Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Chinangwa chaMwari Mazuva Ano

Kutsvaka Chinangwa chaMwari Mazuva Ano

Kutsvaka Chinangwa chaMwari Mazuva Ano

“[Kristu] akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve.”​—⁠2 VAKORINDE 5:⁠15.

1. Rondedzera zvakaitika kune mumwe mumishinari ari kwaaishandira.

“MOTOKARI yedu ndiyo yaiva mota yokutanga isiri yemauto kuenda kune rumwe ruwa rwokuAfrica mushure mokunge hondo yevagari vomunyika iyoyo yapera,” anoyeuka kudaro mumishinari anonzi Aaron. * “Takanga tava nenguva tisina kukwanisa kukurukurirana neungano yomuruwa irworwo, uye taifanira kutarisira zvaidiwa nehama. Kunze kwezvokudya, zvokupfeka, uye mabhuku eBhaibheri, takaenda nevhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses​—⁠The Organization Behind the Name. * Vanhu vakawanda vanofarira vakadirana kuzoiona ‘panzvimbo yokuonera mafirimu’ yomumusha wacho, imba youswa yakakura yaiva neVCR neTV, zvokuti taifanira kuiratidza kaviri. Vakawanda vakazodzidza Bhaibheri zvichibva pane zvavakaona pavhidhiyo iyi. Zviri pachena kuti zvose zvatakaita kuti vanhu vaone vhidhiyo iyi zvakava nemigumisiro yakanaka.”

2. (a) Nei vaKristu vachitsunga kushandisa upenyu hwavo kuti vaite basa raMwari? (b) Iye zvino tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Nei Aaron neshamwari dzake vakaita basa rakaoma kudaro? Nokuti vanoonga chibayiro chorudzikinuro chaJesu, saka vakatsaurira upenyu hwavo kuna Mwari uye vanoda kurarama zvinoenderana nechinangwa chaMwari. Kufanana navo, vaKristu vose vakazvitsaurira vakatsunga ‘kurega kuzviraramirazve’ asi kuti vaite zvose zvavanogona “nokuda kwemashoko akanaka.” (2 VaKorinde 5:​15; 1 VaKorinde 9:​23) Vanoziva kuti pachaguma mamiriro ezvinhu epanguva ino, mari yose nomukurumbira uri munyika zvinenge zvisingachakoshi. Saka zvavari vapenyu uye vaine utano huri nani, vanoda kurarama zvinoenderana nechinangwa chaMwari. (Muparidzi 12:⁠1) Isu tingazviita sei? Tingawana kupi ushingi nesimba zvinodiwa kuti tiite izvozvo? Uye mikana ipi yebasa yatiinayo?

Kutora Matanho Anofambira Mberi, Anobatsira

3. Zvii zvinobatanidzwa pakuita kuda kwaMwari?

3 VaKristu vechokwadi vanoita zvinodiwa naMwari kwoupenyu hwose. Kazhinji zvinotanga nokunyoresa muChikoro chaMwari Choushumiri, kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kuita basa rokuparidza uye kufambira mberi kusvikira wabhabhatidzwa. Munhu paanofambira mberi, tinoyeuka mashoko omuapostora Pauro okuti: “Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Timoti 4:​15) Tinenge tisiri kuzvitsvakira kukudzwa patinofambira mberi saizvozvo asi zvinongoratidza kuti takatsunga kuita zvinodiwa naMwari tisina udyire. Kuita izvozvo kunoratidza kuti tinobvumira Mwari kutitungamirira mune zvose zvatinoita muupenyu, uye anotitungamirira nenzira iri nani zvikuru kupfuura zvatinogona kuita.​—⁠Pisarema 32:⁠8.

4. Tingaita sei kuti tirege kuzeza?

4 Zvisinei, kuzeza kana kuti kunyanya kufunga nezvedu kungatitadzisa kufambira mberi mubasa ratinoitira Mwari. (Muparidzi 11:⁠4) Saka tisati tawana mufaro unobva pakushumira Mwari nevamwe, tingafanira kutanga takunda kutya. Somuenzaniso, Erik aifunga nezvokunoshanda neungano yomumwe mutauro. Asi ainetseka kuti: ‘Ndichanowirirana navo here? Ndichafarira hama dzacho here? Dzichandida here?’ Anorondedzera kuti: “Ndakazoona kuti ndaifanira kunyanya kufunga nezvehama dzacho pane kungofunga nezvangu. Ndakasarudza kurega kunetseka uye kuita chero zvandaikwanisa ndisina udyire. Ndakanyengeterera kuti ndibatsirwe ndokuenderera mberi nezvandaironga. Iye zvino, ndinonakidzwa chaizvo noushumiri ndiri ikoko.” (VaRoma 4:​20) Chokwadi, tichafara uye tichagutsikana kana tikashumira Mwari nevamwe tisina udyire.

5. Nei tichifanira kunyatsoronga patinenge tichiita chinangwa chaMwari? Taura muenzaniso.

5 Kuti tibudirire kuita chinangwa chaMwari zvinodawo kuti tinyatsoronga zvinhu zvedu. Tinongwarira kuti tisaita zvikwereti zvakawanda zvingatiita varanda munyika ino uye zvingaita kuti tisava norusununguko rwakakura rwokuita basa raMwari. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.” (Zvirevo 22:⁠7) Kuvimba naJehovha uye kutanga kuita zvokunamata kuchatibatsira kuziva nyaya dzatinofanira kukoshesa. Somuenzaniso, Guoming nehanzvadzi dzake mbiri vanogara naamai vavo munharaunda inodhura dzimba zvikuru uye inonetsa kuwana mabasa. Vanowana zvavanoda muupenyu kunyange vamwe vavo vasingashandi nokuti vanongwarira pakushandisa mari yavanowana uye vanobatsirana kubhadhara zvinhu. “Dzimwe nguva, vamwe vanenge vasingashandi,” anodaro Guoming. “Asi tinogona kuramba tichipayona uyewo tichitarisira amai vedu zvakanaka. Tinofara kuti Amai havadi kuti tirege kupayona kuti titarisire zvavangave vachida zvomutambarakede.”​—⁠2 VaKorinde 12:​14; VaHebheru 13:⁠5.

6. Muenzaniso upi unoratidza zvatingaita kuti upenyu hwedu huwirirane nechinangwa chaMwari?

6 Kana uchinyanya kutsvaka zvinhu, ingava mari kana zvimwewo, kuisa chinangwa chaMwari pakutanga kungareva kuti une zvakawanda zvaunofanira kugadzirisa. Kazhinji izvi hazvingoerekani zvachinja, uye paunombokanganisa zvaunenge uchiita pakutanga haufaniri kuzviona sokuti watokundikana. Funga nezvaKoichi, aiva nedambudziko rokupedza nguva yakawandisa achizvivaraidza. Koichi akanga adzidza Bhaibheri paaiyaruka, asi kwemakore akawanda, nguva yake yaiperera pamitambo yemavhidhiyo. Rimwe zuva Koichi akazvibvunza kuti: ‘Ndiri kuitei? Ndava nemakore anopfuura 30, uye hapana chinhu chine musoro chandati ndaita noupenyu hwangu!’ Koichi akatanga kudzidza Bhaibheri uye akabvuma kubatsirwa neungano. Kunyange zvazvo akachinja zvishoma nezvishoma, haana kukanda mapfumo pasi. Akaramba achinyengetera uye aikurudzirwa neungano zvokuti akapedzisira akurira dambudziko iri rokutamba mitambo yemavhidhiyo. (Ruka 11:⁠9) Iye zvino Koichi ava mushumiri anoshumira anofara.

Dzidza Kuva Nemaonero Akanaka

7. Nei tichifanira kuva nemaonero akanaka pakuita basa raMwari?

7 Kutsvaka chinangwa chaMwari kunoda kuti tiite zvinhu nomwoyo wose. Hatimbofaniri kuzeza kana kuti kuva nousimbe hwokuita chinangwa chaMwari. (VaHebheru 6:​11, 12) Kunyange zvakadaro, Jehovha haadi kuti tizvinetese mupfungwa kana kuti munyama. Kubvuma nokuzvininipisa kuti hatikwanisi kuita basa raMwari nesimba redu toga kunoita kuti akudzwe uye kunoratidzawo kuti tine maonero akanaka. (1 Petro 4:​11) Jehovha anovimbisa kuti achatipa simba ratinoda kuti tiite zvaanoda, asi hatifaniri kuzvimanikidza kuita zvatisingagoni, tichiedza kuita zvaasingatarisiri kuti tiite. (2 VaKorinde 4:⁠7) Kuti tirambe tichishumira Mwari tisinganeti, tinofanira kushandisa simba redu nokuchenjera.

8. Chii chakaitika mumwe muKristu wechiduku paakaedza kupa Jehovha uye kupa nyika zvose zvaaigona, uye zvii zvaaifanira kuchinja?

8 Somuenzaniso, kwemakore maviri Ji Hye anogara kuEast Asia aishanda basa raimutorera nguva yakawanda zvikuru uku achipayona. “Ndakaedza kupa Jehovha uye nyika zvose zvandaigona,” anorondedzera achidaro, “asi usiku ndaingorara kwemaawa mashanu chete. Pakupedzisira ndakanga ndisisina simba rokuramba ndichiita zvokunamata, uye zvakanga zvisingachandinakidzi.” Kuti ashumire Jehovha ‘nomwoyo wose, mweya, pfungwa uye simba,’ Ji Hye akatsvaka basa rakanga risingamutoreri nguva yakawanda. (Mako 12:​30) “Pasinei nokuti vomumhuri mangu vaindikurudzira kuti nditsvake mari, ndakaedza kutanga kuita chinangwa chaMwari,” anodaro. “Ndichiri kuwana mari inokwana zvandinoda, zvakadai sezvipfeko zvakanaka. Uye ndinofara kuti ndava kurara maawa akawanda! Ndinofara noushumiri hwangu, uye iye zvino ndava munhu akasimba pakunamata. Izvi zvinokonzerwa nokuti handichina nguva yokuvhiringidzwa nezvinokwezva zviri munyika.”​—⁠Muparidzi 4:⁠6; Mateu 6:​24, 28-⁠30.

9. Zvatinoita zvingabatsira sei vanhu mundima?

9 Hazviiti kuti vanhu vose vashumire Mwari nguva yakazara. Kana wakwegura, usina utano hwakanaka, kana kuti une zvimwe zvausingakwanisi kuita, ziva kuti Jehovha anoonga kutendeka kwawakaita uye chero basa ripi zvaro raunogona kuita nomwoyo wose. (Ruka 21:​2, 3) Naizvozvo hapana mumwe wedu anofanira kurerutsa zvatinoita mubasa raMwari, kunyange tiine zvimwe zvatisingakwanisi kuita. Somuenzaniso, ngatimbotii tashanyira misha mishomanana tobva tashaya munhu anofarira mashoko edu. Kana taenda, vanasadzimba vangasara vachitaura nezvokushanya kwatinenge taita kwemaawa kana kuti kwemazuva, kunyange kana pasina atitambira! Hatitarisiri kuti munhu wose anonzwa mashoko akanaka achaagamuchira zvakanaka, asi vamwe vachaagamuchira. (Mateu 13:​19-​23) Vamwe vangazogamuchira pave paya mamiriro ezvinhu paanochinja munyika kana kuti muupenyu hwavo. Chero zvazvingava, kana tikaita zvatinogona muushumiri hwepachena, tiri kuita basa raMwari. Tiri “vashandi pamwe chete naMwari.”​—⁠1 VaKorinde 3:⁠9.

10. Munhu wose ari muungano ane mikana ipi?

10 Kuwedzera kune izvi, tose zvedu tinogona kubatsira nhengo dzemhuri yedu uye hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo. (VaGaratiya 6:​10) Zvakanaka zvatinoitira vamwe zvingabatsira chaizvo kwenguva refu. (Muparidzi 11:​1, 6) Vakuru nevashumiri vanoshumira pavanoshingaira kuita mabasa avo, vanobatsira kuti ungano ive noukama hwakanaka, hwakasimba naJehovha, uye basa rechiKristu rinowedzera. Tinovimbiswa kuti kana tiine “zvizhinji zvokuita mubasa raShe,” basa redu “harisi pasina.”​—⁠1 VaKorinde 15:⁠58.

Kuita Kuti Basa raMwari Rive Chinangwa Chedu

11. Kunze kwokushanda neungano yedu, ndeipi mimwe mikana yatingava nayo?

11 SevaKristu, tinoda upenyu, uye tinoda kuti zvose zvatinoita zvikudze Mwari. (1 VaKorinde 10:​31) Patinoshanda nokutendeka tichiita basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye tichidzidzisa vamwe kuti vaite zvose zvakarayirwa naJesu, tichawana nzira dzakawanda dzokushumira Mwari dzichatifadza. (Mateu 24:​14; 28:​19, 20) Kunze kwokushanda neungano yedu, tingava nemikana yokushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda, kungava kune imwe ndima, kunzvimbo inotaura mumwe mutauro, kana kuti kune imwe nyika. Vakuru nevashumiri vanoshumira vanokwanisa vasati varoora vangakumbirwa kuti vapinde Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, kana vapedza vozoshanda muungano dzinoda rubatsiro rwevaKristu vakasimba pakunamata, mungava munyika dzavo kana kuti kune dzimwe nyika. Vakaroorana vari muushumiri hwenguva yakazara vangakwanisa kudzidziswa kuva mamishinari kuGiriyedhi vozonoshanda kune imwe nyika. Uye paBheteri panogara pachidiwa vanhu vanozvipira kuzoita mabasa akasiyana-siyana uye kuvaka nokugadziridza nzvimbo dzokunamatira nemahofisi ebazi.

12, 13. (a) Ungasarudza sei kuti woita basa ripi? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti ruzivo runowanikwa pane rimwe basa rungashanda sei mune mamwe mabasa.

12 Iwe ungada kuita basa ripi? Somushumiri waJehovha akazvitsaurira, gara uchitarira kwaari nokusangano rake kuti rikutungamirire. ‘Mudzimu wake wakanaka’ uchakubatsira kusarudza zvakanaka. (Nehemiya 9:​20) Kazhinji rimwe basa rinotidzidzisa kuti tizokwanisa kuita rimwe racho, uye ruzivo nounyanzvi zvaunowana mune rimwe basa zvingazobatsira mune rimwe racho.

13 Somuenzaniso, Dennis nomudzimai wake Jenny vaigara vachitsigira urongwa hwokuvaka dzimba dzoUmambo. Pashure pokunge Hurricane Katrina yarova kumaodzanyemba kweUnited States, vakazvipira kunoyamura hama dzavo. Dennis anoti: “Kushandisa unyanzvi hwatakadzidzira pakuvaka Dzimba dzoUmambo kuti tibatsire hama dzedu kwakatifadza zvikuru. Kuonga kwaiita vaya vataibatsira kwaibaya mwoyo zvechokwadi. Mamwe mapoka anoyamura ave asingakwanisi kubatsira zvakadaro pakuvaka. Zvapupu zvaJehovha zvakatovakazve kana kuti kugadzirisa misha inopfuura 5 300 neDzimba dzoUmambo dzakawanda chaizvo. Vanhu vanoona izvi uye iye zvino vava kufarira chaizvo mashoko edu.”

14. Ungaitei kana uchida kuita ushumiri hwenguva yakazara?

14 Zvingaita here kuti utsvake chinangwa chaMwari nokusarudza kuita basa renguva yakazara? Kana zvakadaro, iva nechokwadi chokuti uchawana zvikomborero zvakawanda. Kana zvisati zvava kuita, zvichida unogona kugadzirisa mamiriro ako ezvinhu. Nyengetera sezvakaita Nehemiya paaiva neshungu dzokuita basa raikosha, achiti: “Aa, Jehovha, ndapota, . . . itai kuti mushumiri wenyu abudirire.” (Nehemiya 1:​11) Zvadaro, uchivimba no“Munzwi womunyengetero,” ita zvinoenderana nezvaunenge wanyengeterera. (Pisarema 65:⁠2) Kuti Jehovha akomborere zvaunoita zvokumushumira zvakazara, unofanira kutanga waedza. Kana wasarudza kuti wava kuita ushumiri hwenguva yakazara, ita zvaunenge wasarudza. Nguva zvainenge ichifamba, ruzivo rwako ruchawedzera, uye uchawedzera kufara.

Upenyu Hwakakodzera

15. (a) Tinobatsirwa sei nokutaura uye kuverenga nezvevava nenguva yakareba vachishumira Mwari? (b) Taura nyaya youpenyu yakakukurudzira zvikuru.

15 Ungatarisira migumisiro yakaita sei pakutsvaka chinangwa chaMwari? Taura nevaya vave nenguva vachishumira Jehovha, kunyanya vaya vakapedza makore akawanda vari muushumiri hwenguva yakazara. Vanorarama upenyu hunogutsa, hune chinangwa zvikuru! (Zvirevo 10:​22) Vachakuudza kuti Jehovha haasati ambotadza kuvabatsira kuti vawane zvavanoda nezvimwe zvakawanda kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. (VaFiripi 4:​11-​13) Kubvira muna 1955 kusvikira muna 1961, Nharireyomurindi yakabudisa nyaya dzoupenyu dzakatevedzana dzevanhu vakatendeka dzaiva nomusoro waiti “Kutsvaka Chinangwa Changu Muupenyu.” Kubvira ipapo, mazana edzimwe nyaya dzoupenyu ave achibudiswa. Nhoroondo imwe neimwe inoratidza kushingaira uye mufaro unotiyeuchidza uya uri mubhuku reBhaibheri reMabasa. Kuverenga nyaya dzinonakidza dzakadaro kuchaita kuti uti, ‘Uhwu ndihwo upenyu hwandinoda kurarama!’

16. Chii chinoita kuti upenyu hwomuKristu huve nechinangwa uye hufadze?

16 Aaron, ambotaurwa pakutanga, anoyeuka kuti: “MuAfrica, ndaiwanzosangana nevaduku vaiyambuka vachienda kunze kwenyika kunotsvaka upenyu hune chinangwa. Vakawanda vavo havana kumbochiwana. Asi isu taitsvaka chinangwa chaMwari nokutsigira mashoko akanaka oUmambo, uye tainakidzwa noupenyu hune chinangwa uye hunoda kushanda nesimba. Takazvionera kuti kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”​—⁠Mabasa 20:⁠35.

17. Nei tichifanira kunge tichitsvaka chinangwa chaMwari iye zvino?

17 Zvakadini newe? Uri kutsvaka chinangwa chei? Kana usina chinangwa chakajeka pakunamata, zvimwe zvinhu zvichakutorera nguva yako yose nesimba. Ungatambisirei upenyu hwako pazvinhu zvinonzi nenyika yaSatani zvakanaka? Munguva pfupi iri kuuya, “kutambudzika kukuru” pakuchaitika, pfuma uye zvinzvimbo zvomunyika zvinenge zvisingachabatsiri. Chichange chava kukosha ukama hwedu naJehovha. Tichaonga zvikuru kuti tichange tashumira Mwari nevamwe uye tichange tatsvaka chinangwa chaMwari muupenyu hwedu!​—⁠Mateu 24:​21; Zvakazarurwa 7:​14, 15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 1 Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Jehovha anonzwa sei nezvebasa ratinomuitira?

• Kuita zvinobatsira uye kuva nemaonero akanaka kuchatibatsira sei kushumira Mwari nevamwe?

• Ndeipi mikana yokushumira yatiinayo?

• Tingava sei noupenyu hune chinangwa iye zvino?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Tinofanira kuva nemaonero akanaka kuti tirambe tichishumira Jehovha nomwoyo wose

[Mifananidzo iri papeji 24]

Pane nzira dzakawanda dzokushumira nadzo Mwari