Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvishamiso Zviviri Zvakaitika Pane Rimwe Gungano Reruwa rokuGeorgia

Zvishamiso Zviviri Zvakaitika Pane Rimwe Gungano Reruwa rokuGeorgia

Zvishamiso Zviviri Zvakaitika Pane Rimwe Gungano Reruwa rokuGeorgia

MUNA 2006, munyika yeGeorgia makaitika “zvishamiso” zviviri zvisingakanganwiki panguva imwe chete. Kwemazuva matatu, July 7 kusvikira ku9, Magungano Eruwa eZvapupu zvaJehovha aiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” akaitwa munzvimbo nhanhatu munyika yacho yose. Waiva musangano mukuru wezvokunamata wakapindwa nevanhu vaipfuura 17 000.

Muna January 2006, vakaedza kuwana nzvimbo yakakodzera yokuti zviuru zvevanhu izvi zvizoungana muguta raizoitirwa gungano racho reruwa, Tbilisi, guta guru rokuGeorgia. Dzimwe nzvimbo dzaiitirwa magungano dzaizonzwawo gungano iri pachishandiswa michina yemagetsi.

Vanhu vokuGeorgia vave vachipiwa rusununguko rwokunamata zvishoma nezvishoma mumakore mashomanana adarika. Saka pasinei nokushorwa kwazvaimboitwa munyika yacho yose kare, Zvapupu zvakaenderera mberi, zviine chivimbo chokuti zvaizowana nzvimbo yokuitira gungano muguta guru. Vanhu vokuGeorgia vanhu vagara vaine ushamwari nomutsa. Zvisinei, vamwe vakuru vakuru vanofungira Zvapupu zvisina kunaka. Vaizorega kufungira Zvapupu vozvibvumira kuti zvirende nzvimbo yacho here?

Hama dzaiva muDare Remagungano Eruwa dzakashanyira nhandare dzakawanda nedzimba dzakakura dzinoitirwa mitambo. Mamaneja acho aivimbisa kuti vaigona kushandisa nzvimbo dzacho asi airamba kuudza hama idzi misi chaiyo yadzaikwanisa kurenda. Naizvozvo, dare racho rakashamiswa vakuru vakuru vokuTbilisi Philharmonic pavakabvuma kuti Zvapupu zvaJehovha zvirende nzvimbo yavo. Imba yacho inoitirwa makonzati iri pakati chaipo peguta, panoitirwa zviitiko zvakawanda zvakakurumbira.

Dare racho rakurudzirwa nokuti rakanga rawana zvaraida, rakatanga kuronga gungano reruwa rokuTbilisi, pamwe chete nemagungano aizoitirwa mumataundi nemaguta ari munyika yacho yose, kusanganisira Tsnori, Kutaisi, Zugdidi, Kaspi, uye Gori. Basa guru rakaitwa kuti nzvimbo dzose idzi dzaiitirwa magungano dzibatanidzwe nemichina yemagetsi kuitira kuti purogiramu yacho iitwe panguva imwe chete. Zvinhu zvose zvakanga zvagadzirirwa kuti gungano racho ritange. Zvisinei, kwangosara vhiki imwe chete kuti gungano ritange, mamaneja eimba yemakonzati yeTbilisi Philharmonic akakanzura chibvumirano chokushandiswa kwenzvimbo iyi kuitira gungano. Havana kutsanangura kuti vakanga vazviitirei.

Chishamiso Chokutanga

Hama dzaizoita sei nguva zvayakanga yapera kudai? Vaingogona kushandisa taundi reMarneuli, purazi raiva makiromita 40 kunze kweTbilisi. Pane magungano akawanda akanga amboitirwa ikoko pane rimwe purazi remhuri yeZvapupu zvaJehovha. Nzvimbo yacho yaimbova munda wakakura. Kwemakore gumi akanga apfuura, ndiyo chete nzvimbo yaishandiswa neungano dzomuTbilisi kuitira magungano eruwa. Zvisinei, Marneuli inzvimbo yairwiswa Zvapupu zvaJehovha nemhomho.

Chimwe chezviitiko izvi chakaitika musi waSeptember 16, 2000. Mapurisa omuguta reMarneuli akaita rodhibhuroku dzokurambidza Zvapupu kuti zviende kunzvimbo yazvaiitira gungano. Zvadaro kwakauya mabhazi aiva akazara nhubu dzaitungamirirwa naVasili Mkalavishvili, akanga abviswa pakuva mupristi wechechi yeOrthodox. Vakamisa motokari nemabhazi aienda kugungano kuMarneuli, vakazvuzvurudzira panze pemotokari nemabhazi Zvapupu zvakawanda zvaienda kugungano, vakazvirova zvinonzwisa tsitsi, vamwe vavo vachiba zvinhu zvazvo, zvaisanganisira maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri.

Vaiva panzvimbo yaiitirwa gungano kuMarneuli vakarwiswawo nemhomho yevanhu vanenge 60. Zvapupu zvinenge 40 zvakakuvadzwa. Imwe hama yakabayiwa nebanga muchipfuva. Vamwe vairwisa vaiva nepfuti, dzavaipfura mumhepo vachiratidza kushatirwa. Mumwe wavo akanongedza muridzi wenzvimbo yacho nepfuti akati amupe mari yake nezvishongo zvake. Mhomho yacho yakapamba imba yake, yaiva kune rimwe divi renzvimbo yacho, vakaba zvinhu zvake zvaikosha. Vaputsa mahwindo ose eimba yacho, vakapisa mabhuku eBhaibheri nemabhenji akanga agadzirirwa gungano. Mabhuku anorema tani nehafu akapiswa. Pane kuti mapurisa amise kurwisa uku, aiva panzvimbo yacho aitorwisawo Zvapupu. *

Dare reGungano Reruwa raisangofanira kufunga nezvokutyisidzira kwechisimba asiwo kuti vaizoita sei kuti vanhu 5 000 vakwane munzvimbo inosikwana vanhu vanenge 2 500. Dambudziko iri raizogadziriswa sei munguva pfupi yakadaro? Varidzi vemapurazi maviri akabatana neiri pavakati vaida kurendesa minda yavo kuhama, chakaita sechishamiso.

Kuita kuti minda yacho ive nzvimbo yakakodzera kuitira gungano raiva basa rakaoma. Mamiriro okunze akaita kuti zvinhu zviome zvikuru. Kwakanaya vhiki yose gungano risati ratanga. Minda yevavakidzani ava yakanga yakadyarwa mbatatisi, uye dzaifanira kukohwewa. Kutanga, vanhu vakanga vazvipira vakakohwa mbatatisi dzacho mvura ichitsvotsvoma. Zvadaro fenzi dzakabviswa uye vakavaka zvaizodzivirira vanhu pazuva nemvura. Mabhenji emapuranga akawanda aifanira kugadzirwa, uye vakaronga kuti pave nerimwe gudzanzwi. Vanhu vakanga vazvipira ava vaicheka mapuranga, kuabatanidza, uye kuboora zvaida kuboorwa, vakashanda siku nesikati, vamwe havana kutorara.

Munhu wose aingotyira kuti, “Ko kana mvura ikaramba ichinaya gungano richiitwa? Vanhu vachanyura mumadhaka here?” Vakatenga uswa hwokuisa paiva nemadhaka. Pakupedzisira, zuva rakabuda! Mazuva ose matatu egungano, nhandare yacho yaiva nezuva raidziya, rakanaka.

Pakasvika vaiuya kugungano, vakasvikoona nzvimbo yakanaka chaizvo. Kumapurazi kwavaiva kwakaita kuti vafunge nezvenyika itsva. Vakagara zvakanaka, vaipinda gungano vakanga vakakomberedzwa nemionde nemimwe miti yemichero uye minda yechibage nemadomasi. Seri kwechikuva kwaiva neminda yemizambiringa. Apo neapo panguva yepurogiramu, vateereri vainzwa machongwe achikukuridza uye sheshe dzichikekeredza padzaikandira mazai. Paivawo norumwe ruzha runowanzoitika kumapurazi, asi kune vakanga vakateerera, izvi zvaingonakidza. Pane kutsauswa neizvi, vateereri vaisatombozvinzwa, nokuti vakanga vaine chinangwa chokuteerera purogiramu yakanaka kwazvo yaibva muBhaibheri. Zvisinei, izvi handizvo chete zvinonakidza zvakaitika pagungano iri.

Chishamiso Chechipiri

Pakapera purogiramu yomusi weChishanu mangwanani, vateereri vakashamiswa apo Geoffrey Jackson, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akazivisa kubudiswa kweShanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara mumutauro wokuGeorgia. * Vakawanda vakashaya neromuromo, vakayangarara misodzi mumaziso avo. Imwe mhuri yakati: “Tiri kungoramba tichionga chishamiso chaJehovha ichi. Basa rakakura kudaro raitwa munguva pfupi zvikuru!”

Imwe hanzvadzi yokutaundi reTsalendjikha yakanga yateerera purogiramu yakati: “Mafariro andakaita pandakawana Bhaibheri rakazara haatauriki. Ndinoda kukutendai nokuda kwegungano iri remazuva matatu rakasiyana nemamwe. Zvechokwadi ranga riri chiitiko chinoshamisa.” Imwe mhuri yomuungano yokumadokero kweGeorgia, kumuganhu neBlack Sea, yakati: “Kusvikira pari zvino, tanga tichingova neBhaibheri rimwe chete mumhuri medu, asi iye zvino tose tiri vana mumwe nomumwe ava neShanduro Yenyika Itsva yake. Iye zvino mumwe nomumwe wedu ava kugona kudzidza Bhaibheri ari oga.”

Zvisinei, kunyange hazvo vateereri vasina kuzviziva, hazvisi zvinhu zvose zvakanga zvanyatsofamba zvakanaka. Somuenzaniso, kunyange zvazvo Shanduro Yenyika Itsva yakazara yakadhindwa ikatumirwa kuGeorgia nguva ichiripo, Dhipatimendi Rokubuda Nokupinda Kwezvinhu Munyika rakanga raramba kuti maBhaibheri acho apinde munyika. Hama dzakakwirira nyaya yacho kuHofisi Yezvichemo. Mukuru mukuru wacho akakwanisa kuita kuti maBhaibheri acho abvumidzwe kupinda munyika kwangosara nguva shomanana kuti gungano ritange. Akatotumira mutevedzeri wake kugungano rokuMarneuli kuti anopiwa maBhaibheri matsva avaida kuzoshandisa kuhofisi yavo.

Kugamuchira Noushamwari, Tsika yokuGeorgia

Pane chimwe chikonzero chaiita kuti Gungano reruwa rokuMarneuli rive chiitiko chinokosha kuZvapupu zvaJehovha zvomuGeorgia. Paiva nenhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Vateereri vose vakafara chaizvo uye vaida kumugamuchira zvavanoita mutsika yavo. Hama Jackson vaifanira kumira vachikwazisa hama nehanzvadzi kwemaawa akawanda gungano risati ratanga, paraiitwa, uye rapera, asi vakazviita vachifara.

Kare muna 1903 pakapera rimwe gungano, imwe hama yakati: “Kunyange zvazvo ndiri murombo, zvakanaka zvandawana pagungano rino zvinopfuura chiuru chemadhora.” Kwapera zana remakore, ndiwo chaiwo manzwiro aiita Zvapupu zvakapinda magungano asingakanganwiki akaitwa muchirimo cha2006 munyika yeGeorgia.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Kana uchida mamwe mashoko nezvokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha muGeorgia, ona Awake! yaJanuary 22, 2002, mapeji 18-24.

^ ndima 16 Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yomutauro wokuGeorgia yakabudiswa muna 2004.

[Bhokisi riri papeji 19]

“Muduku” Akura

Mashoko aIsaya 60:22 azadzika muGeorgia, anoti: “Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.” Mumakore asingasviki 20, nhamba yevazivisi voUmambo muGeorgia yakawedzera kubva pa100 kusvika painenge 16 000. Ava vashumiri vanoshingaira veShoko raMwari vari kudzidza Bhaibheri nevanhu vanoda kusvika 8 000 pamisha yavo vhiki nevhiki, zvinoratidza kuti vangangowedzera zvakatonyanya muGeorgia.

[Dhiyigramu/Mepu dziri papeji 16]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

RUSSIAN FEDERATION

GEORGIA

⇨ Zugdidi

⇨ Kutaisi

Marneuli ⇨ Gori

⇨ Kaspi

⇨ Tsnori

TBILISI

TURKEY

ARMENIA

AZERBAIJAN

[Kwazvakatorwa]

Globe: Based on NASA/Visible Earth imagery

[Mufananidzo uri papeji 16]

Chifananidzo chiri muTbilisi

[Mifananidzo iri papeji 17]

Gungano rokuMarneuli raiva rakabatanidzwa kunzvimbo shanu nemichina yemagetsi

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vakapinda gungano vakafara chaizvo pakabudiswa “Shanduro Yenyika Itsva” mumutauro wokuGeorgia