Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gara Uchiziva Kuti Zvinokosha Kurumbidza Vamwe

Gara Uchiziva Kuti Zvinokosha Kurumbidza Vamwe

Gara Uchiziva Kuti Zvinokosha Kurumbidza Vamwe

WAKAMBONZWA here mumwe munhu achinyunyuta kuti munhu waanoshandira haanyanyi kumurumbidza? Hauna kutombonyunyutawo saizvozvo here? Kana uri muduku, wakambonyunyutawo nezvevabereki vako kana kuti vadzidzisi vako here?

Zvichida kumwe kunyunyuta uku kwakakodzera. Asi imwe nyanzvi yokuGermany yakati vashandi pavanonyunyuta kudai, vanenge vasiri kunyanya kugunun’una kuti havasi kurumbidzwa asi vanenge vachiti wavanoshandira haasi kuvafarira somunhu mumwe nomumwe. Chero zvazviri, zviri pachena kuti pane chinenge chisiri kuitwa. Kurumbidzwa uye kunzwa kuti tinofarirwa zvinhu zviviri zvinokosha kana tichizogutsikana noukama hwedu nevamwe.

Izvi zvinoshandawo mukunamata. Kurumbidza vamwe, ushamwari, uye kufarira vamwe, zvinofanira kuoneka zvikuru muungano yechiKristu. VaKristu vanogona kuramba vachiita izvi nokutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri. Zvisinei nokuti tinoda vaKristu vomuungano yedu zvakadini, tinogona kuvandudza panenge pachidiwa. Tichifunga izvi, ngatimbokurukurai nezvevanhu vatatu vakarumbidza vamwe vanoti: mushumiri waMwari Erihu akararama Kristu asati auya, muapostora Pauro, naJesu Kristu pachake.

Zano Romutsa uye Rokuremekedza

Zviri pachena kuti Erihu, aiva asiri hama yepedyo yaAbrahamu, akabatsira chaizvo Jobho kuti aone zvakanaka ukama hwake naMwari. Erihu aiva nomutsa uye airemekedza. Akamirira nokushivirira jana rake rokuti ataurewo. Ukuwo vaizviti shamwari dzaJobho vaingotaura zvaaikanganisa chete, asi pane kungopa zano, Erihu akakurumidza kurumbidza zvakarurama zvaiitwa naJobho. Akaita izvi noushamwari uye akataura zita rake rokuti Jobho, achiratidza pachena kuti aimufarira seshamwari yake, kusiyana nezvakaitwa nevamwe. Akakumbira nomutsa achiti: “Zvino, ndapota inzwa mashoko angu, haiwa iwe Jobho, uteerere zvose zvandichataura.” Noruremekedzo, achinzwira Jobho tsitsi akabvuma kuti: “Tarira! Ndakangoitawo sezvawakaita kuna Mwari wechokwadi; neniwo ndakaumbwa nevhu.” Uye achimurumbidza, akabva ati: “Kana paine chero mashoko api zvawo okutaura, ndipindure; taura, nokuti ndafarira kururama kwako.”—Jobho 33:1, 6, 32.

Kana tikaitira vamwe mutsa uye tikavaremekedza tinenge tichitovarumbidza. Kutaura zvazviri, tinenge tichitoudza munhu anenge achititeerera kuti, ‘Ndinofunga kuti zvakakodzera kuti ndikuteerere uye ndikubate zvakanaka.’ Tikadaro tinenge tichiratidza ushamwari kumunhu wacho uye kuti tinomufarira.

Kuva nomutsa uye kuva munyoro hakurevi kungotevera dzinonzi ndidzo tsika dzakanaka. Kuti titaure zvinosvika vamwe pamwoyo, mutsa wedu nounyoro hwedu zvinofanira kuva zvepachokwadi uye zvichibva pamwoyo. Zvinofanira kuratidza kuti tinovafarira uye tinovada nomwoyo wose.

Rumbidza Vamwe Uchingwarira Pakutaura

Muapostora Pauro akaratidza kukosha kunoita kutaura nokungwarira patinorumbidza vamwe. Somuenzaniso, murwendo rwake rwechipiri paaiparidza muAtene, akatsigira chiKristu pamberi pevamwe vazivi vechiGiriki. Ona kutaura kwaakaita nokungwarira pabasa iri rakanga rakaoma. “Vamwe vazivi vevaEpikuro nevaStoiki vakatanga kutaura naye vachiita nharo, uye vamwe vaiti: ‘Munhu uyu anotaura zvisina zvazvinobatsira anoda kutaurei?’ Vamwe vachiti: ‘Anenge muparidzi wavanamwari vokune imwe nyika.’” (Mabasa 17:18) Pasinei nemashoko avakataura, Pauro akaramba akadzikama uye akati: “Vanhu vomuAtene, ndinoona kuti muzvinhu zvose munoita sokuti munotya vanamwari kwazvo kupfuura zvinoita vamwe.” Pane kushora kunamata zvidhori kwavaiita, Pauro akarumbidza kunamata kwavaiita nomwoyo wose.—Mabasa 17:22.

Pauro akanga ari kuvabata kumeso here? Kwete. Aiziva kuti rakanga risiri basa rake kuvatonga; ainyatsoziva kuti naiyewo aimbova murima pakunamata. Basa rake raiva rokutaura mashoko aMwari, kwete rokutonga vamwe. Zvakaitika kwaari zvakaita kuti azive zvinozivikanwa neZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvemazuva ano kuti: Vamwe vanotsigira nomwoyo wose chitendero chenhema vanochinja vopedzisira vava kutsigira zvakasimba chitendero chechokwadi.

Matauriro akaita Pauro akanga akanaka, uye akabudisa migumisiro yakanaka. “Vamwe vanhu vakabatana naye, vakava vatendi, pakati pavo paivawo naDhiyonisiyo, mutongi wedare reAreyopago, uye mukadzi ainzi Dhamarisi, nevamwe kunze kwavo.” (Mabasa 17:34) Pauro akaratidza kuti akanga akachenjera zvikuru paakarumbidza vanhu vokuAtene achiti vainamata nomwoyo wose, kunyange zvazvo vaisanamata zvechokwadi, pane kuvashora kuti vakanga vasina zivo yakarurama! Kazhinji kacho vanhu vanotsauswa nemashoko asiri iwo vanenge vaine mwoyo yakanaka.

Paakadanwa kuti azozvidzivirira pamberi paHerodhi Agripa II, Pauro akataura nokungwarira. Zvaitozivikanwa kuti Herodhi akanga achiita makunakuna nehanzvadzi yake Bhenisi, muitiro wairambidzwa zvakajeka muShoko raMwari. Asi Pauro haana kuvatuka. Pane kudaro, akatsvaka zvaaizorumbidza pana Herodhi. “Mambo Agripa, pamusoro pezvinhu zvose zvandiri kupomerwa nevaJudha, ndinofara kuti nhasi ndiri kutaura ndichizvidzivirira ndiri pamberi penyu imi, kunyanya zvamuri nyanzvi patsika dzose nenharo dziri pakati pevaJudha.”—Mabasa 26:1-3.

Tinenge takachenjera kana tikataura nevamwe nokungwarira saizvozvowo! Kurumbidza muvakidzani wedu, munhu watinodzidza naye kuchikoro, kana kuti watinoshanda naye kungaita kuti tive norugare nevamwe uye kungaita kuti vave nounhu hwakanaka. Nokutaura zvinosvika pamwoyo nokurumbidza kwakanyatsokodzera, dzimwe nguva tingakwanisa kukurudzira vanhu kuti vachinje mafungiro asina kunaka nezvavanoita vobva vaita maererano nezivo yakarurama.

Jesu Akatisiyira Muenzaniso Wokurumbidza Vamwe

Jesu airumbidza vamwe. Somuenzaniso, amutswa uye adzokera kudenga, Jesu achitungamirirwa naMwari, akataura kuungano nomwe dzaiva muAsia Minor achishandisa muapostora Johani. Aigara achirumbidza vaya vaifanira kurumbidzwa. Kuungano dzaiva muEfeso, Pegamo, neTiyatira, akati: “Ndinoziva mabasa ako, nebasa rako nokutsungirira kwako, uye kuti haugoni kushivirira vanhu vakaipa”, “unoramba wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba kutenda kwako mandiri”, uye “ndinoziva mabasa ako, norudo rwako nokutenda noushumiri nokutsungirira, uye kuti mabasa ako enguva pfupi yapfuura anopfuura aya ekare.” Kunyange kuungano yeSadhisi yaifanira kupiwa zano rakasimba, Jesu akaona vamwe vanhu vaifanira kurumbidzwa, achibva ati: “Kunyange zvakadaro, une mazita mashomanana muSadhisi evasina kusvibisa nguo dzavo dzokunze, uye vachafamba neni vakapfeka nguo chena, nokuti vakakodzerwa nazvo.” (Zvakazarurwa 2:2, 13, 19; 3:4) Chokwadi Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka!

Tichitevedzera Jesu, hatifaniri kushora boka rose revanhu pamusana pevashoma vanenge vakanganisa kana kupa zano rakakodzera asiwo tisingarumbidzi pazvinenge zvakakodzera. Zvisinei, zvakanaka kuziva kuti kana tichingorumbidza patinenge tichida kupa zano chete, mashoko edu okurumbidza dzimwe nguva angasateererwa. Pose patinokwanisa ngatigare tichirumbidza vamwe! Kana tava kuzopa zano pane imwe nguva, richakurumidza kugamuchirwa.

Vakuru Vanorumbidza Vamwe Zvakakodzera

Mumwe mukadzi wechiKristu anonzi Cornelia ari kushanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuEurope anoyeuka kuti, kare mukutanga kwema1970, mumwe mutariri anofambira akamubvunza kana aidzidza ari oga uye aiverenga magazini ake ose. Anoti: “Ndakanyara.” Asi akabvuma kuti akanga asingaverengi nyaya dzose dzinobuda mumagazini. Anoti, “Pane kundipa zano, akandirumbidza pane zvandaiverenga. Ndakakurudzirwa chaizvo nokurumbidza kwaakandiita zvokuti kubvira ipapo ndakabva ndatsunga kuverenga nyaya dzose dzinobuda mumagazini.”

Ray, anoshanda pane imwe hofisi yebazi kuEurope anoyeuka zuva raakatanga basa rokupayona. Mutariri anotungamirira weungano yacho, murume aiva nebhizimisi nemhuri yokutarisira nezvimwewo zvakawanda zvokuita muungano, akapinda muImba yoUmambo manheru iwayo ndokunanga paiva naRay achibva amubvunza kuti, “Zuva rako rokutanga kupayona ranga rakadini?” Iye zvino kwapera makore anenge 60, Ray achiri kuyeuka mashoko aikurudzira omukuru iyeye.

Sezvinoratidzwa nezviitiko zviviri izvi, kutaura nenzira yorudo nomwoyo wose tichionga zvinenge zvaitwa nevamwe kungavabatsira zvikuru, kwete kungotaura zvisiri kubva pamwoyo kana kurumbidza zvokubata kumeso. Muungano yechiKristu, tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tirumbidze vamwe vatinonamata navo. Chimbofunga nezvechido chavo chokushumira Jehovha, mhinduro dzavo dzakagadzirirwa, kufambira mberi kwavanenge vaita kuti vasatya kukurukura pachikuva kana kuenzanisira pamisangano yeungano, kushingaira kwavo mubasa rokuparidza nokudzidzisa, uye zvavanoita kuti vaise pakutanga zvinangwa zvoUmambo nezvokunamata. Patinorumbidza vamwe tinokomborerwa zvikuru. Zvinoita kuti tifare uye kuti tifunge zvinhu zvinovaka.—Mabasa 20:35.

Zvinganaka kuti vakuru veungano varumbidze ungano nokuda kwezvakanaka zvainenge ichiita. Uye kana zvakakodzera kupa zano, vanoripa norudo. Ukuwo, havazonyanyi kuva nehanya nokuda kuita zvinhu zvose nenzira yakakwana zvokuti kungokanganisa zvishoma vanokuona sokukanganisa kwakakomba.

Vakuru vechiKristu vanotevedzera zvakaitwa naErihu airemekedza uye aiva norudo nomutsa, kungwarira pakutaura kwakaitwa naPauro, uye rudo rwakaratidzwa naJesu vachakurudzira kwazvo hama dzavo. Kurumbidza vamwe kuchavakurudzira kuti vaite zvakanaka uye kuchaita kuti pave nomufaro nokubatana. Paaibhabhatidzwa, Jesu anofanira kunge akafara chaizvo paakanzwa Baba vake vachimurumbidza nemashoko anoti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira”! (Mako 1:11) Ngatiitei kuti mwoyo yehama dzedu ifare nokudzirumbidza nomwoyo wose, nemashoko anokurudzira.

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kungwarira pakutaura kwakaitwa naPauro kwakaita kuti abudirire, nesuwo tinogona kubudirira

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kurumbidza vamwe noushamwari, nomwoyo wose, kungavabatsira zvikuru