Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kwaamai Kunoita Kuti Vave Netariro

Kutenda Kwaamai Kunoita Kuti Vave Netariro

Kutenda Kwaamai Kunoita Kuti Vave Netariro

“Kana muri kuverenga tsamba ino, zvinoreva kuti handina kumuka pakuvhiyiwa kwandava kuda kuitwa uye kuti ndashaya.”

AYA mashoko okutanga etsamba yakanyorwa naCarmen, amai vaiva muKristu, vachinyorera vanasikana vavo vatatu vaiva nemakore 25, 19, ne16. Zvakaitika ndezvokuti kuvhiyiwa kwavo hakuna kufamba zvakanaka, uye zvinonzwisa tsitsi kuti vakafa.

Kusiya vanasikana vatatu mumamiriro ezvinhu anoshungurudza kudaro zvechokwadi zvinogura kunorira. Asi zviri pachena kuti kutenda kwakasimba kwaiita amai ava muna Jehovha nezvipikirwa zvake kwakaita kuti varambe vaine tariro, zvakwakanga kwaita kuti amai vacho vave norugare mumwoyo rwaiva pachena mutsamba yavo yaibaya mwoyo. Inzwa zvavakaudza vanasikana vavo.

“Chokutanga, ndinoda kukuudzai kuti ndinokudai nomwoyo wangu wose. . . . Muri vanasikana vakanaka zvikuru, uye ndinodada nemi.

“Ndanga ndichida chaizvo kuramba ndiinemi kusvikira nyika itsva yaMwari yakapikirwa yauya . . . , asi zvazvaramba kudai, ndamukumbira kuti akubatsirei kuitira kuti murambe makatendeka. Takatsungirira miedzo yakawanda tiri pamwe chete, uye Jehovha haana kumbotisiya. . . . Saka rambai muchivimba nokutungamirira kwaanoita achishandisa sangano rake, uye rambai muchitsigira ungano nevakuru. Paridzai kakawanda sezvamunogona, uye idai hama dzose.

“Tichangoparadzana kwekanguva chete. . . . Ndinokutetererai kuti mundikanganwire zvose zvandakakukanganisirai uye pose pandaisakunzwisisai kana kuti pandaisakuudzai kuti ndinokudai zvakadini. . . . Ndinoziva kuti mumwe nomumwe wenyu ane zvaanoda. Jehovha anozviziva kupfuura zvamunoita, uye achakupai zvose zvamunoda uye achakukomberai nokuda kwezvose zvamakatsungirira.

“Musakanganwa chinangwa chenyu—upenyu munyika itsva—uye rambai muchiita zvose zvamunogona kuti muzorarama mairi. Jehovha ngaakukomborerei akusimbisei kuitira kuti murambe makatendeka kusvikira kumugumo. . . . Musasuwa, vanasikana vangu vanodikanwa. Ndinokudai!”

Njodzi inogona kuwira chero ani zvake panguva chero ipi zvayo. Mambo Soromoni wekare akanyora kuti, “Vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Zvisinei, vaya vanotenda muna Mwari zvakasimba vangava nechivimbo chaiva nomuapostora Pauro, uyo akati: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu . . . kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 8:38, 39; VaHebheru 6:10.