Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Baba Venyu Vane Ngoni’

‘Baba Venyu Vane Ngoni’

‘Baba Venyu Vane Ngoni’

“Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vaine ngoni.”—RUKA 6:36.

1, 2. Mashoko ayo Jesu akaudza vanyori, vaFarisi nevateveri vake anoratidza sei kuti zvakanaka kuva nengoni?

MUTEMO wakapiwa nokuna Mosesi waiva nemirayiro nemirau inenge 600. Kunyange zvazvo zvaikosha kutevedzera Mutemo waMosesi, zvaikoshawo zvikuru kuva nengoni. Chimbofunga izvo Jesu akaudza vaFarisi vakanga vasina ngoni. Akavatsiura kaviri achiti Mwari akarayira kuti: “Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.” (Mateu 9:10-13; 12:1-7; Hosiya 6:6) Ava kunopedza ushumiri hwake Jesu akati: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munopa chegumi chemindi nedhiri nekumini, asi makarega nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni uye kutendeka.”—Mateu 23:23.

2 Hapana mubvunzo kuti Jesu aikoshesa zvikuru kuva nengoni. Akaudza vateveri vake kuti: “Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vaine ngoni.” (Ruka 6:36) Zvisinei, kuti tive “vatevedzeri vaMwari” panyaya yengoni, tinofanira kuziva dzinonzi ngoni chaidzo. (VaEfeso 5:1) Uyezve, kunzwisisa zvakanakira kuva nengoni kuchaita kuti tidziratidze zvikuru muupenyu hwedu.

Kunzwira Ngoni Vanoda Kubatsirwa

3. Nei tichifanira kudzidza kuna Jehovha dzinonzi ngoni chaidzo?

3 Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye ane mutsa worudo kwazvo. Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” (Pisarema 145:8, 9) Jehovha ndi“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Tinoratidza ngoni patinonzwira tsitsi mumwe munhu. Izvi ndizvo zvinogonekwa naMwari zvikuru. Zvaanoita uye mirayiridzo yaanotipa zvinotidzidzisa dzinonzi ngoni chaidzo.

4. Isaya 49:15 inotidzidzisei nezvengoni?

4 Pana Isaya 49:15, Jehovha anoti: “Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa zvokuti angasanzwira tsitsi mwanakomana wedumbu rake here?” Mashoko echiHebheru anoenderana neriri pano rakashandurwa kuti “tsitsi” anoshandiswa kureva ngoni pana Pisarema 145:8, 9, yambotaurwa pamusoro apa. Manzwiro anoita kuti Jehovha ave nengoni anoenzaniswa nokuda kunoita amai mwana wavo anoyamwa. Zvichida mwana wacho ane nzara kana kuti pane zvaari kuda. Vachimunzwira tsitsi, amai vacho vanotsvaka kuti mwana wavo ari kudei. Ndiko kuda kunoita Jehovha vanhu vaanonzwira ngoni.

5. Jehovha akaratidza sei kuti “ane ngoni zhinji” kuvaIsraeri?

5 Zvakanaka kunzwira mumwe munhu tsitsi asi zvisingapereri pamuromo chete. Chimbofunga zvakaita Jehovha vanamati vake pavaiva varanda kuIjipiti makore anenge 3 500 akapfuura. Akaudza Mosesi kuti: “Chokwadi ndaona kutambudzika kwevanhu vangu vari muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwevaya vanovamanikidza kuti vashande; nokuti ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo. Ndichaburuka kuti ndivanunure pamaoko evaIjipiti uye kuti ndivabudise munyika iyoyo kuti ndivaendese kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:7, 8) Anenge makore 500 vaIsraeri vanunurwa muIjipiti, Jehovha akavayeuchidza kuti: “Ndini ndakabudisa vaIsraeri muIjipiti uye ndini ndakakununurai paruoko rweIjipiti neparuoko rwoumambo hwose hwakanga huchikudzvinyirirai” (1 Samueri 10:18) VaIsraeri vaigara vachiona chitsvuku pamusana pokutsauka pamirayiro yaMwari yakarurama. Asi Jehovha akavanzwira tsitsi uye akaramba achivanunura. (Vatongi 2:11-16; 2 Makoronike 36:15) Izvi zvinoratidza zvinoitwa naMwari ane rudo kune vaya vanenge vachida kubatsirwa, vanenge vari munyatwa, kana kuti vachiona pfumvu. Jehovha “ane ngoni zhinji.”—VaEfeso 2:4.

6. Jesu Kristu akatevedzera sei Baba vake pakuva nengoni?

6 Paaiva pasi pano, Jesu Kristu akatevedzera zvakakwana Baba vake pakuva nengoni. Jesu akaita sei mapofu maviri paakamuteterera achiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi”? Akanga achikumbira Jesu kuti aite chishamiso chokuti aasvinudze. Jesu akaasvinudza asingaratidzi kuti aizvigona. Bhaibheri rinoti: “Asiririswa, Jesu akabata maziso awo, akabva angoona.” (Mateu 20:30-34) Tsitsi dzakaita kuti Jesu aite zvishamiso zvakawanda zvakabatsira mapofu, vaiva nemadhimoni, vaiva nemaperembudzi, uye vabereki vevana vairwara.—Mateu 9:27; 15:22; 17:15; Mako 5:18, 19; Ruka 17:12, 13.

7. Zvinoitwa naJehovha Mwari noMwanakomana wake zvinotidzidzisei nezvengoni?

7 Zvinoitwa naJehovha Mwari naJesu Kristu zvinoratidza kuti ngoni dziri paviri—kuva nomwoyochena, tsiye nyoro kana kuti kunzwira tsitsi munhu anenge achida kubatsirwa uye kuyamura munhu uchimurerutsira mutoro. Kuti munhu ave nengoni anofanira kuva nezvose zviri zviviri. MuMagwaro, ngoni dzinowanzoratidzwa nomutsa unoitirwa vaya vanoda kubatsirwa. Zvisinei, ngoni dzinoratidzwa sei pakutonga mhosva? Dzinosanganisirawo here zvingaonekwa sokurega kuita zvakakodzera, zvakadai sokurega kuranga vane mhosva?

Kuva Nengoni Nevatadzi

8, 9. Ngoni dzakaitirwa Dhavhidhi aita chivi naBhatishebha dzaisanganisira chii?

8 Chimbofunga zvakaitika muprofita Natani paakataura naMambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare nezvoupombwe hwaakaita naBhatishebha. Dhavhidhi akapfidza, akanyengetera achiti: “Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, maererano nomutsa wenyu worudo. Dzimai kudarika kwangu maererano nokuwanda kwengoni dzenyu. Nyatsondigezai kukanganisa kwangu, ndichenesei pachivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chiri pamberi pangu nguva dzose. Ndakatadzira imi, iyemi moga, ndakaita zvakaipa pamberi penyu.”—Pisarema 51:1-4.

9 Dhavhidhi akazvidemba zvikuru. Jehovha akamuregerera chivi chake naBhatishebha uye akavapa mutongo wakareruka. Maererano noMutemo waMosesi, Dhavhidhi naBhatishebha vaifanira kuurayiwa. (Dheuteronomio 22:22) Kunyange zvazvo vasina kunzvenga migumisiro yose yechivi chavo, vakasiyiwa vari vapenyu. (2 Samueri 12:13) Ngoni dzaMwari dzinosanganisira kuregerera chivi. Zvisinei, haapeti maoko kana achifanira kupa chirango chakakodzera.

10. Kunyange zvazvo Jehovha achinzwira ngoni paanotitonga, nei tisingafaniri kuita dambe nengoni dzake?

10 “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete” Adhamu uye ‘mubayiro wechivi zvauri rufu,’ vanhu vose vanofanira kufa. (VaRoma 5:12; 6:23) Tinoonga zvikuru kuti Jehovha anonzwira ngoni paanotitonga! Zvisinei, hatifaniri kuita dambe nengoni dzaMwari. Dheuteronomio 32:4 inoti: “Nzira [dzaJehovha] dzose ndedzokururamisira.” Pakunzwira ngoni, Mwari haasiyani nemitemo yake yakakwana.

11. Jehovha akaratidza sei kuti anoruramisira panyaya yechivi chaDhavhidhi naBhatishebha?

11 Vasati varerutsirwa mutongo wavo worufu, Dhavhidhi naBhatishebha vaifanira kutanga varegererwa chivi chavo. Vatongi vechiIsraeri vakanga vasina kupiwa masimba okuita izvi. Kudai vakanga vanzi vatonge nyaya yacho, hapana chimwe chavaigona kuita kunze kwokuvatongera rufu. Izvi ndizvo zvaiva muMutemo. Zvisinei, pamusana pesungano yaakanga aita naDhavhidhi, Jehovha aida kuona kana zvaiita kuregerera chivi chaDhavhidhi. (2 Samueri 7:12-16) Nokudaro, Jehovha Mwari, “Mutongi wenyika yose,” uye “muongorori womwoyo,” akasarudza kutonga nyaya yacho iye pachake. (Genesisi 18:25; 1 Makoronike 29:17) Mwari aikwanisa kunyatsonzwisisa zvaiva mumwoyo maDhavhidhi, kuyera kana akanga apfidza zvechokwadi uye kumuregerera.

12. Vanhu vanotadza vanganzwirwa sei ngoni naMwari?

12 Ngoni dzaMwari dzinoita kuti tisunungurwe parufu runokonzerwa nechivi chatakaberekwa tiinacho dzinoenderana nokururamisira kwake. Kuti atikanganwire zvivi asingatyori mitemo yokururamisira, Jehovha akapa chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu, achiratidza ngoni huru kupfuura zvose zvaakamboita. (Mateu 20:28; VaRoma 6:22, 23) Kuti tinzwirwe ngoni naMwari, idzo dzinoita kuti tisarangwa norufu runokonzerwa nechivi chatakaberekwa tiinacho, tinofanira ‘kutenda muMwanakomana.’—Johani 3:16, 36.

Mwari Wengoni Nokururamisira

13, 14. Ngoni dzaMwari dzinodzikamisa kururamisira kwake here? Tsanangura.

13 Kunyange zvazvo ngoni dzaJehovha dzisingatyori mitemo yake yokururamisira, tingati pane zvadzinogadzirisa pakururamisira kwake here? Ngoni dzinopomhodza kururamisira kwaMwari nokukudzikamisa here? Kwete hadzidaro.

14 Achishandisa muprofita Hosiya, Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Ndichakuroora uve wangu nokusingagumi, ndichakuroora uve wangu mukururama nomukururamisira nomumutsa worudo nomungoni.” (Hosiya 2:19) Mashoko aya anoratidza zvakajeka kuti nguva dzose kunzwira ngoni kwaJehovha kunoenderana nezvimwe zvaari, kusanganisira kururamisira. Jehovha ndi“Mwari ane ngoni nenyasha, . . . anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi, asi asingazomboregi kuranga.” (Eksodho 34:6, 7) Jehovha ndiMwari wengoni nokururamisira. Bhaibheri rinoti nezvake: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.” (Dheuteronomio 32:4) Kururamisira kwaMwari kwakakwana sezvakangoitawo ngoni dzake. Hapana chinopfuura chimwe, uyewo hapana chinofanira kudzikamisa chimwe. Asi zvose zviri zviviri zvinoti gedye gedye.

15, 16. (a) Chii chinoratidza kuti kururamisira kwaMwari hakuna ukasha? (b) Jehovha paachatonga nyika ino yakaipa, vanamati vake vangava nechokwadi chei?

15 Kururamisira kwaJehovha hakuna ukasha. Kazhinji kururamisira kunotaurwa munyaya dzematare, uye kakawanda mutongo unoda kuti chirango chipiwe kuvanhu vanenge vapara mhosva. Zvisinei, kururamisira kwaMwari kunoitawo kuti vanhu vakakodzera vaponeswe. Somuenzaniso, pakaparadzwa vanhu vakaipa mumaguta eSodhoma neGomora, Roti nevanasikana vake vaviri vakaponeswa.—Genesisi 19:12-26.

16 Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha paachatonga nyika ino yakaipa, achaponesa “boka guru” revanamati vechokwadi, “vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.” Saka ‘vachabuda mukutambudzika kukuru.’—Zvakazarurwa 7:9-14.

Nei Tichifanira Kuva Nengoni?

17. Ndechipi chikonzero chinokosha chokuva nengoni?

17 Zvechokwadi zvinoitwa naJehovha naJesu Kristu zvinotidzidzisa dzinonzi ngoni chaidzo. Zvirevo 19:17 inotipa chikonzero chinokosha chokuva nengoni, ichiti: “Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha, uye Iye achamuripa zvaanoita.” Jehovha anofara patinotevedzera iye noMwanakomana wake nokuva nengoni pane zvatinoitirana. (1 VaKorinde 11:1) Uye vamwe vanokurudzirwa kuva nengoni, nokuti kandiro kanoenda kunobva kamwe.—Ruka 6:38.

18. Nei tichifanira kusunga dzisimbe kuti tive nengoni?

18 Ngoni mubatanidzwa wezvinhu zvizhinji zvakanaka. Dzinosanganisira nyasha, rudo, mutsa nokunaka. Kunzwira tsitsi kana kuti tsiye nyoro ndizvo zvinoita kuti munhu ave nengoni. Kunyange zvazvo ngoni dzaMwari dzisingakanganisi kururamisira kwake, Jehovha anononoka kutsamwa uye achishivirira anopa vanhu vanotadza nguva yakakwana yokuti vapfidze. (2 Petro 3:9, 10) Saka ngoni dzakabatana nokushivirira uye kuva nomwoyo murefu. Sezvo ngoni dzichibatanidza zvinhu zvakawanda zvinoyemurika, zvinosanganisira zvibereko zvomudzimu waMwari, kuitira vamwe ngoni kunotipa mukana wokushandira kuva nounhu uhwu. (VaGaratiya 5:22, 23) Zvechokwadi zvinokosha zvikuru kuti tisunge dzisimbe kuti tive nengoni!

“Vanofara Vane Ngoni”

19, 20. Ngoni dzinofara kwazvo nokukunda pakutongwa munzirai?

19 Mudzidzi Jakobho anotiudza chikonzero nei zvichikosha kuti tiitire vamwe ngoni. Akanyora kuti: “Ngoni dzinofara kwazvo nokukunda pakutongwa.” (Jakobho 2:13b) Jakobho aitaura nezvengoni dzinoitwa nevanamati vaJehovha. Dzinofara kwazvo nokukunda pakutongwa pakuti kana nguva yasvika yokuti munhu ‘azvidavirire kuna Mwari,’ Jehovha anotarisa ngoni dzomunhu wacho omukanganwira zvichibva pachibayiro chorudzikinuro cheMwanakomana wake. (VaRoma 14:12) Hapana mubvunzo kuti Dhavhidhi akaitirwa ngoni pachivi chake naBhatishebha nokuti iye aiva nengoni. (1 Samueri 24:4-7) Asiwo, “uya asingaratidzi ngoni achatongwa pasina ngoni.” (Jakobho 2:13a) Ndokusaka “vasina ngoni” vari pamwe chete nevaya vanonzi naMwari “vakakodzerwa norufu.”—VaRoma 1:31, 32.

20 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Vanofara vane ngoni, nokuti vachanzwirwa ngoni.” (Mateu 5:7) Zvechokwadi mashoko aya anokomekedza kuti vanotsvaka ngoni dzaMwari vanofanira kuva nengoni! Nyaya inotevera ichakurukura kuti tingaratidza sei kuti tine ngoni muupenyu hwedu hwezuva nezuva.

Wadzidzei?

• Ngoni chii?

• Ngoni dzinoratidzwa sei?

• Chii chinoita kuti Jehovha ave Mwari wengoni nokururamisira?

• Nei tichifanira kuva nengoni?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kuda kunoita Jehovha vanhu vaanonzwira ngoni kwakafanana nokwaamai nomwana wavo

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tinodzidzei nezvengoni muzvishamiso zvaJesu?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jehovha akatyora here mitemo yake yokururamisira paakaitira Dhavhidhi ngoni?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kunzwira ngoni vanhu vanotadza kunoitwa naMwari kunoenderana nokururamisira kwake