Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinobatsirwa Nokutsungirira Kutambura

Tinobatsirwa Nokutsungirira Kutambura

Tinobatsirwa Nokutsungirira Kutambura

“Tinoti vanofara vaya vakatsungirira.”—JAKOBHO 5:11.

1, 2. Chii chinoratidza kuti Jehovha akanga asina chinangwa chokuti vanhu vatambure?

HAPANA munhu anoda kutambura; uyewo Musiki wedu, Jehovha Mwari, haadi kuti vanhu vatambure. Izvi tinozviona patinoongorora Shoko rake rakafuridzirwa uye toona zvakaitika pashure pokunge asika murume nomukadzi. Kutanga, Mwari akasika murume. Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” (Genesisi 2:7) Adhamu aiva nomuviri nepfungwa zvakakwana, uye aisafanira kurwara kana kufa.

2 Adhamu airarama munzvimbo yakaita sei? “Jehovha Mwari akagadzira munda muEdheni, nechokumabvazuva, akaisamo munhu waakanga aumba. Nokudaro Jehovha Mwari akameresa miti yose inoyevedza panyika, yakanakira kudya.” (Genesisi 2:8, 9) Chokwadi Adhamu aiva nomusha wakanaka zvikuru. MuEdheni maiva musina kutambura.

3. Vanhu vaviri vokutanga vaitarisira kuitei?

3 Genesisi 2:18 inotiudza kuti: “Jehovha Mwari akati: ‘Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.’” Jehovha akazosika mukadzi akakwana waakapa Adhamu, achiita kuti vatarisire upenyu hwemhuri inofara. (Genesisi 2:21-23) Bhaibheri rinotiudza zvakare kuti: “Mwari akavakomborera, Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.’” (Genesisi 1:28) Vanhu vaviri vokutanga vaiva nomukana unofadza wokukudza Paradhiso yomuEdheni kusvikira yazadza pasi pose, nyika yose ichiva paradhiso. Vaizobereka vana vanofara, vaisatambura. Unenge uchadei!—Genesisi 1:31.

Kutanga Kwakaita Kutambura

4. Patinotarisa nhoroondo, chii chiri pachena nezvevanhu?

4 Asi patinotarisa nhoroondo yose youpenyu hwevanhu, zviri pachena kuti pane pakaendeswa zvinhu musango. Zvakaipa zviri kuitika uye vanhu vari kutambura zvikuru. Mumakore ose aya, vana vose vaAdhamu naEvha vari kurwara, kuchembera uye kufa. Nyika iri kure kure nokuva paradhiso yakazara nevanhu vanofara. Mamiriro enyaya yacho anodedemurwa pana VaRoma 8:22: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”

5. Vabereki vedu vokutanga vanokwana sei munyaya yakazoguma nokutambura kwevanhu?

5 Jehovha haapiwi mhosva pakutambura kukuru kwevanhu kwagara nguva yakareba kudai. (2 Samueri 22:31) Imwe imhosva yevanhu. “Vakaita zvakashata, vakaita zvinosemesa pane zvavakaita.” (Pisarema 14:1) Vabereki vedu vokutanga vakatanga nokupiwa zvinhu zvose zvakanaka. Chaingodiwa chete kuti zvirambe zvakadaro kwaiva kuteerera Mwari, asi Adhamu naEvha vakasarudza kusiyana naJehovha. Kubva pakavasiya Jehovha, vabereki vedu vokutanga vakanga vasisina kukwana uye akanga asisavatsigiri. Vaizochembera zvishoma nezvishoma kusvikira vafa. Kusakwana kwakatapukirawo kwatiri.—Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12.

6. Satani akaitei kuti kutambura kuvepo?

6 Mumwewo ari munyaya yokutanga kwakaita kutambura kwose chisikwa chomudzimu chakazonzi Satani Dhiyabhorosi. Akapiwa kodzero yokusarudza. Zvisinei, akatadza kushandisa kodzero iyoyo achida kunamatwa. Nepo ndiJehovha chete anofanira kunamatwa kwete zvaakasika. Satani ndiye akaita kuti Adhamu naEvha vabve kuna Jehovha sokunge kuti vadaro ‘vaizofanana naMwari, vachiziva zvakanaka nezvakaipa.’—Genesisi 3:5.

NdiJehovha Chete Ane Kodzero Yokutonga

7. Magumo okupandukira Jehovha anoratidzei?

7 Magumo akaipa okupandukira anoratidza kuti Jehovha chete, Changamire Wezvinhu zvose, ndiye ane kodzero yokutonga uye kutonga kwake chete ndiko kwakarurama. Zviuru zvemakore zvapfuura zvakaratidza kuti Satani, uyo akava “mutongi wenyika ino,” ane matongero akaipa, asina kururama uye emhirizhonga asingambofi akabudirira. (Johani 12:31) Kuzvitonga kwevanhu kunosiririsa kwenguva yakareba vari pasi paSatani kwaratidzawo kuti vanhu havakwanisi kutonga zvakarurama. (Jeremiya 10:23) Nokudaro, utongi hwose hungafungwa nevanhu kunze kwehwaJehovha hunofanira kukundikana. Nhoroondo yakanyatsozviratidza pachena.

8. Jehovha ane chinangwa chei noutongi hwose hwevanhu, uye achazadzisa sei chinangwa ichocho?

8 Jehovha zvaakabvumira zviuru zvemakore kuti vanhu vaedze kutonga vasingatungamirirwi naye, zvakakodzera kuti abvise utongi hwose huri pano panyika achihutsiva nehurumende yake. Uprofita hunotaura nezvazvo hunoti: “Mumazuva emadzimambo iwayo [utongi hwevanhu], Mwari wokudenga achamutsa umambo [hurumende yake yokudenga inotungamirirwa naKristu] husingazomboparadzwi. . . . Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:44) Utongi hwemadhimoni nehwevanhu huchapera, uye Umambo hwaMwari hwokudenga ndihwo chete huchavapo huchitonga panyika. Kristu achava ari Mambo uye achabatsirwa nevanhu 144 000 vakatendeka vakatorwa panyika.—Zvakazarurwa 14:1.

Kubatsirwa Nokutambura

9, 10. Jesu akabatsirwa sei nokutambura kwaakaita?

9 Ngatitarisei zvinofanira kuva nevaya vachatonga muUmambo hwokudenga. Kutanga, Kristu Jesu akaratidza kuti akanyatsokodzera kuva Mambo. Akapedza nguva yakawanda zvikuru aina Jehovha achiita zvaidiwa naBaba vake ari “mhizha” yavo. (Zvirevo 8:22-31) Jehovha paakaronga kuti auye panyika, Jesu akabvumirana nazvo pasina kumanikidzwa. Ari pano akaita basa rokuudza vamwe nezvoUmambo hwaJehovha nouchangamire hwake. Jesu akatisiyira gwara rakanakisisa nokuzviisa zvachose pasi pouchangamire ihwohwo.—Mateu 4:17; 6:9.

10 Jesu akatambudzwa uye pakupedzisira akaurayiwa. Paaiita ushumiri hwake, akaona kusiririsa kwaiita vanhu vaaisangana navo. Pane zvaakabatsirwa nazvo here nokuona izvozvo uye nokutambura kwaakaita pachake? Hungu. VaHebheru 5:8 inoti: “Kunyange zvazvo akanga ari Mwanakomana [waMwari], akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura.” Zvinhu zvakasangana naJesu paaiva pano pasi zvakaita kuti anyanye kunzwisisa uye kunzwira tsitsi. Akazvionera ega zvakaita upenyu hwevanhu. Akanzwira tsitsi vaitambura zvokuti akanyatsonzwisisa basa rake rokuvaponesa. Ona kutaurwa kwazvinoitwa nomuapostora Pauro mubhuku reVaHebheru achiti: “Aisungirwa kuti ave se‘hama’ dzake muzvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari, kuti ape chibayiro chokuyananisira zvivi zvevanhu. Nokuti iye zvaakatambura paaiedzwa, anokwanisawo kuyamura vaya vari kuedzwa.” “Tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi. Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kukodzera kuwanwa, kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwe mutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.”—VaHebheru 2:17, 18; 4:14-16; Mateu 9:36; 11:28-30.

11. Zvakasangana nevachava madzimambo nevapristi pano pasi zvichavabatsira sei pavanenge vava kutonga?

11 Izvozvo zvinogona kutaurwawo nezvevane 144 000 “vakatengwa” vachibva panyika kuti vanotonga pamwe chete naKristu Jesu muUmambo hwokudenga. (Zvakazarurwa 14:4) Vose vakaberekwa pano panyika, vakakurira munyika ine vanhu vanotambura, uye ivo pachavo vakatambura. Vakawanda vakatambudzwa, uye vamwe vakatourayiwa nokuti vakaramba vakavimbika kuna Jehovha vachida kutevera Jesu. Asi havana ‘kunyara kupupurira Ishe wavo, vachitamburawo nezvinhu zvakaipa nokuda kwemashoko akanaka.’ (2 Timoti 1:8) Zvavakasangana nazvo pano pasi zvinovaita kuti vakodzere kutonga vanhu ivo vari kudenga. Vakadzidza kunyanya kunzwira tsitsi, mutsa, uye kuda kubatsira vanhu.—Zvakazarurwa 5:10; 14:2-5; 20:6.

Mufaro Wevanotarisira Kugara Panyika

12, 13. Kutambura kunobatsira sei vaya vanotarisira kurarama pano pasi?

12 Kutambura kunobatsira here vaya vanotarisira kurarama nokusingaperi pano pasi muparadhiso inenge isina kurwara, kusuwa kana kufa? Marwadzo nenhamo zvokutambura hazvifadzi. Asi patinotsungirira kutambura kwakadaro, unhu hwedu hwakanaka hunokwenenzverwa uye tinova nomufaro.

13 Funga zvinotaurwa nezvazvo neShoko raMwari rakafuridzirwa richiti: “Kunyange kana mukatamburira kururama, muchafara.” “Kana muri kuzvidzirwa zita raKristu, munofara.” (1 Petro 3:14; 4:14) “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga.” (Mateu 5:11, 12) “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti paanotenderwa achagamuchira korona youpenyu.”—Jakobho 1:12.

14. Chii chinoita kuti kutambura kufadze vanamati vaJehovha?

14 Hakusi kutambura kwatinoita kunoita kuti tifare. Mufaro wacho nokugutsikana zvinobva pakuziva kuti tiri kutambura nokuti tiri kuita zvinodiwa naJehovha uye tiri kutevedzera zvakaitwa naJesu. Somuenzaniso, muzana remakore rokutanga, vamwe vaapostora vakaiswa mujeri ndokumiswa mudare repamusoro revaJudha uye vakapiwa mhosva yokuparidza nezvaJesu Kristu. Vakazvamburwa ndokusunungurwa. Vakazvitambira sei? Bhaibheri rinoti “vakabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake.” (Mabasa 5:17-41) Havana kufara nokurikitwa nokurwadziwa kwavakaita, asi vakafara nokuti vakanzwisisa kuti zvakaitika nokuti vakaramba vakavimbika kuna Jehovha uye vakatevera tsoka dzaJesu.—Mabasa 16:25; 2 VaKorinde 12:10; 1 Petro 4:13.

15. Kutsungirira kwatinoita miedzo iye zvino kuchatibatsira sei mune ramangwana?

15 Kana tikatsungirira kunetswa nokutambudzwa tiine maonero akanaka, zvinoita kuti tive vanotsungirira. Zvichatibatsira kutsungirira kutambura kuchauya. Tinoverenga kuti: “Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo, zvamunoziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti pave nokutsungirira.” (Jakobho 1:2, 3) VaRoma 5:3-5 inotiudzawo zvakafanana ichiti: “Ngatipemberei nomufaro patinenge tiri pakutambudzika, zvatinoziva kuti kutambudzika kunobereka kutsungirira; kutsungirira kuchibereka kutenderwa; kutenderwa kuchibereka tariro, uye tariro haiiti kuti pave nokuora mwoyo.” Nokudaro patinonyanya kutsungirira miedzo sevaKristu, tinogadzirira zviri nani kukunda mimwe miedzo inouya munyika ino yakaipa.

Jehovha Achatsividza

16. Chii chichaitwa naJehovha kune vaya vachava madzimambo nevapristi chicharipa kutambura kwavo?

16 Kunyange patinorasikirwa nezvinhu nemhaka yokurwiswa kana kutambudzwa nokuti tinoomerera padzidziso dzechiKristu, tinonyaradzwa nokuziva kuti Jehovha achatidzorera zvose. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyorera vamwe vaitarisira kuenda kudenga kuti: “Makabvuma nomufaro kuti zvinhu zvenyu zvipambwe, muchiziva kuti imi mune zvinhu zviri nani uye zvinogara,” kutonga muUmambo hwaMwari. (VaHebheru 10:34) Fungidzira mufaro wavachava nawo pavanenge vava kutungamirirwa naJehovha naKristu vachiita kuti zvikomborero zvisingatauriki zviende kuvanhu vanenge vachigara munyika itsva. Mashoko aPauro aakanyorera vaKristu vakatendeka ndeechokwadi anoti: “Ndinoona kuti kutambura kuzhinji kwomwaka uno uripo hakumboenzaniswi nokubwinya kuchazoratidzwa matiri.”—VaRoma 8:18.

17. Jehovha achaitirei vanomushumira vakatendeka vari kutarisira kuzorarama pano pasi?

17 Zvakangofananawo nevaya vanotarisira kuzorarama pano pasi. Zvose zvavangarasikirwa nazvo kana kuti zvavangasiya vachida kushumira Jehovha, achavaripa zvokuti huyai muzoona nezvaachavaitira mune ramangwana. Achavapa upenyu hwakakwana, husingaperi muparadhiso pano pasi. Munyika itsva iyoyo, Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:4) Ivimbiso yakazonaka! Hapana zvinhu zvatingasiya tichida kana kuti tisingadi munyika ino nokuti tinoshumira Jehovha zvingaenzana noupenyu hunoshamisa huchauya, hwaachapa vashumiri vake vakatendeka vanotsungirira kutambura.

18. Chii chinotinyaradza chatinovimbiswa naJehovha muShoko rake?

18 Kutambura kwose kwatichatsungirira hakusi kuzotadzisa kutapirirwa kwatichaitwa noupenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. Zvose izvozvo zvichabhadharwa noupenyu hwokugara tatata munyika itsva. Isaya 65:17, 18 inotiudza kuti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo. Asi pemberai nomufaro, uye farirai zvandiri kusika nokusingaperi.” Saka zvaiva zvakakodzera kuti munun’una waJesu Jakobho ataure kuti: “Tinoti vanofara vaya vakatsungirira.” (Jakobho 5:11) Chokwadi, kana tikatsungirira kutambura takatendeka, zvinotibatsira iye zvino uye mune ramangwana.

Ungapindura Sei?

• Zvakafamba sei kuti vanhu vatambure?

• Kutambura kungabatsira sei vanhu vachatonga pasi nevachagara pariri?

• Nei tingafara iye zvino pasinei nokutambura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vabereki vedu vokutanga vaiva neramangwana rakanaka kwazvo

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuona vanhu vachitambura kwakabatsira Jesu kuti azova Mambo akanaka noMupristi Mukuru

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vaapostora ‘vakafara nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa’ kutenda kwavo