Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Magwaro echiKristu echiGiriki anoshandisa shoko rokuti “ungano” munzira dzipi ina?

Shoko racho rinonyanya kushandiswa richireva boka rose revakazodzwa (mune dzimwe ndima Kristu aripowo). Dzimwe nguva kuti “ungano yaMwari” zvinoreva vaKristu vose vanenge vachirarama panguva imwe chete. Kechitatu rinoreva vaKristu vose vanenge vari pane imwe nzvimbo. Pakupedzisira, ringarevawo vaKristu vanenge vachiumba ungano imwe chete.—4/15, mapeji 21-3.

• Kusarudzwa kwevaKristu vanoenda kudenga kunoguma rini?

Bhaibheri haripinduri mubvunzo iwoyo zvinonyatsoti dyo. Kusarudzwa ikoko kwakatanga muna 33 C.E. kusvikira mazuva ano. Pashure pegore ra1935 chinangwa chebasa rokuita vanhu vadzidzi chakava chokuunganidza boka guru. Vamwe vakabhabhatidzwa 1935 adarika vakapupurirwa nomudzimu kuti vane tariro yokudenga, saka hatigoni kutaura musi unoguma kusarudzwa ikoko. Vakasarudzwa zvechokwadi havana mudzimu mutsvene wakawanda kupfuura vamwe, uyewo havatarisiri kuti vamwe vavashandire. Pasinei netariro yavo, vaKristu vanofanira kuva vakatendeka voramba vachiita zvinodiwa naMwari.—5/1, mapeji 30-1.

• Jefta paakaita mhiko yake, akanga agadzirira kupa Mwari mwanasikana wake sechibayiro chinopiswa here?

Kwete. Jefta aireva kuti aizotsaura munhu waaizosangana naye kuti anoita basa raMwari chete, zvinhu zvaibvumirwa noMutemo waMosesi. (1 Samueri 2:22) Pakuzadzika mhiko iyoyo, mwanasikana waJefta akaramba achishumira ari patebhenekeri, kuzvipira kukuru nokuti aisazombofa akaroorwa.—5/15, mapeji 9-10.

• Kodhekisi yakaitei pakutanga kwechiKristu?

Zvinoita sokuti vaKristu vainyanya kushandisa mupumburu, kusvikira panenge pakupera kwezana remakore rokutanga C.E. Kubvira pakupera kwezana remakore iroro kusvikira kune rechitatu C.E., pakava nemakakatanwa, vamwe vachitsigira kodhekisi vamwewo vachitsigira mupumburu. Kunyange zvakadaro, nyanzvi dzinofunga kuti kushandiswa kwaiitwa kodhekisi nevaKristu kwakabatsira chaizvo kuti igamuchirwe nevakawanda.—6/1, mapeji 14-15.

• Karenda yeGezeri chii?

Ihwendefa duku reraimu rakawanikwa muna 1908 pamatongo eguta reGezeri. Vakawanda vanofunga kuti rakanyorwa nomukomana wechikoro aidzidzira kuverenga mwedzi. Hwendefa duku iri rine mwaka yegore yakanyorwa zviri nyore kunzwisisa, kutangira panguva yokukohwa, mwedzi inoenderana naSeptember/October uye rinotaura zvirimwa nemabasa okurima akasiyana-siyana.—6/15, peji 8.

• Kutadzira mudzimu mutsvene kudii?

Zvinoita kuti munhu atadzire mudzimu mutsvene waJehovha, chivi chisingakanganwirwi. (Mateu 12:31) Mwari ndiye anosarudza kana takaita chivi chisingakodzeri kukanganwirwa, uye anogona kutitorera mudzimu wake. (Pisarema 51:11) Kana tichinetseka zvikuru nechivi chatakaita, tingangove tiri kupfidza zvepachokwadi nokudaro tinenge tisina kutadzira mudzimu.—7/15, mapeji 16-17.

• Sezvo Mambo Sauro aive amboshanda naDhavhidhi, nei akazobvunza kuti aiva mwanakomana waani? (1 Samueri 16:22; 17:58)

Sauro akanga asingadi kungoziva chete zita rababa vaDhavhidhi. Zvaakanga aona kuti Dhavhidhi aiva nokutenda uye akashinga zvokukurira Goriyati, Sauro aida kuziva kuti aiva murume akaita sei aiva nomukomana akadaro. Sauro angadaro akafunga kuti Jese kana kuti vamwe vomumhuri make vavewo muuto.—8/1, peji 31.