Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raHosiya

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raHosiya

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raHosiya

KUNAMATA kwechokwadi kwapotsa kwanyangarika muumambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi aIsraeri. Jerobhoamu II paari kutonga, vanhu vanopfuma muIsraeri, asi izvi zvinodzikira pashure pokunge afa. Panova nebongozozo uye kusagadzikana mune zvematongerwo enyika. Pamadzimambo matanhatu anomutevera, mana acho anourayiwa. (2 Madzimambo 14:29; 15:8-30; 17:1-6) Kuprofita kwaHosiya kwemakore 59 kwakatanga muna 804 B.C.E., kunosvika nomunguva iyi yenyonganyonga.

Manzwiro aJehovha nezvorudzi rwaIsraeri rwatsauka ari kunyatsoratidzwa nezvinoitika mumba maHosiya. Hosiya anofumura zvikanganiso zvaIsraeri, uye anoprofita nezvokutongwa kwake uye kwoumambo hwaJudha. Hosiya akanyora zvose izvi mubhuku rine zita rake, achishandisa mutauro wakanyorovera waiita kuti vanhu vachinje asi waiva nesimba uye wakajeka. Zvariri chikamu cheShoko raMwari rakafuridzirwa, shoko raro ibenyu uye rine simba.—VaHebheru 4:12.

“ENDA, UWANE MUDZIMAI WOUFEVE”

(Hosiya 1:1–3:5)

Jehovha anoudza Hosiya kuti: “Enda, uwane mudzimai woufeve.” (Hosiya 1:2) Hosiya anoteerera uye anova nemwanakomana naGomeri. Zviri pachena kuti vana vaviri vanozoberekwa naGomeri ndevoufeve. Mazita avo okuti Ro-ruhama naRo-ami anoreva kuti Jehovha anorega kunzwira Israeri ngoni uye anoramba Israeri nokuti haana kuvimbika.

Jehovha anonzwa sei chaizvo nevanhu vake vapanduka? Anoudza Hosiya kuti: “Endazve, ude mukadzi anodiwa nomumwe wako uye anoita upombwe, sokuda vanakomana vaIsraeri kunoita Jehovha kunyange vari kutsaukira kune vamwe vanamwari.”—Hosiya 3:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:1—Nei Hosiya achidudza madzimambo ose mana aitonga Judha paaiita ushumiri hwake asi achingodudza mumwe chete waIsraeri? Imhaka yokuti madzimambo edzinza raDhavhidhi chete ndiwo ainzi vatongi vakakodzera vevanhu vaMwari vakasarudzwa. Madzimambo okuchamhembe akanga asiri edzinza raDhavhidhi sezvakanga zvakaita vaJudha.

1:2-9—Ichokwadi here kuti Hosiya akaroora mukadzi woufeve? Hungu, Hosiya akaroora mukadzi akazoita zvoufeve. Muprofita wacho hapana chaanotaura chinoratidza kuti zvaakataura nezvokumba kwake zvaiva kurota kana kuti zvaiva zvaakaratidzwa naMwari.

1:7—Imba yaJudha yakanzwirwa ngoni rini ndokuponeswa? Izvi zvakaitika muna 732 B.C.E., mumazuva aMambo Hezekiya. Panguva iyoyo, Jehovha akagumisa kutyisidzirwa kwaiitwa Jerusarema nevaAsiriya nokuita kuti ngirozi imwe chete iuraye mauto evavengi 185 000 usiku humwe chete. (2 Madzimambo 19:34, 35) Saka Jehovha akanunura Judha, kwete “nouta kana nebakatwa kana nokurwa, nemabhiza kana nevatasvi vemabhiza,” asi nengirozi imwe chete.

1:10, 11—Sezvo umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri hwakaparara muna 740 B.C.E., vanakomana vaIsraeri vaizo“unganidzwa pamwe chete vakabatana” sei nevanakomana vaJudha? Vakawanda vokuumambo hwokuchamhembe vakanga vaenda kuJudha vanhu vomunyika yeJudha vasati vatapwa vachiendeswa kuBhabhironi muna 607 B.C.E. (2 Makoronike 11:13-17; 30:6-12, 18-20, 25) VaJudha vakanga vatapwa pavakadzoka kumusha muna 537 B.C.E., zvizvarwa zvevaya vokuumambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi aIsraeri zvaivapowo.—Ezra 2:70.

2:21-23—Chii chakafanorehwa nemashoko aJehovha okuti: ‘Ndichadyara Jezreeri panyika sezvinoitwa mbeu, ndichamunzwira ngoni’? Mwanakomana wedangwe waHosiya naGomeri ainzi Jezreeri. (Hosiya 1:2-4) Zita iroro rinoreva kuti, “Mwari Achadyara Mbeu,” uprofita hwokuti Jehovha aizounganidza vaizosara vakatendeka muna 537 B.C.E. ovadyara sembeu muJudha. Nyika yakanga yaita dongo kwemakore 70 zvino yaizofanira kubereka zviyo, waini inotapira nemafuta. Huchidetemba, uprofita hwacho hunoti zvinhu izvi zvakanaka zvaizokumbira nyika kuti ibudise kudya, uye kuti nyika yaizokumbira matenga kuti anayise mvura. Zvadaro, matenga aizokumbira Mwari kuti ape makore emvura. Zvose izvi zvaizoitirwa vakasara vaidzoka kuti vawane mafashafasha ezvokudya. Muapostora Pauro naPetro vanoshandisa mashoko ari pana Hosiya 2:23 pakuunganidzwa kwevasara vaIsraeri womudzimu.—VaRoma 9:25, 26; 1 Petro 2:10.

Zvatinodzidza:

1:2-9; 3:1, 2. Chimbofunga kuzvipira kwakaita Hosiya nokuramba ari muwanano achiita zvaidiwa naMwari! Panyaya yokuita zvinodiwa naMwari, tinosvika papi pakurega kuita zvatinofarira?

1:6-9. Jehovha anovenga upombwe hwezvokunamata sokuvenga kwaanoita upombwe chaihwo.

1:7, 10, 11; 2:14-23. Zvakafanotaurwa naJehovha nezvaIsraeri naJudha zvakazadzika. Nguva dzose shoko raJehovha rinozadzika.

2:16, 19, 21-23; 3:1-4. Jehovha anoda kukanganwira vanopfidza zvechokwadi. (Nehemiya 9:17) Tinofanira kunzwirana tsitsi nengoni sezvatinoitwa naJehovha.

“JEHOVHA ACHATONGA”

(Hosiya 4:1–13:16)

“Jehovha ane gakava nevagari vomunyika.” Nei? Nokuti “munyika hamuna chokwadi kana mutsa worudo kana kuziva Mwari.” (Hosiya 4:1) Vanhu veIsraeri vakapanduka vave vachibiridzira uye vachiteura ropa uye vachiita ufeve chaihwo uye mune zvokunamata. Pane kuti vatsvake kubatsirwa naMwari, ‘vashevedzera kuIjipiti; vaenda kuAsiriya.’—Hosiya 7:11.

Jehovha anozivisa mutongo wake achiti: “Israeri achamedzwa.” (Hosiya 8:8) Umambo hwaJudha hune mhosva. Pana Hosiya 12:2 panoti: “Jehovha achatonga Judha, achaitawo kuti Jakobho azvidavirire zvichienderana nenzira dzake; achamutsiva zvichienderana nezvaakaita.” Asi Mwari achaita kuti zvinhu zvidzokere pazvakanga zviri, nokuti anovimbisa kuti: “Ndichavadzikinura pasimba reSheori; ndichavanunura parufu.”—Hosiya 13:14.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

6:1-3—Ndiani akanga achiti: “Uyai tidzokere kuna Jehovha”? VaIsraeri vasina kutendeka vangave vaikurudzirana kudzokera kuna Jehovha. Kana zviri izvo, vaingonyepedzera kupfidza. Mutsa wavo worudo waiva mushoma uye waikurumidza kupera “semakore emangwanani uye . . . dova rinokurumidza kuenda” (Hosiya 6:4) Asiwo munhu wacho aigona kuva Hosiya achikumbira vanhu kuti vadzoke kuna Jehovha. Chero zvazvingava, vanhu vakanga vatsauka voumambo hwemadzinza gumi aIsraeri vaifanira kupfidza zvechokwadi vodzokera kuna Jehovha nomwoyo wose.

7:4—VaIsraeri vaiita upombwe vakanga vakafanana papi ne“vira rakabviriswa”? Fananidzo iyi inoratidza kusimba kwezvido zvavo zvokuita zvakaipa.

Zvatinodzidza:

4:1, 6. Kana tichida kuramba tichifarirwa naJehovha, tinofanira kuramba tichiwana zivo yake torarama maererano nezvatinodzidza.

4:9-13. Jehovha achatonga vaya vanoita unzenza uye vanoramba vachimunamata nenzira isina kuchena.—Hosiya 1:4.

5:1. Vaya vanotungamirira vanhu vaMwari havafaniri kubvumira zvachose vakatsauka pakutenda. Zvikasadaro, vanganyengera vamwe kuti vanamate nenzira yenhema, nokudaro vova ‘chiteyeso nemambure’ kwavari.

6:1-4; 7:14, 16. Unyengeri uye hazvina maturo kuti munhu apfidze nokungotaura chete. Kuti anzwire ngoni naMwari, mutadzi anofanira kupfidza zvechokwadi, zvinoonekwa nokudzoka kwake kune chimwe chinhu ‘chakakwirira,’ kureva kuti kunamata kwakakwirira. Zvaanoita zvinofanira kuenderana nezvinodiwa naMwari.—Hosiya 7:16.

6:6. Kuita chivi kunoratidza kushayikwa kworudo rwokuvimbika kuna Mwari. Hapana mabasa okunamata angaitwa anobhadhara zvivi izvi.

8:7, 13; 10:13. Chokwadi chokuti “zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa” chakazadzika kuvaIsraeri vaiita upombwe.—VaGaratiya 6:7.

8:8; 9:17; 13:16. Uprofita hune chokuita noumambo hwokuchamhembe hwakazadzika apo guta rahwo guru, Samariya, rakakundwa neAsiriya. (2 Madzimambo 17:3-6) Tine chokwadi chokuti Mwari achaita zvaakavimbisa uye achazadzisa zvaakataura.—Numeri 23:19.

8:14. Jehovha akatumira “moto mumaguta” aJudha muna 607 B.C.E. paakaita kuti vaBhabhironi vaparadze Jerusarema nenyika yeJudha sezvakanga zvafanotaurwa. (2 Makoronike 36:19) Shoko raMwari hariwiri pasi.—Joshua 23:14.

9:10. Kunyange zvazvo vakanga vakazvitsaurira kuna Mwari wechokwadi, vaIsraeri “vakapinda maiva naBhaari wePeori, vakazvitsaurira kuchinhu chinonyadzisa.” Tinenge takachenjera kana tikawana chidzidzo pamuenzaniso wavo wakaipa toramba tichizadzisa kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha.—1 VaKorinde 10:11.

10:1, 2, 12. Tinofanira kunamata Mwari nemwoyo usina unyengeri. ‘Patinodyara mbeu mukururama, tinokohwa zvinoenderana nomutsa worudo waMwari.’

10:5. Bheti-avheni (zvinoreva kuti “Imba Yezvinhu Zvinonyangadza”) izita rinozvidza rakapiwa Bheteri (zvinoreva kuti “Imba yaMwari”). Chidhori chemhuru chokuBheti-avheni pachakatapwa, vanhu vokuSamariya vakachema kuti vakanga varasikirwa nechinhu chavo chavainamata. Ufuza hwakadini kuvimba nechidhori chisina upenyu chisingagoni kana kutombozvidzivirira!—Pisarema 135:15-18; Jeremiya 10:3-5.

11:1-4. Nguva dzose Jehovha anobata vanhu vake norudo. Kuteerera Mwari hakumbodzvinyiriri.

11:8-11; 13:14. Shoko raJehovha rokuti vanhu vake vaizotangazve kunamata kwechokwadi ‘harina kudzoka kwaari risina zvarakaita.’ (Isaya 55:11) Muna 537 B.C.E., kutapwa kwevanhu kuBhabhironi kwakaguma uye vakadzokera kuJerusarema. (Ezra 2:1; 3:1-3) Zvose zvakataurwa naJehovha achishandisa vaprofita vake zvichazadzika.

12:6. Nguva dzose tinofanira kutsunga kuratidza mutsa worudo, kururama uye kutarisira kuna Jehovha.

13:6. VaIsraeri ‘vakagutswa, mwoyo yavo ikatanga kuzvikwidziridza. Ndokusaka vakakanganwa’ Jehovha. Tinofanira kungwarira maitiro nemafungiro okuzvikwidziridza.

“NZIRA DZAJEHOVHA DZAKARURAMA”

(Hosiya 14:1-9)

Hosiya anoteterera achiti: “Haiwa iwe Israeri, dzoka kuna Jehovha Mwari wako, nokuti wakagumburwa mukukanganisa kwako.” Anokurudzira vanhu kuti vati kuna Jehovha: “Regererai kukanganisa; uye gamuchirai zvakanaka, uye tichapa nzombe duku dzemiromo yedu.”—Hosiya 14:1, 2.

Mutadzi anopfidza anofanira kuuya kuna Jehovha, ofamba munzira dzake uye omupa zvibayiro zvokurumbidza. Nei? Nokuti “nzira dzaJehovha dzakarurama, uye vakarurama ndivo vachafamba madziri.” (Hosiya 14:9) Tinofara chaizvo kuti vakawanda “mumazuva okupedzisira vachauya kuna Jehovha nokurunako rwake vachidedera”!—Hosiya 3:5.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Upenyu hwemhuri yaHosiya hwakaratidza mabatiro akaita Jehovha naIsraeri

[Mufananidzo uri papeji 17]

Pakakundwa Samariya muna 740 B.C.E., umambo hwemadzinza gumi aIsraeri hahuna kuzovapo