Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu airevei paakati muranda wake akatendeka aizova “akangwara”?

Jesu akabvunza kuti: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera?” (Mateu 24:45) “Muranda” anopa “zvokudya” zvine chokuita nokunamata iungano yevaKristu vakazodzwa nomudzimu. Nei Jesu akati vakangwara? *

Zvaidzidziswa naJesu zvinotibatsira kunyatsonzwisisa kuti angave airevei paakati “akangwara.” Somuenzaniso, paakataura nezvo“muranda akatendeka, akangwara,” Jesu akataura mufananidzo wemhandara gumi dzaimirira kuuya kwomuroori. Mhandara dzacho dzinotiyeuchidza nezvevaKristu vakazodzwa vaivapo gore ra1914 risati rasvika vaimirira zvikuru kusvika kwoMuroori mukuru, Jesu Kristu. Pamhandara gumi, shanu dzacho dzakanga dzisisina mafuta akakwana pakasvika muroori, uye hadzina kuzopinda mutambo womuchato. Dzimwe shanu dzacho dzakanga dzakangwara. Dzakanga dziine mafuta akakwana zvokuti marambi adzo akaramba akabaka pakasvika muroori uye dzakabvumirwa kupinda mutambo wacho.—Mateu 25:10-12.

Jesu paakapiwa simba rokuva Mambo muna 1914, vakawanda pavaKristu vakazodzwa vaitarisira kuzova naye mudenga pakarepo. Zvisinei, vaiva nebasa rakawanda rokuita pasi pano, asi vamwe vavo vakanga vasina kugadzirira kuriita. Kufanana nemhandara dzisina kungwara, vakanga vasina kufanozvisimbisa mukunamata, saka vakanga vasina kugadzirira kuti varambe vachivheneka. Kunyange zvakadaro, vakawanda vakaita nokungwara, vachishandisa uchenjeri uye kufanoona zvaiva mberi uye vakasimbiswa mukunamata. Pavakaziva kuti mberi kwavo kwaiva nebasa rakawanda, vakatanga kugadzirira basa racho vachifara. Saka vakava “muranda akatendeka, akangwara.”

Fungawo kushandisa kwakaita Jesu shoko rokuti “akangwara” riri pana Mateu 7:24. Jesu akati: “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru.” Murume akangwara anovaka imba yakasimba, achifunga nezvedutu. Asi murume benzi anovaka imba yake pajecha uye inoparara. Saka muteveri akangwara waJesu ndouya anofanoona zvakaipira kutevera uchenjeri hwevanhu. Kunzwisisa kwake uye mafungiro akanaka zvinoita kuti zvaanotenda, zvaanoita, uye zvaanodzidzisa zvibve pane zvaaidzidziswa naJesu. “Muranda akatendeka, akangwara” anoitawo saizvozvo.

Onawo kuti shoko rokuti “akangwara” rinoshandurwa sei mushanduro dzakawanda dzeMagwaro echiHebheru. Somuenzaniso, Farao akagadza Josefa kuti atarisire zvokudya zvenyika yeIjipiti. Uhwu hwaiva humwe urongwa hwakaitwa naJehovha kuti ape vanhu vake zvokudya. Nei Josefa akasarudzwa? Farao akati kwaari: “Hapana mumwe munhu akangwara uye akachenjera sezvawakaita.” (Genesisi 41:33-39; 45:5) Saizvozvowo, Bhaibheri rinoti Abhigairi “akanga akangwara.” Akapa Dhavhidhi zvokudya, uyo akanga azodzwa naJehovha. (1 Samueri 25:3, 11, 18) Josefa naAbhigairi vakanzi vakanga vakangwara nokuti vainzwisisa zvaidiwa naMwari, vakafanoona zvaiva mberi uye vaiva nemafungiro akanaka.

Saka, Jesu paakarondedzera muranda akatendeka achiti akangwara, airatidza kuti vaya vanomiririrwa nomuranda iyeye vaizoratidza kunzwisisa, kufanoona zvaiva mberi, uye mafungiro akanaka nokuti zvavanotenda, zvavanoita, uye zvavanodzidzisa zvinobva muShoko raMwari rechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Shoko rakashandurwa kuti “akangwara” rakabva pashoko rechiGiriki rokuti phroʹni·mos. Rimwe bhuku rinonzi Word Studies in the New Testament, raM. R. Vincent, rinoti shoko iri rinowanzoreva uchenjeri hunobatsira.