Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Mwana Wako Ade Mwari

Zvaungaita Kuti Mwana Wako Ade Mwari

Zvaungaita Kuti Mwana Wako Ade Mwari

MAZUVA ano, zvakaoma kuti munhu ave noukama hwepedyo naJehovha Mwari. (Pisarema 16:8) Sezvakaprofitwa, tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Vanhu vakawanda “vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1-5) Chokwadi, nhasi zvakaoma kuona vanhu vanonyatsoda Mwari zvechokwadi.

Hazviitiki zvoga kuti mwana azosvika pakuda Mwari. Tinofanira kuita kuti vana vedu vade Jehovha Mwari. Tingazviita sei?

Kurukuriranai Zvinobva Pamwoyo

Tinogona kuita kuti vana vedu vade Mwari kana isu pachedu tichimuda zvikuru. (Ruka 6:40) Bhaibheri rinotaura izvi richiti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose. Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako.”—Dheuteronomio 6:4-7.

Tingaita sei kuti mwana wedu ade Mwari? Chokutanga, tinofanira kuziva zvinofunga mwana wedu. Chechipiri, tinofanira kubudisa zvatinofunga isu vabereki.

Paaienda kuEmausi aine vadzidzi vake vaviri, Jesu Kristu akatanga avakurudzira kuti vataure zvavaitarisira uye zvaivanetsa. Jesu akazoruramisa mafungiro avo nokutsanangura Magwaro pashure pokunge avateerera kwekanguva. Pave paya vakazoti: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here zvaanga achitaura nesu?” Uku kwaiva kukurukurirana zvinobva pamwoyo. (Ruka 24:15-32) Tingaziva sei zvinofungwa nemwana wedu?

Munguva pfupi yapfuura, vamwe vabereki vane vana vakura kana kuti vava kuda kubva zera uye vanoita zvakanaka muungano vakabvunzwa nezvokukurukurirana zvinobva pamwoyo. Somuenzaniso, Glen anogara kuMexico ane vana vana. * Akati: “Hazvingoitiki zvoga kuti vabereki nevana vabudirane pachena. Ini nomudzimai wangu tinosendeka zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha kuti tipedze nguva tiine vana vedu. Pavakanga vachiyaruka, dzimwe nguva taitandara navo manheru ose, tichiita nyaya. Saizvozvowo, panguva yokudya, taiteerera nyaya dzavo, toziva mafungiro avo asina kunaka uye toagadzirisa, kazhinji ivo vasingazvizivi.”

Kukurukurirana zvinobva pamwoyo kunosanganisira kubudisa zviri mumwoyo medu. Jesu akati: “Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake, . . . nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Ruka 6:45) Toshiki, ane vana vatatu vanoita ushumiri hwenguva yakazara kuJapan akati: “Ndaigara ndichivaudza zvakaita kuti nditende muna Jehovha—ndisvike pakuvimba nemwoyo wose kuti ariko, uye zvakaitika muupenyu hwangu zvakaita kuti nditende kuti Bhaibheri nderechokwadi uye kuti ndiro rinogona kutitungamirira zvakanaka muupenyu.” Cindy wokuMexico akati: “Murume wangu aigara achinyengetera nevana. Pavainzwa mashoko ake anobva pamwoyo, vaiziva kuti zvaisangova zvokufungidzira kuti Jehovha ariko.”

Zvatinoita Zvinoreva Zvakawanda

Mararamiro edu anoreva zvakawanda kupfuura zvatinotaura, nokuti anoratidza vana vedu kuti tinoda Mwari zvakadini. Vanhu vaigona kuziva kuti Jesu Kristu anoda Mwari zvikuru nokuona kuteerera kwaaiita Jehovha. Jesu akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, Baba zvavakandipa murayiro wokuita, ndizvo zvandiri kuita.”—Johani 14:31.

Gareth, mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara kuWales, akati: “Vana vedu ngavaone kuti tinoda Jehovha uye kuti tinoedza kuita zvinhu nenzira yaanoda. Somuenzaniso, vana vangu vanoona kuti nemhaka yokuti ndinoteerera zvatinoudzwa naMwari, ndinobvuma zvandinokanganisa. Iye zvino vana vangu vanoedzawo kuita izvozvo.”

Greg anogara kuAustralia, akati: “Tinoda kuti vana vedu vaone kuti chokwadi ndicho chatinonyanya kukoshesa muupenyu hwedu. Patinosarudza nezvebasa kana kuti kutandara, tinotanga kufunga kuti chii chazvichaita kumabasa edu echiKristu. Zvinofadza kuti mwanasikana wedu ane makore 19 ave kufungawo seizvi mubasa rake roupiyona hwebetsero.”

Kubatsira Vana Vedu Kuti Vanzwisise Mwari

Hatigoni kuda kana kuti kuvimba nomumwe munhu watisinganzwisisi. Muapostora Pauro paaida kuti vaKristu vokuFiripi vawedzere kuda Jehovha, akanyora kuti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye noungwaru hwakazara.” (VaFiripi 1:9) Falconerio anogara kuPeru ari kurera vana vana anoti: “Kugara ndichiverenga uye ndichidzidza navo Bhaibheri kunosimbisa kutenda kwavo. Dzimwe nguva ndaimbokundikana kudzidza navo, uye ndaiona kuda kwavaiita Mwari kuchiderera.” Gary wokuAustralia, akati: “Ndinowanzoratidza vana vangu uchapupu hwokuti uprofita hweBhaibheri huri kuzadzika. Ndinovaratidzawo zvakanakira kuita zvinotaurwa neBhaibheri. Kugara tichidzidza Bhaibheri semhuri kwakabatsira zvikuru kusimbisa kutenda kwavo.”

Mwana achadzidziswa zvinonyatsosvika pamwoyo kana kudzidza kwacho kwakasununguka asi kuine chiremerera uye kuchinakidza. (Jakobho 3:18) Shawn naPauline vokuBritain, vane vana vana vanoti: “Pataidzidza semhuri, taisatuka vana vedu, kunyange pavaiita musindo. Taisiyanisa madzidziro ataiita. Dzimwe nguva taiita kuti vana vasarudze musoro wavaida kudzidza. Taishandisa mavhidhiyo akabudiswa nesangano raJehovha. Pamwe taidzokorora kuona chimwe chikamu kana kuti kumbomisa vhidhiyo yacho kuti timbokurukura.” Uyewo kuBritain, vamwe amai vanonzi Kim vanoti: “Ndinonyatsogadzirira kudzidza nemhuri kuitira kuti ndigone kubvunza mibvunzo inoita kuti vana vangu vafunge. Kudzidza kwacho kunotinakidza. Ende tinozoseka!”

Kusarudza Shamwari

Vana vedu vangawedzera kuda Jehovha uye kukoshesa kunamata kwechokwadi kana vachitamba nevanhu vari shamwari dzaMwari. Ibasa kuronga kuti vana vedu vowirirana navanaani vanovavaka. Asi kuzviita kunokosha! Uyezve, zvinokosha kuita kuti vana vedu vaonane neZvapupu zvaJehovha zviri kuita ushumiri hwenguva yakazara. Vakawanda vakasarudza kuita izvi nokuti vaishamwaridzana nevashumiri vaMwari vanoshingaira. Imwe hanzvadzi yakazova mumishinari inoti: “Vabereki vangu vaigara vachikoka mapiyona kuzodya. Zvaiva pachena kuti mapiyona aya ainakidzwa chaizvo noushumiri zvokuti ini ndaidawo kushumira Mwari saizvozvo.”

Chokwadi, mafungiro evana vedu angachinjwa kuti vaite zvakanaka kana kuti zvakaipa. Saka ngozi dzokutamba neshamwari dzakaipa dzinoedza unyanzvi hwedu hwokurera sevabereki. (1 VaKorinde 15:33) Zvinoda unyanzvi kudzidzisa vana kuti vasatambe nevaya vasingadi Jehovha uye vasingamuzivi. (Zvirevo 13:20) Shawn uya ambotaura anoti: “Takadzidzisa vana vedu kuti vashande zvakanaka nevamwe kuchikoro asi zvoperera ikoko. Vana vedu vainzwisisa kuti nei vakanga vasingafaniri kuita zvimwe zvinhu zvinoitwa vabuda chikoro kana kuita mitambo yechikoro.”

Zvinokosha Kudzidzisa Vana

Kana tikadzidzisa vana vedu kuti vaudze vamwe zvavanotenda, tinovabatsira kuti vanakidzwe nokutaura kuda kwavanoita Mwari. Mark, anogara kuUnited States anoti: “Taida kuti vanakomana vedu vaone kuti vaigona kuudza vamwe zvavanotenda chero nguva, kwete chete pavanenge vachena kuti vabude muushumiri. Saka patinoenda kunosharanganya, zvakadai sokupaki, kunotamba mujecha rokugungwa, kana kuti musango, tinotakura maBhaibheri nemamwe bhuku, uye tinoudza vanhu vatinoona ikoko zvinhu zvatinotenda. Vanakomana vedu vanonakidzwa chaizvo nokuparidza nesu zvisina kurongwa kudaro. Vanotaurawo kutenda kwavo patinokurukura nevanhu.”

Muapostora Johani akanga akwegura akabatsira vanhu vakawanda kuti vawedzere kuda Mwari. Akanyora nezvavo kuti: “Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu [mukunamata] vari kuramba vachifamba muchokwadi.” (3 Johani 4) Kana tikaita kuti vana vedu vade Mwari, zvechokwadi tichafarawo sezvaakaita.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Hazviitiki zvoga kuti tikurukure zvinobva pamwoyo nezvokutenda kwedu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Dzidzisa vana vako kuti vataure kuda kwavanoita Mwari

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Green Chimneys Farm