Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Zvakaipa Zvichiripo?

Nei Zvakaipa Zvichiripo?

Nei Zvakaipa Zvichiripo?

BHAIBHERI rinoti: “Jehovha [Mwari] akarurama munzira dzake dzose.” (Pisarema 145:17; Zvakazarurwa 15:3) Muprofita Mosesi akataura nezvake achiti: “Nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:4) Pana Jakobho 5:11 panoti: “Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.” Mwari haagoni kukonzera zvakaipa kana kuzviita.

Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Jehovha Mwari haaedzi vanhu nezvinhu zvakaipa kana kuvanyengera kuti vaite zvinhu zvakaipa. Saka ndiani ane mhosva yezvakaipa nokutambura kuri kuitika?

Mhosva Ndeyaani?

Munyori weBhaibheri Jakobho anotaura kuti imwe imhosva yevanhu. Anoti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Vanhu vangaita zvinhu maererano nokuchiva kwavo. Fungawo nezvechivi chatakaberekwa tiinacho. Kunyengera kunoita chivi kungakonzera ruchiva pova nemigumisiro yakaipa kwazvo. (VaRoma 7:21-23) Zvechokwadi, chivi chatakaberekwa tiinacho ‘chakava mambo,’ chichiita kuti vanhu vaite zvinhu zvakaipa zviri kukonzera kukwangwaya kukuru. (VaRoma 5:21) Uyezve vanhu vakaipa vanogona kufurira vamwe kuti vaite zvakaipa.—Zvirevo 1:10-16.

Zvisinei, honzeri huru yezvakaipa ndiSatani Dhiyabhorosi. Ndiye akaunza zvakaipa munyika. Jesu Kristu akadana Satani kuti “akaipa” uye “mutongi wenyika,” kureva vanhu vasina kururama. Voruzhinji vanoteerera zvinokurudzirwa naSatani nokusatevera nzira dzaJehovha Mwari dzakarurama. (Mateu 6:13; Johani 14:30; 1 Johani 2:15-17) Pana 1 Johani 5:19 panoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” Kutaura zvazviri, Satani nengirozi dzake vari “kutsausa nyika yose inogarwa,” vachikonzera “nhamo.” (Zvakazarurwa 12:9, 12) Saka Satani Dhiyabhorosi ndiye anofanira kunyanya kupiwa mhosva yezvakaipa.

Ichitaura nezvezvimwe zvinokonzera nhamo kana kuti kutambura, Muparidzi 9:11 inoti: ‘Tose tinowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ Jesu Kristu akataura nezveimwe njodzi yakaita kuti vanhu 18 vafe pavakawirwa neshongwe. (Ruka 13:4) Vakafa nokuti vaiva panzvimbo yakaipa panguva isiri iyo. Zvinhu zvakadaro zvinoitikawo mazuva ano. Somuenzaniso, bhiridha angadonhedza chidhinha pavanenge vachivaka chivako chakakwirira chorova munhu ari pasi. Imhosva yaMwari here? Kwete. Zvaitika pasina azvironga uye pasina anga achizviziva. Izvi ndizvo zvinowanzoitika urwere pahunobata mhuri yose kana kuti samhuri akangoerekana afa achisiya nherera nechirikadzi.

Saka zviri pachena kuti Mwari haasiri iye anokonzera zvakaipa; uyewo kutambura. Asi chinangwa chaJehovha kubvisa zvakaipa nevaya vanozvikonzera. (Zvirevo 2:22) Chokwadi, achaita zvinopfuura izvi. Magwaro anotaura kuti chinangwa chaMwari ‘ndechokuputsa mabasa aDhiyabhorosi’ achishandisa Kristu. (1 Johani 3:8) Nyika ino ine makaro, ruvengo nemabasa akaipa, ichange isisipo. Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso” ose, nokudaro achigumisa kutambura. (Zvakazarurwa 21:4) Asi ungabvunza kuti: ‘Saka Mwari akamirirei? Nei akarega zvakaipa nokutambura zviripo?’ Mhinduro yacho inowanikwa munhoroondo yaAdhamu naEvha.

Pane Nyaya Inokosha Yakatangwa

Chakaita kuti Mwari arege zvakaipa zviripo chine chokuita nezvakaitika kare munyaya yevanhu. Zvakaitika kare ikako zvakatanga nyaya inokosha yoMusiki pachake, nyaya yaisagona kugadziriswa nokukurumidza kana nyore nyore. Ngationgororei zvakaitika.

Jehovha Mwari akasika murume nomukadzi vokutanga vakakwana ndokuvaisa muParadhiso. Vakapiwa chipo chaivasiyanisa nemhuka, chipo chokuzvisarudzira. (Genesisi 1:28; 2:15, 19) Sevanhu vaikwanisa kusarudza, Adhamu naEvha vaigona kushandisa pfungwa dzavo kuda, kushumira uye kuteerera Musiki wavo. Kana kuti vaigona kusarudza kuzvitonga vorega kuteerera Mwari nemaune.

Kuti ape Adhamu naEvha mukana wokuratidza kuti vaimuda, Mwari wechokwadi akavarambidza chinhu chimwe chete. Akarayira Adhamu kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Kuti varambe vachidiwa naMwari, zvichibatsira ivo nemhuri yavo yeramangwana, Adhamu naEvha vaifanira kurega kudya muchero womuti iwoyo. Vakarega here?

Bhaibheri rinotiudza zvakaitika. Achishandisa nyoka kuti itaure, Satani Dhiyabhorosi akaenda kuna Evha ndokuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Evha paakadzokorora murayiro waMwari, Satani akati kwaari: “Chokwadi hamungafi. Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Nokudaro, Evha akachiva muti wacho zvokuti “akatanga kutora michero yawo achidya.” Nhoroondo yacho inopfuurira ichiti: “Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.” (Genesisi 3:1-6) Saka Adhamu naEvha havana kushandisa zvakanaka chipo chokuzvisarudzira vachibva vatadzira Mwari nokusamuteerera.

Unonzwisisa here kukukura kwenyaya yakaitika pano? Dhiyabhorosi akapokana nezvakanga zvaudzwa Adhamu naMwari. Mashoko aSatani aireva kuti Adhamu naEvha vakanga vasina basa naJehovha pakusarudza zvakanga zvakavanakira nezvakanga zvakavaipira. Saka zvakataurwa naSatani zvakamutsa mubvunzo kana zvakakodzera uye zvakarurama kuti Jehovha atonge vanhu. Saka nyaya inokosha yakatangwa naSatani yaiva yokuti: Jehovha ane kodzero yokutonga vanhu here? Mwari wechokwadi akaita sei nazvo?

Nguva Yakakwana Yaidiwa

Jehovha aiva nesimba rokuparadza vapanduki vacho vatatu—Satani, Adhamu, naEvha. Hapana mubvunzo kuti Mwari akanga aine simba kuvadarika. Satani haana kuramba kuti Mwari ane simba. Asi chaasina kubvumirana nacho ikodzero yaJehovha yokutonga vanhu. Nyaya yacho yakabata-bata zvisikwa zvose zvine kodzero yokukwanisa kuzvisarudzira. Vaifanira kunzwisisa kuti chipo ichocho chokuzvisarudzira chaifanira kushandiswa zvakanaka—maererano nemirayiridzo yaMwari ine chokuita nezvainge zvakavapoteredza, zvetsika uye zvokunamata. Kana vaisazodaro, paizova nemigumisiro yakaipa, yakadai sokukuvara kunogona kungoita munhu anosvetuka kubva padenga rechivako chirefu asina basa nemitemo yesimba rinokwevera zvinhu pasi. (VaGaratiya 6:7, 8) Zvisikwa zvose zvakangwara zvaigona kubatsirwa nokuzvionera migumisiro yakaipa yokusarudza kuzvitonga pane kutongwa naMwari. Izvi zvaida nguva.

Kutaura kuti zvinoda nguva kugadzirisa dzimwe nyaya kungaenzanisirwa seizvi: Ngatitii baba vaFarai vanodenha baba vaTafadzwa vachiti havana simba. Izvozvo zvinogona kuonekwa nokukurumidza. Vanogona kuona kuti akasimba ndiani nokusimudza matombo. Baba vanosimudza dombo rinonyanya kurema ndivo vakasimba. Asi ngatitii zvinoda kuonekwa ndezvokuti ndibaba vaani vanoda vana vavo zvechokwadi uye kana vana vacho vachivadawo. Kana kuti nyaya yacho iri pakuti ndibaba vaani vanogona kunyatsoriritira mhuri yavo? Pano hapachangodi kuita zvinoratidza simba kana kuti kungotaura chete. Pava kudiwa nguva yakakwana, vanhu vachinyatsoongorora, pakupedzisira vozosarudza kuti ndibaba vaani vanonyatsokwanisa kuriritira mhuri yavo.

Kufamba Kwenguva Kwaratidzei?

Papera makore 6 000 kubva Satani paakaramba kodzero yaMwari yokutonga. Zvave zvichiitika zvinoratidzei? Chimbofunga zvinhu zviviri izvo Satani akapomera Mwari. Asina matyira, Satani akaudza Evha kuti: “Chokwadi hamungafi.” (Genesisi 3:4) Nokutaura kuti Adhamu naEvha vaisazofa kana vaizodya muchero wakarambidzwa, chokwadi Satani akanga ari kuti Jehovha anoreva nhema. Zvechokwadi uku kupomera kukuru! Kana Mwari akanga asina kutaura chokwadi panyaya iyi, aizovimbwa here pane zvimwe zvinhu? Zvisinei, kufamba kwenguva kwaratidzei?

Adhamu naEvha vakatanga kurwara, kurwadziwa, kuchembera ndokuzofa. Bhaibheri rinoti: “Mazuva ose aAdhamu aakararama akasvika makore mazana mapfumbamwe nemakumi matatu uye iye akafa.” (Genesisi 3:19; 5:5) Uye Adhamu akasiyira vanhu vose nhaka iyi inosuruvarisa. (VaRoma 5:12) Kufamba kwenguva kwaratidza kuti Satani “murevi wenhema nababa venhema” uye kuti Jehovha ndiye “Mwari wechokwadi.”—Johani 8:44; Pisarema 31:5.

Satani akaudzawo Evha kuti: “Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya [muti wakarambidzwa], maziso enyu achasvinudzwa uye [imi Evha naAdhamu] muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 3:5) Nemashoko iwayo okunyengera, Satani akavavimbisa zvenhema kuti vazvitonge. Aine chinangwa chokuvatsausa, Satani akati zvaiva nani kuti vanhu vazvitonge pane kutongwa naMwari. Izvi zvaratidza kuti ichokwadi here?

Pakurarama kwose kwevanhu, vatongi vave vachigadzwa, vachibva uye kuchiuya vamwe. Marudzi ose ehurumende aungafungidzira akaedzwa. Zvisinei, nguva nenguva zvinhu zvinotyisa zvave zvichiitika kuvanhu. Anenge makore 3 000 adarika, mumwe munyori weBhaibheri akagumisa zvine uchenjeri achiti: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Muparidzi 8:9) Muprofita Jeremiya akanyora kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Kunyange kubudirira kwesayenzi uye kweruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu mumakore mashomanana adarika hakuna kuchinja chokwadi chemashoko aya. Kufamba kwenguva kwangoratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi.

Iwe Uchaitei?

Nguva yakabvumirwa naMwari yaratidza kuti Satani akanyepa panyaya yokuti Jehovha haana kodzero yokutonga vanhu. Hapana mubvunzo kuti Jehovha Mwari ndiye Mutongi wezvinhu zvose. Ane kodzero yokutonga zvisikwa zvake uye matongero ake ndiwo akanakisisa. Zvichibvuma chokwadi ichi, zvisikwa zvokudenga zvava nenguva yakareba zvichitongwa naMwari zvinoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”—Zvakazarurwa 4:11.

Iwe umire papi panyaya yokutonga kwaMwari? Unobvuma here kuti Mwari akakodzera kukutonga? Kana zvakadaro, unofanira kubvuma kutongwa naJehovha. Unogona kuita izvi nokushandisa chokwadi chakaisvonaka uye mazano ari muShoko rake, Bhaibheri, muupenyu hwako hwose. “Mwari rudo,” uye kuda kwaanoita zvisikwa zvake ndiko kunoita kuti azvipe mitemo nemirayiro. (1 Johani 4:8) Jehovha haatinyimi zvinhu zvinotibatsira. Naizvozvo unofanira kuteerera zano reBhaibheri rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unogona kusarudza kutongwa naMwari nokudzidza Bhaibheri woshandisa zvarinotaura muupenyu hwako

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

© Jeroen Oerlemans/Panos Pictures