Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jonatani—“Ashanda naMwari”

Jonatani—“Ashanda naMwari”

Jonatani—“Ashanda naMwari”

MWANAKOMANA wamambo wokutanga waIsraeri anoshanyira mhandu yababa vake. Anoiudza kuti: “Usatya; nokuti ruoko rwababa vangu Sauro haruzokuwani, iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri.”—1 Samueri 23:17.

Mushanyi wacho ndiJonatani uye mhandu yacho ndiDhavhidhi. Kudai Jonatani asina kuzokurumidza kufa, zvichida aizova jinda guru raDhavhidhi.

Ushamwari hwaJonatani naDhavhidhi hwakanga husingawanzoitiki pamazera akadaro. Chokwadi, Jonatani akasiyana nevamwe zvikuru. Vanhu vomunguva yake vakafungawo saizvozvo nokuti vakati nezvake: “Ashanda naMwari.” (1 Samueri 14:45) Nei vakataura izvi? Jonatani aiva nounhu hwakaita sei? Uye nyaya youpenyu hwake inokubatsirei?

VaIsraeri Vari ‘Kutambudzika Kwazvo’

Bhaibheri parinotanga kutaura nezvaJonatani, vaIsraeri vari ‘kutambudzika kwazvo.’ VaFiristiya vakanga vapamba nyika yavo uye vavaita kuti vasazvidzivirire.—1 Samueri 13:5, 6, 17-19.

Zvisinei, Jehovha akati aisazosiya vanhu vake, uye Jonatani aiva nechokwadi nazvo. Mwari akanga ati nezvababa vake Sauro: “Iye achaponesa vanhu vangu paruoko rwevaFiristiya.” Jonatani aivimba nemashoko iwayo. Iye pachake akanga ambotungamirira vaIsraeri 1 000 vaiva nezvombo zvishoma ndokukunda vaFiristiya. Iye zvino akanga ava kuda kupedza zvachose kutyisidzira kwaiitwa nevaFiristiya.—1 Samueri 9:16; 12:22; 13:2, 3, 22.

Kukundwa Zvinoshamisa

Jonatani akaronga kurwisa varwi vechiFiristiya vairinda vaiva pedyo nomupata wokuMikmashi. (1 Samueri 13:23) Kuti asvike ipapo, aifanira kukwira achishandisa “maoko ake nemakumbo ake.” Izvozvo hazvina kumuodza mwoyo. Jonatani akasarudza kurwisa aine mutakuri wezvombo zvake chete achibva amuudza kuti: “Zvichida Jehovha achatishandira, nokuti hapana chinotadzisa Jehovha kuponesa nevazhinji kana kuti nevashomanana.”—1 Samueri 14:6, 13.

VaIsraeri vacho vaviri vakada chiratidzo chaibva kuna Jehovha. Vaizozviratidza kuboka revarwi vairinda. Kana vaFiristiya vakati: “Mirai kusvikira tasangana nemi!” Jonatani nomutakuri wezvombo zvake vaisazoenda kwavari. Asi kana vavengi vakati: “Kwirai muzorwa nesu!” izvi zvaizoreva kuti Jehovha aizoita kuti Jonatani nomutakuri wezvombo zvake vakunde. Jonatani aivimba kuti Mwari aizomutsigira, saka akakwira kwaiva neboka revarwi vairinda kuti anorwa.—1 Samueri 14:8-10.

Varume vaviri vaizokwanisa here kurwisa boka rose revarwi vairinda? Jehovha haana kubatsira here Mutongi Ehudhi paakatungamirira vaIsraeri pavairwisana nevaMoabhi? Ko Mwari haana here kubatsira Shamgari, achiita kuti arakashe vaFiristiya 600 achishandisa chimuti chokutinhisa mombe? Uye Jehovha haana here kupa Samsoni simba rokuti auraye vaFiristiya ari oga? Jonatani aivimba kuti Mwari aizomubatsirawo.—Vatongi 3:12-31; 15:6-8, 15; 16:29, 30.

Pavakaona vaIsraeri vaviri, vaFiristiya vakashevedzera vachiti: “Kwirai kwatiri, uye tichaita kuti muzive chimwe chinhu!” Jonatani nomutakuri wezvombo zvake vakabva vakwira. Vakashinga, vakarwisa nokuuraya masoja anenge 20, vachiita kuti boka revarwi vairinda rive bararamhanya. Zvichida vaFiristiya vakafungidzira kuti varwi vakawanda vechiIsraeri vakanga vachiuya. Zvadaro, nyaya yacho inoti: “Vose veboka revarwi vanorinda vakabva vadedera, . . . uye nyika yakatanga kudengenyeka, kukava kudedera kwakabva kuna Mwari.” Pamusana pokudengenyeka kwenyika kwakabva kuna Mwari, nyonganyonga yacho yakapararira pavaFiristiya, zvokuti ‘vakatanga kurwisana pachavo.’ Mauto evaIsraeri paakazviona, akabva ati dzawira mutswanda. Vachibatsirwa nevaIsraeri vakanga vambovanda uye vaya vakanga vambotsigira vaFiristiya, “vakaramba vachiuraya vaFiristiya kubvira kuMikmashi kusvikira kuAijaroni.”—1 Samueri 14:11-23, 31.

Akadzikinurwa Nevanhu

Nokusachenjera Mambo Sauro akanga ati musoja wose aizodya vasati vakunda aifanira kuurayiwa. Sezvineiwo, Jonatani akanga asina kuzviziva. Saka akadya. Akanyudza tsvimbo yake muzinga rouchi ndokudya uchi. Zviri pachena kuti izvi zvakaita kuti avezve nesimba rokupedzisa kurwa.—1 Samueri 14:24-27.

Aziva kuti Jonatani akanga adya, Sauro akarayira kuti aifanira kufa. Jonatani akati chauya chauya: “Ndiri pano! Regai ndife!” “Asi vanhu vakati kuna Sauro: ‘Jonatani anofanira kufa here, iye aponesa vaIsraeri zvikuru kudai? Hazvimboiti! NaJehovha mupenyu, hapana kana bvudzi rimwe romusoro wake richawira pasi; nokuti ashanda naMwari nhasi.’ Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani, uye haana kufa.”—1 Samueri 14:38-45.

Mushumiri waMwari wemazuva ano haarwi hondo chaiyo, asi pangava nenguva muupenyu dzaangada kuva nokutenda uye kushinga. Zvakaoma kuti uite zvakanaka asi vamwe vanhu vose vachiita zvakaipa. Zvisinei, Jehovha achasimbisa uye achakomborera chido chako chokuita zvakarurama. Zvinoda ushingi kuti ubvume mamwe mabasa musangano raJehovha, akadai sokuwedzera ushumiri hwako kana kuti kutamira kunenge kuchinyanya kudiwa vazivisi voUmambo. Unganetseka kuti unozozvikwanisa here. Zvisinei, ziva kuti uri kuita chinhu chakanaka kana uchibvuma kuita basa racho kuitira kuti Jehovha akushandise nenzira yaanoona kuti yakakodzera. Yeuka Jonatani! ‘Akashanda naMwari.’

Jonatani naDhavhidhi

Pazopera makore anenge 20, mhare yevaFiristiya Goriyati akashora uto rechiIsraeri, asi Dhavhidhi akamuuraya. Kunyange zvazvo Jonatani angangove aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore 30, vaviri ava vaiva vakafanana zvikuru. * Ushingi hwakaratidzwa naJonatani paMikmashi ndihwo hwaivawo muna Dhavhidhi. Kupfuura zvose, Dhavhidhi aitendawo kuti Jehovha ane simba rokuponesa, zvakaita kuti arwise Goriyati asingatyi apo vamwe vaIsraeri vose vakabvunda sorutsanga. Saka “mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi, Jonatani akatanga kumuda sokuda kwaaiita mweya wake.”—1 Samueri 17:1-18:4.

Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva gamba rehondo zvichiita kuti Mambo Sauro amuone seaida kumutorera chigaro, Jonatani haana kana kutombonzwa chero kagodo zvako. Iye naDhavhidhi vakava mukombe nechirongo, uye zvichida pakukurukurirana kwavaiita, Jonatani akaziva nezvokuzodzwa kwaDhavhidhi kuti ave mambo waIsraeri aizotevera. Jonatani akaremekedza zvakasarudzwa naMwari.

Mambo Sauro paakataura nomwanakomana nevashumiri vake nezvokuuraya Dhavhidhi, Jonatani akamuruma nzeve. Jonatani akaita kuti Sauro ave nechokwadi chokuti akanga asina chikonzero chokutya Dhavhidhi. Chokwadi, Dhavhidhi akanga asina kumbotadzira mambo! Dhavhidhi akanga asiri kuzvikanda mumukanwa meshumba here paakamisidzana naGoriyati? Kuteterera kwaJonatani nomwoyo wose pamusoro peshamwari yake yakanga ichibatwa zvakaipa kwakatonhodza Sauro. Zvisinei, pasina nguva mambo wacho akatangazve kuronga kumupfuudza uye akaramba achiedza kumuuraya, zvokuti Dhavhidhi akati tsoka ndibereke.—1 Samueri 19:1-18.

Jonatani akamira naDhavhidhi. Vaviri ava vakaonana kuti varonge zvokuita. Akavimbika kushamwari yake asi achiedzawo kuva akavimbika kuna Baba vake, Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Hazvimboiti! Hausi kuzofa.” Zvisinei, Dhavhidhi akaudza Jonatani kuti: “Panongova nenhanho imwe chete pakati pangu norufu!”—1 Samueri 20:1-3.

Jonatani naDhavhidhi vakaronga zano rokuona zvaida kuitwa naSauro. Kana Sauro aizoona kuti Dhavhidhi akanga asipo pakudya, Jonatani aifanira kuudza baba vake kuti Dhavhidhi akanga akumbira kuenda kuchibayiro chemhuri. Kudai Sauro aizotsamwa, zvaizoratidza kuti aivenga Dhavhidhi. Jonatani akamushuvira zvakanaka uye akabvuma zvisiri pachena kuti aizova mambo weramangwana, achiti: “Jehovha ngaave newe, sezvaakava nababa vangu.” Vaviri vacho vakatsidzirana uye vakabvumirana kuti Jonatani azoudza Dhavhidhi zvaizoitika.—1 Samueri 20:5-24.

Sauro paakaona kuti Dhavhidhi akanga asipo, Jonatani akatsanangura kuti akanga amukumbira achiti: “Kana wandinzwira nyasha, ndapota, ndirege ndiende chinyararire, kuti ndinoona vakoma vangu.” Jonatani akanga asingamboroti zvake kuti aiwirirana naDhavhidhi. Izvi zvakaita kuti mambo afufutirwe nehasha. Akatuka Jonatani uye akapopota kuti Dhavhidhi ndiye aizotadzisa mwanakomana wake kuti amutevere pachigaro. Sauro akarayira Jonatani kuti amuunzire Dhavhidhi kuti amuuraye. Jonatani akapindura pfocho achiti: “Anofanira kuurayirwei? Aitei?” Achiviruka nehasha, Sauro akapotsera pfumo kumwanakomana wake. Jonatani akanzvenga asina kana kumbonzi pferenyu asi akapferenyurwa pamwoyo pamusoro paDhavhidhi.—1 Samueri 20:25-34.

Chokwadi Jonatani akanga akavimbika zvikuru! Nepo mukuona kwevanhu, akanga achifira rungire nokushamwaridzana naDhavhidhi. Asi Jehovha akanga aronga kuti Dhavhidhi atevere Sauro pachigaro, uye zvaakanga aronga zvaizonakira Jonatani nevamwe.

Vanoparadzana Nemisodzi

Achiverevedza Jonatani akaonana naDhavhidhi kuti amuudze zvakanga zvaitika. Zvaiva pachena kuti Dhavhidhi akanga asingazombotsiki kumuzinda waSauro. Vakasvimha misodzi ndokumbundirana. Dhavhidhi akabva aenda kunovanda.—1 Samueri 20:35-42.

Jonatani akazoonanazve naDhavhidhi paakanga akavanda Sauro “murenje reZifi kuHoreshi.” Zvadaro Jonatani akakurudzira Dhavhidhi achiti: “Usatya; nokuti ruoko rwababa vangu Sauro haruzokuwani, iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri; uye baba vangu Sauro vanozviziva izvozvo.” (1 Samueri 23:15-18) Zvichangodaro, Jonatani naSauro vakafira muhondo yavairwisana nevaFiristiya.—1 Samueri 31:1-4.

Vose vanoda Mwari vanofanira kufungisisa zvakaitwa naJonatani. Unombozviwana uchipishana nepfungwa panyaya yokuvimbika here? Kana zvakadaro yeuka kuti Sauro akakurudzira Jonatani kuti atsvake zvaingonakira iye chete. Zvisinei, Jonatani aikudza Jehovha achimuteerera zvaibva pamwoyo uye aifara kuti munhu akasarudzwa naMwari aizova mambo anotevera waIsraeri. Chokwadi, Jonatani akamira naDhavhidhi uye akanga akavimbika kuna Jehovha.

Jonatani aiva nounhu hwaiyemurika. Hutevedzere! Zvadaro vanhu vachataurawo nezvako sezvavakaita kuna Jonatani kuti: “Ashanda naMwari.”—1 Samueri 14:45.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Jonatani aiva nemakore anenge 20 paakatanga kutaurwa nezvake somutungamiriri weuto, Sauro achangotanga kutonga muutongi hwake hwakazogara kwemakore 40. (Numeri 1:3; 1 Samueri 13:2) Saka Jonatani anofanira kunge akanga ava kusvitsa makore 60 paakafa munenge muna 1078 B.C.E. Sezvo Dhavhidhi akanga aine makore 30 panguva iyoyo, zviri pachena kuti Jonatani akanga ari mukuru nemakore anenge 30.—1 Samueri 31:2; 2 Samueri 5:4.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Jonatani akanga asina godo naDhavhidhi