Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Yemura Kugadzirwa, Dzidza Nezvomugadziri

Yemura Kugadzirwa, Dzidza Nezvomugadziri

Yemura Kugadzirwa, Dzidza Nezvomugadziri

WAKAMBONZWA here nezvomunhu ainzi Michelangelo? Murume wokuItaly aidhirowa mifananidzo nokuveza matombo (mufananidzo wake nomumwe waakadhirowa iri papeji ino). Ukaona chimwe chezvaakadhirowa, haungarambi zvakataurwa nomumwe munyori wenhoroondo kuti “aigona zvinoshamisa zvisina kana ani akamboona.” Munhu wose anoona mabasa aMichelangelo anobvuma. Ndiani aizorumbidza basa raMichelangelo asi oramba kubvuma kuti aiva nyanzvi yaigona kuveza nokudhirowa mifananidzo?

Iye zvino chifunga kushamisa kunoita kuwanda nokusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu zviri panyika pano. Panyaya iyoyo, pepanhau reThe New York Times rakataura kuti mumwe purofesa wesayenzi yezvinhu zvipenyu akati: “Uchapupu hwokuti zvinhu zvakagadzirwa nounyanzvi hunoonekwa patinodzidza nezvezvinhu zvipenyu.” Akawedzera kuti: “Zvinhu zvipenyu zvinotiomesa mate mukanwa nokugadzirwa kwazvakaitwa nounyanzvi.” Kuvimbika here kurumbidza unyanzvi hwokugadzira usingabvumi kuti kune akagadzira?

Muapostora Pauro, munhu ainyatsoongorora zvinhu zvaive zvakamupoteredza akataura nezvevanhu “vakaremekedza uye vakashumira chisikwa kupfuura akachisika.” (VaRoma 1:25, Darby) Nemhaka yokupararira kwedzidziso yokushanduka-shanduka, vamwe vanoramba kana kuti vanotadza kuona kuti kugadzirwa kwezvinhu nounyanzvi kunoratidza kuti panofanira kuva neakazvigadzira. Asi dzidziso yokushanduka-shanduka inoratidza zvakanyatsoita sayenzi yechokwadi here? Ona zvakataurwa naChristoph Schönborn, bhishopi mukuru wechiKaturike kuVienna muThe New York Times kuti: “Dzidziso yose inoramba kana kuti inoedza kurerutsa uchapupu hwakawanda hwokugadzirwa nounyanzvi kwezvinhu zvipenyu, idzidziso isiri yechokwadi kwete sayenzi.”

Zvingagumisa Sayenzi Here?

Zvisinei, pane vamwe vanotyira kuti kubvuma uchapupu hunoratidza kuti kune Musiki “kungatadzisa kuita tsvakurudzo musayenzi.” Nyaya yakabuda mumagazini inonzi New Scientist yakataurawo izvozvo ichiti “kudzidza zvakusingaperi musayenzi, kutsvakurudza kwaizoregwa nokuti zvinhu zvinenge zvava kungonzi ‘akagadzira ndiye akazviita.’” Zvinhu zvokutyira here izvozvo? Kana! Tikabvuma kuti kune akagadzira tatogona. Nei?

Kubvuma kuti zvakasikwa zviri kudenga nepasi zvakangoerekana zvavapo nokushanduka-shanduka chaizvoizvo kuedza kutiza chokwadi. Asiwo kubvuma kuti Musiki akachenjera ndiye akasika zvinhu zvose zvatinoona kunoita kuti titsvakurudze zvakaita uchenjeri hwake hunooneka mune zvakasikwa uye mashandisiro aanohuita. Funga izvi: Kuziva kuti Leonardo da Vinci akaita mufananidzo unonzi “Mona Lisa” hakuna kumisa vanyori venhoroondo dzokunyorwa kwemifananidzo kuongorora unyanzvi hwake uyewo zvinhu zvaakashandisa. Saizvozvowo, kubvuma kuti kune akagadzira hakufaniri kutiodza mwoyo kwotitadzisa kuongorora kusanzwisisika kwemagadziriro ounyanzvi uyewo zvinhu zvaakasika.

Pane kutadzisa tsvakurudzo kuenderera mberi, Bhaibheri rinokurudzira kutsvaka mhinduro kumibvunzo yesayenzi uyewo yezvokunamata. Mambo Dhavhidhi wekare akafunga nezvokugadzirwa nounyanzvi kwakaitwa muviri wake. Akaguma nokutaura kuti: “Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.” (Pisarema 139:14) Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotaura nezvoMusiki achibvunza tateguru Jobho kuti: “Wakambonzwisisa nezvenzvimbo dzakafara dzenyika here?” (Jobho 38:18) Izvozvo hazvimboratidzi kuti zvingatadzisa kuongorora nokutsvakurudza. Pane kudaro, pano Nyanzvi yokugadzira zvinhu yakakurudzira kuongororwa kwebasa rayo. Fungawo nezvemashoko anokurudzira akanyorwa nomuprofita Isaya anotirayira kuwedzera kunzwisisa kwatinoita akasika zvinhu zvose, anoti: “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi?” (Isaya 40:26) Zvechokwadi, Isaya 40:26 inotaura chokwadi chokuti zvinhu zvakavapo zvichibva pasimba rakakura romunhu ane simba. Chokwadi ichocho chinoenderana nezvakawanikwa nevezvesayenzi mukuongorora kwavo.

Chokwadi, mhinduro kumibvunzo yokusika hadziwanikwi nyore nyore. Zvimwe zvinokonzerwa nokuti masimba edu okunzwisisa mashoma uye zvatinoziva munyika yatinorarama hazvina kukwana. Jobho akanzwisisa izvozvo. Akarumbidza Musiki uyo akaturika nyika pasina chinhu uyewo achiputira mvura mumakore ayo anorembera pamusoro penyika. (Jobho 26:7-9) Asi Jobho akazviziva kuti zvinoshamisa izvozvo zvinongova ‘kachikamu kadukuduku kenzira dzoMusiki.’ (Jobho 26:14) Pasina mubvunzo, Jobho aida kuziva zvimwe nezvezvinhu zvaiva munyika. Uye Dhavhidhi akabvuma kuti akanga asingakwanisi kuziva zvose, achiti: “Kuziva kwakadaro kunondishamisa kwazvo. Kwakakwirira kwazvo zvokuti handigoni kukusvikira.”—Pisarema 139:6.

Kubvuma kuti Musiki ariko hakutadzisi kuti sayenzi ifambire mberi. Kuramba tichida kudzidza zvakawanda nezvezvinhu zvakasikwa uyewo zvokunamata zvechokwadi hakuperi uye kucharamba kuripo. Mambo Soromoni uyo aizivikanwa nokuziva zvakawanda, achizvininipisa akanyora kuti: “Akaisa pfungwa dzokusaguma muvanhu, asi vanhu havagoni kunzwisisa basa raMwari raakaita kubva kwarinotangira kusvika kwarinoperera.”—Muparidzi 3:11, Holy Bible—New Life Version.

“NdiMwari Kana Zvaoma Here”?

Vamwe vanoramba kuti zita raMwari rizongopinda kana sayenzi yashaya tsanangudzo inogutsa. Vanenge vachiramba kuti zvinzi ndi“Mwari kana zvaoma.” Chii chinenge chaoma apa? Zvinhu zviduku zvisina basa here muruzivo rwedu? Kwete, zvinhu zvikuru zvisingatsanangurwi nedzidziso yaDarwin yokushanduka-shanduka. Zvinhu zvikuru zvacho tinozviwana muzvinhu zvipenyu izvo dzidziso yokushanduka-shanduka isingagoni kutsanangura. Kutaura chokwadi, vanodavira kushanduka-shanduka vachivimba nezvinotaurwa zvisina zvinotsigira vari kushandisa dzidziso yaDarwin kuti vatsanangure zvinotadza kutsanangurwa nesayenzi.

Mwari anotaurwa nezvake muBhaibheri haasi uya anodiwa kana kutsanangura kwaoma. Asi zvaakaita zvinotsanangurwa maitikiro azvo ose uye zvazvakaita. Munyori wepisarema akataura kuti Jehovha akasika asingagumiri panzira achiti: “Kwamuri ndiko kwakabva zvipenyu zvose, uye nokuda kwechiedza chenyu tinoona chiedza.” (Pisarema 36:9, Today’s English Version) Anonyatsotsanangurwa achinzi: “Ndimi makaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.” (Mabasa 4:24; 14:15; 17:24) Nokuda kwaizvozvo, mumwe mudzidzisi womuzana remakore rokutanga akanyora kuti Mwari “akasika zvinhu zvose.”—VaEfeso 3:9.

Mukuwedzera, Mwari akaisa “mirau yokumatenga,” mitemo inodzora zvinhu zvakasikwa uye simba, mitemo iyo vasayendisiti vachiri kuongorora. (Jobho 38:33) Zvinhu zvaakagadzira nounyanzvi zvakakwana uye zvine chinangwa, zvichiita zvaakagadzirira pasi kuti ripfakanye nezvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana.

Kugadzira Nounyanzvi uye Kuva Nomusoro

Pakupedzisira, ngatitarisei nezvenyaya yokushandisa pfungwa zvine musoro. Munyori wezvesayenzi John Horgan achitaura nezvokuvimbwa kungaitwa dzidziso dzakasiyana-siyana dzesayenzi akati: “Kana uchapupu husina chokwadi, hatifaniri kunyara kushandisa pfungwa zvine musoro.”

Zvine musoro here kutaura kuti upenyu hwakangoerekana hwavapo? Pasinei nokudavirwa kwakapararira kwedzidziso yokushanduka-shanduka, vanhu vakawanda vakachenjera, kusanganisira vasayendisiti, vanobvuma kuti kune Musiki akachenjera. Mumwe muzvinadzidzo wesayenzi anoti pavanhu vose, “voruzhinji vanofunga zvine musoro kuti zvinhu zvipenyu zvakagadzirwa.” Nei zvakadaro? Vanhu vakawanda vanobvuma pasina nharo zvakataurwa nomuapostora Pauro kuti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu.” (VaHebheru 3:4) Pauro anozoenderera mberi achitaura zvine musoro kuti: “Asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” Kubva mune zvinotaurwa neBhaibheri, zviri pachena kuti hazvina musoro kubvuma kuti imba inoda anogadzira neanovaka asi voramba kuti sero rakaoma kunzwisisa raida anogadzira.

Bhaibheri rine zvarinotaura nezveavo vanoramba kuvapo kweAkagadzira uye Musiki richiti: “Benzi rakati mumwoyo maro: ‘Jehovha haako.’” (Pisarema 14:1) Pano, munyori wepisarema anotuka avo vasingabvumi. Munhu angangorotomoka pane kutaura anyatsofunga. Pane kudaro, munhu akachenjera, anonzwisisa anobvuma achizvininipisa kuti kune Musiki.—Isaya 45:18.

Hakusi kurasika kuti vanhu vakawanda vanofunga vadavire uchapupu hunotsigira kuvapo kwoMugadziri Wepamusorosoro.

Unogona Kuziva Akagadzira

Kana tichizviona sevanhu vakagadzirwa, takagadzirirwei? Chinangwa choupenyu hwedu ndechei? Sayenzi yoga haikwanisi kupa mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yakadaro. Zvisinei, nyaya idzi dzinokosha dzinoda mhinduro dzechokwadi uye dzinogutsa. Bhaibheri rinogona kubatsira chaizvo pana izvozvo. Rinotaura kuti Jehovha Musiki uyewo munhu ane chinangwa uyo anoita zvinhu paine zvikonzero zvakanaka. Magwaro anozivisa chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu, richitiudza nezveremangwana zvoita kuti tive netariro.

Kunyange zvakadaro, Jehovha ndiani? NdiMwari akaita sei? Zvapupu zvaJehovha zvinokukurudzira kuti uzive Mugadziri ane unyanzvi somunhu ariko. Unogona kudzidza nezvezita rake uye unhu hwake pakushanda kwaanoita nevanhu. Kuburikidza neShoko rake, Bhaibheri, uchasvika pakunzwisisa kuti nei tisingafaniri kungoyemura kugadzira kwake kunoshamisa asiwo kumurumbidza soMugadziri ane unyanzvi.—Pisarema 86:12; Zvakazarurwa 4:11.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Michelangelo

[Mifananidzo iri papeji 5]

Kudavira kuti kune Akagadzira kunoenderana nesayenzi yechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kusiyana-siyana uye kugona kurarama mumamiriro ezvinhu anenge aripo kunoitwa nezvinhu zvipenyu uchapupu hunoratidza kugadzira noungwaru

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kugadzira kunoda anogadzira