Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raEzekieri—II

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raEzekieri—II

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raEzekieri—II

IGORE ra609 B.C.E. muna December. Mambo weBhabhironi atanga kukomba Jerusarema kokupedzisira. Kusvika pari zvino, shoko raEzekieri raari kuudza nhapwa dziri muBhabhironi rave richinyanya kutaura nezvokukundwa uye kuparadzwa kweguta ravo ravanoda, Jerusarema. Zvisinei, iye zvino uprofita hwaEzekieri hunochinja hwotaura nezvokuparadzwa kwemarudzi echihedheni. Aizoparadzwa nokuti ainge afara vanhu vaMwari pavakawirwa nedambudziko. Jerusarema parinokundwa kwapera mwedzi 18, shoko raEzekieri rinochinja zvakare: ava kutaura nezvokutangazve kunamata kwechokwadi nenzira inokudzwa.

Bhuku raEzekieri 25:1–48:35 rine uprofita hwemarudzi akapoteredza Israeri uye hwokununurwa kwevanhu vaMwari. * Kunze kwebhuku raEzekieri 29:17-20, nhoroondo yacho inonyorwa maererano nemisi yezviitiko zvacho uyewo maererano nenyaya dzacho. Zvisinei, ndima ina idzi dzakarongwa maererano nenyaya dzacho. Bhuku raEzekieri zvariri rimwe reMagwaro akafuridzirwa, rine shoko “benyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

‘NYIKA IYOYO INOFANIRA KUVA SOMUNDA WEEDHENI’

(Ezekieri 25:1–39:29)

Jehovha anoita kuti Ezekieri aprofite zvaizoitirwa Amoni, Moabhi, Edhomu, Firistiya, Tire, uye Sidhoni, nokuti afanoona zvichaita maguta aya pachaparadzwa Jerusarema. Ijipiti inofanira kupambwa. ‘Farao mambo weIjipiti neboka revanhu vake’ vanofananidzwa nomusidhari uchatemwa ne“bakatwa ramambo weBhabhironi.”—Ezekieri 31:2, 3, 12; 32:11, 12.

Inenge mwedzi mitanhatu pashure pokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E., mumwe akanga apukunyuka anouya oudza Ezekieri kuti: “Guta raputswa!” Muprofita wacho ‘haana kuzotadzazve kutaura’ nenhapwa. (Ezekieri 33:21, 22) Anofanira kuzivisa uprofita hwokuti kunamata kwakachena kuchatangwazve. Jehovha ‘achamutsira nhapwa dzacho mufudzi mumwe chete, iye mushumiri wake Dhavhidhi.’ (Ezekieri 34:23) Edhomu inofanira kuitwa dongo, asi nyika iri mhiri kwayo, Judha, inofanira ku“va somunda weEdheni.” (Ezekieri 36:35) Jehovha anovimbisa kuti achadzivirira vanhu vake vanotangazve kunamata kwechokwadi kuti vasarwiswa na“Gogi.”—Ezekieri 38:2.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

29:8-12—Ijipiti yakaitwa dongo kwemakore 40 riini? Pashure pokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E., vakasara vaJudha vakatizira kuIjipiti pasinei nezvakanga zvanyeverwa nomuprofita Jeremiya. (Jeremiya 24:1, 8-10; 42:7-22) Izvozvo hazvina kuita kuti vakwanise kutiza vaBhabhironi nokuti Nebhukadhinezari akauya kuzorwisa Ijipiti uye akaikurira. Ijipiti ingadaro yakazoitwa dongo kwemakore 40 pashure pokukundwa ikoko. Kunyange zvazvo vanonyora nhoroondo vasingapi uchapupu hwokuti rakaitwa dongo, tinogona kuva nechivimbo chokuti zvakaitika nokuti Jehovha anozadzisa uprofita.—Isaya 55:11.

29:18—“Misoro yose yakaitwa miparavara, uye mapfudzi ose akakwizwa akasvuuka” sei? Kukombwa kweguta iroro reTire raiva kure nemakungwa kwakanga kwakasimba uye kwakaoma zvokuti misoro yemauto aNebhukadhinezari yakaitwa miparavara nokukwizwa nengowani dzavo uye mapfudzi avo akakwizwa akasvuuka nokutakura zvinhu zvokuvakisa shongwe nemasvingo.—Ezekieri 26:7-12.

Zvatinodzidza:

29:19, 20. Sezvo vanhu vokuTire vakatizira kuguta ravo raiva pachitsuwa noupfumi hwavo hwakawanda, Mambo Nebhukadhinezari haana kuwana zvakawanda zvokupamba kuTire. Kunyange zvazvo Nebhukadhinezari aiva mutongi wechihedheni aidada, aiva noudyire, Jehovha akamupa mubayiro webasa raakanga aita paakaita kuti Ijipiti ive “mubayiro weuto rake rehondo.” Hatifaniri kutevedzera Mwari wechokwadi here nokubhadhara mitero kuhurumende nokuda kwemabasa adzinotiitira? Zvinoitwa nevane masimba munyika kana kuti mashandisiro avanoita mitero yacho hazvifaniri kuita kuti tirege kuibhadhara.—VaRoma 13:4-7.

33:7-9. Boka revarindi remazuva ano, kureva vakasara vakazodzwa neshamwari dzavo, havambofaniri kurega kuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kunyevera vanhu nezvo“kutambudzika kukuru” kuri kuuya.—Mateu 24:21.

33:10-20. Kurega zvinhu zvakaipa uye kuita zvinodiwa naMwari ndiko kuchaita kuti tiponeswe. Kutaura zvazviri, nzira yaJehovha ‘yakarurama.’

36:20, 21. VaIsraeri vakasvibisa zita raMwari pakati pemamwe marudzi nokuti havana kurarama maererano nokuzivikanwa kwavaiitwa se“vanhu vaJehovha.” Hatimbofaniri kuva vanamati vaJehovha zvezita chete.

36:25, 37, 38. Paradhiso yokunamata yatiri mairi nhasi yakazara ne“boka revanhu vatsvene.” Naizvozvo, tinofanira kuedza kuita kuti irambe yakachena.

38:1-23. Zvinokurudzira kwazvo kuziva kuti Jehovha achanunura vanhu vake pakurwiswa naGogi wenyika yeMagogi! Gogi izita rakapiwa “mutongi wenyika ino,” Satani Dhiyabhorosi, pashure pokunge adzingwa kudenga. Nyika yeMagogi inoreva nzvimbo iri pedyo nepasi pano, kunogara Satani nemadhimoni ake.—Johani 12:31; Zvakazarurwa 12:7-12.

“UISE MWOYO WAKO PANE ZVOSE ZVANDICHAKURATIDZA”

(Ezekieri 40:1–48:35)

Rava gore rechi14 pashure pokuparadzwa kweguta reJerusarema. (Ezekieri 40:1) Pachine makore makumi mashanu nematanhatu okuva nhapwa. (Jeremiya 29:10) Iye zvino Ezekieri ava kuda kusvitsa makore 50. Pane zvaanoratidzwa, anoendeswa kunyika yeIsraeri. Anoudzwa kuti: “Mwanakomana womunhu, ona nemaziso ako, unzwe nenzeve dzako, uye uise mwoyo wako pane zvose zvandichakuratidza.” (Ezekieri 40:2-4) Ezekieri anofanira kunge akafara chaizvo kuratidzwa temberi itsva!

Temberi inokudzwa inoonekwa naEzekieri ine magedhi matanhatu, dzimba dzokudyira 30, Nzvimbo Tsvene, Nzvimbo Tsvenetsvene, atari yematanda, uye atari yezvinopiwa zvinopiswa. Rukova rwemvura runozova rwizi runo“buda” mutemberi yacho. (Ezekieri 47:1) Ezekieri anoratidzwawo migove yenyika yacho yedzinza rimwe nerimwe—mugove mumwe nomumwe uchitangira kumabvazuva kusvika kumadokero paine nzvimbo yehurumende pakati pemigove yaJudha neyaBhenjamini. “Nzvimbo tsvene yaJehovha” uye “guta” rainzi Jehovha-Shama riri panzvimbo iyi.—Ezekieri 48:9, 10, 15, 35.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

40:3–47:12—Temberi yakaratidzwa Ezekieri inomiririrei? Temberi iyi yakakura zvikuru yakaratidzwa Ezekieri haina kumbobvira yavakwa. Yaimiririra temberi yaMwari yezvokunamata, kureva urongwa hwake hwakaita setemberi hwokunamata kwakachena mazuva ano. (Ezekieri 40:2; Mika 4:1; VaHebheru 8:2; 9:23, 24) Zvaakaratidzwa nezvetemberi zvinozadzika “mumazuva okupedzisira,” vapristi pavachatsveneswa. (2 Timoti 3:1; Ezekieri 44:10-16; Maraki 3:1-3) Zvisinei, zvichazadzika kokupedzisira muParadhiso. Temberi yaakaratidzwa yakaita kuti nhapwa dzechiJudha dzivimbiswe kuti dzaizotangazve kunamata kwakachena uye kuti mhuri imwe neimwe yechiJudha yaizopiwa nhaka munyika yacho.

40:3–43:17—Kuyerwa kwetemberi kunorevei? Kuyerwa kwetemberi chiratidzo chokuti chinangwa chaJehovha panyaya yokunamata kwakachena chichazadzika zvechokwadi.

43:2-4, 7, 9—“Zvitunha zvemadzimambo avo” zvaifanira kubviswa mutemberi zvaiva chii? Zviri pachena kuti zvitunha zvairehwa zvidhori. Vatongi veJerusarema nevanhu vavo vakanga vasvibisa temberi yaMwari nezvidhori. Kutaura zvazviri, vakaita kuti zvive madzimambo avo.

43:13-20—Atari yakaratidzwa Ezekieri inofananidzirei? Atari yokufananidzira inomiririra kuda kwaMwari kune chokuita nechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Nemhaka yechibayiro ichi, vakazodzwa vanonzi vakarurama uye “boka guru revanhu” rakachena mukuona kwaMwari. (Zvakazarurwa 7:9-14; VaRoma 5:1, 2) Pamwe ndokusaka “dziva resimbi yakanyungudutswa,” retemberi yaSoromoni risingaratidzwi panoratidzwa temberi, kureva dziva remvura rakakura raishandiswa kuti vapristi vagezere.—1 Madzimambo 7:23-26.

44:10-16—Ndiani anomiririrwa neboka revapristi? Boka revapristi rinomiririra boka revaKristu vakazodzwa romuzuva redu. Vakanatswa muna 1918 Jehovha paakagara pasi “sezvinoita munatsi nomuchenesi” mutemberi yake yezvokunamata. (Maraki 3:1-5) Vaya vakanga vakachena kana kuti vakapfidza vaigona kuramba vachiita basa ravo rakaropafadzwa. Izvozvo zvapera, vaifanira kushanda nesimba kuti varambe va“sina ruvara rwenyika,” vachiva mienzaniso ku“boka guru revanhu,” rinomiririrwa nemadzinza asiri evapristi.—Jakobho 1:27; Zvakazarurwa 7:9, 10.

45:1; 47:13–48:29—“Nyika” nemigove yayo inomiririrei? Nyika inomiririra nzvimbo inoitirwa basa nevanhu vaMwari. Pasinei nokuti munamati waJehovha ari kupi, kana achitsigira kunamata kwakachena bedzi, anenge ari munyika yakadzorerwa. Kugovewa kwenyika kuchazadzika kokupedzisira munyika itsva munhu mumwe nomumwe akatendeka paachawana nzvimbo yaachagara nhaka.—Isaya 65:17, 21.

45:7, 16—Kupa mupiro wevapristi uye wemachinda kunoitwa nevanhu kunorevei? Mutemberi yezvokunamata, izvi zvinonyanya kureva rutsigiro rwezvokunamata, kureva kubatsira uye kuda kushanda pamwe.

47:1-5—Chii chinofananidzirwa nemvura yorwizi rwakaratidzwa Ezekieri? Mvura yacho inofananidzira urongwa hwaJehovha hwokunamata hunoita kuti tiwane upenyu, kusanganisira chibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu uye kuziva Mwari kunowanika muBhaibheri. (Jeremiya 2:13; Johani 4:7-26; VaEfeso 5:25-27) Rwizi rwacho runoramba ruchidzika kuitira kuti vatsva vakawanda vanobvuma kunamata kwechokwadi vapinde. (Isaya 60:22) Rwizi rwacho ruchange ruchiyerera nemvura youpenyu ine simba zvikuru muMakore Ane Chiuru, uye mvura yarwo ichasanganisira kumwe kunzwisisa kunowanwa mu“mipumburu” ichavhurwa panguva iyoyo.—Zvakazarurwa 20:12; 22:1, 2.

47:12—Miti inobereka zvibereko inomiririrei? Miti yokufananidzira inomiririra urongwa hwaMwari hwezvokunamata hunoita kuti vanhu vavezve vakakwana.

48:15-19, 30-35—Pane zvakaratidzwa Ezekieri, guta rinomiririrei? Guta re“Jehovha-Shama” riri munyika ya“kasvibiswa,” kuratidza kuti rinofanira kunge richimiririra chinhu chiri pasi pano. Guta racho rinoita serinomiririra kutungamirira kunoitwa pasi pano kunobatsira vaya vachaumba “nyika itsva” yakarurama. (2 Petro 3:13) Kuva nemagedhi kumativi ose kunoratidza kuti riri nyore kupinda. Vatariri vevanhu vaMwari vanofanira kunge vari vanhu vanotaurika navo.

Zvatinodzidza:

40:14, 16, 22, 26. Kutemerwa kwakaitwa mifananidzo yemiti yemichindwe pamadziro emokupinda namo mutemberi kunoratidza kuti vaya vane tsika dzakanaka chete ndivo vanobvumidzwa kupinda. (Pisarema 92:12) Izvi zvinotidzidzisa kuti Jehovha anogamuchira kunamata kwedu kana takarurama bedzi.

44:23. Tinofanira kuonga zvikuru mabasa atinoitirwa neboka revapristi remazuva ano! “Muranda akatendeka, akangwara” ndiye anotungamirira pakupa zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera, izvo zvinotibatsira kuona kusiyana kwezvakachena nezvisina kuchena mukuona kunoita Jehovha.—Mateu 24:45.

47:9, 11. Zivo, chinhu chinokosha chinomiririrwa nemvura yokufananidzira, yave ichiporesa zvinoshamisa munguva yedu. Pose painowanika, inomutsa vanhu mune zvokunamata. (Johani 17:3) Asiwo vaya vasingagamuchiri mvura inopa upenyu ‘vachaitwa munyu,’ kureva kuti vachaparadzwa zvachose. Zvinokosha zvikuru kuti ‘tiite zvose zvatinogona kuti tibate shoko rechokwadi zvakarurama’!—2 Timoti 2:15.

“Ndichatsvenesa Zita Rangu Guru”

Pashure pokunge mambo wokupedzisira wedzinza raDhavhidhi abviswa, Mwari wechokwadi akabvuma kuti papfuure nguva uya “ane kodzero yepamutemo” yokuva mambo asati auya. Zvisinei, Mwari haana kukanganwa sungano yaakaita naDhavhidhi. (Ezekieri 21:27; 2 Samueri 7:11-16) Uprofita hwaEzekieri hunotaura nezvo“mushumiri wangu Dhavhidhi,” aizova “mufudzi” uye “mambo.” (Ezekieri 34:23, 24; 37:22, 24, 25) Hapana mumwe kunze kwaJesu Kristu ari musimba roUmambo. (Zvakazarurwa 11:15) Jehovha ‘achatsvenesa zita rake’ achishandisa Umambo hwaMesiya.—Ezekieri 36:23.

Iye zvino munguva pfupi iri kuya, vose vanosvibisa zita dzvene raMwari vachaparadzwa. Asi vaya vanoritsvenesa muupenyu hwavo nokunamata Jehovha munzira yaanofarira vachawana upenyu husingaperi. Naizvozvo ngatishandisei mvura youpenyu iri kuyerera yakawanda muzuva redu toita kuti kunamata kwechokwadi kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kana uchida kuona pakakurukurwa Ezekieri 1:1–24:27, ona nyaya inoti “Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raEzekieri—I,” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2007.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Temberi tsvene yakaratidzwa Ezekieri

[Mufananidzo uri papeji 10]

Rwizi rwoupenyu rwakaratidzwa Ezekieri runomiririrei?

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.