Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Muchenjerere Kuchochora Kwemarudzi Ose”

“Muchenjerere Kuchochora Kwemarudzi Ose”

“Muchenjerere Kuchochora Kwemarudzi Ose”

“Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—RUKA 12:15.

1, 2. (a) Chii chawakaona nezvezvinofarirwa nevanhu uye zvavanomhanyisana nazvo? (b) Tingakanganiswa sei nemaonero akadaro?

MARI, zvinhu, mukurumbira, mabasa anobhadhara, mhuri, izvi ndezvimwe zvinoonekwa nevakawanda sokubudirira kana kuti sevimbiso yokuti vachava neramangwana rakachengeteka. Zviri pachena kuti munyika dzakapfuma nedzine urombo, vanhu vakawanda vari kumhanyisana nokuda kupfuma uye kubudirira. Ukuwo, kufarira kwavanoita zvinhu zvokunamata kuri kuramba kuchingoderera, ndokunge vachitombozvifarira.

2 Izvi ndizvo chaizvo zvakafanotaurwa neBhaibheri. Rinoti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (2 Timoti 3:1-5) VaKristu vechokwadi zvavanorarama nevanhu vakadaro zuva nezuva, vanogara vachimanikidzwa kuva nemafungiro uye mararamiro akadai. Chii chingatibatsira kuramba zvinoitwa nenyika zvokuda ‘kutienzanisa nayo’?—VaRoma 12:2, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

3. Iye zvino tichakurukura zano ripi rakapiwa naJesu?

3 Jesu Kristu zvaari “Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu,” akatidzidzisa zvidzidzo zvinokosha panyaya iyi. (VaHebheru 12:2) Pane imwe nguva Jesu paaitaura neboka revanhu nezvenyaya dzinobatsira kunzwisisa zvokunamata, mumwe murume akadimburira hurukuro yacho achikumbira kuti: “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Jesu akapindura achipa zano rakasimba kumurume wacho nevose vakanga vakateerera. Akavanyevera zvakasimba kuti vasachochora uye akasimbisa nyevero iyoyo nomuenzaniso unotokonya pfungwa. Tinofanira kufungisisa zvakataurwa naJesu panguva iyoyo toona kuti tingabatsirwa sei muupenyu hwedu nokuzvishandisa.—Ruka 12:13-21.

Chikumbiro Chisina Kukodzera

4. Nei zvakanga zvisina kukodzera kuti murume uyu adimburire Jesu paaitaura?

4 Murume iyeye asati adimburira nyaya yacho, Jesu akanga achitaura nevadzidzi vake nevamwe kuti vangwarire kunyengera, vave noushingi hwokubvuma kuti vari pamwe noMwanakomana waMwari, uye nezvokubatsirwa nomudzimu mutsvene. (Ruka 12:1-12) Zvechokwadi idzi inyaya dzinokosha dzaifanira kufungisiswa nevadzidzi. Zvisinei, Jesu ari pakati pehurukuro iyoyo yaitokonya pfungwa, murume wacho akabva amudimburira ndokumukumbira kuti agadzirise nyaya yomumhuri mavo yaiva nechokuita nezvinhu zvenyama. Asi pane chidzidzo chinokosha chatingadzidza pane zvakaitika izvi.

5. Chikumbiro chomurume uyu chakaratidzei nezvake?

5 Zvinonzi “unhu hwomunhu hunowanzoonekwa nezvaanofunga paanenge akateerera mharidzo yeBhaibheri.” Jesu paakanga achitaura nyaya dzinokosha dzokunamata, murume wacho angadaro aifunga hake nezvezvaaigona kuita kuti awane pfuma. Hazvitaurwi kana aiva nechikonzero chakanaka chokunyunyuta nezvenhaka yacho. Zvichida akanga ari kuedza kushandisa simba raJesu nomukurumbira waaiva nawo wokutonga nyaya dzevanhu nokuchenjera. (Isaya 11:3, 4; Mateu 22:16) Chero zvazvingava, mubvunzo wake wakaratidza kuti aiva nedambudziko rakakura, rokusakoshesa zvinhu zvokunamata. Ichi hachisi chikonzero chakanaka chokuti tizviongorore here? Somuenzaniso, pamisangano yechiKristu, zviri nyore kurega pfungwa dzedu dzichidzungaira kana kuti dzichifunga zvinhu zvatingada kuzoita. Pane kudaro, tinofanira kuteerera zvinotaurwa tofunga nezvenzira dzokuita kuti mashoko acho ashande kwatiri kuitira kuti tivandudze ukama hwedu naBaba vedu vokudenga, Jehovha Mwari, uye nevaKristu vatinonamata navo.—Pisarema 22:22; Mako 4:24.

6. Nei Jesu akaramba kuita zvakanga zvakumbirwa nomurume uya?

6 Pasinei nechingave chakaita kuti murume wacho akumbire izvozvo, Jesu akaramba kuita zvaakakumbirwa. Asi Jesu akati kwaari: “Iwe munhu, ndiani akandigadza kuti ndive mutongi kana mugovanisi pakati penyu?” (Ruka 12:14) Paaitaura izvozvo, Jesu aireva chinhu chainyatsozivikanwa nevanhu vacho, nokuti maererano noMutemo waMosesi, paiva nevatongi vaiva mumaguta vaimirira kutonga nyaya dzakadaro. (Dheuteronomio 16:18-20; 21:15-17; Rute 4:1, 2) Asiwo Jesu aiva nehanya nezvinhu zvainyanya kukosha, zvokupupura chokwadi choUmambo uye kudzidzisa vanhu zvaidiwa naMwari. (Johani 18:37) Kana tikatevera muenzaniso waJesu, pane kutsauswa nezvinhu zvisingakoshi, tinoshandisa nguva yedu nesimba kuparidza mashoko akanaka uye ku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.”—Mateu 24:14; 28:19.

Ngwarira Kuchochora

7. Zvaaikwanisa kuona zvaiva mumwoyo, Jesu akacherechedzei?

7 Zvaaikwanisa kuona vavariro dzomwoyo womunhu wacho, Jesu aiziva kuti pane chimwe chinhu chikuru chaibatanidzwa pachikumbiro chomurume wacho chokuti apindire munyaya iyi. Nokudaro, pane kungoramba kuita zvaakanga akumbirwa, Jesu akataura dambudziko racho chairo achiti: “Rambai makasvinura, muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose, nokuti kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15.

8. Kuchochora kuita sei, uye kungaita kuti munhu aitei?

8 Kuchochora hakusi kungoda kuva nemari kana kuti zvimwe zvinhu zvingashandiswa zvakakodzera nechinangwa chakanaka. Maererano nerimwe duramazwi, kuchochora ‘kudisisa chinhu zvokuti unenge uchitoti dai chiri chako.’ Kunogona kusanganisira kuramba uchingoda zvinhu usingagutsikani, kukara kuva nezvinhu, zvichida zvomumwe munhu, kuti ungova nazvo, usingafungi kuti unonyatsozvida here kana kuti zvingakanganisa sei vamwe. Munhu anochochora anorega chero chipi nechipi chaanoda chichidzora mafungiro ake uye zvaanoita zvokuti zvinoguma zvaita samwari wake. Yeuka kuti muapostora Pauro anoenzanisa munhu anokara nomunhu anonamata zvidhori, asingazogari nhaka yoUmambo hwaMwari.—VaEfeso 5:5; VaKorose 3:5.

9. Kuchochora kungaratidzwa nenzira dzipi? Taura mienzaniso.

9 Zvinofadza kuti Jesu akanyevera kuti ti“chenjerere kuchochora kwemarudzi ose.” Kune nzira dzakawanda dzokuchochora. Murayiro wokupedzisira paMirayiro Gumi wakataura dzimwe nzira dzacho, uchiti: “Usachiva imba yowokwako. Usachiva mudzimai wowokwako, kana murandarume wake kana murandasikana wake, kana nzombe yake kana mbongoro yake, kana chero chinhu chipi zvacho chowokwako.” (Eksodho 20:17) Bhaibheri rakazara nemienzaniso yevanhu vakaita zvivi zvakakomba nemhaka yokuchochora kwakasiyana-siyana. Satani ndiye akatanga kuchochora chinhu chomumwe munhu, akachochora kubwinya, kukudzwa, uye simba zvinofanira kuva zvaJehovha oga. (Zvakazarurwa 4:11) Evha akachochora kodzero yokuzvisarudzira, uye kunyengedzwa kwaakaitwa panyaya iyi kwakaita kuti vanhu vatadze uye vafe. (Genesisi 3:4-7) Madhimoni ndiwo ngirozi dzisina kugutsikana ne“nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” dzichida chimwe chinhu chadzakanga dzisina kukodzera kuwana. (Judha 6; Genesisi 6:2) Fungawo nezvaBharami, Akani, Gehazi uye Judhasi. Pane kugutsikana nezvavaiva nazvo muupenyu, vakarega kunyanyisa kuda pfuma kuchiita kuti vave vasina kuvimbika uye vagume vaparadzwa.

10. Tinofanira sei ‘kuramba takasvinura,’ sezvakarayirwa naJesu?

10 Zvakakodzera zvikuru kuti Jesu akatanga ataura mashoko okuti “rambai makasvinura” asati anyevera kuti vasachochora! Nei? Nokuti zviri nyore zvikuru kuti vanhu vaone kuti mumwe munhu ari kuva nemakaro kana kuti ari kuchochora, asi kashoma kuti ivo pachavo vabvume kuti ndozvavari kuita. Asi muapostora Pauro anotaura kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.” (1 Timoti 6:9, 10) Mudzidzi Jakobho anotsanangura kuti kuchiva “pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” (Jakobho 1:15) Maererano nezano raJesu, tinofanira ‘kuramba takasvinura,’ kwete kuti titarise vamwe kuti tione kana vachichochora, asi kuti tizviongorore tione zvinodiwa nemwoyo yedu, kuitira kuti ti“chenjerere kuchochora kwemarudzi ose.”

Kuva Nezvizhinji Muupenyu

11, 12. (a) Jesu akanyevera kutii nezvokuchochora? (b) Nei tichifanira kuteerera zvakanyeverwa naJesu?

11 Pane chimwezve chikonzero chinoita kuti tichenjerere kuchochora. Ona zvakazotaurwa naJesu, zvokuti: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Tinofanira kunyatsofunga nezveizvi panguva ino ine vanhu vanonyanya kuda pfuma, vanoti pfuma ndiyo inoita kuti munhu afare uye abudirire. Paakataura mashoko iwayo, Jesu akanga ari kureva kuti upenyu hune chinangwa zvechokwadi uye hunogutsa hahubvi pazvinhu zvokunyama, pasinei nokuwanda kwazvo.

12 Zvisinei, vamwe vangasabvumirana nazvo. Vangati zvinhu zvenyama ndizvo zvinoita kuti upenyu huve nyore uye hunakidze, saka zvinokosha zvikuru. Nokudaro, vanozvipira kuita zvakawanda zvingaita kuti vakwanise kuwana zvinhu nemidziyo yose yavanoda. Vanofunga kuti izvi zvichaguma noupenyu hwakanaka. Asi pavanenge vachifunga izvozvo, vanotadza kunzwisisa zvairehwa naJesu.

13. Ndeapi ari maonero ari pakati nepakati oupenyu nezvinhu zvatiinazvo?

13 Pane kutaura kuti zvakanaka kana kuti zvakaipa here kuva nezvakawanda, Jesu aireva kuti upenyu hwomunhu hahubvi “pazvinhu zvaainazvo,” kureva kuti pazvinhu zvaanotova nazvo. Panyaya iyi, tose tinoziva kuti hatifaniri hedu kuva nezvakawanda kuti tirarame. Tinongoda zvokudya zvishomanana, zvokupfeka, uye nzvimbo yokurara. Vapfumi vane zvinhu izvi zvakawanda, uye varombo vangatamburira kuti vawane zvavanoda. Zvisinei, vapfumi nevarombo vanozongofanana pakufa—zvinhu zvose zvinoguma. (Muparidzi 9:5, 6) Saka kuti upenyu huve nechinangwa uye hukoshe, hahungangovi uye hahufaniri kungova nezvinhu zvingawanwa nomunhu kana kuti zvaainazvo. Pfungwa iyi inova pachena patinoongorora upenyu hwakanga huchitaurwa naJesu.

14. Tingadzidzei pashoko rokuti “upenyu” rinowanikwa munhoroondo yeBhaibheri?

14 Jesu paakati “upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo,” shoko rokuti “upenyu” raakashandisa pano muEvhangeri yaRuka (chiGiriki zo·eʹ) harirevi mararamiro, asi rinoreva upenyu hwacho chaihwo, upenyu sezvahuri. * Jesu akanga ari kuti tingave takapfuma kana kuti tiri varombo, tingava tichirarama upenyu hwomutambarakede kana kuti tichidya nhoko dzezvironda, hatikwanisi kusarudza kuti tichararama kwenguva yakareba sei kana kutoti mangwana tichange tiri vapenyu here. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?” (Mateu 6:27) Bhaibheri rinoratidza pachena kuti Jehovha oga ndiye “tsime roupenyu,” uye ndiye chete anogona kupa vakatendeka “upenyu chaihwo,” kana kuti “upenyu husingaperi,” upenyu husina magumo, kungava kudenga kana kuti pasi pano.—Pisarema 36:9; 1 Timoti 6:12, 19.

15. Nei vakawanda vachivimba nezvinhu zvavanazvo?

15 Mashoko aJesu anoratidza kuti zviri nyore zvikuru kuti vanhu vave nemaonero asina kunaka nezvoupenyu. Vangave vari vapfumi kana varombo, vanhu vose havana kukwana uye vanoguma zvakafanana. Mosesi wekare akati: “Mazuva emakore edu makore makumi manomwe; asi kana tiine simba kwazvo, makore makumi masere, asi anoramba achiunza kunetseka nezvinhu zvinokuvadza; nokuti achakurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.” (Pisarema 90:10; Jobho 14:1, 2; 1 Petro 1:24) Nemhaka yeizvi, vanhu vasina ukama hwakanaka naMwari kakawanda vanova nemafungiro akataurwa nezvawo nomuapostora Pauro okuti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Vamwewo, nokuti vanoona kuti upenyu hunongokurumidza kupera uye hahuna chokwadi, vanoedza kuti vave vakachengeteka uye vakagadzikana nezvinhu zvokunyama. Zvichida vanofunga kuti kuva nezvinhu zvakawanda zvinooneka kuchaita kuti upenyu huve hwakachengeteka. Saka vanoshanda nesimba kuti vaunganidze upfumi nezvinhu, vachifunga kuti zvinhu izvozvo zvichaita kuti vave vakachengeteka uye vave nomufaro.—Pisarema 49:6, 11, 12.

Ramangwana Rakachengeteka

16. Kukosha kwoupenyu hakubvi pachii?

16 Chingava chokwadi kuti mararamiro akakwirira—kuva nezvokudya zvakawanda, zvokupfeka, pokugara, nezvimwe zvinoita kuti tive noupenyu hwomutambarakede, zvingaita kuti upenyu huve nyore kana kuti zvingatoita kuti utano hwedu hutarisirwe zvakanaka zvowedzera makore mashomanana paupenyu hwomunhu. Zvisinei, upenyu hwakadaro hune zvahunoreva uye hwakachengeteka here? Kukosha kwoupenyu hakuyerwi nemakore angararamwa nomunhu kana kuti nokuwanda kwezvinhu zvaangava nazvo. Muapostora Pauro akataura nezvengozi yokunyanya kuvimba nezvinhu zvakadaro. Akanyorera Timoti kuti: “Rayira vaya vakapfuma mumamiriro ezvinhu epanguva ino kuti varege kuzvikudza, uye kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.”—1 Timoti 6:17.

17, 18. (a) Mienzaniso ipi yakasiyana nemimwe ine chokuita nokuwana zvinhu zvokurarama nazvo yakakodzera kuti tiitevedzere? (b) Mufananidzo upi waJesu uchakurukurwa munyaya inotevera?

17 Kuvimba nepfuma hakusi kuchenjera nokuti ‘haigoni kuvimbwa nayo.’ Musoro wemhuri Jobho akanga ari shoroma, asi paakangoerekana awirwa nenjodzi, pfuma yake haina kumubatsira; yakanyangarika. Ukama hwake hwakasimba naMwari ndihwo hwakamuchengetedza mumiedzo yose nematambudziko ose. (Jobho 1:1, 3, 20-22) Abrahamu haana kurega zvinhu zvake zvenyama zvichiita kuti asabvuma basa rakaoma raibva kuna Jehovha, uye akakomborerwa nokuzova “baba vemarudzi mazhinji.” (Genesisi 12:1, 4; 17:4-6) Tinofanira kutevedzera mienzaniso iyi nemimwe. Tingave tiri vakuru kana vaduku, tinofanira kuzviongorora kuti tione zvinonyanya kukosha muupenyu hwedu uye kuti tinoisa tariro yedu pachii.—VaEfeso 5:10; VaFiripi 1:10.

18 Mashoko mashomanana akataurwa naJesu nezvokuchochora uye maonero akakodzera atinofanira kuita upenyu anokosha uye anorayiridza zvechokwadi. Zvisinei, Jesu akanga aine zvimwe zvaakanga achiri kufunga, uye akarondedzera mufananidzo unotokonya pfungwa womunhu akapfuma akanga asina mafungiro akanaka. Mufananidzo iwoyo unoshanda sei muupenyu hwedu nhasi, uye tingadzidzei pauri? Nyaya inotevera ichapindura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Rimwe shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “upenyu” ndibiʹ·os. Maererano neVine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, kuti biʹ·os zvinoreva “nguva inorarama munhu,” “mararamiro,” uye “zvinoraramisa.”

Ungapindura Sei?

• Tingadzidzei pakuramba kwakaita Jesu chikumbiro chomurume aiva muboka?

• Nei tichifanira kungwarira kuchochora, uye tingazviita sei?

• Nei upenyu hwomunhu husingabvi pazvinhu zvaanenge ainazvo?

• Chii chingaita kuti upenyu hukodzere kuraramwa uye huve hwakachengeteka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nei Jesu akaramba kuita zvakakumbirwa nomumwe murume?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuchochora kungaguma nenjodzi

[Mifananidzo iri papeji 25]

Abrahamu akaratidza sei maonero akanaka nezvezvinhu zvenyama?