Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chokwadi Chii?”

“Chokwadi Chii?”

“Chokwadi Chii?”

MUBVUNZO iwoyo wakabvunzwa Jesu naGavhuna weRoma Pondiyo Pirato achiita zvokutsvinya. Akanga asina basa nemhinduro, uye Jesu haana kumupindura. Pamwe Pirato aiona sokuti chokwadi hachinzwisisiki.​—⁠Johani 18:⁠38.

Vakawanda mazuva ano, kusanganisira vatungamiriri vemachechi, vadzidzisi, uye vezvematongerwo enyika vanozvidza chokwadi saizvozvo. Vanofunga kuti hapana chinonyatsonzi ichi ndicho chokwadi nokuti zvinhu zvinochinja chinja, saka munhu anozvisarudzira tsika dzake uye manamatiro ake. Zviri pachena kuti izvi zvinoreva kuti vanhu vanogona kuzvisarudzira kuti zvakanaka nezvakaipa ndezvipi. (Isaya 5:​20, 21) Zvinopawo vanhu mukana wokuramba tsika nemitemo yaiteverwa nezvizvarwa zvakapfuura vachiti ndezvechinyakare.

Zvinokosha kuti tifunge nezvemashoko akaita kuti Pirato azobvunza mubvunzo wake. Jesu akanga ati: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:​37) Kuna Jesu chokwadi chakanga chisiri pfungwa isina kujeka, isinganzwisisiki. Akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”​—⁠Johani 8:⁠32.

Chokwadi chakadaro chingawanwa kupi? Pane imwe nguva, Jesu akanyengetera kuna Mwari achiti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:​17) Bhaibheri, rakanyorwa richifuridzirwa naMwari, rinoratidza chokwadi chinotitungamirira zvakavimbika uye chinoita kuti tive netariro yechokwadi yeramangwana, youpenyu husingaperi.​—⁠2 Timoti 3:​15-⁠17.

Pirato akaramba mukana wokudzidza chokwadi chakadaro. Zvakadini newe? Wadii wabvunza Zvapupu zvaJehovha kuti chii chinonzi “chokwadi” chakadzidziswa naJesu? Vachafara kukuudza chokwadi ichocho.