Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo

Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo

Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo

“Zvinhu zvenyu zvose ngazviitike norudo.”—1 VAKORINDE 16:14.

1. Panoberekwa mwana, vabereki vanonzwa sei?

VABEREKI vakawanda vangabvuma kuti kuzvarwa kwomwana ndechimwe chezvinhu zvinofadza zvikuru muupenyu. Vamwe amai vanonzi Aleah vanoti: “Pandakatanga kuona mwanasikana wangu wandakanga ndichangobereka, ndakashaya zvokuita nomufaro. Ndakanga ndisati ndamboona mwana akanaka kudaro.” Zvisinei, nguva inofadza iyoyo ingaitawo kuti vabereki vazvidye mwoyo. Murume waAleah anoti: “Ndaityira kana ndaizogona kunyatsorera mwanasikana wangu kuti akwanise kukunda matambudziko oupenyu.” Vabereki vakawanda vanotyirawo izvozvo uye vanoziva kuti vana vanofanira kudzidziswa norudo. Zvisinei, vabereki vechiKristu vanoda kudzidzisa vana vavo norudo vanosangana nezvipingamupinyi. Ndezvipi zvimwe zvacho?

2. Vabereki vanosangana nezvipingamupinyi zvipi?

2 Mazuva okupedzisira enyika ino ava kuzosvika kwamvura yacheka makumbo. Sezvakafanotaurwa, vanhu vasina rudo ndivo vazara munyika. Kunyange mumhuri, vanhu havasi“sina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo” uye ‘havachaongi, havasisina kuvimbika, havachazvidzori, uye vava kutyisa.’ (2 Timoti 3:1-5) Kugara nevanhu vanoratidza unhu hwakadaro mazuva ose kunogona kukanganisa ukama hwemhuri dzechiKristu. Uyewo, vabereki vanenge vachirwisana nounhu hwavanongozvarwa nahwo hwokusazvidzora, hwokutaura zvinhu zvinorwadza asi vasingaiti nemaune, uye vanokanganisa kusarudza mune zvimwewo zvinhu.—VaRoma 3:23; Jakobho 3:2, 8, 9.

3. Vabereki vanogona sei kurera vana vanofara?

3 Pasinei nezvipingamupinyi izvi, vabereki vanogona kurera vana vanofara, vanoda Mwari. Sei? Nokushandisa zano reBhaibheri rinoti: “Zvinhu zvenyu zvose ngazviitike norudo.” (1 VaKorinde 16:14) Chokwadi, rudo “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Ngatimboongororai zvinhu zvitatu zvine chokuita norudo zvinorondedzerwa nomuapostora Pauro mutsamba yokutanga yaakanyorera vaKorinde tokurukura dzimwe nzira dzingashandiswa nevabereki kuratidza unhu uhwu pavanenge vachidzidzisa vana vavo.—1 VaKorinde 13:4-8.

Nei Vachifanira Kuva Nomwoyo Murefu?

4. Nei vabereki vachifanira kuva nomwoyo murefu?

4 Pauro akanyora kuti: “Rudo rune mwoyo murefu.” (1 VaKorinde 13:4) Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “mwoyo murefu” anoreva kushivirira uye kunonoka kutsamwa. Nei vabereki vachifanira kuva nomwoyo murefu? Hapana mubvunzo kuti vabereki vakawanda vangafunga zvikonzero zvizhinji. Chimbofunga zvimwe zvishomanana zvacho. Kana vana vachida chimwe chinhu havangochikumbiri kamwe chete. Kunyange kana mubereki akati tana kuramba, mwana angaramba achikumbira aine tarisiro yokuti mubereki achabvuma. Vachiri kuyaruka vangataura zvikonzero zvakawanda zvokuti nei vachifanira kubvumirwa kuita zvimwe zvinhu izvo mubereki angaziva kuti hazvina kunaka. (Zvirevo 22:15) Uye vana vanongodzokorora zviya zvavanenge vakambokanganisa, sezvatinongoita tose.—Pisarema 130:3.

5. Chii chinogona kubatsira vabereki kuti vave nomwoyo murefu?

5 Chii chinogona kubatsira vabereki kuti vaitire vana vavo mwoyo murefu uye kuti vavashivirire? Mambo Soromoni akanyora kuti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.” (Zvirevo 19:11) Vabereki vanganzwisisa maitiro evana vavo kana vakayeuka kuti ivowo ‘vaimbotaura somucheche, vaimbofunga somucheche, vaimborangarira somucheche.’ (1 VaKorinde 13:11) Vabereki munoyeuka here muchinetsa amai kana baba venyu kuti vakupei chimwe chinhu chakanga chisina musoro muchiri vaduku? Pamaiva vana, maimboona here sokuti vabereki venyu vakanga vasinganzwisisi zvamaida kana kuti zvinetso zvenyu? Kana maidaro, mungangodaro muchinzwisisa kuti nei vana venyu vachiita nenzira yavanoita nayo uye kuti nei vachida kuti murambe muchivayeuchidza nokushivirira zvamunenge masarudza. (VaKorose 4:6) Zvinokosha kuti Jehovha akaudza vabereki vechiIsraeri kuti ‘varoverere’ mitemo yake muvana vavo. (Dheuteronomio 6:6, 7) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘kuroverera’ rinoreva “kudzokorora,” “kutaura wataurazve,” “kusimbisa.” Izvi zvinoreva kuti vabereki vanofanira kudzokorora zvavanotaura kusvikira mwana adzidza kushandisa mitemo yaMwari. Kazhinji zvinoda kudzokororawo saizvozvo pakuvadzidzisa zvimwe zvinhu muupenyu.

6. Nei kuva mubereki ane mwoyo murefu kusingarevi kungorega mwana achiita madiro?

6 Zvisinei, kuva mubereki ane mwoyo murefu hazvirevi kungorega mwana achiita madiro. Shoko raMwari rinonyevera kuti: “Mukomana anongoregwa hake achanyadzisa amai vake.” Kuti zvisazodaro, chirevo chimwe chete ichocho chinoti: “Shamhu nokutsiura ndizvo zvinopa uchenjeri.” (Zvirevo 29:15) Dzimwe nguva, vana vangaona sokuti vabereki havana kodzero yokuvatsiura. Asi mhuri dzechiKristu hadzitungamirirwi sezvinoitwa nehurumende dzegutsaruzhinji, sezvinonzi kodzero yevabereki yokuti vape mitemo inobva pakuti vana vacho vanoda here kana kuti kwete. Kusiyana neizvozvo, Jehovha, zvaari iye Musoro wemhuri, anopa vabereki simba rokuti vadzidzise uye varange vana vavo norudo. (1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 3:15; 6:1-4) Kutaura zvazviri, kuranga kwakabatana chaizvo nechimwe chinhu chine chokuita norudo chinotaurwa naPauro.

Vangavaranga Sei Norudo?

7. Nei vabereki vane mutsa vachiranga vana vavo, uye kuranga kwakadaro kunosanganisirei?

7 Pauro akanyora kuti ‘rudo rune mutsa.’ (1 VaKorinde 13:4) Vabereki vane mutsa zvechokwadi vacharamba vachiranga vana vavo. Kana vakadaro, vanenge vachitevedzera Jehovha. Pauro akanyora kuti: “Jehovha anoranga waanoda.” Tapota onai kuti kuranga kunotaurwa nezvako muBhaibheri hakungorevi kurova. Kunoreva kurovedza uye kudzidzisa. Chinangwa chokuranga kwakadaro ndechei? Pauro anoti: ‘Kunoberekera vakarovedzwa nakwo chibereko chine rugare, iko kururama.’ (VaHebheru 12:6, 11) Vabereki pavanodzidzisa vana vavo nomutsa zvinoenderana nezvinodiwa naMwari, vanovapa mukana wokuzova vanhu vakuru vanoda rugare, vakarurama. Kana vana vakabvuma “kuranga kwaJehovha,” vanova nouchenjeri, nezivo uye nzwisiso, unhu hunokosha zvikuru kupfuura sirivha kana ndarama.—Zvirevo 3:11-18.

8. Chii chinowanzoitika kana vabereki vakasaranga vana vavo?

8 Asiwo kana vabereki vakasaranga vana vavo vanenge vasiri kuvada. Jehovha akafuridzira Soromoni kuti anyore kuti: “Munhu anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake, asi anomuda ndiye anotsvaka kumuranga.” (Zvirevo 13:24) Vana vasingagari vachirangwa kazhinji kacho vanova noudyire uye havafari. Kusiyana neizvi, zvakaonekwa kuti vana vane vabereki vanonzwira tsitsi asi vanoda kuti vachengetedze mitemo yavanovapa vanogona kuchikoro, vanogona kugarisana nevamwe, uye kazhinji vanofara. Naizvozvo, vabereki vanoranga vana vavo vanovada.

9. Vabereki vechiKristu vanodzidzisei vana vavo, uye mitemo iyi inofanira kuonekwa sei?

9 Kuranga vana nomutsa uye norudo kunosanganisirei? Vabereki vanofanira kukurukura nevana vavo zvakajeka zvavanofanira kuita. Somuenzaniso, kubvira vachiri vacheche, vana vane vabereki vechiKristu vanodzidziswa mitemo inokosha iri muBhaibheri pamwe chete nokudzidziswa kuti vanofanira kuitawo mabasa akasiyana-siyana ane chokuita nokunamata kwechokwadi. (Eksodho 20:12-17; Mateu 22:37-40; 28:19; VaHebheru 10:24, 25) Vana vanofanira kuziva kuti mitemo iyi haichinji.

10, 11. Nei vabereki vangafungawo zvinodiwa nevana vavo pavanenge vachidzika mitemo yepamba?

10 Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva vabereki vangada kuti vana vavo vataurewo pavanenge vachidzika mitemo yepamba pavo. Kana vana vakabvumidzwa kutaurawo mafungiro avo panodzikwa mitemo yacho, zvingava nyore kuti vaiteerere. Somuenzaniso, vabereki vangasarudza nguva chaiyo yokuti vana vange vava pamba. Kana kuti vangabvumira vana vavo kuti vataurewo nguva yavanoda kusvika pamba uye kuti vape zvikonzero zvokuti nei vasarudza nguva iyoyo. Zvadaro vabereki vangataura nguva yavanoda kuti vana vave pamba vobva vatsanangura kuti nei nguva yavanenge vasarudza iriyo yakakodzera. Zvakadini kana vana nevabereki vakava nemaonero akasiyana, sezvinowanzoitika? Dzimwe nguva vabereki vangabvuma nguva inenge yasarudzwa nevana vavo kana pasina mitemo yeBhaibheri inotyorwa. Zvinoreva here kuti vabereki vanenge varega kushandisa simba ravo?

11 Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatimboonai maratidziro akaita Jehovha simba rake nenzira yorudo pana Roti nemhuri yake. Pashure pokunge ngirozi dzabudisa Roti nomudzimai wake nevanasikana vavo muSodhomu, dzakati kwavari: “Tizira kunzvimbo ine makomo kuti urege kuparadzwa!” Zvisinei, Roti akapindura kuti: “Ndapota, kwete izvozvo Jehovha!” Zvadaro Roti akakumbira kuti aende kumwe, achiti: “Ndapota, zvino guta iri riri pedyo kuti nditizire ikoko uye chinhu chiduku. Ndapota, regai nditizire ikoko.” Jehovha akatii? Akati: “Tarira ndiri kuva nehanya newe kusvikira ipapowo.” (Genesisi 19:17-22) Jehovha akarega kushandisa simba rake here? Kwete! Asi akafunga nezvechikumbiro chaRoti, akasarudza kumuitira mutsa wakakura. Kana uri mubereki, pane paungafungawo nezvezvinodiwa nevana vako paunenge uchidzika mitemo yemhuri here?

12. Chii chichabatsira mwana kuti anzwe akachengeteka?

12 Chokwadi, vana havangofaniri kuziva mitemo asiwo vanofanira kuziva marangirwo avanozoitwa kana vakatyora mitemo iyoyo. Kana vangoudzwa marangirwo avachaitwa uye vaanzwisisa, mitemo yacho inofanira kushandiswa. Kana vabereki vachigara vachinyevera vana vavo kuti vachavaranga zvinoenderana nokukanganisa kwavanenge vaita asi vorega kuvaranga saizvozvo, vanenge vasiri kuvada. Bhaibheri rinoti: “Mutongo zvausina kukurumidza kupiwa pabasa rakaipa, mwoyo yevanakomana vevanhu yakatsunga kwazvo mukati mavo kuti vaite zvakaipa.” (Muparidzi 8:11) Chokwadi, zvingava zvakanaka kuti mubereki asaranga mwana pane vanhu kana kuti kana paine vamwe vezera rake, kuitira kuti mwana wacho asanyara. Asi vana vanonzwa vakachengeteka uye vanoremekedza nokuda vabereki vavo zvikuru kana vachiziva kuti “Hungu” wavo ndihungu uye “Aiwa” wavo ndiaiwa, kunyange izvozvo zvingareva kuti vacharangwa.—Mateu 5:37.

13, 14. Vabereki vangatevedzera sei Jehovha pavanenge vachidzidzisa vana vavo?

13 Kana chirango chichizoratidza rudo, chinofanira kupiwa zvinoenderana nomwana mumwe nomumwe. Pam anoyeuka kuti: “Vana vedu vaviri vaida kurangwa zvakasiyana. Chirango chaishanda kune mumwe chaisashanda kune mumwe wacho.” Murume wake, Larry anotsanangura kuti: “Mwanasikana wedu wedangwe aiva chandagwinyira chaiye uye aitozorega chimwe chinhu kana arangwa zvakaomarara. Zvisinei, mwanasikana wedu muduku aikurumidza kuteerera mashoko akasimba, kunyange kungomutarisa neziso.” Zvechokwadi, vabereki vane rudo vanoedza kunzwisisa kuti mwana mumwe nomumwe anoda kurangwa sei.

14 Jehovha anoratidza vabereki muenzaniso wakanaka pakuti anoziva zvinokwaniswa nezvinokanganiswa nomushumiri wake mumwe nomumwe. (VaHebheru 4:13) Kuwedzera kune izvi, paanenge achiranga, Jehovha haanyanyisi uyewo haaregeredzi. Pane kudaro, nguva dzose anoranga vanhu vake “zvakafanira.” (Jeremiya 30:11) Vabereki, munoziva here zvinokwaniswa nezvinokanganiswa nevana venyu? Mungashandisa ruzivo irworwo kuti muvadzidzise zvinobudirira, nomutsa here? Kana muchidaro, muri kuratidza kuti munoda vana venyu.

Vakurudzirei Kuti Vataure Chokwadi

15, 16. Vabereki vangakurudzira sei vana vavo kuti vataure chokwadi, uye inzira ipi iyo vabereki vechiKristu vakaona ichishanda panyaya iyi?

15 Zvimwe zvinotaurwa nezvorudo ndezvokuti “harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi.” (1 VaKorinde 13:6) Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuti vade zvinhu zvakarurama uye zvechokwadi? Danho rinokosha nderokukurudzira vana vavo kuti vataure zvose zvinenge zviri kutsi kwemwoyo yavo, kunyange kana zvinenge zvichitaurwa nevana vacho zvingaomera vabereki kuzvigamuchira. Ndokusaka vabereki vachifara vana vavo pavanotaura mafungiro avo uye manzwiro avo anoenderana netsika dzakarurama. Zvisinei, dzimwe nguva mwana angataura zviri kutsi kwemwoyo wake zvinoratidza kuti ari kuda kuita zvisina kururama. (Genesisi 8:21) Vabereki vanofanira kuita sei? Kazhinji vanganzwa vachida kubva vangotsiura vana vavo pakarepo nokuti vanenge vataura izvozvo. Kana vabereki vakadaro, vana vangazongotaura zvavanofunga kuti ndizvo zvinodiwa nevabereki vavo. Chokwadi, kana vana vakataura vasingaremekedzi vanofanira kubva vangotsiurwa ipapo, asi kudzidzisa vana kutaura vachizvirereka kwakasiyana nokuvaudza zvavanofanira kutaura.

16 Vabereki vangakurudzira sei vana vavo kuti vataure chokwadi? Aleah, ambotaurwa anoti: “Taiita kuti zvive nyore kuti vana vedu vataure vakasununguka nokusakurumidza kugumbuka pavanotiudza zvinhu zvinotsamwisa.” Vamwe baba vanonzi Tom vanoti: “Taikurudzira mwanasikana wedu kuti atiudze mafungiro ake, kunyange paakanga asingabvumirani nesu. Taifunga kuti kana tikamudimburira panzira asati apedza kutaura tomuudza zvatinoda, zvaizomuvhiringidza uye aisazotiudza zvaiva kutsi kwemwoyo wake. Asi kuteerera paaitaura kwaiita kuti atiteererewo.” Chokwadi, vana vanofanira kuteerera vabereki vavo. (Zvirevo 6:20) Asi kutaurirana zviri pamwoyo kunopa vabereki mukana wokubatsira vana vavo kuti vazvifungire. Vincent, vamwe baba vane vana vana, vanoti: “Taiwanzotaura zvakanakira nezvakaipira zvimwe zvinhu kuitira kuti vana vedu vazvionere kuti zvakanaka ndezvipi. Izvi zvaivabatsira kuti vazvifungire.”—Zvirevo 1:1-4.

17. Vabereki vangava nechokwadi chei?

17 Chokwadi, hapana mubereki achakwanisa kushandisa zvakakwana mazano ari muBhaibheri panyaya yokurera vana. Kunyange zvakadaro, ungava nechokwadi chokuti vana vako vachaonga zvikuru zvose zvaunoita paunenge uchivadzidzisa nomwoyo murefu, nomutsa, uye norudo. Zvechokwadi Jehovha achakomborera zvaunoita. (Zvirevo 3:33) Vabereki vose vechiKristu vanozviitira kuti vana vavo vadzidze kuda Jehovha sezvavanoita ivo. Vangabudirira sei kudzidzisa vana vavo? Nyaya inotevera ichakurukura zvimwe zvavangaita.

Unoyeuka Here?

• Kunzwisisa kungabatsira sei mubereki kuti ave nomwoyo murefu?

• Mutsa nokuranga zvakabatana pakudini?

• Nei zvichikosha kuti vabereki nevana vataurirane chokwadi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vabereki, muchiri kuyeuka zvamaiita here pamaiva vana?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Munokurudzira vana venyu kuti vataure chokwadi, vakasununguka here?