Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zita raMwari Mumimhanzi yokuRussia

Zita raMwari Mumimhanzi yokuRussia

Zita raMwari Mumimhanzi yokuRussia

MUNA 1877 mumwe munyori wemimhanzi wokuRussia anonzi Modest Mussorgsky akabudisa rwiyo rwaitaura imwe nyaya yakaitika munyika dzinotaurwa muBhaibheri. Akanyorera shamwari yake kuti: “Ndanyora nezvaJoshua womuBhaibheri, maererano nokutaurwa kwazvinoitwa muBhaibheri uye ndichitotaura nezvenzira dzaishandiswa naJoshua paaikunda achienda kuKenani.” Mune dzimwe nziyo dzaakanyora kusanganisira rwiyo runoti, “Kuurayiwa kwaSaniheribhi,” Mussorgsky akataurawo nezvenyaya uye vanhu vomuBhaibheri.

Zvinokosha kuti Mussorgsky paakanyora rwiyo runoti “Joshua,” pamwe chete nerwaakazonyora muna 1874 runoti “Kuurayiwa kwaSaniheribhi,” akataura nezvaMwari achishandisa mataurirwo anoitwa zita rake mumutauro wokuRussia, rinomiririrwa muMagwaro echiHebheru nemabhii mana aya—יהוה (YHWH)—uye riri muMagwaro aya kanoda kusvika ka7 000.

Saka nziyo idzi dzaMussorgsky dzinoratidza kuti zita raMwari rokuti Jehovha riri muBhaibheri, raizivikanwa muRussia zana remakore rechi20 risati rasvika. Izvi zvakakodzera, nokuti iye Jehovha pachake akaudza Mosesi kuti: “Iri ndiro zita rangu nokusingagumi, uye ndiro randichayeukwa naro kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.”—Eksodho 3:15.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Imba yemimhanzi yokuSt. Petersburg muna 1913, makachengeterwa mimhanzi yaMussorgsky yakadhindwa

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 32]

Sheet music: The Scientific Music Library of the Saint-Petersburg State Conservatory named after N.A. Rimsky-Korsakov; street scene: National Library of Russia, St. Petersburg