Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusarudza Zvinoita Kuti Ufare

Kusarudza Zvinoita Kuti Ufare

Kusarudza Zvinoita Kuti Ufare

“DAI ndakaziva!” Kangani kawakafunga izvozvo? Tose tinoda kusarudza zvatisingazodembi, kunyanya kana zvatinenge tasarudza zvichizova nezvazvinoita muupenyu hwedu. Zvisinei, tingasarudza sei zvichaita kuti tifare?

Chokutanga, tinofanira kuva nemitemo yatinotevera yakavimbika zvechokwadi. Mitemo yakadaro iriko here? Vanhu vakawanda havafungi kudaro. Maererano neimwe ongororo yakaitwa muUnited States, 75 muzana yevava nenguva vari pakoreji vanodavira kuti hapana chinhu chinonzi chakanaka kana chakaipa uye vanodzidziswa kuti chinhu chakanaka kana chakaipa chinoenderana “nezvaunokoshesa uye kusiyana kwetsika.”

Zvine musoro here kufunga kuti mitemo ine chokuita netsika inongova nyaya yezvaunoda kana kuti zvinodiwa nevoruzhinji? Hazvina musoro. Kudai vanhu vaizongoita mazvake mazvake, zvinhu zvaiita manyama amire nerongo. Ndiani angada kugara munzvimbo isina mitemo, isina matare, uye isina mapurisa? Kunze kwaizvozvo, maonero ako angasakutungamirira nenzira yakavimbika nguva dzose. Tingasarudza kuita chinhu chatinofunga kuti chakarurama, tozoona pave paya kuti tanga tarasika. Kutaura zvazviri, zvave zvichiitika kuvanhu zvinoratidza kuti pfungwa iyi iri muBhaibheri ndeyechokwadi, inoti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:​23) Saka patinenge tichisarudza zvinhu zvinokosha zvoupenyu, tingatungamirirwa nechii?

Nenzira yokuchenjera, mutongi muduku ataurwa munyaya yapfuura akaenda kuna Jesu. Sezvataona, paaipindura murume wacho muduku, Jesu akataura nezvoMutemo waMwari. Jesu aiziva kuti zivo nouchenjeri hwose zvinobva kuna Jehovha Mwari uye kuti anoziva zvakanakira zvisikwa zvake. Ndokusaka Jesu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:​16) Zvechokwadi, Shoko raMwari ndiro rinotitungamirira zvakavimbika, richitibatsira kusarudza nokuchenjera muupenyu. Ngatimbokurukurai pfungwa shomanana dziri muShoko raMwari dzichaita kuti mufaro wedu uwedzere kana tikadzishandisa.

Zvatinofanira Kuitira Vamwe

MuMharidzo yake yakakurumbira yepaGomo, Jesu akadzidzisa pfungwa inokosha ingatibatsira kusarudza nokuchenjera muukama hwedu nevamwe. Akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”​—⁠Mateu 7:⁠12.

Vamwe vakashandisa mashoko akada kufanana neaya asi achiratidza zvatisingafaniri kuitira vamwe: “Usaitira vamwe zvausingadi kuitirwa.” Kuti tiratidze kusiyana kwezvakataurwa naJesu nezviri pamusoro apa, ngatimbofungai nezvomufananidzo waJesu womuSamariya akava muvakidzani aigona kugarisana nevamwe. Mumwe muJudha akarohwa akaitwa kafiramberi padivi pomugwagwa. Mupristi nomuRevhi vakamuona asi vakamunyenyeredza. Sezvo vasina chavakaita chakawedzera dambudziko romurume wacho, zvinganzi havana kumuitira zvavakanga vasingadi kuitirwawo. Kusiyana neava, muSamariya aipfuurawo hake akamira kuti amubatsire. Akasunga maronda omurume wacho akamuendesa kuimba yevanenge vari parwendo. Akaitira murume wacho zvaaizoda kuitirwawo. Akaita zvakataurwa naJesu uye akasarudza zvakanaka.​—⁠Ruka 10:​30-⁠37.

Pane nzira dzakawanda dzatingaita nadzo zvakataurwa naJesu tichizoguma tafara. Ngatimboti mhuri itsva inotamira munharaunda yenyu. Wadii watanga kunoonana navo uchivagamuchira? Ungavabatsira kujairana nenzvimbo yacho pamwe chete nokuvabatsira kupindura mibvunzo yavo uye kuvaudza zvavanoda. Kana ukatanga iwe kuratidza vavakidzani vako kuti unovanzwira tsitsi, zvichaita kuti uve noukama hwakanaka nevavakidzani vako vatsva. Uchagutsikanawo nokuziva kuti wakaita zvinofadza Mwari. Hakusi kusarudza nokuchenjera here?

Zvatinosarudza Nokuti Tinoda Vamwe

Kunze kwokutaura mutemo wokuti tinofanira kuitira vamwe zvatinoda kuitirwa, Jesu akataurawo zvimwe zvichakubatsira kuti usarudze nokuchenjera. Paakabvunzwa kuti murayiro mukuru pane yose muMutemo waMosesi ndoupi, Jesu akapindura achiti: “ ‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Mutemo wose, uye Zvakanyorwa nevaprofita zvakavakirwa pamirayiro iyi miviri.”​—⁠Mateu 22:​36-⁠40.

Usiku hwezuva raakazofa, Jesu akapa vadzidzi vake “murayiro mutsva,” wokuti vadanane. (Johani 13:​34) Nei akarondedzera mutemo iwoyo achiti waiva mutsva? Handiti akanga atovatsanangurira kuti kuda muvakidzani wavo waiva mumwe wemitemo miviri paiva pakavakirwa Mutemo wose here? Mumutemo waMosesi, vaIsraeri vairayirwa kuti: “Ida wokwako sezvaunozviita.” (Revhitiko 19:​18) Zvisinei, pano Jesu akanga ari kurayira vadzidzi vake kuti vaite zvinopfuura izvozvo. Usiku ihwohwo, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti akanga ava kuda kupa upenyu hwake nokuda kwavo. Zvadaro akavaudza kuti: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai. Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:​12, 13) Chokwadi, mutemo uyu waiva mutsva pakuti waida kuti munhu aite zvinofarirwa nevamwe asati aita zvaanoda.

Pane zvakawanda zvatingaita kuti tiratidze rudo rusina udyire, tisingangoiti zvatinoda chete. Somuenzaniso, ngatitii unogara mufurati uye unoda kuteerera mumhanzi une ruzha zvikuru unokunakidza asi unogumbura muvakidzani wako. Ungada here kudzora vhorumu kuitira kuti muvakidzani wako ave norunyararo? Nemamwe mashoko, ungaita zvinodiwa nomuvakidzani wako here pane kuita zvaunoda?

Chimbofunga zvimwe zvakaitika. Rimwe zuva kuchitonhora uye chando chichidonha kuCanada, mumwe murume akwegura akashanyirwa neZvapupu zvaJehovha zviviri. Pavaikurukura, murume wacho akataura kuti aiva nechirwere chomwoyo chaimutadzisa kubvisa chando chaiva pamberi pemba yake. Kwapera inenge awa, akanzwa foshoro dzava kurira panze. Zvapupu zvacho zviviri zvakanga zvadzoka kuzobvisa chando pakanzira kepamba pake nepamasitepisi ainanga pamusuo wake. Akanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuCanada achiti: “Nhasi ndaratidzwa rudo rwechokwadi rwechiKristu. Zvandaitirwa zvabatsira chaizvo uye zvachinja maonero asina kunaka andinowanzoita nyika ino. Zvasimbisa kuremekedza kwandagara ndichiita basa renyu ramunoita munyika yose.” Chokwadi, patinosarudza kubatsira vamwe, kunyange nechinhu chiduku zvikuru, vangafara chaizvo. Kuzvipira kwakadaro kungaita kuti tifare zvikuru!

Zvatinosarudza Nokuti Tinoda Mwari

Patinenge tichisarudza, tinofanirawo kufunga nezvomurayiro wakanzi mukuru pane yose naJesu, wokuda Mwari. Jesu aitaura mashoko aya kuvaJudha, vakanga vagara vachitova noukama naJehovha. Kunyange zvakadaro, muIsraeri mumwe nomumwe aifanira kusarudza kana aizoshumira Mwari nomweya wake wose norudo runobva pamwoyo.​—⁠Dheuteronomio 30:​15, 16.

Saizvozvowo, zvaunosarudza zvinoratidza madiro aunoita Mwari. Somuenzaniso, sezvaunoramba uchiwana zivo yakawanda uye uchikoshesa Bhaibheri, ungafanirawo kusarudza. Ungada here kutanga kudzidza Bhaibheri zvakarongeka, uine chinangwa chokuva muteveri waJesu? Kusarudza izvozvo kuchaita kuti ufare, nokuti Jesu akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”​—⁠Mateu 5:⁠3.

Hatizivi kana mutongi muduku uya akazodemba zvaakasarudza. Zvisinei, tinoziva kuti muapostora Petro akanzwa sei pashure pokunge atevera Jesu Kristu kwemakore akawanda. Munenge muna 64 C.E., paakanga ava pedyo nokufa, Petro akakurudzira vaainamata navo kuti: “Itai zvose zvamunogona kuti muwanikwe na[Mwari] pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa, muine rugare.” (2 Petro 1:​14; 3:​14) Zviri pachena kuti Petro haana kudemba zvaakanga asarudza makore anenge 30 akanga apfuura, uye akakurudzira vamwe kuti vaomerere pane zvavakanga vasarudza.

Kutevera zano raPetro kunoreva kusarudza kuti uchagamuchira mabasa anouya nokuva mumwe wevadzidzi vaJesu uye kuteerera mirayiro yaMwari. (Ruka 9:​23; 1 Johani 5:⁠3) Izvi zvingaita sezvakaoma, asi Jesu akativimbisa kuti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”​—⁠Mateu 11:​28-⁠30.

Chimbofunga zvakaitika kuna Arthur. Paaiva nemakore gumi, akatanga kudzidzira kuridza violin, achitarisira kuti ndiro basa raaizoita kana akura. Paakanga ava nemakore 14, akanga ava kunyatsozivikanwa kuti airidza violin pamakonzati. Kunyange zvakadaro, akanga asingafari. Baba vake vaigara vachibvunza nezvechinangwa choupenyu uye vaikoka vafundisi kumba kwavo; asi vaisagutsikana nemhinduro dzavaipiwa. Semhuri, vaikurukura nezvokuti Mwari ariko zvechokwadi here, uye kuti nei achibvumira kuti vanhu vatambure. Zvadaro, baba vaArthur vakatanga kukurukura neZvapupu zvaJehovha. Zvavaikurukura zvakavanakidza uye zvakaita kuti mhuri yose itange kudzidza Bhaibheri.

Nokufamba kwenguva, Arthur akasvika pakunzwisisa kubva muMagwaro kuti nei Mwari achibvumira kuti vanhu vatambure, uye akajekerwa nechinangwa choupenyu. Pamwe chete nevamwe vatatu vomumhuri make, Arthur akasarudza zvaasina kuzombodemba. Akazvitsaurira kuna Jehovha. “Ndinofara zvikuru kuti Jehovha akandikomborera nokuziva chokwadi uye kuti akandinunura pamakwikwi anoitwa nevaimbi. Vanhu vanoita chero chii zvacho kuti vabudirire.”

Arthur achiri kunakidzwa nokuridza violin achivaraidza shamwari dzake, asi hachisi icho chinhu chaanonyanya kukoshesa muupenyu hwake. Anonyanya kukoshesa kushumira Mwari. Ave achishanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Sezvakaitwa naArthur nemamwe mamiriyoni, asi kusiyana nezvakaitwa nomutongi muduku akapfuma, iwewo unogona kusarudza zvichaita kuti ufare zvikuru, kusarudza kubvuma kukokwa naJesu kuti uve muteveri wake.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Zvaunosarudza zvingaita kuti upenyu hwevamwe vanhu huchinje

[Mufananidzo uri papeji 7]

Uchadzidza Bhaibheri wova muteveri waJesu here?