Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba Uchienda Kune Chiedza

Famba Uchienda Kune Chiedza

Famba Uchienda Kune Chiedza

DZIMBA dzechiedza chokutungamirira ngarava dzakaponesa vanhu vakawanda. Zvisinei, kumufambi anenge aneta, chiedza ichi hachingomuratidzi matombo ari mumvura anogona kukonzera ngozi. Chinomuratidzawo kuti ava kusvika. Saizvozvowo, vaKristu nhasi vava kuda kupedza rwendo rwavo rurefu, rwavave vachifamba munyika ine rima uye ine ngozi mune zvokunamata. MuBhaibheri vanhu vazhinji, kureva vanhu vakazviparadzanisa naMwari, vanonzi vakafanana ne“gungwa riri kubvongodzwa, parinenge risingakwanisi kudzikama, mvura yaro inoramba ichibudisa masora omugungwa nematope.” (Isaya 57:20) Vanhu vaMwari vanorarama nevanhu vakadaro. Kunyange zvakadaro vanotarisira nomufaro kuti vachapona. Kwavari izvi zvakafanana nechiedza chakavimbika. (Mika 7:8) Nokuda kwaJehovha neShoko rake rakanyorwa, “chiedza chakabudira munhu akarurama, uye kufara kwakabudira vane mwoyo yakarurama.”—Pisarema 97:11. *

Kunyange zvakadaro, vamwe vaKristu vakabvuma kunyengerwa nezvinhu kuti zvivatsause kubva pachiedza chaJehovha zvokuti sengarava yaparara kutenda kwavo kwakaparadzwa nezvinhu zvingafananidzwa nematombo ane ngozi zvakadai sokudisa pfuma, unzenza, kunyange kuramba kutenda chaiko. Chokwadi, somuzana remakore rokutanga, vamwe nhasi ‘kutenda kwavo kwaparara sengarava yaparara.’ (1 Timoti 1:19; 2 Petro 2:13-15, 20-22) Nyika itsva ingafananidzwa nokuchiteshi kwatiri kuenda. Zvatava pedyo, hatidi kuputsa chirongo tasvika ndokurasikirwa noukama hwedu naJehovha!

Usarega ‘Kutenda Kwako Kuchiparara Sengarava Yaparara’

Mumazana emakore akapfuura, ngarava yaigona kufamba nomugungwa zvakanakanaka yozongoparadzwa netsaona yava kusvika. Kazhinji kacho ngozi dzisiri nyore kufanoona dzaiwanzoitika kana ngarava yava kuda kusvika pachiteshi. Saizvozvowo, kuvanhu vakawanda nguva ine ngozi zvikuru munhoroondo yevanhu ndeye“mazuva okupedzisira” enyika ino. Bhaibheri rinorondedzera zvakarurama mazuva ano richiti ‘akaoma kubata nawo,’ kunyanya kuvaKristu vakazvitsaurira.—2 Timoti 3:1-5.

Nei mazuva ano okupedzisira akaoma zvikuru? Nokuti Satani anoziva kuti “ane nguva pfupi” chete yasara yokuti arwise vanhu vaMwari. Saka, ari kudya marasha kuti aparadze kutenda kwavo. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Kunyange zvakadaro tine mubatsiri nomutungamiriri. Vaya vanoteerera mazano aJehovha, vanongoramba vachipotera kwaari. (2 Samueri 22:31) Akatinyevera achishandisa mienzaniso inofumura manomano akaipa aSatani. Ngatimboonai mienzaniso miviri yakadaro yorudzi rwevaIsraeri pavakanga vava kusvika muNyika Yakapikirwa.—1 VaKorinde 10:11; 2 VaKorinde 2:11.

Pedyo neNyika Yakapikirwa

Vachitungamirirwa naMosesi, vaIsraeri vakakwanisa kubuda muIjipiti. Pasina nguva ngani vakanga vava pedyo nomuganhu wokumaodzanyemba kweNyika Yakapikirwa. Mosesi akabva atuma varume 12 kuti vanoongorora nyika yacho. Gumi vavo vakanga vasina kutenda vakauya nemashoko akaipa vakati vaIsraeri vaisazokunda vaKenani nokuti vaiva “vakanyanyisa kukura” uye vaiva neuto rakasimba. VaIsraeri vakanzwa sei? Nhoroondo yacho inoti vakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni, vachiti: “Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa? Madzimai edu nevana vedu vachapambwa. . . . Ngatigadze mutungamiriri, uye ngatidzokerei kuIjipiti!”—Numeri 13:1, 2, 28-32; 14:1-4.

Pafunge! Vanhu vamwe chete ivava vakanga vaona Jehovha achigwadamisa Ijipiti, nyika yaiva nesimba pasi rose mumazuva iwayo nokushandisa matambudziko gumi anoparadza uye chishamiso chaishaisa neromuromo paGungwa Dzvuku. Uye vakanga vatova pamukova chaipo peNyika Yakapikirwa, saka vaifanira kufamba vachienda kwairi sezvinoita ngarava inofamba ichienda kune chiedza chinoratidza chiteshi. Asi vakafunga kuti Jehovha akanga asingakwanisi kukunda maguta emadzimambo evaKenani enhando akanga asina kubatana. Kusatenda kwavakaratidza uku kunofanira kunge kusina kufadza Mwari netsori mbiri dzakanga dzakashinga, Joshua naKarebhi, dzaifunga kuti vaKenani vakanga vakaita se“kudya [kwevaIsraeri]”! Varume vaviri ava vakanga vazvionera nemaziso avo nyika iyi, vafamba Kenani yose. VaIsraeri pavasina kupinda muNyika Yakapikirwa, Joshua naKarebhi vaifanirawo kuramba vari murenje kwemakumi emakore, asi havana kufa pamwe chete nevaya vakanga vasina kutenda. Chokwadi, Joshua naKarebhi vakabatsira kutungamirira chizvarwa chakatevera kuti chibude murenje ndokupinda muNyika Yakapikirwa. (Numeri 14:9, 30) Pavakanga vadongorera zvakare Nyika Yakapikirwa, vaIsraeri vaizosangana nomuedzo wakasiyana. Vaizoita sei?

Mambo wevaMoabhi Bharaki akaedza kutuka vaIsraeri achishandisa muprofita wenhema Bharami. Zvisinei, Jehovha akaita kuti zano racho ritadze kushanda nokuita kuti Bharami ataure zvikomborero panzvimbo pokutuka. (Numeri 22:1-7; 24:10) Asingaodzwi mwoyo, Bharami akaedza kuvanyengedza neimwe nzira, yaizotadzisa vanhu vaMwari kupinda munyika yacho. Sei? Akavanyengedza kuita unzenza uye kunamata Bhaari. Kunyange zvazvo zvaaida chaizvo zvisina kuitika, zvakaguma nokunyengerwa kwevanhu 24 000. Vakaita unzenza nevakadzi vechiMoabhi uye vakanamata Bhaari wePeori.—Numeri 25:1-9.

Chokwadi kuitawo here! Vazhinji vevaIsraeri ivavo vakanga vaona Jehovha achinyatsovatungamirira no“nomurenje riya guru uye rinotyisa.” (Dheuteronomio 1:19) Asi vari pamukova wenhaka yavo, vanhu vaMwari 24 000 vakakundwa nenyama yavo vakaurayiwa naJehovha. Chokwadi iyi inyevero kuvashumiri vaMwari nhasi sezvavava pamukova wenhaka iri nani zvikuru!

Satani haasi kuzoshandisa mazano matsva paachaedza vanhu vaJehovha vemazuva ano kokupedzisira kuti vasawana mubayiro wavo. Achishandisa nzira inotiyeuchidza zvakaitika vaIsraeri pavakambosvika pamuganhu weNyika Yakapikirwa, Satani anowanzoedza kuita kuti vanhu vatye uye vasava nechokwadi, achishandisa kutambudza, kutyisidzira, kana kuti kunyomba. Vamwe vaKristu vakarega kutenda pavakatyisidzirwa saizvozvo. (Mateu 13:20, 21) Imwe nzira yaagara achishandisa kubvira kare ndeyokuita kuti vanhu vaite unzenza. Nguva nenguva, vamwe vakaverevedza vachipinda muungano yechiKristu vakaedza kuita kuti vaya vasina kusimba pakunamata uye vasiri kufamba nechivimbo muchiedza chaMwari vatadze.—Judha 8, 12-16.

Kuvanhu vakasimba pakunamata uye vakangwarira, kushaya tsika kuri kupararira nokukurumidza chiratidzo chakasimba chokuti Satani apererwa nemazano. Chokwadi, Satani anoziva kuti nokukurumidza anenge asingachakwanisi kubata vashumiri vaMwari vakavimbika. Saka ino ndiyo nguva yokuti tinamate tichingwarira kutsauswa naSatani.

Zvinobatsira Kuti Tigare Takangwarira

Muapostora Petro akarondedzera shoko raMwari rouprofita “serambi rinopenya munzvimbo ine rima,” nokuti rinobatsira vaKristu kuti vanzwisise kuitwa kwechinangwa chaMwari. (2 Petro 1:19-21) Avo vanoda Shoko raMwari uye vanoramba vachitungamirirwa naro vachaona kuti Jehovha acharuramisa makwara avo. (Zvirevo 3:5, 6) Vaine tariro yakasimba kudaro, “vachashevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo,” asi vaya vasingazivi Jehovha kana kuti vanosiya nzira dzake ‘vacharwadziwa mwoyo’ uye ‘vachaungudza nokuda kwokurwadziwa mwoyo.’ (Isaya 65:13, 14) Saka nokunyatsodzidza Bhaibheri nokushandisa zvatinodzidza maziso edu anoramba akatarira patariro yechokwadi panzvimbo pemafaro anopfuura enyika ino.

Munyengetero unokoshawo pakuti tirambe takamuka mune zvokunamata. Achitaura nezvokuguma kwenyika ino, Jesu akati: “Rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Tarisa kuti Jesu akashandisa shoko rokuti “muchiteterera” kuratidza munyengetero wemwoyo wose. Jesu aiziva kuti zvaizova nyore kuti tisawane upenyu husingaperi munguva ino yakaoma. Minyengetero yako inoratidza kuti unoda nemwoyo wose kuti urambe wakamuka zvikuru mune zvokunamata here?

Ngatisambokanganwe kuti pakaipa zvikuru murwendo rwedu rwokuenda kunhaka yedu ndepaya patinenge tava kusvika. Saka zvinokosha zvikuru kuti tirambe tichiona chiedza chinoita kuti tipone.

Ngwarira Zviedza Zvenhema

Kare panguva dzezvikepe zvaifambiswa nemhepo, imwe ngozi yaikonzerwa nevarume vakaipa vaiziva kuti kana kune mhindo vafambisi vengarava vanenge vakaomerwa nokuona pane chiteshi. Varume ava vaiisa zviedza zvenhema nechokumahombekombe ane ngozi kuti vatungamiriri vengarava varasike vachiendako. Vainge varasiswa vaizopinda patsekwende yokuti zvinhu zvavo zvaizopambwa uye vamwe vaifa.

Saizvozvowo, Satani “ngirozi yechiedza” inonyengera, anoda kuti vanhu vaMwari vasava neukama hwakanaka naye. Dhiyabhorosi angashandisa “vaapostora venhema” uye “vashumiri vokururama” vakaramba kutenda kuti vanyengere vasina kungwarira. (2 VaKorinde 11:13-15) Sezvaingoita mutungamiriri akangwarira nechikwata chake vagara nebasa vakanga vasingakurumidzi kurasiswa nezviedza zvenhema, saizvozvowo vaKristu “vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.”—VaHebheru 5:14; Zvakazarurwa 2:2.

Vanofamba nengarava vaiva nemazita edzimba dzechiedza chokuvatungamirira dzaiva munzira yavo yomugungwa. Pamazita aya pairatidza zvakaita imba imwe neimwe kusanganisira mavhenekero aiita chiedza chayo. Bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti: “Vanofamba nengarava vanoziva kuti imba yechiedza chavari kuona ndeipi nokucherechedza zvayakaita nokutarisa pamazita avanenge vainawo vobva vaziva pavanenge vari. Saizvozvowo, Shoko raMwari rinobatsira vanhu vane mwoyo yakavimbika kunzwisisa kunamata kwechokwadi uye vaya vari kumunamata kunyanyanyanya mumazuva ano okupedzisira Jehovha paakasimudzira kunamata kwechokwadi kwenhema kuchiva pasi. (Isaya 2:​2, 3; Maraki 3:​18) Isaya 60:2, 3 ichinyatsosiyanisa kunamata kwechokwadi nekwenhema, inoti: “Rima richafukidza nyika, uye zarima richafukidza mapoka emarudzi; asi Jehovha achapenyera pauri, uye kubwinya kwake kuchaonekwa pauri. Marudzi achaenda kuchiedza chako.”

Sezvo mamiriyoni evanhu vemarudzi ose ari kuramba achitungamirirwa nechiedza chaJehovha, havasi kuzorega kutenda kwavo kuchiparara sengarava inoparara panguva ino yokupera kwerwendo rwavo. Asi vachafamba zvakanaka mumazuva asara enyika ino uye vachipinda munyika itsva ine rugare.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Magwaro anoshandisa shoko rokuti “chiedza” munzira dzinoverengeka dzokufananidzira. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti Mwari chiedza. (Pisarema 104:1, 2; 1 Johani 1:5) Kujekerwa mune zvokunamata kuburikidza neShoko raMwari kunofananidzwa nechiedza. (Isaya 2:3-5; 2 VaKorinde 4:6) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu aiva chiedza. (Johani 8:12; 9:5; 12:35) Uye vateveri vaJesu vakarayirwa kuti chiedza chavo chivheneke.—Mateu 5:14, 16.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Sezvinoita vanofamba nengarava vaKristu vakangwarira kuti vasarasiswa nezviedza zvenhema