Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Haiwa Jehovha, Ndiedzei’

‘Haiwa Jehovha, Ndiedzei’

‘Haiwa Jehovha, Ndiedzei’

“JEHOVHA ndiye muongorori wemwoyo.” (Zvirevo 17:3)Mashoko iwayo anofanira kutisimbisa zvikuru. Nei? Nokuti Baba vedu vari kudenga va“noona zvakaita mwoyo” kusiyana nevanhu vanotonga nokungoona zviri kunze.—1 Samueri 16:7.

Kutaura zvazviri, kunyange isu pachedu hatigoni kunzwisisa zvatinofunga nezvinoda mwoyo yedu. Nei? Nokuti “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” Zvisinei, Mwari anouziva nokuti anotaura kuti: “Ini, Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoongorora itsvo.” (Jeremiya 17:9, 10) Chokwadi, Jehovha anonzwisisa “mwoyo” kusanganisira shungu dzedu—uyewo “itsvo,” zvinoreva zvinhu zviri kutsi kwemwoyo yedu.

Nei Vachiedzwa?

Nokudaro, tinonzwisisa kuti nei Dhavhidhi akataura kuna Mwari achiti: “Ndiongororei, haiwa Jehovha, mundiedze; natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.” (Pisarema 26:2) Dhavhidhi akanga asina chero chaaitadza mumaitiro ake nematauriro zvokuti aisazotya kuti Mwari amuedze here? Kwete! Kufanana nesu tose, Dhavhidhi akanga asina kukwana uye aisazonyatsoita zvose zvinodiwa naMwari. Nokuti aiva munhuwo, Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, asi zvisinei akafamba “nomwoyo wakakwana.” (1 Madzimambo 9:4) Sei? Akabvuma kurangwa uye akagadzirisa maitiro ake. Saizvozvo akaratidza kuti aida Jehovha zvechokwadi. Aiva akazvipira kuna Mwari nemwoyo wose.

Zvakadii nesu mazuva ano? Jehovha anoziva kuti hatina kukwana uye kuti tinombotadza mune zvatinotaura nezvatinoita. Zvisinei, Mwari haatirongeri zvatichaita muupenyu hwedu achishandisa kukwanisa kwaanoita kuziva ramangwana redu. Akatisika sevanhu vanokwanisa kusarudza uye anosiya tichiita zvatinoda—chipo chaakangotipawo zvake.

Zvisinei, dzimwe nguva Jehovha anotiedza kuti aone zvatiri mukati, kusanganisira zviri mupfungwa dzedu. Angaita izvi nokubvumira mikana yokuti tibudise zviri pamwoyo pedu. Angabvumirawo mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kana kuti matambudziko kuti abudise patimire chaipoipo. Izvi zvinotipa mukana wokuratidza Jehovha kuti takazvipira uye takavimbika kusvika papi. Miedzo yakadaro inobvumirwa naJehovha ingaratidza kusimba kwakaita kutenda kwedu, kana ‘takakwana uye takanaka muzvinhu zvose, tisina chatinoshayiwa.’—Jakobho 1:2-4.

Muedzo Wokutenda Wakaitika Kare Kare

Miedzo yokutenda uye yezvinofungwa nemunhu hazvisi zvitsva kuvashumiri vaJehovha. Funga nezvaAbrahamu. “Mwari wechokwadi akaedza Abrahamu.” (Genesisi 22:1) Mashoko iwayo akazotaurwa, kutenda Mwari kwaAbrahamu kwatoedzwa kare. Izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga akumbira Abrahamu nemhuri yake kuti vabve muguta rakanga rakapfuma reUri vachienda kunyika yavakanga vasingazivi. (Genesisi 11:31; Mabasa 7:2-4) Abrahamu angangodaro aiva nemba muUri asi haana kutenga imba muKenani, maakagara kwemakore anenge zana. (VaHebheru 11:9) Kuva nhenderekwa kwaAbrahamu kwakaita kuti iye nemhuri yake vave nematambudziko enzara, vanetswe nemakororo aishandisa zvombo, uye nevahedheni vaitonga nzvimbo iyoyo. Pose apa, kutenda kwaAbrahamu kwakaratidza kuti kwaiva kwakasimba zvikuru.

Zvino Jehovha akazoedza Abrahamu nemuedzo mukuru. “Ndapota, tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka, . . . umupe sechinopiwa chinopiswa.” (Genesisi 22:2) Isaka aisangova mwanakomanawo zvake waAbrahamu. Aiva zai regondo raAbrahamu nomudzimai wake Sara. Isaka aiva mwanakomana akanga avimbiswa Abrahamu, “mwana” wake waaitarisira kuti aizogara munyika yeKenani uye aizokomborera vanhu vakawanda, maererano nezvakanga zvavimbiswa naMwari. Chokwadi, Isaka ndiye mwanakomana uyo Abrahamu aitarisirwa kuva naye uye akaberekwa Mwari paakaita chishamiso!—Genesisi 15:2-4, 7.

Unogona kufungidzira kuoma kwazvaiva zvakaita kuti Abrahamu ateerere murayiro iwoyo. Jehovha aida chibayiro chomunhu here? Jehovha aigodirei kuita zindakupa zindakutorera kuna Abrahamu akanga achembera? *

Asina mhinduro dzinonzwisisika kumibvunzo iyi, Abrahamu akakurumidza kuteerera. Zvakamutorera mazuva matatu kuti asvike kugomo raiva rasarudzwa. Ikoko akavaka atari ndokuisa huni pamusoro. Zvino nguva yomuedzo yakanga yasvika. Abrahamu akabata banga rokuurayisa, uye ava kuda kumuti zho, Jehovha kuburikidza nengirozi akabva amumisa achiti: “Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete.” (Genesisi 22:3, 11, 12) Funga kuti Abrahamu akafara sei paakanzwa mashoko iwayo! Maonero akanga aita Jehovha kutenda kwaAbrahamu aiva akarurama. (Genesisi 15:5, 6) Nokukurumidza, Abrahamu akabayira gondohwe panzvimbo paIsaka. Jehovha akabva ataurazve achisimbisa zvaakanga avimbisa nezvesungano yemwana waAbrahamu. Nokudaro, Abrahamu akazova shamwari yaMwari.—Genesisi 22:13-18; Jakobho 2:21-23.

Kutenda Kwedu Kunoedzwawo

Tose tinoziva kuti nhasi vashumiri vaMwari havagoni kunzvenga miedzo. Zvisinei, kwatiri muedzo unganyanyorerekera kune zvinobvumirwa naJehovha kuti zviitike pane zvaanotiudza kuti tiite.

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Tingatambudzwa nevatinodzidza navo, shamwari, hama, vavakidzani, kana kuti vakuru vakuru vehurumende vanenge vanyeperwa. Kungasanganisira kutukwa kana kurohwa pamwe chete nokuvhiringidzwa basa rokuwanisa muKristu chouviri. VaKristu vechokwadi vanowirwawo nematambudziko evanhu vose—urwere, kuora mwoyo, uye kusabatwa zvakanaka. Miedzo yose iyi inoedza kutenda kwemunhu.

Muapostora Petro akaratidza zvakanakira kuti kutenda kwomunhu kuedzwe achiti: “Mave muchishungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana, kuti kutenda kwenyu kwakaedzwa, kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inoparara pasinei nokuedzwa kwayo nomoto, kuwanikwe kuri chinhu chinoita kuti pave nokurumbidzwa nokubwinya nokukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.” (1 Petro 1:6, 7) Chokwadi, zvinoitwa nemiedzo zvakafanana nezvinoitwa nemoto pakuchenesa goridhe. Kuchenesa ikoko kunoita kuti goridhe riende kwaro tsvina ichienda kwayo. Zvakafanana zvinoitikawo pakutenda kwedu patinowirwa nemiedzo.

Somuenzaniso, tsaona kana kuti njodzi inongoitika yoga ingaita kuti upenyu huome. Kunyange zvikadaro, vaya vane kutenda kwechokwadi havangorambi vongochema nhamo yavo. Vanonyaradzwa nezvakavimbiswa naJehovha achiti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5) Vanoramba vachiita kuti kunamanata kuve chinhu chokutanga kuita pane zvose, vachivimba kuti Jehovha Mwari achakomborera zvavanoita kuti vawane zvavanoda. Kutenda kwavo kunovaita kuti vashingirire munguva dzakaoma uye kuti vasazviomesera nokufunga zvimwe zvisina basa.

Miedzo zvainoratidza pasina kusimba mukutenda kwedu inogonawo kubatsira kana tikanzwisisa kuti zvinokosha kuti tipagadzirise. Munhu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndingasimbisa sei kutenda kwangu? Ndinofanira kuwedzera nguva yandinodzidza nokufungisisa Shoko raMwari here? Ndiri kushandisa mikana yose yokupinda misangano nevandinonamata navo here? Pane zvinondinetsa, ndinozvivimba here nepo ndichifanira kuzviudza Jehovha Mwari?’ Zvisinei, aya anongova mavambo chete.

Kuti munhu asimbise kutenda zvinoda kuti ave nechido nezvokunamata, achiratidza ‘kupanga mukaka usina kushatiswa weshoko.’ (1 Petro 2:2; VaHebheru 5:12-14) Tinofanira kushanda nesimba kuti tive somunhu anorondedzerwa nomunyori wepisarema achiti: “Anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku.”—Pisarema 1:2.

Izvi hazvirevi kungoverenga Bhaibheri. Zvinokosha kuti tifunge zvatiri kuudzwa neShoko raMwari uye toshandisa mazano ari kupiwa. (Jakobho 1:22-25) Izvozvo zvinoguma zvaita kuti tiwedzere kuda kwatinoita Mwari, minyengetero yedu yova inonyatsobuda pachena pane zvatinoda, uye kutenda kwedu maari kwova kwakasimba.

Kukosha Kwokutenda Kwakaedzwa

Kuziva kuti kutenda kunokosha zvikuru kuti tidiwe naMwari chikonzero chikuru chokuti tide kukusimbisa. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Naizvozvo, tinofanira kunzwa sezvakaita murume akakumbira Jesu kuti: “Ndibatsirei pandinoda kutenda!”—Mako 9:24.

Miedzo yokutenda kwedu inogona kubatsirawo vamwe. Somuenzaniso, kana muKristu akafirwa newaanoda, anoshingiswa nokutenda kwake kwakasimba muvimbiso yaMwari yokuti vakafa vachamutswa. Anochema, asi ‘anorega kusuruvara sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.’ (1 VaTesaronika 4:13, 14) Vamwe pavanoona kushingiswa nokutenda kwomuKristu wacho vangasvika pakuziva kuti ane chimwe chinhu chinokosha zvechokwadi. Zvingaita kuti mumwoyo mavo vave nechido chokuva nokutenda kwakadaro, vade kudzidza Shoko raMwari uye vova vadzidzi vaJesu Kristu.

Jehovha anoziva kuti kutenda kwakaedzwa kunokosha zvikuru. Kunze kwaizvozvo, miedzo yokutenda inoita kuti tione kana kutenda kwedu kuchigona kutishingisa. Tinobatsirwa kuona pakaneta kutenda kwedu, zvotiita kuti tikwanise kupagadzirisa. Pakupedzisira, tikabudirira patinoedzwa tingabatsira vamwe kuti vave vadzidzi vaKristu. Naizvozvo ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba, kutenda kunoti kana kwasangana nemiedzo yakawanda kuve “chinhu chinoita kuti pave nokurumbidzwa nokubwinya nokukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.”—1 Petro 1:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Nezvezvaifananidzirwa ne“chibayiro” chaIsaka, ona Nharireyomurindi, yaJuly 1, 1989, peji 22.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mabasa aAbrahamu okutenda akamuita kuti ave shamwari yaJehovha

[Mifananidzo iri papeji 15]

Miedzo inoratidza kana kutenda kwedu kuchigona kutishingisa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]

Kubva mubhuku rinonzi Illustrated Edition of the Holy Scriptures, raCassell, Petter naGalpin