Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha

Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha

Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha

“Semiseve iri muruoko rwomurume ane simba, ndizvo zvakaita vanakomana vouduku.”—PISAREMA 127:4.

1, 2. Vana vakafanana sei ne“miseve iri muruoko rwomurume ane simba”?

MUVHIMI anokunga uta hwake ava kuda kupfura. Anosadharara onyatsohutatamura. Pasinei nesimba rakawanda raanoshandisa, anonyatsotora nguva yake kuti anange chaari kuda kupfura. Anobva auregedzera! Museve wacho uchanobaya here? Zvinoenderana nokuti muvhimi wacho mudzimba zvakadini, kuri kuenda mhepo, uye zvinenge zvakaita museve wacho.

2 Mambo Soromoni akafananidza vana ne“miseve iri muruoko rwomurume ane simba.” (Pisarema 127:4) Chimbofunga kuti mufananidzo uyu unoshanda sei. Muvhimi anenge akabata museve kwenguva pfupi chete. Kuti apfure, anofanira kukurumidza kuuregedzera. Saizvozvowo, vabereki vanongova nenguva pfupi chete yokudzidzisa vana vavo kuti vade Jehovha nomwoyo wavo wose. Pashure pemakore mashomanana chete, vana vanokura uye vanobva pamba. (Mateu 19:5) Museve wavo uchabaya here, kureva kuti vana vacharamba vachida Mwari uye vachimushumira kana vabva pamba here? Pane zvakawanda zvinobatanidzwa. Zvitatu zvacho zvinosanganisira unyanzvi hwomubereki, marererwo evana vacho, uye kuteerera kunoita ‘museve,’ kana kuti mwana wacho zvinhu zvaanodzidziswa. Ngatinyatsokurukurai chimwe nechimwe chezvinhu izvi. Kutanga, tichakurukura zvimwe zvinhu zvinoitwa nomubereki ane unyanzvi.

Vabereki Vane Unyanzvi Vanoratidza Muenzaniso Wakanaka

3. Nei mubereki achifanira kuita zvaanotaura?

3 Jesu akasiyira vabereki muenzaniso pakuti aiita zvaaidzidzisa. (Johani 13:15) Asi akashora vaFarisi vaitaura ivo vasingaiti zvavaitaura. (Mateu 23:3) Kuti vakurudzire vana vavo kuda Jehovha, vabereki vanofanira kuita zvinoenderana nezvavanotaura. Kutaura asi usingaiti zvaunotaura hakubatsiri souta husina rukungiso.—1 Johani 3:18.

4. Vabereki vanofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi, uye nei?

4 Nei muenzaniso wevabereki uchikosha zvikuru? Sezvo vabereki vachigona kudzidza kuda Mwari nokutarira muenzaniso waJesu, vana vanogonawo kudzidza kuda Jehovha nokutevera muenzaniso wakanaka wevabereki vavo. Shamwari dzomwana dzingamusimbisa kana kuti dzinga“shatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Kwenguva yakawanda youpenyu hwake, uye mumakore anokosha aanenge achikura, vabereki vake ndivo shamwari dzepedyo zvikuru dzinoumba unhu hwake. Naizvozvo vabereki vanofanira kuzvibvunza kuti: “Ndiri shamwari yorudzii? Zvandinoita zvinokurudzira mwana wangu kuva netsika dzakanaka here? Ndiri kuratidza muenzaniso wakaita sei pazvinhu zvinokosha zvakadai sokunyengetera nokudzidza Bhaibheri?’

Vabereki Vane Unyanzvi Vanonyengetera Nevana Vavo

5. Vana vangadzidzei panenge pachinyengetera mubereki?

5 Vana venyu vangadzidza zvakawanda nezvaJehovha pavanoteerera minyengetero yenyu. Kana vakakunzwai muchitenda Mwari panguva yokudya uye muchinyengetera pamunenge mava kudzidza Bhaibheri, vangadzidzei? Vangangodzidza kuti Jehovha ndiye anotipa zvatinoda uye kuti anotidzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri, ndokusaka achifanira kutendwa. Izvi zvidzidzo zvinokosha.—Jakobho 1:17.

6. Vabereki vangabatsira sei vana kuti vaone kuti Jehovha anovada somunhu mumwe nomumwe?

6 Zvisinei, kana mukanyengetera nevana venyu pane dzimwe nguva dzisiri dzokudya kana dzokudzidza Bhaibheri uye kana mukataura zvinoitika muupenyu hwenyu nevana venyu, vachatodzidza zvakawanda. Muchabatsira vana venyu kuona kuti Jehovha ari kutungamirira mhuri yenyu, uye kuti ane hanya nemi chaizvo somunhu mumwe nomumwe. (VaEfeso 6:18; 1 Petro 5:6, 7) Vamwe baba vanoti: “Kubvira pakaberekwa mwanasikana wedu, tainyengetera naye. Zvaaikura, tainyengetera nezvenyaya dzeshamwari nezvimwe zvaaitarisana nazvo. Kusvikira musi waakazoroorwa, hapana zuva raipfuura tisina kunyengetera naye.” Mungakwanisawo kunyengetera nevana venyu zuva nezuva here? Mungavabatsira here kuti vaone Jehovha seshamwari yavo isingangovapi zvavanoda uye kuvapa zvokunamata chete asiwo ine hanya nemanzwiro avanoita?—VaFiripi 4:6, 7.

7. Vabereki vanofanira kunge vachizivei kuti vazonyengetera nezvezvinenge zvichinetsa vana vavo?

7 Munofanira kunge muchiziva zviri kuitika muupenyu hwomwana wenyu kuti munyengetere nezvezviri kumunetsa. Inzwai zvakataurwa nevamwe baba vakarera vana vaviri: “Paipera vhiki imwe neimwe, ndaizvibvunza mibvunzo miviri, yokuti: ‘Zvii zvanga zvichinetsa vana vangu vhiki ino? Uye ndezvipi zvakanaka zvakaitika muupenyu hwavo?’” Vabereki, mungazvibvunza here mibvunzo yakadai monyengetera nezvemhinduro dzacho pamunenge muchinyengetera nevana venyu? Kana mukazvibvunza, muchange muchivadzidzisa kunyengetera kuna Jehovha, Munzwi weminyengetero, uyewo muchange muchivadzidzisa kumuda.—Pisarema 65:2.

Vabereki Vane Unyanzvi Vanokurudzira Vana Kuti Vave Netsika Yokudzidza

8. Nei vabereki vachifanira kubatsira vana vavo kuti vave netsika yokudzidza Shoko raMwari?

8 Madzidziro anoita mubereki Bhaibheri angabatsira sei mwana kuti ave noukama naMwari? Kuti ushamwari hukure uye hurambe huripo, vanhu vacho havangofaniri kutaurirana chete asiwo vanofanira kuteererana. Imwe nzira yatinoteerera nayo Jehovha ndeyokudzidza Bhaibheri tichibatsirwa nemabhuku atinopiwa no“muranda akatendeka.” (Mateu 24:45-47; Zvirevo 4:1, 2) Saka kuti vabereki vabatsire vana vavo kuti varambe vaine ukama naJehovha uye vachimuda, vanofanira kuvakurudzira kuva netsika yokudzidza Shoko raMwari.

9. Vana vangabatsirwa sei kuti vave netsika dzakanaka dzokudzidza?

9 Vana vangabatsirwa sei kuti vave netsika dzakanaka dzokudzidza? Pano zvakare, muenzaniso womubereki ndiwo unonyanya kubatsira. Vana vako vanogara vachikuona uchinakidzwa nokuverenga kana kudzidza Bhaibheri here? Chokwadi, ungadaro uine zvakawanda zvokuita kuti utarisire vana vako, uye unganetseka kuti ndepapi paungawana nguva yokuverenga nokudzidza. Asi zvibvunze kuti, ‘Vana vangu vanogara vachindiona ndakatarira terevhizheni here?’ Kana zvakadaro, zvingaita here kuti ushandise imwe yenguva iyoyo kuvaratidza muenzaniso wakanaka panyaya yokudzidza uri woga?

10, 11. Nei vabereki vachifanira kugara vachikurukura Bhaibheri nemhuri dzavo?

10 Imwe nzira inobatsira ingashandiswa nevabereki kudzidzisa vana vavo kuti vateerere Jehovha ndeyokugara vachikurukura navo Bhaibheri. (Isaya 30:21) Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti, ‘Nei vana vachifanira kudzidziswa semhuri kana vabereki vavo vachigara vachienda navo kumisangano yeungano?’ Pane zvikonzero zvakanaka zvakawanda. Jehovha anoti vabereki ndivo vane basa rakakura rokudzidzisa vana vavo. (Zvirevo 1:8; VaEfeso 6:4) Kudzidza Bhaibheri semhuri kunodzidzisa vana kuti kunamata haisi nyaya yokungoenda kumisangano chete, asi kunofanira kuitwa kunyange vari kumba.—Dheuteronomio 6:6-9.

11 Kuwedzera kune izvi, chidzidzo chemhuri chinoitiswa zvakanaka chingaita kuti vabereki vazive mafungiro evana vavo panyaya dzokunamata uye dzetsika. Somuenzaniso, kana vana vachiri vaduku, vabereki vangashandisa bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. * Munenge mundima imwe neimwe yebhuku iri rinobatsira kudzidza Bhaibheri, vana vanokumbirwa kuti vataurewo zvavanofunga panyaya dzinenge dzichikurukurwa. Vabereki vangabatsira vana vavo kuti vave nesimba rokunzwisisa kuti ‘vasiyanise zvakanaka nezvakaipa’ kana vakakurukura navo magwaro ari mubhuku racho.—VaHebheru 5:14.

12. Vabereki vangachinja sei madzidziro avanoita nevana kuti aenderane nezvavanoda, uye panyaya iyi chii chawakaona chichibatsira?

12 Vana venyu pavanenge vachikura, chinjai madzidziro amunoita kuti aenderane nezvavanoda. Onai nzira iyo vamwe vabereki vakabatsira nayo vana vavo vakanga vachiri kuyaruka pavaikurukura navo zvavakanga vakumbira zvokuti vaida kuenda kudhanzi rokuchikoro. Baba vacho vanoti: “Takaudza vanasikana vedu kuti pataizodzidza semhuri nguva inotevera, taizoita kamutambo, ini nomudzimai wangu tichiita sevanasikana vedu, uye ivo vachiita sevabereki. Mumwe mwana aigona kuva Baba, mumwe wacho ova Amai, asi vaifanira kutsvakurudza pamwe chete nezvenyaya yacho vozotaura zvaifanira kuitwa panyaya yemadhanzi okuchikoro.” Zvakafamba sei? Baba vacho vanoenderera mberi vachiti, “Takaoma mate mukanwa nokusiyanisa kwakaita vanasikana vedu zvakanaka nezvakaipa (sezvo vaiva vabereki) pavaititsanangurira (isu vana) zvikonzero zvavo zviri muBhaibheri zvokuti nei zvaisazova zvakanaka kuenda kudhanzi racho.” Zvimwe zvakanyanya kutifadza ndezvavakataura zvataigona kuita pane kuenda kudhanzi iri. Izvi zvakatibatsira kunyatsonzwisisa mafungiro avo nezvavanoda.” Chokwadi, kuti murambe muchinakidzwa nokudzidza Bhaibheri semhuri, zvinoda kutsungirira uye kufunga mazano anobatsira, asi kunenge kuri kufira zviripo.—Zvirevo 23:15.

Itai Kuti Mumhuri Muve Norugare

13, 14. (a) Vabereki vangaita sei kuti pamba pave norugare? (b) Mubereki paanobvuma kuti akanganisa, zvingabatsirei?

13 Museve ungangonobaya kana muvhimi wacho akananga uye akaregedzera asina kuvhiringidzwa. Saizvozvowo, vana vangadzidza kuda Jehovha kana vabereki vakaita kuti pamba pave norugare. Jakobho akanyora kuti, “Mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.” (Jakobho 3:18) Vabereki vangaita sei kuti pamba pave norugare? Vanhu vakaroorana vanofanira kuramba vachinyatsowirirana. Murume nomudzimai vanodanana uye vanoremekedzana vanokwanisa kudzidzisa vana vavo zvakanaka kuti vade uye varemekedze vamwe, kusanganisira Jehovha. (VaGaratiya 6:7; VaEfeso 5:33) Kudanana nokuremekedzana kunoita kuti pave norugare. Vakaroorana vanonzwanana vanokwanisa kugadzirisa kusawirirana kungangomuka mumhuri.

14 Chokwadi, sezvo kusina vakaroorana vakakwana, hakunawo mhuri dzakakwana pasi pano panguva ino. Dzimwe nguva vabereki vangatadza kuratidza chibereko chomudzimu kuvana vavo. (VaGaratiya 5:22, 23) Kana izvozvo zvikaitika, vabereki vanofanira kuitei? Kana vakabvuma kuti vakanganisa, zvichaita kuti mwana asanyanya kuvaremekedza here? Chimbofunga nezvomuenzaniso waPauro. Kune vakawanda aiita sababa vavo pakunamata. (1 VaKorinde 4:15) Asi aibvuma pachena kuti aikanganisa. (VaRoma 7:21-25) Kunyange zvakadaro, kuzvininipisa kwake nokuvimbika kunotowedzera kumuremekedza kwatinoita pane kuti tisamuremekedza. Pasinei nokukanganisa kwaaiita, Pauro aigona kunyorera ungano yokuKorinde nechivimbo achiti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaKorinde 11:1) Kana mukabvumawo zvamunokanganisa, vana venyu havazonyanyi kufunga nezvazvo.

15, 16. Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana vavo kuti vade hama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu, uye vangazviita sei?

15 Chiizve chimwe chingaitwa nevabereki mumhuri mavo kuti vana vavo vakure vachida Jehovha? Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana munhu achitaura kuti: ‘Ndinoda Mwari,’ asi achivenga hama yake, iye murevi wenhema. Nokuti uyo asingadi hama yake, yaakaona, haangavi achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Johani 4:20, 21) Naizvozvo pamunenge muchidzidzisa vana venyu kuti vade hama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu, muri kuvadzidzisa kuda Mwari. Vabereki vanofanira kuzvibvunza kuti, ‘Pandinotaura nezveungano, ndinonyanya kutaura zvinokurudzira here kana kuti zvokushora?’ Ungaziva sei? Nyatsoteerera matauriro anoita vana vako nezvemisangano uye nezvenhengo dzeungano. Ungangonzwa vachidzokorora mashoko ako.

16 Vabereki vangaitei kuti vabatsire vana vavo kuda hama dzavo dzavanonamata nadzo? Peter, baba vevamwe vakomana vaviri vari kuyaruka, anoti: “Kubvira vana vedu vachiri vaduku, taigara tichikoka hama nehanzvadzi dzakasimba pakunamata kumba kwedu kuti tizodya tichitandara, uye tainakidzwa chaizvo. Vanakomana vedu vakakura vachishamwaridzana nevanhu vanoda Jehovha, uye iye zvino vava kuona kuti upenyu hwokushumira Mwari hunofadza zvikuru.” Dennis, vamwe baba vane vanasikana vashanu, anoti: “Taikurudzira vanasikana vedu kuti vashamwaridzane nemapiyona akura aiva muungano, uye pose pataikwanisa taigamuchira vatariri vanofambira nevadzimai vavo.” Ungatorawo danho rokutanga kuti ubatsire vana vako kuti vaone hama dziri muungano sehama dzomumhuri yenyu here?—Mako 10:29, 30.

Zvasarira Mwana

17. Pakupedzisira, vana vanofanira kusarudzei?

17 Funga zvakare nezvomuenzaniso womuvhimi uya. Kunyange angava mudzimba, angangotadza kupfura kana museve waacharegedzera wakafonyoka. Chokwadi, vabereki vachaedza nesimba kuita sokuti vari kutwasanudza museve wakafonyoka, vachiedza kugadzirisa mafungiro omwana wacho asina kunaka. Asi vana vachafanira kuzongozvisarudzira kuti vacharega nyika ino ichiita kuti vaite zvainoda here kana kuti vacharega Jehovha achi“ruramisa makwara” avo.—Zvirevo 3:5, 6; VaRoma 12:2.

18. Zvinosarudzwa nomwana zvingaita kuti vamwe vanzwe sei?

18 Kunyange zvazvo vabereki varivo vane basa rinokosha rokurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha,” mwana wacho ndiye achasarudza kuti achava munhu akaita sei kana akura. (VaEfeso 6:4) Naizvozvo, vana zvibvunzei kuti, ‘Ndichabvuma kudzidziswa kwandinoitwa nevabereki vangu norudo here?’ Kana ukabvuma, uchange wasarudza mararamiro akanaka chaizvo. Uchafadza vabereki vako zvikuru. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti uchafadza mwoyo waJehovha.—Zvirevo 27:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Vabereki vangaratidza sei muenzaniso wakanaka panyaya yokunyengetera nokudzidza Bhaibheri?

• Vabereki vangaita sei kuti mumhuri mavo muve norugare?

• Vana vanofanira kusarudzei, uye zvavanosarudza zvichaita kuti vamwe vanzwe sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Uri kuratidza vana vako muenzaniso wakanaka panyaya yokudzidza woga here?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuva norugare mumhuri kunoita kuti ifare