwari, uye achakomborerwa noupenyu husingaperi mune ramangwana. (VaRoma 6:23; VaFiripi 4:7) Ndokusaka Jesu akati: ‘Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvokunamata’!—Mateu 5:3.

Kuverenga kwauri kuita magazini ino kunoratidza kuti unofarira zvokunamata uye kuita izvozvo kuchenjera. Asi maonero anoita vanhu nyaya iyi akasiyana-siyana, saka ungashamisika kuti: ‘Kunamata zvechokwadi kuita sei chaizvo? Uye munhu anganamata sei ?’

“Pfungwa dzaKristu”

Kunze kwokungotaura kuti kuda zvokunamata kunokosha uye kunobatsira, muapostora Pauro akanga achine zvimwe zvakawanda zvokutaura nezvokuti kuda kunamata zvechokwadi kuita sei. Pauro akatsanangurira vanhu vaiva muguta rekare reKorinde musiyano womunhu wenyama, kureva munhu anoita zvinodiwa nenyama yake, nomunhu womudzimu, munhu anokoshesa zvinhu zvokunamata. Pauro akanyora kuti: “Munhu wenyama haagamuchiri zvinhu zvomudzimu waMwari, nokuti upenzi kwaari.” Asiwo Pauro akatsanangura kuti munhu womudzimu anozivikanwa nokuva ne“pfungwa dzaKristu.”—1 VaKorinde 2:14-16.

Kuva ne“pfungwa dzaKristu” kunoreva kuva “nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu.” (VaRoma 15:5; VaFiripi 2:5) Nemamwe mashoko, munhu anoda zvokunamata anofunga semafungiro anoita Jesu uye anotevera tsoka dzake. (1 Petro 2:21; 4:1) Pfungwa dzomunhu padzinenge dzichiwedzera kufanana nedzaKristu, anowedzerawo kuda zvokunamata uye anova pedyo zvikuru nokuwana “upenyu norugare.”—VaRoma 13:14.

Maziviro Aungaita “Pfungwa dzaKristu”

Zvisinei, kuti munhu ave nepfungwa dzaKristu, anofanira kutanga aziva mafungiro ake. Naizvozvo, danho rokutanga rokuti munhu ade zvokunamata nderokuziva mafungiro anoita Jesu. Asi ungaziva sei pfungwa dzomunhu akararama pasi pano makore 2 000 akapfuura? Somuenzaniso, wakaziva sei nezvevanhu vekare vomunyika yako? Ungangodaro wakaita zvokuverenga nezvavo. Saizvozvowo, kuverenga nhoroondo yaJesu inzira inokosha yokuziva nayo pfungwa dzake.—Johani 17:3.

Kana totaura nezvaJesu, pane nhoroondo ina dzakajeka—Evhangeri dzakanyorwa naMateu, Mako, Ruka naJohani. Kunyatsoverenga nhoroondo idzi kuchakubatsira kuona mafungiro aiita Jesu, zvaiva pasi pemwoyo wake, uye zvaimuita kuti aite zvaakaita. Paunowana nguva yokufungisisa zvaunoverenga nezvaJesu, unotanga kufungidzira kuti aiva munhu akaita sei. Kunyange kana uchifunga kuti uri muteveri waKristu, kuverenga nokufungisisa kwakadaro kuchakubatsira kuramba “uchikura mumutsa usina kukodzera kuwanwa uye zivo pamusoro paIshe uye Muponesi wedu Jesu Kristu.”—2 Petro 3:18.

Tichifunga izvozvo, ngationgororei dzimwe ndima dziri muEvhangeri dzacho kuti tione chakaita kuti Jesu ave munhu aida zvokunamata. Zvadaro, zvibvunze kuti ungatevedzera sei zvaaiita.—Johani 13:15.

Kuda Kunamata Uye “Chibereko Chomudzimu”

Munyori weEvhangeri Ruka akati mudzimu mutsvene waMwari wakadururwa pana Jesu paakabhabhatidzwa uye akati Jesu akanga “azere nomudzimu mutsvene.” (Ruka 3:21, 22; 4:1) Jesu akaudzawo vateveri vake kukosha kwokutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti ‘simba rinoita basa.’ (Genesisi 1:2; Ruka 11:9-13) Nei izvozvo zvichikosha kudaro? Nokuti mudzimu waMwari une simba rokuchinja pfungwa dzomunhu, zvokuti dzinotanga kufanana nepfungwa dzaKristu. (VaRoma 12:1, 2) Mudzimu mutsvene unoita kuti munhu ave nounhu hwakaita so“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” Munhu ane mafungiro chaiwo aMwari anoratidza unhu uhwu hunonzi neBhaibheri “chibereko chomudzimu.” (VaGaratiya 5:22, 23) Muchidimbu, munhu ane mafungiro aMwari anotungamirirwa nomudzimu waMwari.

Jesu akaratidza kuti aiva nechibereko chomudzimu muushumiri hwake hwose. Unhu hwakaita sorudo, mutsa, uye kunaka hwainyanya kuoneka mumabatiro aaiita vaya vainzi vanhu vakaderera munzanga. (Mateu 9:36) Somuenzaniso, funga nezvechiitiko chakarondedzerwa nomuapostora Johani. Tinoverenga kuti: “[Jesu] zvaakanga achipfuura akaona munhu akanga ari bofu kubvira pakuberekwa.” Vadzidzi vaJesu vakaonawo murume wacho asi vakamuona somutadzi. Vakabvunza kuti: “Ndiani akatadza, munhu uyu kana vabereki vake?” Vavakidzani vomurume uyu vaimuonawo, asi vaingomuona somupemhi. Vakati: “Uyu haasi iye munhu aigara pasi achipemha here?” Zvisinei, Jesu akaona bofu racho somunhu aida kubatsirwa. Akataura nebofu racho ndokurirapa.—Johani 9:1-8.

Chiitiko ichi chinokuudzei nezvepfungwa dzaKristu? Chokutanga, Jesu akanga asingatarisiri pasi varombo asi aivanzwira tsitsi. Chechipiri, akaita danho rokutanga kuti avabatsire. Unofunga kuti uri kutevera nzira iyi yakasiyiwa naJesu here? Unoona vanhu sezvaiita Jesu here, uchivabatsira pavanenge vachida kubatsirwa kuti vavandudze upenyu hwavo uye vave neramangwana rine tariro? Kana kuti unonyanya kuda vaya vakakurumbira uchitarisira pasi vaya vasina kukurumbira here? Kana uchiona vanhu semaonero avaiitwa naJesu, uri kuita zvakanaka kutevera muenzaniso wake.—Pisarema 72:12-14.

Mafungiro aMwari uye Kunyengetera

Nhoroondo dzeEvhangeri dzinoratidza kuti Jesu aiwanzonyengetera kuna Mwari. (Mako 1:35; Ruka 5:16; 22:41) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu aironga nguva yokunyengetera. Mudzidzi Mateu akanyora kuti: “Aendesa mapoka acho evanhu, [Jesu] akakwira mugomo ari oga kuti anonyengetera.” (Mateu 14:23) Jesu aisimbaradzwa nenguva idzodzo dzaaitaura naBaba vake vokudenga chinyararire. (Mateu 26:36-44) Mazuva ano, vanhu vane mafungiro aMwari vanotsvakawo mikana yokukurukura naye, vachiziva kuti izvi zvichasimbisa ukama hwavo noMusiki uye zvichavabatsira kuti vafunge sezvaiita Kristu.

Jesu aiwanzonyengetera kwenguva yakareba. (Johani 17:1-26) Somuenzaniso, asati asarudza varume 12 vaizova vaapostora vake, “akaenda mugomo kunonyengetera, akaramba achinyengetera kuna Mwari usiku hwose.” (Ruka 6:12) Kunyange zvazvo vaya vane mafungiro aMwari vasingapedzi havo usiku hwose vachinyengetera, vanotevedzera muenzaniso waJesu. Vasati vasarudza zvinhu zvinokosha muupenyu, vanowana nguva yakawanda yokunyengetera kuna Mwari, vachikumbira kutungamirirwa nomudzimu mutsvene pakusarudza zvinhu zvichasimbisa ukama hwavo naMwari.

Paainyengetera, Jesu airatidzawo kuti aitaura zvaibva pamwoyo, uye ndizvo zvatinofanira kutevedzera patinonyengetera. Funga zvakanyorwa naRuka nezvemanyengeterero aiita Jesu usiku hwaakanga asati afa. “Achirwadziwa akaramba achinyengetera nomwoyo wose; uye ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” (Ruka 22:44) Jesu akanga ambonyengetera nomwoyo wose izvi zvisati zvaitika, asi panguva iyi, atarisana nomuedzo wakakura zvikuru muupenyu hwake, akanyengetera “nomwoyo wose” zvikuru, uye munyengetero wake wakapindurwa. (VaHebheru 5:7) Vanhu vane mafungiro aMwari vanotevedzera muenzaniso waJesu. Pavanotarisana nemiedzo yakanyanya kuoma, vanonyengetera “nomwoyo wose” kuna Mwari kuti avape mudzimu mutsvene, avatungamirire, uye avatsigire.

Zvazviri pachena kuti Jesu aiva munhu ainyengetera nguva dzose, hazvishamisi kuti vadzidzi vake vaida kumutevedzera panyaya iyi. Naizvozvo, vakamukumbira kuti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” (Ruka 11:1) Saizvozvowo nhasi, vaya vanokoshesa zvinhu zvokunamata uye vanoda kutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari vanotevera muenzaniso waJesu pakunyengetera kwavanoita kuna Mwari. Kuva nemafungiro aMwari nokunyengetera zvakaita somukombe nechirongo.

Kuva Nemafungiro aMwari uye Kuparidza Mashoko Akanaka

MuEvhangeri yaMako, tinowana nhoroondo inotaura nezvokuporesa kwakaita Jesu vanhu vakawanda vairwara, achivaporesa kusvikira pakati pousiku. Zuva rakatevera racho mangwanani-ngwanani, paakanga ari oga achinyengetera, vaapostora vake vakauya vakamuudza kuti vanhu vakawanda vakanga vachimutsvaka, zvichida vachida kuporeswa. Zvisinei, Jesu akavaudza kuti: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze ikokowo.” Zvadaro Jesu akatsanangura chikonzero chacho, achiti: “Ndakauyira izvozvo.” (Mako 1:32-38; Ruka 4:43) Kunyange zvazvo Jesu aikoshesa kurapa vanhu, ainyanya kukoshesa kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mako 1:14, 15.

Mazuva ano, vaya vane pfungwa dzaKristu vachiri kuonekwa nokuudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari. Jesu akarayira vose vanoda kuva vateveri vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Uyezve, Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Sezvo Shoko raMwari richiratidza kuti basa rokuparidza rinoitwa nesimba romudzimu mutsvene, kuita basa iroro kunoratidza kuti tinonamata zvechokwadi kana kuti tine mafungiro aMwari.—Mabasa 1:8.

Zvinoda kuti mamiriyoni evanhu abatane kuitira kuti shoko roUmambo riparidzwe kune vanhu vari munyika yose. (Johani 17:20, 21) Vaya vanoita basa iri havangofaniri kuda zvokunamata asiwo vanofanira kunge vakanyatsorongeka munyika yose. Ungaziva vanhu vari kutevera tsoka dzaKristu uye vari kuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose here?

Iwe Uri Papi?

Chokwadi, kune zvimwe zvinhu zvinoratidza munhu ane mafungiro aMwari, ko iwe uri papi pane zvatotaurwa? Kuti uzive pauri, zvibvunze kuti: ‘Ndinogara ndichiverenga Shoko raMwari Bhaibheri, uye ndinofungisisa zvandinoverenga here? Ndinoratidza chibereko chomudzimu muupenyu hwangu here? Ndinonyengetera nguva dzose here? Ndinoda kuwadzana nevanhu vari kuita basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose here?’

Kunyatsozviongorora kungakubatsira kuona kuti uri kunamata zvechokwadi kusvika papi. Tinokukurudzira kuti utore matanho anodiwa kuitira kuti uve no“upenyu norugare.”—VaRoma 8:6; Mateu 7:13, 14; 2 Petro 1:5-11.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

ZVINORATIDZA KUTI MUNHU ANE MAFUNGIRO AMWARI

◆ Kuda Shoko raMwari

◆ Kuratidza chibereko chomudzimu

◆ Kunyengetera kuna Mwari nguva dzose uye nomwoyo wose

◆ Kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo

[Mufananidzo uri papeji 5]

Bhaibheri rinokubatsira kuti uzive “pfungwa dzaKristu”