Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha

Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha

Nyaya Youpenyu

Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha

Yakataurwa naHenryk Dornik

NDAKABEREKWA muna 1926 nevabereki vaiva vaKaturike vaishingaira. Vaigara muRuda Slaska, taundi remigodhi riri pedyo neKatowice, kumaodzanyemba kwePoland. Vakadzidzisa isu vana vavo vaisanganisira ini nomukoma wangu Bernard; hanzvadzi dzangu duku mbiri, Róża naEdyta kunyengetera, kupinda minamato yokuchechi, uye kudya sakaremende.

Mhuri Yedu Inowana Chokwadi cheBhaibheri

Rimwe zuva muna January 1937, pandaiva nemakore gumi, Baba vakadzoka kumba vachifara chaizvo. Vakauya nerimwe bhuku rakakura ravakanga vapiwa neZvapupu zvaJehovha. Vakati, “Vana vangu, onai bhuku randawana! Magwaro Matsvene!” Ndakanga ndisati ndamboona Bhaibheri.

Vanhu vomuRuda Slaska nenzvimbo dzaiva pedyo vakanga vave vachipinda Chechi yeKaturike kwenguva refu. Vafundisi vaiva noushamwari hwakanaka chaizvo nevaridzi vemigodhi yacho uye vaiti vashandi vepamigodhi nemhuri dzavo vateerere zvose zvavaitaura. Kana mushandi akarega kuenda kuMisa kana kuti akaramba kuenda kunoreurura, ainzi muhedheni uye aizofanira kudzingwa basa pamugodhi wacho. Nenguva isipi Baba vakatyisidzirwa kuti vaizodzingwa nokuti vaiwadzana neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei mupristi paakauya kumba kwedu, Baba vakafumura unyengeri hwake hwechitendero vanhu vose vachinzwa. Mupristi uyu akanga ava kunyara haana kuda kuzvisikirazve moto muziso, saka Baba havana kudzingwa basa.

Kuona kwandakaita baba vachikurukura nomupristi uyu kwakasimbisa vavariro yangu yokuti ndizive Bhaibheri. Zvishoma nezvishoma ndakasvika pakuda Jehovha, uye ndakava noukama hwakanaka naye. Mwedzi mishomanana pashure pokunge Baba vakurukura nomupristi iyeye, takaenda kuChirangaridzo chorufu rwaKristu kwaiva neboka revanhu 30, kwakanosumwa Baba nemashoko aiti, “Uyu muJonadhabhi.” Munguva pfupi ndakazoziva kuti “vanaJonadhabhi” vaiva vaKristu vaiva netariro yokurarama pasi pano uye kuti vaizowanda. *2 Madzimambo 10:15-17.

“Nhaiwe Mukomana, Unoziva Here Kuti Kubhabhatidzwa Zvinorevei?”

Vagamuchira chokwadi, Baba vakarega doro ndokuva murume nababa vakanaka. Kunyange zvakadaro, Amai havana kubvuma zvaitendwa nababa, uye vaigara vachitaura kuti zvaizova nani kuti baba varambe vachirarama upenyu hwavo hwekare uye kuti varambe vari muKaturike. Zvisinei, pashure pokunge Hondo Yenyika II yagundika, amai vakaona kuti vafundisi ivavo vakanga vambonyengeterera kuti Poland ikunde mauto eGermany aipinda nechisimba iye zvino vakanga vava kunyengeterera kukunda kwaiita Hitler! Gare gare, muna 1941, Amai vakatangawo kunamata Jehovha pamwe chete nesu.

Zvisati zvadaro, ndakanga ndambotaura kuti ndaida kuzvitsaurira kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura, asi vakuru vomuungano vaifunga kuti ndakanga ndichiri muduku zvikuru. Vakati ndimbomira. Pakupedzisira, musi waDecember 10, 1940, Konrad Grabowy (imwe hama yakazofa yakatendeka mumusasa wevasungwa) akandibvunza tiri mune imwe imba duku. Akandibvunza mibvunzo mishanu, uye agutsikana nemhinduro dzangu, akandibhabhatidza. Mumwe wemibvunzo yaakandibvunza waiva wokuti, “Nhaiwe mukomana, unoziva here kuti kubhabhatidzwa zvinorevei?” Mumwe wacho waiti, “Iye zvino zvakuine hondo, unoziva here kuti munguva pfupi uchafanira kusarudza kana uchida kutendeka kuna Hitler kana kuti kuna Jehovha, uye kuti zvauchasarudza zvingakuurayisa?” Ndisingazezi, ndakapindura kuti, “Ndinozviziva.”

Kutambudzwa Kunotanga

Nei Konrad Grabowy akandibvunza mibvunzo yakadaro? Mauto eGermany akanga apinda muPoland nechisimba muna 1939, uye pashure pacho takaedzwa kwazvo kana taiva nokutenda uye takavimbika. Zuva nezuva zvinhu zvaiwedzera kuipa sezvatainzwa nezvokusungwa kwehama dzedu dzechiKristu, kudzingwa kwadzo munyika, uye kuendeswa mumajeri nomumisasa yevasungwa. Munguva pfupi taizoedzwawo saizvozvo.

VaNazi vaida kuchinja chizvarwa chedu vaduku, kusanganisira isu vana kuti titsigire hurumende yaHitler yainzi Third Reich. Sezvo Baba naAmai vakanga varamba kakawanda kusayina gwaro rainzi Volkslist raiva nemazita ezvizvarwa zvomuGermany kana kuti evaida kuva zvizvarwa zvemo, vakanyimwa kodzero yepamutemo yokutirera. Baba vakaendeswa kumusasa wevasungwa kuAuschwitz. Muna February 1944 ini nomukoma wangu taendeswa kujeri revana muGrodków (Grottkau), pedyo neNysa, uye hanzvadzi dzedu dzakaendeswa kuchechi yeKaturike muCzarnowąsy (Klosterbrück), pedyo neOpole kuti dzinochengetwa. Vavariro yacho yaiva yokuti tisiye dzainzi nehurumende “pfungwa dzisina kunaka dzevabereki vedu.” Amai vakasiyiwa voga pamba.

Mangwanani oga oga muchivanze chejeri iri, mureza waisimudzwa uye tainzi tisimudze maoko edu orudyi tichisaruta mureza wacho tichiti “Rumbidzai Hitler.” Izvi zvaiva muedzo mukukutu wokutenda, asi ini naBernard hatina kana kumbotsuduguka pane zvakarurama. Saka tairohwa zvakaipisisa tichinzi takanga “tisingaremekedzi.” Zvavakaedzazve kuita kuti titsuduguke pane zvataitenda zvakakundikana, saka mapurisa eSS akaguma ati tisarudze izvi kokupedzisira, “Zviri kwamuri kuti musayine gwaro rinoratidza kuti makavimbika kuHurumende yeGermany uye kuti mupinde muuto reGermany (Wehrmacht), kana musingadi muchaendeswa kumusasa wevasungwa.”

Muna August 1944 hurumende payakati tiendeswe kumusasa wevasungwa, yakati: “Vakaoma musoro zvokuti hazviiti kuvanyengetedza kuti vaite zvavasingadi. Vangatofara kana vakaurayirwa zvavanotenda. Kupandukira kwavo kungakanganisa jeri rose.” Kunyange zvazvo ndakanga ndisingadi kuurayirwa zvandaitenda, kutambura ndakashinga uye ndichiremekedza kuvimbika kwandaifanira kuita kuna Jehovha kwakaita kuti ndifare. (Mabasa 5:41) Handaizombokwanisa kutsungirira kutambura kwandakanga ndoda kusangana nako nesimba rangu ndoga. Kunyengetera kwandaiita nomwoyo wose kwakandiswededza pedyo naJehovha, uye chokwadi akandibatsira zvikuru.—VaHebheru 13:6.

Mumusasa Wevasungwa

Pasina nguva ndakaendeswa kumusasa wevasungwa wainzi Gross-Rosen waiva muSilesia. Ndakapiwa nhamba yangu yomujeri neturaiengoro yepepuru, yairatidza kuti ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mapurisa eSS akati ndisarudze zvandaida. Ndaigona kubudiswa mumusasa wevasungwa uyu, kunyange kutova mukuru mukuru muuto revaNazi kana ndaizoita chinhu chimwe chete: “Unofanira kusiyana nezvinodzidziswa neVadzidzi veBhaibheri nokuti zvinopesana nehurumende yeThird Reich.” Hapana vamwe vasungwa vapi nevapi vakanga vavimbiswa kuzoitirwa izvozvo. Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvakapiwa mukana wokubuda mumisasa yacho. Kunyange zvakadaro, ndakaramba zvakasimba “ropafadzo” yacho sezvakaitawo zviuru zvevamwe vangu. Mapurisa acho akati kwandiri: “Nyatsotarisa chimbini iyo iri panopisirwa zvitunha. Fungisisa zvatataura, nokuti kana ukasadaro uchabuda mujeri rino nepachimbini iyoyo.” Zvakare ndakanyatsoti tana kuramba, uye panguva iyoyo ndakava no“rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.”—VaFiripi 4:6, 7.

Ndakanyengetera kuti ndikwanise kuonana nezvimwe Zvapupu zvakanga zviri mumusasa wacho uye Jehovha akaita kuti zvidaro. PavaKristu ava paiva neimwe hama yakanga yakatendeka yainzi Gustaw Baumert, yainditarisira nounyoro uye norudo. Hapana mubvunzo kuti Jehovha akava “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.

Pashure pemwedzi mishomanana mauto eRussia akanga achipinda munyika akamanikidza vaNazi kuti vakurumidze kubva pamusasa wacho. Pataigadzirira kuenda, isu hama tichiisa upenyu pamutanhiko takasarudza kuenda kwaigara vakadzi kuti tinoona kuti hanzvadzi dzedu dzinenge 20 dzaiva dzakadini, dzaisanganisira Elsa Abt naGertrud Ott. * Pavakationa, vakatimhanyira uye pashure penguva pfupi yokukurudzirana, vakaimba pamwe chete rwiyo rwoUmambo rwaiva nemashoko aya: “Akatendeka, akavimbika, haatyi.” * Tose zvedu takasvimha misodzi!

Kuenda Kune Mumwe Musasa

VaNazi vakatsokera isu vasungwa 100 kusvika ku150 mungoro dzezvitima dzemarasha, pasina zvokudya kana mvura, uye taifamba kuine mazaya echando uye kuchinaya mvura yaiva nechando chaikwidza hamba mumuti. Takatambura nenyota nefivha. Vasungwa vairwara nevaya vakanga vaneta zvavaifenda uye vachifa, dzimwe ngoro dzacho dzaisara dzava nevanhu vashomanana. Makumbo angu nemajoini zvakazvimba zvikuru zvokuti ndakatadza kumira. Pashure pokunge tafamba kwemazuva gumi, isu vasungwa vashoma vakanga vachiri vapenyu takasvika pamusasa wevasungwa weMittelbau-Dora muNordhausen, pedyo neWeimar muThuringia. Zvinotoshamisa ndezvokuti hapana kana hama imwe chete yakafa murwendo irworwo rwaityisa.

Ndichangopora paurwere hwangu hwakanga hwakonzerwa nerwendo, pakava nedenda remanyoka mumusasa wacho, uye ini nedzimwe hama takarwara. Takanzi timborega kunwa muto wataipiwa mumusasa wacho asi kuti tingodya chingwa chakagochwa. Ndakadaro uye ndakakurumidza kupora. Muna March 1945 takanzwa kuti Rugwaro rwegore iroro rwaiva Mateu 28:19 runoti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” Zvaiva pachena kuti taizobudiswa mumisasa munguva pfupi yaizotevera uye kuti mashoko akanaka aizoramba achiparidzwa! Izvozvo zvakaita kuti tifare zvikuru uye kuti tive netariro, sezvo taifunga kuti Hondo Yenyika II yaizoguma neAmagedhoni. Zvinofadza kuti Jehovha akatisimbisa zvikuru munguva iyoyo yakanga yakaoma!

Kusunungurwa Mumisasa

Musi waApril 1, 1945, mauto omubatanidzwa wedzimwe nyika akabhomba misasa yeSS nomusasa wedu waiva pedyo. Vakawanda vakaurayiwa uye vamwe vakakuvara. Mangwana acho, pataiva pakabhombwa chaizvo, uye muchapwititi chokurwisana uku, rimwe bhomba rakaputika zvine simba rakandikandira mudenga.

Hama Fritz Ulrich ndivo vakandibatsira. Vakafukunura matutu oungwanda-ngwanda vaine tariro yokuti ndakanga ndichiri mupenyu. Vakapedzisira vandiwana ndokundibvisa paungwanda-ngwanda hwacho. Pandakapepuka, ndakaona kuti chiso nomuviri wangu zvakanga zvakuvara zvikuru uye kuti ndakanga ndisingachanzwi chero chii zvacho. Ruzha rwokuputika kwemabhomba rwakanga rwandikuvadza nzeve. Ndakarwara nenzeve kwemakore akawanda zvokuti dzakatora nguva kuti dzipore.

Pazviuru zvevasungwa vaivapo, vashomanana chete ndivo vakapona pakubhombwa uku. Dzimwe hama dzedu dzakafa, kusanganisira Gustaw Baumert wandaida zvikuru. Maronda andakava nawo akaita kuti ndive nechimwe chirwere pamwe chete nefivha yakasimba. Zvisinei, takakurumidza kuonekwa uye takasunungurwa nemauto omubatanidzwa wedzimwe nyika. Panguva iyi mitumbi yaiora yevamwe vanhu kana kuti yevasungwa vakanga vapondwa yakakonzera denda retaifasi (typhus), randakavawo naro. Ndakaendeswa kuchipatara pamwe chete nevamwe vose vairwara. Pasinei nokuti vanachiremba vakatirapa nemwoyo wose, vatatu vedu ndivo chete vakapona. Ndakatenda Jehovha kwazvo kuti akandisimbisa kuti ndirambe ndakatendeka munguva iyoyo yakaoma! Ndakatendawo kuti Jehovha akaona zvakakodzera kuti andinunure “mumupata wezarima” rorufu.—Pisarema 23:4.

Ndakadzokera Kumba Pakupedzisira!

Nyika yeGermany yakanda mapfumo pasi, ndaitarisira kuti ndaizodzokera kumba nokukurumidza zvikuru, asi zvakanga zvakaoma kwazvo kupfuura zvandaitarisira. Ndakaonekwa nevamwe vaimbova vasungwa vaiva nhengo dzeBoka reChechi yeKaturike (Catholic Action). Vakadanidzira vachiti, “Muurayei!” ndokubva vandiwisira pasi, vakanditsika-tsika. Mumwe murume akasvika ndokundinunura mumukanwa meshumba, asi zvakanditorera nguva kuti ndipore sezvo ndakanga ndakuvara uye ndichinzwa kupera simba nechirwere chetaifasi. Zvisinei, pakupedzisira ndakazoenda kumba. Ndakafara chaizvo kuvazve nevomumhuri yedu! Pavakandiona vose vakafara zvikuru nokuti vaifunga kuti ndakafa.

Nenguva isipi takatangazve basa rokuparidza, uye vanhu vakawanda vaitsvaka chokwadi nomwoyo wose vakabvuma zvataivadzidzisa. Ndakapiwa basa rokuendesera ungano mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Pamwe chete nedzimwe hama, muWeimar ndakava neropafadzo yokusangana nevamiririri vaibva kuhofisi yebazi rokuGermany, uye tichibva ikoko takadzokera kuPoland nemagazini okutanga eNharireyomurindi akadhindwa hondo yapera. Magazini acho akakurumidza kushandurwa, zvokudhindisa zvakagadzirwa uye akabva adhindwa. Hofisi yedu yaiva muLodz payakanzi itarisire zvizere basa romuPoland, mabhuku anotsanangura Bhabheri akatanga kuwanikwa muungano nguva dzose. Ndakatanga kushumira sapiyona chaiye, kana kuti muevhangeri wenguva yakazara, ndichishanda ndima yakakura yeSilesia, yaiva chikamu chePoland panguva iyoyo.

Zvisinei, munguva pfupi yakatevera, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa zvakare, panguva ino nehurumende itsva yeKomonizimu yakanga yagadzwa muPoland. Nokuti ndakanga ndiri muKristu asingatsigiri zvematongerwo enyika, muna 1948 ndakanzi ndipike jeri kwemakore maviri. Ndiri mujeri, ndakabatsira vasungwa vakawanda kuti vave noukama naMwari. Mumwe wavo akatsigira chokwadi uye akazozvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa.

Muna 1952 ndakasungwa zvakare, panguva ino ndichipomerwa zvenhema kuti ndaiva musori weUnited States! Ndichimirira kutongwa kwenyaya yangu, ndakapfigirwa muchitokisi ndiri ndoga uye ndaibvunzurudzwa siku nesikati. Zvisinei, Jehovha akandinunura zvakare mumaoko evainditambudza, uye mumakore akatevera handina kuzotambudzwa zvakare saizvozvo.

Zvakandibatsira Kutsungirira

Pandinombofunga nezvemakore iwayo emiedzo uye akanga akaoma, ndinogona kutaura zvimwe zvinhu zvikuru zvakandikurudzira. Chokutanga, ndakawana simba rokutsungirira kuna Jehovha neShoko rake, Bhaibheri. Kugara ndichiteterera nomwoyo wose kuna “Mwari wokunyaradza kwose” uye kudzidza Shoko rake zuva nezuva kwakatibatsira kuramba takamuka mune zvokunamata. Magazini eNharireyomurindi aiita zvokunyorwa nemaoko akasimbisawo kutenda kwedu. Ndiri mumisasa yevasungwa, ndakasimbiswa zvikuru nevamwe vandainamata navo vaiva nomutsa vakanga vakagadzirira kubatsira uye vaiva nechido chokudaro.

Chimwe chikomborero chandakawana kuna Jehovha, aiva mudzimai wangu Maria. Takaroorana muna October 1950 uye takazova nomwanasikana anonzi Halina, akakura achida Jehovha nokumushumira. Ini naMaria takanga tava nemakore 35 taroorana paakazofa shure kwokurwara kwenguva refu. Kufa kwake kwakandishungurudza uye kwakandirwadza. Kunyange zvazvo ndakambonzwa sokunge ndakanga nda“punzirwa pasi,” ‘handina kuparadzwa.’ (2 VaKorinde 4:9) Munguva iyoyo yakanga yakaoma, ndakatsigirwa nomwanasikana wangu wandinoda, murume wake, nevana vavo, vazukuru vangu, vose zvavo vari kushumira Jehovha vakatendeka.

Kubvira muna 1990, ndave ndichishanda pahofisi yebazi muPoland. Ndakakomborerwa zvikuru kuwadzana nemhuri yakanaka yeBheteri zuva rimwe nerimwe. Dzimwe nguva utano hwangu huri kuramba huchiipa hunoita kuti ndinzwe segondo riri kupera simba risingagoni kubhururuka zvine simba. Kunyange zvakadaro, ndinotarisira remangwana nechivimbo, uye ndino“imbira Jehovha, nokuti akandipa mubayiro” kusvikira nhasi. (Pisarema 13:6) Ndiri kutarisira nguva yemberi apo Jehovha, Mubatsiri wangu, achabvisa uipi hwose hwakakonzerwa nokutonga kwaSatani kunodzvinyirira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1998, peji 13, ndima 6.

^ ndima 20 Ona nyaya youpenyu yaElsa Abt iri muNharireyomurindi, yaApril 15, 1980, mapeji 12-15.

^ ndima 20 Rwiyo nhamba 101 rwaiva mubhuku renziyo ra1928 rainzi Nziyo Dzokurumbidza Jehovha, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mubhuku renziyo remazuva ano inhamba 56.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndakapiwa nhamba iyi neturaiengoro yepepuru mumusasa wevasungwa

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ndiine mudzimai wangu Maria, muna 1980