Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutongi Akapfuma Anotadza Kusarudza

Mutongi Akapfuma Anotadza Kusarudza

Mutongi Akapfuma Anotadza Kusarudza

MUTONGI muduku akanga akapfuma aiva munhu akarurama, aiteerera mutemo uye aida zvokunamata. Akauya kuna Jesu, akapfugama, ndokubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”

Jesu akapindura murume wacho kuti aifanira kuchengeta mitemo yaMwari kuti awane upenyu. Paakakumbirwa kuti ataure mitemo yacho zvakananga, Jesu akati: “Usaponda, Usaita upombwe, Usaba, Usapupurira nhema, Kudza baba vako naamai vako, uye, Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” Iyi yaiva mirayiro inokosha yaiva muMutemo wakapiwa Mosesi. Murume wacho akabva ati: “Ndakachengeta yose iyi; chii chasara kuti ndiite?”​—⁠Mateu 19:​16-⁠20.

Jesu “akamuda” uye akati: “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda, tengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.”​—⁠Mako 10:​17-⁠21.

Pakarepo mutongi muduku uyu aifanira kusarudza nokuchenjera. Aizoita sei? Aizobvuma kusiya pfuma yake ova muteveri waJesu here, kana kuti aizoichengeta? Aizotsvaka pfuma yepanyika here, kana kuti yokudenga? Zvinofanira kunge zvakanga zvakaoma kuti asarudze zvokuita. Zvaiva pachena kuti aikoshesa zvinhu zvokunamata, nokuti aichengeta Mutemo uye akatobvunza kana paiva nezvimwe zvaaigona kuita kuti afarirwe naMwari. Akasarudza kuitei? “Akaenda ashungurudzwa, nokuti aiva nezvinhu zvizhinji.”​—⁠Mako 10:⁠22.

Mutongi muduku haana kusarudza nokuchenjera. Kudai akanga ava muteveri waJesu akatendeka, aizowana upenyu husingaperi, hwaakanga achitsvaka. Hatizivi zvakazoitika kumurume muduku iyeye. Zvisinei, tinoziva kuti kwapera makore anenge makumi mana, mauto eRoma akazoparadza Jerusarema nenzvimbo dzakawanda dzeJudhiya. VaJudha vakawanda vakarasikirwa nepfuma yavo uye vakafa.

Kusiyana nezvakaitwa nomutongi muduku uyu, muapostora Petro nevamwe vadzidzi vakasarudza nokuchenjera. Va“kasiya zvinhu zvose” vakatevera Jesu. Zvavakasarudza zvakavabatsira chaizvo! Jesu akavaudza kuti vaizowana zvakawanda zvikuru kupfuura zvavakanga vasiya. Uyezve, vaizogara nhaka youpenyu husingaperi. Havana kuzozvidemba pamusoro pezvavakanga vasarudza.​—⁠Mateu 19:​27-⁠29.

Tose tine zvatinofanira kusarudza muupenyu, zvingava zviduku kana zvikuru. Jesu akati chii nezvenyaya yokusarudza? Uchabvuma mazano ake here? Kana ukaabvuma, uchakomborerwa zvikuru. Iye zvino ngatikurukurei kuti tingatevera sei Jesu tobatsirwa nezvaakataura.