Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Sezvo vaJudha vakarayirwa kuti “musadya chinhu chakaiswa mbiriso” panguva yePaseka, nei Jesu akashandisa waini—chinhu chinovira—paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake?—Eksodho 12:20; Ruka 22:7, 8, 14-20.

Kuchengetwa kwePaseka kwaiyeuchidza kubuda kwevanakomana vaIsraeri muIjipiti, kwakatangwa muna 1513 B.C.E. Paaipa mirayiridzo yokuchengetwa kwayo, Jehovha akati: “Musadya chinhu chakaiswa mbiriso. Munofanira kudya makeke asina kuviriswa munzvimbo dzose dzamunogara.” (Eksodho 12:11, 20) Murayiro waMwari uyu waishanda chete pachingwa chaifanira kudyiwa panguva yePaseka. Waini haina kutaurwa nezvayo.

Chikonzero chikuru chakaita kuti varambidzwe kudya mbiriso chaiva chokuti vaIsraeri vakabuda muIjipiti zvechimbichimbi. Eksodho 12:34 inotsanangura ichiti: “Vanhu vakatakura mukanyiwa wavo wefurawa usati waiswa mbiriso, nezvokukanyira zvavo zvakaputirwa nemajasi avo pamapfudzi avo.” Kushandiswa kwembiriso pamitambo yePaseka yaizotevera kwaizoyeuchidza zvizvarwa zvaizouya nezvechiitiko ichi chinokosha.

Nokufamba kwenguva, mbiriso yaiwanzoonekwa seyaimiririra chivi kana kuti uori. Somuenzaniso, achitaura nezvomumwe munhu aiva muungano yechiKristu aiita unzenza, muapostora Pauro akabvunza kuti: “Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wose?” Akazoti: “Bvisai mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, zvamusina kuvira. Nokuti, chokwadi, Kristu paseka yedu, akabayirwa. Naizvozvo ngatichengete mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso youshati nouipi, asi nemakeke asina kuviriswa okutendeseka nechokwadi.” (1 VaKorinde 5:6-8) Chingwa chisina mbiriso ndicho chete chinogona kumiririra muviri waJesu usina chivi.—VaHebheru 7:26.

VaJudha vakazotanga kushandisa waini pakuchengeta Paseka pave paya. Zvichida vakazotanga kuishandisa pavakadzoka vachibva kuBhabhironi kwavaiva nhapwa. Bhaibheri haritauri kuti izvi zvakaipa, ndosaka Jesu akashandisa waini paPaseka. Chokwadika, kuvira kwaiita waini yekare kwakanga kwakasiyana nokuviriswa kwaiitwa chingwa. Kuti mukanyiwa uvire, waitoda kuwedzera yisiti kana kuti mbiriso. Hapana chaida kuwedzerwa muwaini yaigadzirwa nemazambiringa. Mazambiringa acho aiva nezvinhu zvinovirisa. Zvaisaita kuti vave nemuto wemazambiringa paPaseka kubva panguva yokukohwa kusvikira panguva yePaseka.

Nokudaro, kushandisa kwakaita Jesu waini sechiratidzo paChirangaridzo hakupesani nemirayiridzo yePaseka ine chokuita nembiriso. Chero waini tsvuku inenge isina kuiswa zvinotapira, kuwedzerwa bhurandi, kana kuti waini isina kuiswa masipaisi yakakodzera kushandiswa sechiratidzo che“ropa rinokosha” raKristu.—1 Petro 1:19.