Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi

Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi

ANONGOTAURA kuti iye ndi“Joeri mwanakomana waPetueri.” (Joeri 1:⁠1) Mubhuku rine zita rake, Joeri haana dzimwe nyaya dzaanotaura kunze kweshoko rake. Kunyange nguva yaakaprofita inongoita zvokufungidzirwa kuti munenge muna 820 B.C.E., Uziya ava nemakore mapfumbamwe ari mambo waJudha. Nei Joeri asingadi kutaura nezvake? Chikonzero chacho chingangodaro chiri chokuti anoda kusimbisa shoko rake, kwete iye somutumwa wacho.

Mumazuva aUziya, Amosi aigara kuJudha uye aiva “mufudzi nomunhu aibaya maonde emitsamvi” akapiwawo basa rokuva muprofita. (Amosi 7:​14) Kusiyana naJoeri anoprofita ari kuJudha, Amosi anotumwa kuchamhembe kumadzinza gumi oumambo hwaIsraeri. Bhuku raAmosi rakapera kunyorwa munenge muna 804 B.C.E., pashure pokunge muprofita wacho adzokera kuJudha, uye rakanyorwa nomutauro uri nyore asi wakajeka.

NEI AITI “MAIWE ZUVA RIYA KANI”?

(Joeri 1:1–3:⁠21)

Pane zvaanoratidzwa, Joeri anoona makonye, bute remhashu nemapete zvichiuya nesimba. Zvinhu izvi zvinonzi “vanhu vazhinji uye vane simba” uye “varume vane simba.” (Joeri 1:⁠4; 2:​2-⁠7) Joeri anotura mafemo achiti: “Maiwe zuva riya kani; nokuti zuva raJehovha rava pedyo, uye richauya sezvinoita kuparadza kunobva kune Wemasimbaose!” (Joeri 1:​15) Jehovha anobayira zanhi vanhu vanogara kuZiyoni achiti: “Dzokaiwo kwandiri nemwoyo yenyu yose.” Kana vakadzoka, Jehovha “achanzwira vanhu vake tsitsi” uye “wokuchamhembe,” kureva kurwisa kwezvinhu zvacho, achaiswa kure. Zvisinei, zuva rake guru risati rasvika, Jehovha ‘achadurura mudzimu wake pavanhu vemarudzi ose’ uye a“chaita zvishamiso mumatenga nepanyika.”​—⁠Joeri 2:​12, 18-​20, 28-⁠31.

Marudzi anodenhwa achinzi: “Pfurai miromo yemagejo enyu kuti ive mapakatwa nezvokuchekereresa miti kuti zvive mapfumo marefu” uye gadzirirai hondo. Anorayirwa kuti “auye kubani raJehoshafati,” kwaachatongerwa uye kwaachaparadzirwa. “Asi nyika yaJudha, ichagarwa nokusingagumi.”​—⁠Joeri 3:​10, 12, 20.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:​15; 2:​1, 11, 31; 3:​14—⁠“Zuva raJehovha” chii? Zuva raJehovha inguva yokutonga kwaachaita vavengi vake, zvichiguma nokuparadzwa kwavo asi vanamati vechokwadi vachiponeswa. Somuenzaniso, zuva rakadaro zvechokwadi rakauya paBhabhironi rekare muna 539 B.C.E. parakakundwa nevaMedhiya nevaPezhiya. (Isaya 13:​1, 6) Pane rimwe “zuva raJehovha” rava pedyo, nguva yaachatonga “Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hwechitendero chenhema.​—⁠Zvakazarurwa 18:​1-​4, 21.

2:​1-​10, 28—⁠Uprofita hwemakonye nezvipembenene zvakapinda nesimba hwave huchizadzika sei? MuBhaibheri hapana panotaura kuti makonye nezvipembenene zvakawanda zvakapinda nesimba munyika yeKenani, sezvinorondedzerwa mubhuku raJoeri. Naizvozvo, zviri pachena kuti kurwisa kunorondedzerwa naJoeri uprofita hwezvaizoitika muna 33 C.E. Jehovha ndipo paakatanga kudurura mudzimu wake pavateveri vaKristu vokutanga, vachibva vatanga kuparidza shoko rakashungurudza vatungamiriri vechitendero chenhema. (Mabasa 2:​1, 14-​21; 5:​27-​33) Isu tine ropafadzo yokuitawo basa iri mazuva ano.

2:​32—⁠Zvinorevei ku“dana zita raJehovha”? Kudana zita raMwari zvinoreva kuziva zita iroro, kuriremekedza zvikuru uye kuvimba nomuridzi waro.​—⁠VaRoma 10:​13, 14.

3:​14—⁠“Bani rokusarudza” chii? Inzvimbo yokufananidzira ichatongerwa vanhu naMwari. Mumazuva aMambo Jehoshafati weJudha, ane zita rinoreva kuti “Jehovha Mutongi,” Mwari akanunura Judha pamarudzi akanga akaipoteredza nokuvhiringidza mauto avo ehondo. Ndokusaka nzvimbo yacho ichinziwo “bani raJehoshafati.” (Joeri 3:​2, 12) Mazuva ano rinomiririra nzvimbo yokufananidzira ichapwanyirwa marudzi sezvinoitwa mazambiringa ari muchisviniro chewaini.​—⁠Zvakazarurwa 19:⁠15.

Zvatinodzidza:

1:​13, 14. Kuti tiponeswe, zvinokosha kupfidza nomwoyo wose uye kubvuma kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.

2:​12, 13. Kupfidza zvechokwadi kunofanira kubva pamwoyo. Kunosanganisira ‘kubvarura mwoyo yedu,’ kwete ‘kubvarura nguo’ zvokubata kumeso.

2:​28-​32. Pa“zuva guru nerinotyisa raJehovha,” munhu ‘anodana zita raJehovha ndiye bedzi achaponeswa.’ Tinoonga zvikuru kuti Jehovha anodurura mudzimu wake pavanhu vemarudzi ose uye anoita kuti vakuru nevaduku, varume nevakadzi, vaitewo basa rokuprofita, kureva kuti kuzivisa “zvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mabasa 2:​11)! Zuva raJehovha zvariri kuswedera pedyo, hatifaniri here kuwedzera “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari”?​—⁠2 Petro 3:​10-⁠12.

3:​4-​8, 19. Joeri akaprofita kuti marudzi aiva akapoteredza Judha aizonzi azvidavirire nokuti aibata zvisina kunaka vanhu vakasarudzwa vaMwari. Guta reTire rakanga risiri pachitsuwa rakaparadzwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, zvichizadzika mashoko iwayo ouprofita. Pave paya, guta raiva pachitsuwa parakakundwa naAlexander Mukuru, zviuru zvevarume vehondo nevanhu vakanga vakakurumbira zvakaurayiwa uye vanhu 30 000 vaigaramo vakatengeswa kuti vave varanda. Alexander uye vakazomutsiva vakabatawo VaFiristiya saizvozvo. Pakasvika zana remakore rechina B.C.E., Edhomu rakanga rava dongo. (Maraki 1:⁠3) Uprofita uhwu hwakazadzika hunoita kuti tive nokutenda kwakasimba kuti Jehovha anozadzika zvipikirwa zvake. Hunoratidzawo kuti Jehovha achabata sei marudzi anotambudza vanhu vanomunamata mazuva ano.

3:​16-​21. “Denga nenyika zvichazununguka,” uye marudzi achatongwa zvakaipa naJehovha. “Asi Jehovha achava nzvimbo yokupotera yevanhu vake,” achivapa upenyu muparadhiso. Hatifaniri here kutsunga kuramba tiri pedyo naye sezvo zuva rokutonga kwake nyika ino yakaipa riri kuswedera pedyo?

“GADZIRIRA KUSANGANA NAMWARI WAKO”

(Amosi 1:1–9:⁠15)

Amosi ane shoko raanoda kuudza marudzi ari pedyo anovenga Israeri uye ane shoko nokuda kweJudha neIsraeri. Marudzi eSiriya, Firistiya, Tire, Edhomu uye Moabhi achaguma aparadzwa nemhaka yokuti akaitira utsinye vanhu vaMwari. Vagari vomuJudha vachaparadzwa “nokuti vakaramba mutemo waJehovha.” (Amosi 2:⁠4) Zvakadini nenyika yaIsraeri ine umambo hwemadzinza gumi? Zvivi zvayo zvinosanganisira kudzvinyirira kwayaiita varombo nokuda kwemakaro, unzenza uye kusaremekedza vaprofita vaMwari. Amosi anonyevera kuti Jehovha a“chaitawo kuti atari dzokuBheteri dzizvidavirire” uye a“chaputsa imba yomunguva yechando pamwe chete neimba yomunguva yezhizha.”​—⁠Amosi 3:​14, 15.

Pasinei nokurangwa kwakasiyana-siyana kwatoitwa vaIsraeri vanonamata zvidhori, vanoramba vakaomesa mwoyo. Amosi anovaudza kuti: “Gadzirira kusangana naMwari wako.” (Amosi 4:​12) KuvaIsraeri, zuva raJehovha richareva kuti ‘vachatapwa vachiendeswa kupfuura kuDhamasiko,’ kureva kuti, kuAsiriya. (Amosi 5:​27) Amosi anoshorwa nomupristi wokuBheteri asi anoramba akatsunga. Jehovha anoudza Amosi kuti: “Kuguma kwasvika kuvanhu vangu vaIsraeri. Handichazovaregererizve.” (Amosi 8:⁠2) Sheori kana kuti makomo marefu haagoni kuvadzivirira pakutongwa naMwari. (Amosi 9:​2, 3) Asi vanovimbiswa kuti vachadzokera kunyika yavo. Jehovha anoti: “Ndichadzosa nhapwa dzevanhu vangu vaIsraeri, vachavaka maguta akaitwa matongo vogara maari, vachadyara minda yemizambiringa vonwa waini yayo uye vacharima minda vodya zvibereko zvayo.”​—⁠Amosi 9:⁠14.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

4:1—⁠Ndivanaani vanomiririrwa ne“mhou dzokuBhashani”? Nzvimbo yakakwirira yakati sandara yeBhashani, iri kumabvazuva kweGungwa reGarireya, yaizivikanwa nokuti yaiva nemhuka dzemarudzi akanaka zvikuru, kusanganisira mhou. Mafuro akasvibira enharaunda yacho ndiwo aiita kuti mhuka dzide kugaramo. Amosi akafananidza vakadzi vokuSamariya vaida upenyu hwomutambarakede nemhou dzokuBhashani. Hapana mubvunzo kuti vakadzi ava vaimanikidza “vanatenzi” vavo, kana kuti varume vavo, kuti vabiridzire varombo kuitira kuti ivo vapfume.

4:6—⁠Mashoko okuti “mazino enyu achene” anorevei? Sezvo akanyorwa pamwe chete nemashoko okuti “mushayiwe zvokudya,” anogona kureva nguva yenzara apo mazino anoramba akachena nemhaka yokushayiwa zvokudya.

5:5—⁠VaIsraeri vakanga ‘vasingafaniri kutsvaka Bheteri’ pakudini? Jerobhoamu akanga atanga kunamata mhuru kuBheteri. Kubvira panguva iyoyo, vanhu vomuguta iroro vakatanga kunamata kwenhema. Maguta eGirigari neBheeri-shebha anofanirawo kunge aiva nevanhu vakaramba kutenda. Kuti vaIsraeri vapukunyuke njodzi yakanga yafanotaurwa, vaifanira kutsvaka Jehovha, kwete kuenda kunonamata kumaguta aya.

7:1—⁠“Uswa hwamambo hwachekwa” hunorevei? Hungangodaro huchireva mutero waitorwa namambo achiitira kuti vatasvi vake vemabhiza vatarisirwe, pamwe chete nemabhiza acho. Mutero uyu waifanira kubhadharwa “pakutanga kwokumera kwezvakanga zvapedzisira kudyarwa.” Pashure paizvozvo, vanhu vaigona kukohwa zvirimwa zvavo. Zvisinei, vasati vakohwa, bute remhashu rakauya ndokudya zvirimwa zvavo zvose pamwe chete nezvimwe zvinomera.

8:​1, 2—⁠“Tswanda yemichero yezhizha” yairevei? Yaireva kuti zuva raJehovha rakanga rava pedyo. Michero yezhizha inounganidzwa mwaka wokukohwa wava kunopera, kureva kuti nechokunopera kwegore rokurima. Jehovha paakaita kuti Amosi aone “tswanda yemichero yezhizha,” zvaireva kuti kuguma kwakanga kwava pedyo nokuda kwaIsraeri. Naizvozvo Mwari akaudza Amosi kuti: “Kuguma kwasvika kuvanhu vangu vaIsraeri. Handichazovaregererizve.”

Zvatinodzidza:

1:​3, 6, 9, 11, 13; 2:​1, 4, 6Achitaura nezvokutsamwira kwaakaita Israeri, Judha, nemarudzi matanhatu ari pedyo navo, Jehovha anoti: “Handizoregi kuranga.” Kutonga kwaJehovha hakunzvengeki.​—⁠Amosi 9:​2-5.

2:​12. Hatifaniri kuodza mwoyo mapiyona, vatariri vanofambira, mamishinari, kana kuti vemhuri yeBheteri vanoshanda nesimba tichivakurudzira kuti varege basa ravo renguva yakazara kuti vararame hunonzi nevakawanda upenyu chaihwo. Asi tinofanira kuvakurudzira kuti varambe vachiita basa ravo rakanaka.

3:⁠8. Sezvinoita munhu anotya paanonzwa shumba ichidzvova, Amosi akasundwa kuparidza paakanzwa Jehovha achiti: “Enda uprofite kuvanhu vangu.” (Amosi 7:​15) Kutya Mwari kunofanira kuita kuti tive vaparidzi vanoshingaira vemashoko oUmambo.

3:​13-​15; 5:​11. Achibatsirwa naJehovha, mufudzi aiva murombo Amosi, akakwanisa ‘kupupura’ kuvanhu vaiva vakapfuma uye vasingakendengi. Jehovha anogona kutibatsirawo kuti tizivise shoko roUmambo pasinei nokuti ndima yacho ingave yakaoma sei.

4:​6-​11; 5:​4, 6, 14. Pasinei nokuti vaIsraeri vakatadza vatadzazve “kudzoka” kuna Jehovha, vakakurudzirwa ‘kutsvaka Jehovha kuti varambe vachirarama.’ Chero bedzi Jehovha achiri kubvumira kuti nyika ino yakaipa irambe iripo, tinofanira kukurudzira vaya vari mairi kuti vadzoke kuna Mwari.

5:​18, 19. Ku“da kwazvo zuva raJehovha” asi usina kurigadzirira upenzi. Munhu anodaro akafanana nomunhu anotiza shumba obva asangana nebheya, otiza bheya obva azorumwa nenyoka. Tinenge takachenjera kana ‘tikaramba takamuka’ pakunamata uye takagadzirira.​—⁠Ruka 21:⁠36.

7:​12-​17. Hatifaniri kutya kuzivisa mashoko aMwari asi tinofanira kushinga.

9:​7-​10. Kuva vazukuru vemisoro yemhuri yakatendeka uye vevaya vakanunurwa muIjipiti sevanhu vakasarudzwa naMwari hakuna kuita kuti vaIsraeri vasina kutendeka vafarirwe naMwari sezvakaitika kuvaKushi. Kuva noukama hwakanaka naMwari asingasaruri kunobva ‘pakumutya uye kuita zvakarurama,’ kwete pakuti tiri vedzinza ripi.​—⁠Mabasa 10:​34, 35.

Zvatinofanira Kuita

Zuva rokuti Mwari atonge nyika yaSatani rava pedyo. Mwari akadurura mudzimu wake pavanhu vanomunamata, achiita kuti vakwanise kunyevera vanhu nezvezuva rake riri kuuya. Hatifaniri here kuedza nepatinogona napo kubatsira vamwe kuti vazive Jehovha uye kuti ‘vadane zita rake?’​—⁠Joeri 2:​31, 32.

Amosi anorayira kuti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, uye ruramisirai muri pagedhi.” (Amosi 5:​15) Zuva raJehovha zvarava pedyo, kuchenjera kuswedera pedyo naMwari uye kuramba takaparadzana nenyika yakaipa nevanhu vayo vanofurira. Kuti tiite izvozvo, tinodzidza zvidzidzo zvakakodzera nguva zvikuru mumabhuku eBhaibheri aJoeri naAmosi!​—⁠VaHebheru 4:⁠12.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Joeri akaprofita kuti: “Zuva raJehovha rava pedyo!”

[Mifananidzo iri papeji 15]

Hatifaniri kutya kuzivisa mashoko aMwari asi tinofanira kushinga, sezvakanga zvakaita Amosi