Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri

RIMWE duramazwi rinonzi Holman Illustrated Bible Dictionary rinoti: “Bhuku raDhanieri nderimwe remabhuku anonakidza zvikuru ari muBhaibheri. . . . Rizere nechokwadi chisingachinji.” Nhoroondo yaDhanieri inotanga muna 618 B.C.E., Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari paanopinda muJerusarema okomba guta racho, uye otora “vamwe vanakomana vaIsraeri” kuti vave nhapwa muBhabhironi. (Dhanieri 1:1-3) Dhanieri aripowo paboka racho, zvichida achiri kuyaruka. Bhuku racho rinopera Dhanieri achiri muBhabhironi. Iye zvino Dhanieri ava kuda kusvitsa makore 100, anovimbiswa naMwari kuti: “Uchazorora, asi uchazomukira mugove wako pachapera mazuva acho.”—Dhanieri 12:13.

Kunyange zvazvo chikamu chokutanga chebhuku raDhanieri chakanyorwa nemashoko anoita sokuti mumwe munhu akanyora zviitiko zvacho zvichitevedzana, mashoko echikamu chokupedzisira anozobuda ava kuratidza kuti ndiye akanyora. Bhuku iri rakanyorwa naDhanieri rine uprofita hunotaura zvokumuka nokuparara kwemasimba enyika, nguva yokusvika kwaMesiya, uye zvinhu zvaizoitika munguva yedu. * Muprofita akanga akwegura uyu anoyeuka makore akawanda oupenyu hwake orondedzera zvakaitika zvinotikurudzira kuti tive varume nevakadzi vakavimbika kuna Mwari. Shoko riri muna Dhanieri ibenyu uye rine simba.—VaHebheru 4:12.

NHOROONDO YENGUVA INOTIDZIDZISEI?

(Dhanieri 1:1–6:28)

Igore ra617 B.C.E. Dhanieri neshamwari dzake duku Shadreki, Misheki naAbhedhinego, vari mumuzinda weBhabhironi. Mumakore matatu avari kudzidziswa tsika dzeBhabhironi mumuzinda wamambo, vaduku vacho vanoramba vakavimbika kuna Mwari. Anenge makore masere gare gare, Mambo Nebhukadhinezari anorota zvaasinganzwisisi. Dhanieri anomuudza hope dzacho uye anodzidudzira. Mambo wacho anobvuma kuti Jehovha “ndiMwari wavanamwari naIshe wemadzimambo noMuzivisi wezvinhu zvakavanzika.” (Dhanieri 2:47) Kunyange zvakadaro, pasina nguva Nebhukadhinezari anoita seakanganwa chidzidzo ichi. Shamwari nhatu dzaDhanieri padzinoramba kunamata chidhori chikuru, mambo wacho anoita kuti dzikandwe muvira romoto. Mwari wechokwadi anonunura vakomana vatatu ava, uye Nebhukadhinezari anomanikidzwa kubvuma kuti “hakuna mumwe mwari anokwanisa kununura kufanana nouyu.”—Dhanieri 3:29.

Nebhukadhinezari anorotazve dzimwe hope dzine zvadzinoreva. Anoona muti mukuru kwazvo uchitemwa zvokuti hauzokurizve. Dhanieri anodudzira hope dzacho. Zvimwe zvaanorota zvinozadzika Nebhukadhinezari paanopenga ozopora. Kwapera makumi emakore, Mambo Bheshazari anoitira makurukota ake mutambo mukuru uye asingaremekedzi Mwari anoshandisa midziyo yakatorwa mutemberi yaJehovha. Usiku ihwohwo, Bheshazari anourayiwa uye Dhariyasi muMedhiya anova mambo. (Dhanieri 5:30, 31) Mumazuva aDhariyasi, Dhanieri paanenge apfuura makore 90, vakuru vakuru vane shanje vanoronga kuponda muprofita wacho akwegura. Asi Jehovha anomununura “patsoka dzeshumba.”—Dhanieri 6:27.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:11-15—Kudya miriwo ndiko kwakaita kuti zviso zvevaduku vana vechiJudha zvive nani here? Kwete. Hapana zvokudya zvingachinja munhu kudaro mumazuva gumi chete. Kuchinja kwakaita zviso zvevaHebheru vaduku kwakakonzerwa naJehovha, uyo akavakomborera nokuti vakavimba naye.—Zvirevo 10:22.

2:1—Nebhukadhinezari akarota rini chifananidzo chikuru? Nhoroondo yacho inoti maiva “mugore rechipiri roumambo hwaNebhukadhinezari.” Akava mambo muna 624 B.C.E. Saka gore rake rechipiri achitonga ringave rakatanga muna 623 B.C.E., makore akawanda asati arwisa Judha. Panguva iyoyo, Dhanieri angangove akanga asati ava muBhabhironi kuti adudzire hope idzodzo. Zviri pachena kuti “gore rechipiri” riri kuverengwa kubvira muna 607 B.C.E., mambo weBhabhironi paakaparadza Jerusarema ndokuva mutongi wenyika yose.

2:32, 39—Umambo hwesirivha hwakanga hwakaderera pakudii pane hwemusoro wendarama, uye umambo hwemhangura hwakanga hwakaderera pakudii pane hwesirivha? Umambo hweMedhiya nePezhiya hwaimiririrwa nesirivha pachifananidzo chacho, hwaiva hwakaderera kune hweBhabhironi uhwo hwaimiririrwa nomusoro wendarama pakuti, hahuna kukunda Judha. Umambo hwakazotevera hwaiva hweGirisi, hwaimiririrwa nemhangura. Girisi yakanga yakaderera kungofanana nemhangura isingakoshi kudarika sirivha. Kunyange zvazvo Umambo hweGirisi hwakanga hwakakura, hahuna kuwana ropafadzo yokusunungura vanhu vaMwari kubva pakuva nhapwa sezvakaitwa nevaMedhiya nevaPezhiya.

4:8, 9—Dhanieri akava mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti here? Kwete. Mashoko okuti “mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti” anongoratidza chinzvimbo chaiva naDhanieri chokuva “mutariri mukuru wevarume vose vakachenjera veBhabhironi.”—Dhanieri 2:48.

4:10, 11, 20-22—Muti mukuru wakarotwa naNebhukadhinezari waimiririrei? Pakutanga muti wacho waimiririra Nebhukadhinezari somutongi wenyika yose. Zvisinei, sezvo umambo hwake hwaisvika “kumugumo wenyika,” muti wacho unofanira kumiririra chimwezve chinhu chinokosha. Dhanieri 4:17 inoti hope dzacho dzine chokuita nokutonga vanhu kunoita “Wokumusorosoro.” Saka muti wacho waimiririra kuva changamire wezvinhu zvose kwaJehovha, kunyanya pazvinhu zvepasi pano. Naizvozvo, hope dzacho dzakazadzika kaviri—pakutonga kwaNebhukadhinezari uye uchangamire hwaJehovha.

4:16, 23, 25, 32, 33—“Nguva nomwe” dzakanga dzakareba zvakadini? Zvose zvakaitika pakuchinja kwakaita chitarisiko chaMambo Nebhukadhinezari zvinoratidza kuti “nguva nomwe” dzakanga dzakareba kupfuura mazuva manomwe evhiki. Kuna mambo uyu, nguva idzi dzaiva mazuva 2 520 kana kuti makore manomwe gore rimwe nerimwe riine mazuva 360. Mukuzadzika kukuru, “nguva nomwe” dzinoreva makore 2 520. (Ezekieri 4:6, 7) Nguva idzi dzakatanga nokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. ndokuguma nokugadzwa kwaJesu pachigaro saMambo wokudenga muna 1914 C.E.—Ruka 21:24.

6:6-10—Sezvo tichigona kunyengetera kuna Jehovha takamira, takagara kana zvimwewo, Dhanieri angadai asina kuratidza kuchenjera here kudai akanyengetera ari munzvimbo yaaisaonekwa mumazuva 30 iwayo? Vanhu vose vaizviziva kuti Dhanieri ainyengetera katatu pazuva. Ndosaka vaya vaimurangana vakafunga zano rokuti pave nomutemo unorambidza kunyengetera. Kudai Dhanieri akachinja zvaakanga agara achiita zvaizoita kuti vamwe vazozviona sokuti akatya uye zvingadai zvakaratidza kuti akanga atadza kuzvipira kuna Jehovha zvakakwana.

Zvatinodzidza:

1:3-8. Kutsunga kwaDhanieri neshamwari dzake kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha kunonyatsoratidza kuti vakanga vadzidziswa zvakanaka kwazvo nevabereki vavo. Vabereki vanotya Mwari pavanoisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga muupenyu hwavo vodzidzisa vana vavo kuitawo izvozvo, vana vavo vangangozokunda miedzo yavangawana kuchikoro kana kune dzimwewo nzvimbo.

1:10-12. Dhanieri akanzwisisa kuti “jinda racho” raitya mambo uye haana kuramba achirikumbira. Zvisinei, Dhanieri akazoenda kune “mutarisiri,” angadaro aizomubvumira. Patinenge taomerwa nezvinhu, tinofanirawo kuratidza njere, kunzwisisa, uye uchenjeri.

2:29, 30. SaDhanieri, tinofanira kuita kuti Jehovha akudzwe kwazvo nokuda kworuzivo, unhu, uye zvatinokwanisa kuita chero zvipi zvazvo zvatakadzidza muBhaibheri.

3:16-18. Kudai vaHebheru vatatu vakanga vambobvuma zvokudya zvavakanga vapiwa vangadai vasina kuzokwanisa kupindura noushingi kudaro. Tinofanirawo kuedza kuramba ta“katendeka muzvinhu zvose.”—1 Timoti 3:11.

4:24-27. Kuti tizivise mashoko oUmambo, kusanganisira kutonga kwaMwari vanhu vakaipa, zvinoda kutenda uye kushinga sekwaiva naDhanieri paakazivisa zvaizowira Nebhukadhinezari uye zvaifanira kuitwa namambo wacho kuti ‘kubudirira kwake kuwedzerwe.’

5:30, 31. “Chirevo ichi pamusoro pamambo weBhabhironi” chakazadzika. (Isaya 14:3, 4, 12-15) Satani Dhiyabhorosi, anodada sezvaiitwa nemadzimambo eBhabhironi, achaparadzwa zvinonyadzisa.—Dhanieri 4:30; 5:2-4, 23.

ZVAKARATIDZWA DHANIERI ZVINOREVEI?

(Dhanieri 7:1–12:13)

Dhanieri paanorota hope dzake dzokutanga muna 553 B.C.E., ava nemakore anopfuura 70. Dhanieri anoona mhuka huru ina dzinomiririra masimba enyika yose aitevedzana kubvira mumazuva ake kusvikira nhasi. Pane zvaanoratidzwa zviri kuitika kudenga, anoona “mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu” achipiwa “ushe hunogara nokusingagumi.” (Dhanieri 7:13, 14) Makore maviri gare gare, Dhanieri anoratidzwa umambo hunosanganisira hwevaMedhiya nevaPezhiya, Girisi, uye humwe umambo hunozova “mambo ane chiso chinotyisa.”—Dhanieri 8:23.

Iye zvino rava gore ra539 B.C.E. Bhabhironi raparara, uye Dhariyasi muMedhiya ava mambo wevaKadheya. Dhanieri anonyengetera kuna Jehovha nezvokudzorerwa kwenyika yokumusha kwake. Achiri kunyengetera, Jehovha anotumira ngirozi inonzi Gabrieri kuti ibatsire Dhanieri kuti a“ve nenjere nokunzwisisa” pamusoro pokuuya kwaMesiya. (Dhanieri 9:20-25) Mava muna 536/535 B.C.E. VaIsraeri vashoma vakanga vasara vanodzokera kuJerusarema. Asi basa rokuvaka temberi rinoshorwa. Izvi zvinoita kuti Dhanieri azvidye mwoyo. Anonyengeterera nyaya yacho, uye Jehovha anotuma ngirozi ine chinzvimbo chakakwirira kuti iende kuna Dhanieri. Yasimbisa nokukurudzira Dhanieri, ngirozi yacho inorondedzera uprofita hunoratidza kurwirana utongi kunoitwa namambo wokuchamhembe newokumaodzanyemba. Kurwisana kwemadzimambo maviri aya kunotangira panguva yakakamurwa umambo hwaAlexander Mukuru huchipiwa vakuru vakuru vake vana kusvikira panguva i“chasimuka” Muchinda Mukuru, Mikaeri.—Dhanieri 12:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

8:9—“Kushongedzwa” kunofananidzirei? Pano, “kushongedzwa” kunofananidzira mamiriro ezvinhu evaKristu vakazodzwa vari pasi pano panenge pachitonga simba renyika reBritain neAmerica.

8:25—“Muchinda wemachinda,” ndiani? Shoko rechiHebheru rokuti sar, rakashandurwa kuti “muchinda,” rinoreva “mukuru,” kana kuti “mutungamiriri.” Zita rokuremekedza rokuti “Muchinda wemachinda” rinongoshandisirwa Jehovha Mwari, Mukuru wengirozi dzose dziri machinda, kusanganisira “Mikaeri, mumwe wemachinda makuru.”—Dhanieri 10:13.

9:21—Nei Dhanieri achidana ngirozi Gabrieri kuti “murume”? Nokuti Gabrieri akauya kwaari ari munhu sezvaakaita paakambozviratidza kuna Dhanieri.—Dhanieri 8:15-17.

9:27—Isungano ipi ‘yakaramba iine simba nokuda kwevazhinji’ kusvikira pakupera kwevhiki 70 dzemakore, kana kuti muna 36 C.E.? Sungano yomutemo yakarega kushanda muna 33 C.E. Jesu paakaroverwa padanda. Asi nokurega sungano yaakanga aita naAbrahamu ichishanda kuvaIsraeri kusvikira mugore ra36 C.E., Jehovha akawedzera imwe nguva zvichiratidza kuti ainzwira nyasha vaJudha nokuti vaiva vazukuru vaAbrahamu. Sungano yaAbrahamu ichiri kushanda kuna “Israeri waMwari.”—VaGaratiya 3:7-9, 14-18, 29; 6:16.

Zvatinodzidza:

9:1-23; 10:11. Dhanieri aiva “munhu anodiwa kwazvo” nokuti aizvininipisa, aizvipira kuna Mwari, aiverenga kwazvo, uye ainyengetera nguva dzose. Izvi zvakamubatsirawo kuti arambe akatendeka kuna Mwari kusvikira pakufa kwake. Ngatitsungei kutevedzera zvakaitwa naDhanieri.

9:17-19. Kunyange patinenge tichinyengeterera kuti nyika itsva yaMwari iuye, ‘muchange muine kururama,’ hatifaniri kunyanya kuva nehanya nokutsveneswa kwezita raJehovha uye nokurevererwa kwouchangamire hwake here pane kuva nehanya nokuti kutambura kwedu nokurwadziwa zvigumiswe?—2 Petro 3:13.

10:9-11, 18, 19. Tichitevedzera ngirozi yakauya kuna Dhanieri, tinofanira kusimbisana nokukurudzirana tichibatsira vamwe nokuvanyaradza.

12:3. Mumazuva okupedzisira, “vane njere,” kureva vaKristu vakazodzwa, vave ‘vachipenya sezvinhu zvinovheneka’ uye vakaita kuti “vazhinji vave vakarurama,” kusanganisira “boka guru” re“mamwe makwai.” (VaFiripi 2:15; Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Vakazodzwa “vachapenya senyeredzi” mupfungwa yakazara munguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, pavachashandawo naye kuti rudzikinuro runyatsobatsira vanhu vanoteerera vachange vari pasi pano. Ve“mamwe makwai” vanofanira kuramba vakati kwatikwati nevakazodzwa, vachivatsigira nomwoyo wose mune zvose zvavanoita.

Jehovha ‘Anokomborera Vaya Vanomutya’

Bhuku raDhanieri rinotidzidzisei nezvaMwari watinonamata? Chimbofunga nezvouprofita hwariinahwo, hwakatozadzika nohuya husati hwazadzika. Hunonyatsoratidza kuti Jehovha anozadzika zvaanenge ataura!—Isaya 55:11.

Nhoroondo yebhuku raDhanieri inoratidzei nezvaMwari wedu? VaHebheru vana vaduku vakaramba kurarama upenyu hwomumuzinda weBhabhironi vakawana ‘zivo, njere, nouchenjeri.’ (Dhanieri 1:17) Mwari wechokwadi akatuma ngirozi ikanunura Shadreki, Misheki naAbhedhinego muvira romoto. Dhanieri akanunurwa mugomba reshumba. Jehovha ‘anobatsira, inhoo yevaya vanovimba naye’ uye ‘anokomborera vaya vanomutya.’—Pisarema 115:9, 13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kana uchida kuona panotsanangurwa ndima imwe neimwe yebhuku raDhanieri, ona bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Nei Dhanieri aiva “munhu anodiwa kwazvo”?