Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?

Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?

Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?

“Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—RUKA 12:21.

1, 2. (a) Vanhu vave vachida kunyanya kuzvipira kuti vaitei? (b) VaKristu vanofanira kutarisana nedambudziko rei uye ngozi ipi?

KWEMAKORE mazhinji vanhu munyika dzakawanda vave vachifondoka uye vachishanda nesimba nokuti vakatsunga kuti vawane pfuma. Somuenzaniso, chipatapata chokutsvaka pfuma chakaitwa muzana remakore rechi19 kuAustralia, South Africa, Canada, uye kuUnited States chakakwezva vanhu vaibva kure vakanga vasiya misha yavo nevadiwa vavo kuti vatsvake pfuma munyika dzavakanga vasina kujaira, dzimwe nguva dzisina kutonaka. Chokwadi, vanhu vakawanda vangasva vaisa upenyu hwavo pamutanhiko uye vanozvipira zvikuru kuti vawane pfuma inodiwa nemwoyo yavo.

2 Kunyange zvazvo vanhu vakawanda mazuva ano vasiri kutsvaka pfuma, vanofanira kushanda nesimba kuti vararame. Zvingava zvakaoma kuti vaite izvozvo panguva ino, zvingavatorera nguva yakawanda, uye kuvanetesa. Zviri nyore kuguma wava kunyanya kufunga zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara zvokuti unokanganwa kana kutorega zvinhu zvinonyanya kukosha. (VaRoma 14:17) Jesu akataura mufananidzo, kana kuti muenzaniso wainyatsorondedzera maitiro evanhu aya. Unowanikwa pana Ruka 12:16-21.

3. Rondedzera muchidimbu mufananidzo waJesu wakanyorwa pana Ruka 12:16-21.

3 Jesu akataura mufananidzo uyu panguva yaakataura nezvokuti tinofanira kungwarira kuchochora, pfungwa yatakaongorora zvakadzama munyaya yakapfuura. Anyevera nezvokuchochora, Jesu akataura nezvomumwe mupfumi akanga asingagutsikani nematura aaitova nawo akanga akazara zvinhu zvakanaka uye akaaputsa akavaka akakura kuti achengetere zvimwe zvinhu zvakanaka. Paakanga ava kufunga kuti agadzirira kuzorora uye kurarama upenyu hwomutambarakede, Mwari akamuudza kuti upenyu hwake hwakanga hwava kuzoguma uye zvinhu zvose zvakanaka zvaakanga achengeta zvaizotorwa nomumwewo munhu. Adaro Jesu akawedzera mashoko okugumisa okuti: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:21) Tingadzidzei pamufananidzo uyu? Zvidzidzo zvacho tingazvishandisa sei muupenyu hwedu?

Murume Akanga Aine Dambudziko

4. Tingati murume akataurwa mumufananidzo waJesu munhu akaita sei?

4 Mufananidzo wakataurwa naJesu wakajairika. Tinoona kuti Jesu akatanga nyaya yacho nokungoti: “Munda womumwe mupfumi wakabereka zvakanaka.” Jesu haana kutaura kuti murume wacho akawana pfuma yake nenzira dzokunyengera kana kuti dzisiri pamutemo. Nemamwe mashoko, haana kumutaura somunhu akaipa. Kutaura zvazviri, kubva pane zvakataurwa naJesu, zvine musoro kufunga kuti murume anotaurwa mumufananidzo uyu akanga ashanda nesimba. Zvinogona kunzwisiswa kuti aiva murume akanga aronga uye achengetera ramangwana, zvichida achifunga nezvoupenyu hwemhuri yake. Saka nemaonero enyika, anogona kunzi anomiririra murume aishanda nesimba aikoshesa kuriritira mhuri yake.

5. Murume womumufananidzo waJesu aiva nedambudziko rei?

5 Chero zvazvingava, Jesu akadana murume womumufananidzo wacho kuti mupfumi, kureva munhu akanga achitova nezvinhu zvakawanda. Zvisinei, sokurondedzerwa kwazvakaitwa naJesu, mupfumi wacho akanga aine dambudziko. Nyika yake yakabereka zvakawanda kupfuura zvaaitarisira, zvakawandisa kupfuura zvaaida kana kuti zvaaigona kuchengeta. Aifanira kunge akaitei?

6. Zvisarudzo zvipi zvinofanira kuitwa nevashumiri vaMwari vakawanda mazuva ano?

6 Vashumiri vaJehovha vakawanda mazuva ano vari mumamiriro ezvinhu akafanana chaizvo neomupfumi uyu. VaKristu vechokwadi vanoedza kuva vashandi vakavimbika, vanoshanda nesimba, uye vanongwarira. (VaKorose 3:22, 23) Vangave vachishanda kana kuti vaine mabhizimisi avo, vanowanzobudirira, kana kuti vangatopfuura vamwe vose pane zvavanoita. Panomuka mikana yokukwidziridzwa pabasa kana kuti yokutanga mabhizimisi, vane zvavanofanira kusarudza. Vanofanira kubvuma kukwidziridzwa here kuti varambe vachibudirira? Saizvozvowo, pwere dzakawanda dziri Zvapupu dzinogona muchikoro. Somugumisiro, dzingapiwa mibayiro kana kuti kubhadharirwa mari yokuti dzienderere nedzidzo pazvikoro zvinoshamisira. Dzinofanira kungoita gundamusaira dzobvuma zvadziri kupiwa here?

7. Murume womumufananidzo waJesu akagadzirisa sei dambudziko rake?

7 Tichidzoka kumufananidzo waJesu, mupfumi akaitei munda wake pawakabereka zvakawanda zvokuti akanga asina pokuchengetera goho rake? Akafunga kuputsa matura aakanga avaka ndokuvaka akakura okuchengetera zviyo zvose zvakawandisa nezvinhu zvakanaka. Urongwa ihwohwo hwakaita kuti anzwe akachengeteka uye agutsikane zvokuti akazviudza mumwoyo make kuti: “Ndichati kumweya wangu: ‘Mweya, une zvinhu zvakanaka zvizhinji zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora zvako, udye, unwe, ufare.’”—Ruka 12:19.

Nei Achinzi “Benzi”?

8. Murume womumufananidzo waJesu akakanganwa chii chaikosha?

8 Zvisinei, sokutaurwa kwazvakaitwa naJesu, urongwa hwomupfumi uyu hwakaita kuti anzwe sokuti akachengeteka. Kunyange hungave hwaiita sourongwa hunobatsira, hwakasiya chinhu chimwe chete chaikosha zvikuru, kuda kwaMwari. Murume wacho akanga ari kungofunga nezvake iye, kuti aizokwanisa sei kuzorora, kudya, kunwa, kunakidzwa. Aifunga kuti kuva ne“zvinhu zvakanaka zvizhinji,” kwaizoitawo kuti ave ne“makore mazhinji.” Nyambisirwa zvinhu hazvina kufamba saizvozvo. Sezvakanga zvambotaurwa naJesu, “kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Usiku ihwohwo chaihwo, zvinhu zvose zvakanga zvashandirwa nomurume wacho zvakashaya basa, nokuti Mwari akati kwaari: “Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, zvinhu zvawakachengeta zvichava zvaani?”—Ruka 12:20.

9. Nei murume womumufananidzo uyu akanzi benzi?

9 Zvino tasvika papfungwa inokosha yomufananidzo waJesu. Mwari akati murume wacho aiva benzi. Exegetical Dictionary of the New Testament rinotsanangura kuti shoko rechiGiriki rakashandiswa pano “ragara richireva kugarira pfungwa.” Duramazwi racho rinoti mumufananidzo uyu, Mwari anoita seari kushandisa shoko racho kufumura “kusabatsira kwourongwa hweramangwana hwomupfumi wacho.” Shoko racho harirevi munhu asina kungwara, asi rinoreva “munhu anoramba kuvimba naMwari.” Kurondedzera kwakaita Jesu mupfumi wacho kunotiyeuchidza zvaakazotaura kuvaKristu vomuzana remakore rokutanga vomuungano yeRaodhikiya, kuAsia Minor, paakati: “Unoti: ‘Ndakapfuma uye ndakawana pfuma uye hapana chandinomboshayiwa,’ asi hauzivi kuti unosiririsa, uye unonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka.”—Zvakazarurwa 3:17.

10. Nei kuva ne“zvinhu zvakanaka zvizhinji” kusingarevi kuti munhu anova ne“makore mazhinji”?

10 Tingaita zvakanaka kana tikafungisisa chidzidzo ichi. Tingaita somurume womumufananidzo uyu here, kushanda nesimba tova nechokwadi chokuti tine “zvinhu zvakanaka zvizhinji” asi tokundikana kuita zvatinofanira kuita kuti tive netariro yokuva ne“makore mazhinji”? (Johani 3:16; 17:3) Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvinokosha hazvizobatsiri pazuva rokushatirwa kukuru,” uye “munhu anovimba nepfuma yake—iye achawa.” (Zvirevo 11:4, 28) Naizvozvo, Jesu akawedzera zano rokupedzisira pamufananidzo uyu achiti: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:21.

11. Nei zvisingabatsiri kuvimba nezvinhu uye kufunga kuti ndizvo zvichaita kuti uchengeteke?

11 Jesu paakati “ndizvo zvazvinoita,” akanga ari kutaura kuti zvakaitika kumupfumi womumufananidzo zvichaitikawo kune vaya vanovakira upenyu hwavo, kureva tariro yavo nokuchengeteka kwavo, pazvinhu. Dambudziko harisi rokungo‘zviunganidzira’ pfuma asi nderokukundikana “kupfuma kuna Mwari.” Mudzidzi Jakobho akanyeverawo zvakafanana paakanyora kuti: “Chinzwai, zvino, imi munoti: ‘Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubereko,’ imi musingazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.” Vanofanira kuitei? “Panzvimbo paizvozvo, munofanira kuti: ‘Kana Jehovha achida, tichararama toitawo ichi kana icho.’” (Jakobho 4:13-15) Pasinei nokuti munhu angave akapfuma zvakadini kana kuti angave nezvinhu zvakawanda sei, zvose hazvibatsiri kana asina kupfuma kuna Mwari. Saka kupfuma kuna Mwari zvinorevei?

Kupfuma Kuna Mwari

12. Tichapfuma kuna Mwari kana taitei?

12 Mumashoko aJesu, kupfuma kuna Mwari kunosiyaniswa nokuzviunganidzira pfuma, kana kuti kuzvipfumisa. Saka Jesu akanga ari kuti muupenyu hatifaniri kunyanya kukoshesa kuunganidza zvinhu kana kuti kunakidzwa nezvinhu zvatingava nazvo. Pane kudaro, tinofanira kushandisa pfuma yedu nenzira yokuti tinonatsiridza, kana kuti kusimbisa ukama hwedu naJehovha. Kuita izvozvo chokwadi kuchaita kuti tive vakapfuma kuna Mwari. Nei? Nokuti kunoita kuti tive nemikana yakawanda yokukomborerwa naye. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvirevo 10:22.

13. Chikomborero chaJehovha “chinopfumisa” sei?

13 Jehovha paanokomborera vanhu vake, nguva dzose anovapa zvakanakisisa. (Jakobho 1:17) Somuenzaniso, Jehovha paakapa vaIsraeri nyika yokuti vagare, yaiva “nyika inoyerera mukaka nouchi.” Kunyange zvazvo nyika yeIjipiti yakamborondedzerwawo saizvozvo, nyika yakapiwa vaIsraeri naJehovha yakanga yakasiyana neIjipiti pane chimwe chinhu. Mosesi akaudza vaIsraeri kuti i“nyika iri kutarisirwa naJehovha Mwari wako.” Nemamwe mashoko, vaizobudirira nokuti Jehovha aizovatarisira. Chero bedzi vaIsraeri vaizoramba vakatendeka kuna Jehovha, aizovakomborera zvikuru uye vaizorarama mararamiro akanga akakwirira kupfuura emarudzi ose akanga akavapoteredza. Chokwadi, chikomborero chaJehovha ndicho “chinopfumisa”!—Numeri 16:13; Dheuteronomio 4:5-8; 11:8-15.

14. Vaya vakapfuma kuna Mwari vanowanei?

14 Mashoko okuti “kupfuma kuna Mwari” anoshandurwawo kuti “upfumi chaihwo hwaMwari” (Bhaibheri Rinoera) kana kuti “kupfuma mumaonero aMwari.” (The New Testament in Modern English, rakanyorwa naJ. B. Phillips) Vaya vakapfuma kazhinji vane hanya nokuti vanoonekwa sei nevamwe. Izvi zvinowanzooneka nemararamiro avanoita. Vanoda kufadza vanhu nezvinonzi neBhaibheri “kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Johani 2:16) Kusiyana naizvozvo, vaya vakapfuma kuna Mwari vanofarirwa naMwari, anovaitira mutsa usina kukodzera kuwanwa uye vane ukama hwapedyo naye. Kuva noukama hunokosha zvakadaro chokwadi kunoita kuti vafare uye vanzwe vakachengeteka, kupfuura zvavangaita kana vaine pfuma. (Isaya 40:11) Mubvunzo unosara ndewokuti, Tinofanira kuitei kuti tive vakapfuma mumaonero aMwari?

Kupfuma Mumaonero aMwari

15. Tinofanira kuitei kuti tive vakapfuma kuna Mwari?

15 Mumufananidzo waJesu, murume wacho akaronga uye akashanda nesimba kuti azvipfumise, asi akanzi ibenzi. Naizvozvo, kuti tive vakapfuma kuna Mwari, tinofanira kuedza kushanda nesimba uye kuita nepatinogona napo mabasa anokosha zvikuru uye akakodzera mumaonero aMwari. Rimwe remabasa akarayirwa naJesu ndeiri: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19) Kushandisa nguva yedu, simba, uye zvatinokwanisa kuita, kwete kuti tibudirire isu pachedu, asi mubasa rokuparidza Umambo uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi kungafananidzwa nokuchengeta pfuma inokosha. Vaya vakaita izvozvo vakakomborerwa zvikuru mune zvokunamata, sezvinoratidzwa nezvakaitika zvinotevera.—Zvirevo 19:17.

16, 17. Zviitiko zvipi zvaungarondedzera zvinoratidza mararamiro anoita kuti munhu ave akapfuma mumaonero aMwari?

16 Funga nezvomumwe murume muKristu ari kune imwe nyika iri kuAsia. Aiita basa raibhadhara zvikuru rokugadzira makombiyuta. Zvisinei, basa rake raitora nguva yake yose uye raiita kuti asare asingagutsikani pakunamata. Pakupedzisira, pane kuti akwidziridzwe pabasa rake, akarega basa ndokutanga bhizimisi rokugadzira aizikirimu achiitengesa mumugwagwa kuitira kuti awane nguva yakawanda yokutarisira zvaaida pakunamata uye zvaaifanira kuita. Vaaimboshanda navo vakamuseka, asi zvinhu zvakamufambira sei? “Kutaura zvazviri, ndaitowana mari yakawanda kupfuura yandaiwana pandaishanda ndichigadzira makombiyuta,” anodaro. “Zvakaita kuti ndifare zvikuru nokuti handichanetseki mupfungwa sezvandaiita pabasa randaimboshanda. Uye zvinotokosha zvikuru, ndava kunzwa ndiri pedyo naJehovha.” Kuchinja basa kwakaita muKristu uyu kwakaita kuti atange ushumiri hwenguva yakazara, uye iye zvino ava kushanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha romunyika yake. Zvechokwadi chikomborero chaJehovha “ndicho chinopfumisa.”

17 Mumwe muenzaniso ndewomumwe mukadzi akakurira mumhuri yaikoshesa dzidzo chaizvo. Akaenda kuyunivhesiti yokuFrance, yokuMexico, uye yokuSwitzerland uye aitarisira kuzowana basa repamusoro. “Ndakabudirira, ndairemekedzwa uye ndaipiwa mikana yakanaka chaizvo,” akadaro, “asi mumwoyo mangu makanga musina chinhu, ndakanga ndisingagutsikani.” Zvadaro akadzidza nezvaJehovha. Anoti: “Zvandaifambira mberi pakunamata, chido changu chokufadza Jehovha uye kumudzorerawo chinhu chiduku pane zvaakanga andipa chakandibatsira kuona zvakajeka zvandaifanira kuita—kumushumira nguva yakazara.” Akarega basa uye munguva pfupi akanga abhabhatidzwa. Kwemakore 20 apfuura, ave achifara muushumiri hwenguva yakazara. Anoti: “Vamwe vanofunga kuti ndakatambisa matarenda angu, asi vanoona kuti ndinofara, uye vanoyemura mararamiro angu. Zuva roga roga ndinonyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuzvininipisa kuitira kuti andifarire.”

18. Kufanana naPauro, tingava sei vakapfuma kuna Mwari?

18 Sauro, akazova muapostora Pauro, aifanira kuzoshanda basa repamusoro. Asi akazonyora kuti; “Zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa kana ndichienzanisa nokukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu Ishe wangu.” (VaFiripi 3:7, 8) Kuna Pauro, pfuma yaakawana kuna Kristu yaipfuura chero chinhu chipi zvacho chaiva munyika. Saizvozvowo, kana tikarega zvishuvo zvoudyire torarama upenyu hwokuzvipira kuna Mwari, isuwo tinogona kunakidzwa noupenyu hwakapfuma mumaonero aMwari. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.

Ungatsanangura Here?

• Murume womumufananidzo waJesu aiva nedambudziko rei?

• Nei murume womumufananidzo akanzi ibenzi?

• Zvinorevei kupfuma kuna Mwari?

• Tingava sei vakapfuma kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nei mupfumi akanzi ibenzi?

[Mufananidzo uri papeji 27]

Mikana yokubudirira ingava sei muedzo chaiwo?

[Mufananidzo uri papeji 28, 29]

“Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa”