Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakanga zvakaipa here kuti Jakobho azviti ndiye Isau, sezvakanyorwa pana Genesisi 27:​18, 19?

Ungadaro uchiziva nhoroondo iyi. Isaka paakanga akwegura akaudza Isau kuti avhime mhuka, achiti: “Ndidye, kuti mweya wangu ukukomborere ndisati ndafa.” Anzwa zvakanga zvataurwa nomurume wake, Ribheka akagadzira zvokudya zvinonaka uye akarayira Jakobho achiti: ‘Enda nezvokudya zvacho kuna baba vako vadye, kuti vakukomborere vasati vafa.’ Zvadaro, Jakobho akapinda maiva nababa vake akapfeka nguo dzaIsau uye akaisa matehwe embudzana pamaoko ake nomumutsipa make, aine zvokudya zvinonaka. Isaka paakamubvunza kuti, “Ndiwe ani, mwanakomana wangu?” Jakobho akapindura kuti: “Ndini Isau dangwe renyu.” Isaka akabvuma zvaakataura uye akamukomborera.​—⁠Genesisi 27:​1-⁠29.

Bhaibheri haritauri mashoko ose nezvokuti nei Ribheka naJakobho vakaita zvavakaita, kunyange zvazvo richitaura kuti zvinhu zvacho zvakangoerekana zvaitika. Tinofanira kunzwisisa kuti Shoko raMwari haritauri kuti zvakaitwa naRibheka naJakobho zvakanaka uyewo harizvishori, kana kuratidza kuti vakareva nhema kana kuti vakaita nounyengeri. Zvisinei, Bhaibheri rine zvimwe zvarinotaura nezvenyaya yacho.

Chokutanga, nhoroondo yacho inojekesa kuti Jakobho ndiye aiva nekodzero yokukomborerwa nababa vake; Isau akanga asina. Izvi zvisati zvaitika, Jakobho akanga atenga zviri pamutemo kodzero yokuva dangwe kubva kumukoma wake akanga asingaongi, uyo akaitengesa kuti awane zvokudya nokuti akanga ava nenzara. Isau “akazvidza udangwe hwacho.” (Genesisi 25:​29-​34) Saka Jakobho paakaenda kuna baba vake, aitsvaka chikomborero chakanga chakakodzera kuva chake.

Chechipiri, Isaka paakaziva kuti akanga akomborera Jakobho, haana kuda kuchinja zvaakanga aita. Pamwe akayeuka zvakanga zvaudzwa Ribheka naJehovha mapatya acho asati aberekwa, zvokuti: “Mukuru achashandira muduku.” (Genesisi 25:​23) Zvinokoshawo kuti Jakobho paakanga ava kuda kuenda kuHarani, Isaka akamukomborerazve.​—⁠Genesisi 28:​1-4.

Chokupedzisira, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha aiziva zvose zvakanga zviri kuitika uye aiva nehanya nazvo. Chikomborero chakapiwa naIsaka chakanga chiine chokuita nezvakavimbiswa Abrahamu naMwari. (Genesisi 12:​2, 3) Kudai Mwari akanga asingadi kuti Jakobho akomborerwe, angadai akapindira neimwe nzira. Asi Jehovha akatosimbisa nyaya yacho kuna Jakobho, achiti: “Mhuri dzose dzenyika dzichazvikomborera nokwauri uye nokuvana vako.”​—⁠Genesisi 28:​10-⁠15.