Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Nzira Yokunamata Nayo

Kutsvaka Nzira Yokunamata Nayo

Kutsvaka Nzira Yokunamata Nayo

MUMHARIDZO yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati: ‘Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvokunamata.’ (Mateu 5:3) Pamwe unobvumirana nemashoko iwayo. Kwose kwose vanhu vanoziva kuti vanofanira kunamata muupenyu hwavo uye vanofungidzira kuti kana vakangonamata, vachafara. Zvisinei, shoko rokuti “kunamata” rinomborevei?

Rimwe duramazwi rinorondedzera kunamata richiti “kuziva kuti unofanira kuva nezvaunotenda” uye “kuda kunamata.” Saka mashoko akadai seokuti “kunamata” “kuva munhu akasimba pakunamata” kana kuti “kufunga nenzira yaMwari” anoonekwa semashoko anoreva zvakafanana. Kuti tijekesezve shoko racho, funga nezvomuenzaniso uyu: Nyanzvi yezvokutengeserana inonzi inofarira zvebhizimisi. Saizvozvowo, munhu anokoshesa zvokunamata kana kuti zvechitendero anonzi anofarira zvokunamata.

Saka munhu anganamata sei zvechokwadi? Kunyange zvazvo chitendero chimwe nechimwe chichiti chinoziva nzira yokunamata nayo, zvinotaurwa zvacho zvakasiyana-siyana sokusiyana kwakaita zvitendero zvacho. Munhu anopinda chechi yakabva muchiKaturike anoti anoponeswa pamusangano wokukurudzirana. MuKaturike anoedza kuti akomborerwe naMwari paMisa. MuBhudha anofungisisa kuti ajekerwe mune zvokunamata. MuHindu anoti kuzviramba ndiko kunoita kuti asaramba achiberekwazve ava chimwe chinhu. Vose ava vari munzira yokunamata kwechokwadi here? Panzira idzi pane yechokwadi here?

Vakawanda vangapindura mibvunzo iyoyo vachiti aiwa. Vanofunga kuti zvinongodiwa pakunamata “kutenda kuti mwari ariko asi usina chechi yaunopinda.” Vamwe vanofunga kuti kunamata kana kuti kuva pedyo naMwari hakurevi kuva noruzivo rwechitendero, asi chido chiri mumwoyo chokuva norugare uye chinangwa muupenyu. Vanoti vaya vanoda kunamata havatombofaniri kuzvinetsa nokuenda kuchechi. Asi vanoti vanongofanira kutevedzera zviri mumwoyo yavo nemanzwiro avanoita. Mumwe munyori anoti: “Kunamata kwechokwadi chinhu chiri mumwoyo womunhu. Kuda kwaunoita vanhu vakakupota, mabatiro aunovaita uye kurarama maererano nezvavanoita. Hakuwanikwi muchechi uye hakubvi pakuti unodavirei.”

Zviri pachena kuti mafungiro evanhu panyaya dzokunamata akasiyana chaizvo. Mabhuku akawanda anoti anoratidza manamatiro aungaita, asi kakawanda kacho vaverengi vanosara vasina kugutsikana uye vavhiringidzika. Zvisinei, pane bhuku rimwe chete rine mashoko aungavimba nawo panyaya dzokunamata. Ibhuku rine uchapupu hwokuti rakafuridzirwa naMwari. (2 Timoti 3:16) Ngationei kuti bhuku iroro, Bhaibheri, rinotii nezvezvinorehwa nokunamata uye kukosha kwazvinoita.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

COVER: Background: © Mark Hamblin/​age fotostock