Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ari Kukuona here?

Mwari Ari Kukuona here?

Mwari Ari Kukuona here?

JEHOVHA, Musiki Mukuru, anokwanisa kuona here? Chokwadi anokwanisa! Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Iye akaita ziso, haangatariri here?” (Pisarema 94:9) Jehovha anoona zviri nani zvikuru kupfuura zvinoita vanhu. Haangooni zvatiri kunze chete asiwo “muongorori wemwoyo,” uye anogona ku“ona zvakaita mwoyo.” (Zvirevo 17:3; 21:2) Chokwadi, anokwanisa kuongorora mafungiro edu, zvatinoda kuita, uye zvido zvedu zviri kutsi kwemwoyo.

Jehovha anoziva matambudziko atingasangana nawo muupenyu, uye anoita zvatinomuteterera. Munyori wepisarema akati: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa. Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Pisarema 34:15, 18) Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha anonzwisisa mamiriro edu ezvinhu uye kuti anoita zvatinomukumbira zvinobva pamwoyo!

Jehovha Mwari anoziva mabasa anoitwa kunyange muzarima. Chokwadi,“zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Saka kunyange tikaita zvakanaka kana kuti zvakaipa, Mwari anozviona zvose. (Zvirevo 15:3) Somuenzaniso, Genesisi 6:8, 9 inoti, “Noa akanzwirwa nyasha naJehovha” uye inoti “akafamba naMwari wechokwadi.” Kutaura zvazviri, Noa akanzwirwa nyasha naJehovha uye akakomborerwa nokuti aiteerera uye aitsigira zvaitaurwa naMwari zvakarurama. (Genesisi 6:22) Kusiyana naizvozvo, vanhu vairarama muzuva raNoa vaida zvechisimba uye vakanga vaine tsika dzakaipa zvikuru. Mwari aiona zvose izvi. “Akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.” Pakupedzisira, Jehovha akaparadza vakaipa asi akachengeta Noa nemhuri yake vari vapenyu.—Genesisi 6:5; 7:23.

Jehovha achakunzwira nyasha here? Zvechokwadi maziso aJehovha “anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Munguva pfupi iri kuuya achabvisazve vakaipa vose panyika onunura vaya vane mwoyo munyoro.—Pisarema 37:10, 11.