Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvogogadzirwa Sei Pasina Mugadziri?

Zvogogadzirwa Sei Pasina Mugadziri?

Zvogogadzirwa Sei Pasina Mugadziri?

KWAPERA makore anoda kusvika 150 kubva apo Charles Darwin akataura kuti kukwanisa kwezvinhu kurarama mumamiriro ezvinhu anenge aripo ndiko kunoita kuti pave nezvinhu zvipenyu zvakawanda uye zvakasiyana-siyana. Zvisinei, dzidziso yake yokushanduka-shanduka nedzimwewo dzemazuva ano dzakada kufanana nayo dzave kurambwa nevaya vanodavira kuti zvinhu zvipenyu zvakagadzirwa nounyanzvi uye paine chinangwa. Kunyange vamwe vasayendisiti vakawanda vanoremekedzwa havabvumi kuti kushanduka-shanduka ndiko kwakaita kuti pave nezvinhu zvakasiyana-siyana zvatinoona panyika.

Vasayendisiti ivavo vanotaura kuti pane chimwe chikonzero chinoita kuti zvinhu zvisiyane-siyane, ichochi kugadzirwa kwazvo nounyanzvi. Vanoti unyanzvi huri muzvinhu zvakasikwa hunotsigirwa zvakakwana nesayenzi yezvinhu zvipenyu, masvomhu, uye kufunga zvine musoro.Vari kuda kuti izvi zvidzidziswewo muzvikoro. Makakatanwa ezvedzidziso yokushanduka-shanduka ari kuitika kunyanya kuUnited States, asi ari kuitikawo kuEngland, Netherlands, Pakistan, Serbia, uye Turkey.

Kusiyirira Kunomutsa Mubvunzo

Zvisinei, kazhinji pane kusiyirira kunomutsa mubvunzo mukutsigira nemashoko akarukwa kunoitwa nevanotsigira kugadzirwa kwezvinhu nounyanzvi. Vanosiya munhu wacho akagadzira. Unofunga kuti chinhu chingagadzirwa pasina anenge achigadzira here? Pepanhau reThe New York Times rakati vanhu vanotsigira kugadzirwa kwezvinhu nounyanzvi “havabudi pachena kuti akagadzira wacho angava ani kana kuti angava akaita sei.” Munyori anonzi Claudia Wallis akataura kuti vanhu vanotsigira kugadzirwa kwezvinhu nounyanzvi “vanonyatsova nechokwadi chokuti havatauri nezvaMwari.” Pepanhau reNewsweek rakataurawo kuti “pfungwa yokugadzirwa kwezvinhu nounyanzvi haitauri nezvokuvapo kana kutiudza nezvomunhu wacho akagadzira.”

Zvisinei, unokwanisa kunzwisisa kuti hazvina musoro kuedza kusataura nezvomunhu wacho akagadzira. Kutsanangura kugadzirwa kwezvinhu zvose uye kwoupenyu pachahwo kungava kwakakwana sei kana akagadzira wacho achinyenyeredzwa kana kuti asingatombotaurwi nezvake?

Makakatanwa okuti vobvuma here kana kuti voramba kuti kune akagadzira anenge anobva pamibvunzo iyi inotevera: Kubvuma kuti kune nyanzvi yakagadzira zvinhu zvose kungatadzisa kufambira mberi kwesayenzi nokwedzidzo here? Mugadziri ane unyanzvi anozonzi ndiye akagadzira chete kana pashayika imwe tsananguro here? Zvine musoro here kugumisa kuti kune akagadzira kana taona zvinhu zvakagadzirwa nounyanzvi? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi nemimwewo yakadaro.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Charles Darwin aidavira kuti kukwanisa kwezvinhu kurarama mumamiriro ezvinhu anenge aripo ndiko kunoita kuti pave nezvinhu zvipenyu zvakawanda

[Kwazvakatorwa]

Darwin: From a photograph by Mrs. J. M. Cameron/U.S. National Archives photo