Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Dhavhidhi paakauraya Goriyati, nei Mambo Sauro akamubvunza kuti, “Mukomana, uri mwanakomana waani?” kunyange zvazvo Sauro akanga ambotumira shoko rokuti Dhavhidhi ave mushandi wake?—1 Samueri 16:22; 17:58.

Zvingaita sokuti Sauro akanga akanganwa kuti Dhavhidhi aiva ani nokuti pavakaonana kokutanga zvaiva zvenguva pfupi. Zvisinei, izvi zvingasava zvakadaro, sezvo nhoroondo iri pana 1 Samueri 16:18-23 ichiratidza kuti Mambo Sauro akanga aita zvokutumira shoko rokuti Dhavhidhi auye uye akamuda chaizvo akamuita mutakuri wezvombo zvake. Sauro anofanira kunge ainyatsozivana naDhavhidhi.

Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinofunga kuti 1 Samueri 17:12-31 uye 17:55–18:5 indima dzakazowedzerwa pave paya nokuti ndima idzi hadzimo mune mamwe maBhaibheri eSeptuagint yechiGiriki, shanduro yeMagwaro echiHebheru yakapedzwa muzana remakore rechipiri B.C.E. Zvisinei, kungasava kuchenjera kuti tigumise izvozvo nemhaka bedzi yemaBhaibheri aya eshanduro yeSeptuagint, sezvo ndima idzi dziri mumanyoro eMagwaro echiHebheru echokwadi. *

Zviri pachena kuti Sauro paakabvunza Abhineri uye paakazobvunza Dhavhidhi wacho, akanga asiri kungoda kuziva zita rababa vaDhavhidhi. Zvaakanga aona humwe unhu hwakanaka hwaDhavhidhi uyo akanga achangobva kukunda Goriyati, kuti aiva nokutenda kwakakura uye akashinga zvikuru, Sauro aida kuziva kuti murume akanga arera mukomana akadaro aiva ani. Sauro angadaro aifunga nezvokuti baba vaDhavhidhi, Jese, kana kuti dzimwe nhengo dzemhuri yavo dzivewo muuto rake, sezvo vaigona kunge vaiva noushingi uye vasingatyi sezvakanga zvakaita Dhavhidhi.

Kunyange zvazvo 1 Samueri 17:58 ichingova nemhinduro pfupi yaDhavhidhi yokuti, “mwanakomana womushandi wenyu Jese muBhetrehema,” zvakazoitika zvinoratidza kuti pangangodaro paine zvimwe zvavakazotaurirana. Papfungwa iyi, ona zvakataurwa nenyanzvi dzeBhaibheri dzinoti C. F. Keil uye F. Delitzsch, zvokuti: “Kubva mumashoko ari muna [1 Samueri 18:1] okuti, ‘paakanga apedza kutaura naSauro,’ zviri pachena chaizvo kuti Sauro ane zvimwe zvaakataura naye nezvemhuri yake, sezvo mashoko acho pachawo achiratidza kuti vakataura kwenguva refu.”

Kubva pane zvose izvi, tinogona kugumisa kuti paakabvunza kuti, “Mukomana, uri mwanakomana waani?” Sauro aida kuziva makuriro akanga aita Dhavhidhi, kwete kuziva kuti aiva ani, nokuti aitomuziva.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kuti uone uchokwadi hwendima dzakasiyiwa muSeptuagint, ona bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 855, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Nei Sauro akabvunza Dhavhidhi kuti aiva mwanakomana waani?