Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukunda Zvipingamupinyi Kuti Mashoko Akanaka Asvike Kune Vanhu

Kukunda Zvipingamupinyi Kuti Mashoko Akanaka Asvike Kune Vanhu

Kukunda Zvipingamupinyi Kuti Mashoko Akanaka Asvike Kune Vanhu

RORI redu rinosvika parodhibhuroko ine varume 60 vakapakatira zvombo, vakadzi, uye vechiduku vachiri kuyaruka. Vamwe vakapfeka yunifomu; vamwe vacho havana. Vakawanda vakapakatira zvombo. Zvinoita sokuti vanga vakatimirira. Zvinhu hazvina kugadzikana munyika iyi.

Tave tichifamba kwemazuva mana, takatakura matani gumi emabhuku eBhaibheri. Tinonetseka kana vachatibvumira kupfuura. Vachada mari here? Zvichatitorera nguva yakareba zvakadini kuti vabvume kuti tiri kufambira rugare?

Mumwe murume aifarira kuridza pfuti anoridzira pfuti mudenga kuti tizive kuti ndiye mukuru wavo. Anoona foni dzedu obva ati timupe. Patinoda kuramba, anoratidza noruoko kuti achatidimbura musoro zvisingasiyi mubvunzo pane zvingaitika. Tinomupa foni dzacho.

Chiriporipocho mumwe mukadzi akapfeka yunifomu anoti pfuti piku, ouya kwatiri. Ndiye “mabharani,” uye anoda kuti timupewo chimwe chinhu. Upenyu hwakaoma, saka chero “kachipo” zvako katingamupa kari nani pane kushaya. Zvadaro mumwe musoja anovhura tengi redhiziri kuti azadze chigubhu chake. Asina basa nokumurambidza kwatinoita, anoti ari kungoita zvaatumwa. Tinobva tangosona muromo. Tinongoti dai vamwe vakasafungawo kudaro.

Pakupedzisira, tinonzi tiende uye tinosimudzira rwendo rwedu. Ini nomumwe wangu tinotura befu kuti tabuda mumukanwa meshumba. Zvanga zvaita manyama amire nerongo, asi tajaira marodhibhuroko aya anotambisa nhova. Pakati paApril 2002 naJanuary 2004, takaita nzendo 18 tichibva kuchiteshi chengarava kuDouala, kuCameroon, kuenda kuBangui, guta guru reCentral African Republic. Rwendo urwu rwemakiromita 1 600 kazhinji kacho ruzere nengozi nezvimwewo zvatinenge tisingafungiri. *

“Nzendo idzi dzakatidzidzisa zvinhu zvakawanda,” vanotsanangura kudaro Joseph naEmmanuel, vatyairi vanowanzofamba rwendo urwu. “Kuchenjera kunyengetera kakawanda nechomumwoyo woramba wakadzikama. ‘Ndakavimba naMwari,’ akanyora kudaro munyori wepisarema. ‘Munhu wepanyika angandiitei?’ Tinoedza kuva nemafungiro akadaro. Tinonzwa tiine chokwadi chokuti Jehovha anoziva kuti rwendo rwedu nderwekusvitsa mashoko etariro anodiwa zvikuru kune vanhu.”—Pisarema 56:11.

Kutsigirana Nenyika Dzepasi Pose Kuti Pave Nemabhuku Okunamata

Vakawanda vari mudunhu iri reAfrica vanoda kunzwa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Mabhuku atinoendesa akanyorwa kuti avabatsire mukunamata. (Mateu 5:3; 24:14) Hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuCameroon muDouala inogara ichiendesa mabhuku kuvaparidzi voUmambo vanopfuura 30 000 nokuvanhu vanofarira vanogara muCameroon uye munyika ina dziri pedyo.

Mabhuku atobva kure zvikuru. Akawanda akadhindwa kuEngland, Finland, Germany, Italy, neSpain. Akazotakurwa nengarava kubva kuFrance. Kazhinji, mabhuku eBhaibheri anosvika pachiteshi chengarava paDouala mavhiki maviri oga oga.

Mabhuku acho anozoiswa murori oendeswa kuhofisi yebazi. Vashandi vomuDhipatimendi Rinotumira Mabhuku vanoronga mabhuku acho maererano nenzvimbo dzaachaendeswa. Kuendesa mabhuku kunzvimbo dziri kure munyika idzi hakusi nyore. Asi uku kuendesawo mashoko akanaka “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Tinovimba nevazvipiri vanofamba nzendo idzi dzine ngozi nemarori. Saka mabhuku eBhaibheri anogara achienda kumamiriyoni evanhu vari mudunhu iri reAfrica.

Zvakaita Rwendo Rwacho

Mabhuku anotakurwa nerori anoendeswa kuCameroon, Chad, Equatorial Guinea, Gabon, nokuCentral African Republic. Ngatimbofamba nerimwe rori nevatyairi varo. Chimbofungidzira wakagara navo, uye gadzirira rwendo rwausingazivi zvichaitika ruchatora mazuva gumi kana kupfuura.

Rwendo urwu runoitwa nevatyairi vatanhatu. Vanofanira kunge vakasimba, vachinyatsogona kutyaira, vachishivirira, uye vakapfeka zvakanaka. Vanopfeka zvomuAfrica kana kuti vanosunga tai. Kare, vashandi vepabhodha vakanga vamboti: “Onai rori iri rakachena nevatyairi varo vakashambidzika, vakangoita sezvavanobuda mumifananidzo yemabhuku avo.” Chinotonyanya kukosha kupfuura kuratidzika kwevatyairi vacho ndechokuda kwavanoita kuenda chero kupi kunofanira kuendwa nechinangwa chokushumira vamwe.—Pisarema 110:3.

Tinobva paDouala kuma6 kiroko mangwanani, zuva richangobuda, kuitira kuti tifambe mota dzakawanda dzisati dzatanga kufamba muguta riri kukura rakaita madirativhange. Tayambuka bhiriji riri pedyo nehofisi yebazi uye tapfuura nomuguta rine vanhu vakawanda, tinonanga kumabvazuva kuYaoundé, guta guru reCameroon, iri nzvimbo yatinotanga kusvika.

Vatyairi vose vatanhatu vachakuudza kuti zvakaoma sei kutyaira rori rakazara nemakumi ematani emabhuku. Mumazuva matatu okutanga tichifamba nemigwagwa ine tara hatina zvipingamupinyi zvakawanda, kunyange zvazvo zvichida kuti tiise pfungwa dzedu pamugwagwa. Nenguva isipi, mvura inobva yangotanga kunaya. Iye zvino mugwagwa hausisina tara. Hatichaoni zvakanaka, mugwagwa wacho wava kutsvedza, uye tinofanira kunanaira nokuti une makomba makomba. Yava nguva yorubvunzavaeni. Inguva yokuti timire kuti tidye, tirare takaturika makumbo edu padhashibhodhi. Uhwu ndihwo upenyu huri munzendo idzi!

Mangwana acho tinofumo bata jongwe muromo tosimudzira rwendo rwedu. Mumwe wevatyairi anobatsira nokunyatsoongorora zvakaita mugwagwa. Anokurumidza kunyevera kana tava kuda kupinda mugomba. Vatyairi vanozivawo kuti kana vakangopinda mugomba, zvingatora mazuva akawanda kuti mota ibudemo. Migwagwa yacho hainyanyi kuchinja sezvatinoyambuka bhodha tichipinda muCentral African Republic. Kwemakiromita 650 tinopfuura nomunzvimbo ine miti yakasvibirira ine makomo. Vana, vakwegura, navanamai vakabereka vana kumusana vose vanotibhaibhisa sezvatinopfuura tichinanaira mumisha yavo. Nokuti mune hondo, mumigwagwa mune mota shoma mazuva ano, saka vanhu vanotiyeva vachida kuziva kuti tiri vanaani.

Zviitiko Zvinofadza

Janvier, mumwe wevatyairi, anotiudza kuti pasinei nepurogiramu yakaoma, vanowanzomira mumisha muduku kuti vazorore zvishoma nokuparadzira mabhuku eBhaibheri. Anoyeuka kuti: “MuBaboua taigaro edza kutaura nomumwe mushandi wepachipatara akafarira zvikuru mashoko oUmambo, uye taimudzidzisa Bhaibheri kwenguva pfupi. Rimwe zuva takatomuratidza nemhuri yake vhidhiyo yaNoa. Shamwari nevavakidzani vavo vakauya, uye pasina nguva imba yake yakanga yazara nevanhu. Munhu wose akanga ambonzwa nezvaNoa, uye iye zvino vaigona kuona nyaya yacho paterevhizheni. Zvaifadza kuona kuremekedza kwavaiita. Pashure pacho, vakatibikira vachiratidza kutenda kwavo, uye vakati tirare ipapo. Taifanira kusimuka pakarepo ndokuenderera nerwendo rwedu rurefu, asi takafara kuti takakwanisa kuudza vanhu ava vanozvininipisa mashoko akanaka.”

Mumwe mutyairi anonzi Israel, anoyeuka zvimwe zvakamboitika vava kuenda kuBangui kwaiperera rwendo rwavo. Anoti, “Zvataisvika pedyo neBangui, ndipowo patainyanya kusangana nemarodhibhuroko akawanda. Sezvineiwo, masoja akawanda aitifarira uye aiyeuka rori redu. Vaitikumbira kuti tigare navo pasi, uye vaigamuchira nomufaro mabhuku eBhaibheri. Kwavari bhuku rinokosha, saka vanonyora zita ravo, musi wacho nezita romunhu anenge avapa bhuku racho. Mamwe masoja aiva hama dzeZvapupu, uye ichi chimwewo chikonzero nei aiva noushamwari kudaro.”

Joseph, mutyairi agara nebasa iri, anorondedzera chimwe chinhu chinonyanya kunakidza panzendo idzi—zvinozoitika kana vasvika. Nezvorumwe rwendo, anoti: “Kwangosara makiromita mashomanana kuti tisvike muBangui, takafonera hama dzedu kuti takanga tava kusvika. Dzakatiperekedza pataipfuura nomuguta racho, dzichitibatsira kugadzirisa mapepa aidiwa. Patakasvika, vose vaiva pahofisi yebazi vakauya kuzotikwazisa vachitimbundira. Hama dzokutibatsira dzakauya kubva muungano dzaiva pedyo, uye mumaawa mashomanana, mazana emakatoni emaBhaibheri, mabhuku, tubhuku, uye magazini zvakaburutswa uye zvakazara muimba yokuchengetera zvinhu.”

Joseph anotizve, “Dzimwe nguva tinotakura mbatya dzinenge dzapiwa nehama, bhutsu, nezvinhu zvevana zvinenge zvichifanira kuenda kuDemocratic Republic of Congo iri pedyo. Chokwadi zvaifadza chaizvo kuona kunyemwerera kwehama dzinoonga!”

Tazorora kwezuva rimwe chete, tinogadzirisa rori redu todzokera nekwatakabva nako. Zvimwe zvipingamupinyi zvakatimirira, asi zvinodarikwa nezviitiko zvinofadza zvatakawana.

Nzendo refu, madzvotsvotsvo emvura, migwagwa yakaipa zvikuru, kuponja kwematai, uye kumbofa kwemota zvingaodza mwoyo. Masoja anonetsa nderimwewo dambudziko ratinogara tichisangana naro. Asi, hakuna chinogutsa vatyairi ava chinodarika kuendesa mashoko akanaka oUmambo kunzvimbo dziri kure idzi dzomuAfrica uye kuona kuchinja kwaanoita upenyu hwevanhu vanoagamuchira.

Somuenzaniso, pamusana penzendo idzi, mumwe murume anogara mumusha uri mudunhu riri kure muCentral African Republic pedyo nebhodha reSudan iye zvino ava kuverenga shanduro yemazuva ano yeBhaibheri. Mudzimai wake anoverenga magazini matsva eNharireyomurindi, uye vana vavo vanobatsirwa nebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. * Ivo nevamwe vakawanda vari mumisha iyi vanowana zvokudya zvine chokuita nokunamata, sezvinoita hama dzavo dziri mumaguta makuru akawanda. Chokwadi izvi zvinoita kuti tigutsikane zvikuru!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kubvira panguva iyi, zvakawanda zvave zvichiitwa kuti mugwagwa uri pakati peDouala neBangui usave nengozi.

^ ndima 25 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

CAMEROON

Douala

CENTRAL AFRICAN REPUBLIC

Bangui

[Mufananidzo uri papeji 9]

Joseph

[Mufananidzo uri papeji 9]

Emmanuel

[Mufananidzo uri papeji 10]

Bazi riri muCentral African Republic, kuBangui

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mabhuku achiburutswa murori kuBangui