Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuteerera Hana Yako

Kuteerera Hana Yako

Kuteerera Hana Yako

“Zvinhu zvose zvakachena kuvanhu vakachena. Asi kune vanhu vakasvibiswa nevasina kutenda hapana chakachena.”—TITO 1:15.

1. Pauro akati chii nezveungano yokuKrete?

MUAPOSTORA Pauro apedza nzendo dzake nhatu ari mumishinari, akasungwa ndokuzoendeswa kuRoma kwaakapfigirwa mujeri kwemakore maviri. Akaitei paakasunungurwa? Pane imwe nguva akashanyira chitsuwa cheKrete aina Tito, uyo Pauro akanyorera tsamba kuti: “Ndakakusiya muKrete nokuda kwechikonzero ichi, kuti ururamise zvinhu zvakanga zvisina kururama uye kuti ugadze varume vakuru.” (Tito 1:5) Basa iri raizoitwa naTito raiva nechokuita nemashandiro ehana dzevanhu.

2. Tito aifanira kugadzirisa chinetso chipi pachitsuwa cheKrete?

2 Pauro akarayira Tito nezvezvinhu zvinodiwa kuti munhu ave mukuru muungano ndokubva ati kwaiva nevanhu “vazhinji vasingadzoreki, vanotaura zvinhu zvisina zvazvinobatsira, uye vanonyengera.” Ivava vakanga “vachitsausa dzimba dzose nokudzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa.” Tito aifanira ‘kuramba achivatsiura.’ (Tito 1:10-14; 1 Timoti 4:7) Pauro akataura kuti pfungwa dzavo nehana dzavo zvakanga zva“kasvibiswa,” achishandisa shoko rinopa pfungwa yokutindivadza, sezvinoita jira rakanaka rinotindivadzwa nedhayi. (Tito 1:15) Vamwe vevarume ava vangangodaro vaiva vechiJudha nokuti ‘vaiomerera pakudzingiswa.’ Nhasi ungano hadzisi kutsauswa nevarume vanoti vanhu vanofanira kudzingiswa; kunyange zvakadaro tinogona kudzidza zvakawanda nezvehana kubva kune zvakarayirwa Tito naPauro.

Vaiva Nehana Yakasvibiswa

3. Pauro akati chii kuna Tito nezvehana?

3 Ona zvakanga zvichitaurwa naPauro paakazotaura nezvehana. “Zvinhu zvose zvakachena kuvanhu vakachena. Asi kune vanhu vakasvibiswa nevasina kutenda hapana chakachena, asi pfungwa dzavo nehana dzavo zvakasvibiswa. Vanotaura pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo.” Zviri pachena kuti kareko vamwe vaifanira kuchinja kuitira kuti “vave nokutenda kune utano.” (Tito 1:13, 15, 16) Vaitadza kusiyanisa zvakanga zvakachena nezvakanga zvisina kuchena, uye izvi zvaisanganisira hana yavo.

4, 5. Vamwe vaiva muungano vaiva nemaonero api asina kunaka, uye izvi zvakavakanganisa sei?

4 Makore gumi neanoraudzira akanga apfuura, dare rinodzora revaKristu rakanga rati vanhu vakanga vasingachafaniri kudzingiswa kuti munhu ave munamati waMwari, uye rakazivisa ungano nezvazvo. (Mabasa 15:1, 2, 19-29) Asi, vamwe vaiva paKrete vakanga vachiri ‘kuomerera pakudzingiswa.’ Vakaramba pachena zvakanga zvataurwa nedare rinodzora, vachi“dzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa.” (Tito 1:10, 11) Vaine kufunga kwakamonyana, vangave vaisimudzira zvaitaurwa noMutemo pamusoro pezvokudya nokuchena. Vangangodaro vaiwedzeredza zvaitaurwa noMutemo, sezvakanga zvaitwa nevakavatangira vomunguva yaJesu, uye vachishandisa ngano dzechiJudha nemirayiro yevanhu.—Mako 7:2, 3, 5, 15; 1 Timoti 4:3.

5 Kufunga kwakadaro kwaikanganisa maonero avaiita zvinhu netsika dzakanaka kureva hana dzavo. Pauro akanyora kuti: “Kune vanhu vakasvibiswa nevasina kutenda hapana chakachena.” Hana dzavo dzakakanganiswa zvokuti dzakanga dzisisakwanisi kuvatungamirira zvakanaka mune zvavaiita nezvavaisarudza. Uyezve vaitonga vamwe vaKristu pazvinhu zvokuzvisarudzira, zvakadai sokuti mumwe muKristu angasarudza ichi asi mumwe osarudza icho. Panyaya iyi vaKristu vokuKrete vaiona zvinhu zvakachena sezvakasviba. (VaRoma 14:17; VaKorose 2:16) Kunyange zvazvo vaiti vaiziva Mwari vakamuramba nemabasa avo.—Tito 1:16.

Zvakachena Kuvanhu Vakachena”

6. Pauro akataura nezvemarudzi maviri api evanhu?

6 Tingabatsirwa sei nezvakataurwa naPauro kuna Tito? Cherechedza musiyano uri mumashoko aya: “Zvinhu zvose zvakachena kuvanhu vakachena. Asi kune vanhu vakasvibiswa nevasina kutenda hapana chakachena, asi pfungwa dzavo nehana dzavo zvakasvibiswa.” (Tito 1:15) Zvechokwadi Pauro akanga asingarevi kuti kumuKristu ane tsika dzakachena zvinhu zvose zvakachena uye zvinobvumirwa. Tine chokwadi nazvo nokuti Pauro akanga ambozvijekesa mune imwe tsamba kuti vanhu vanoita ufeve, vanonamata zvidhori, vanoita zvemidzimu uye nezvimwewo “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaGaratiya 5:19-21) Saka tinofanira kugumisa kuti Pauro akanga achitaura chokwadi chinozivikanwa nezvemarudzi maviri evanhu, vaya vakachena mune zvokunamata uye mutsika nevaya vasina.

7. VaHebheru 13:4 inorambidza chii, asi mubvunzo upi unovapo?

7 Zvinhu zvinofanira kudziviswa nomuKristu akatendeka hazvingopereri pane zviya zvinorambidzwa zvakajeka neBhaibheri. Somuenzaniso chimbofunga mashoko aya asinganyenyeredzi anoti: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Kunyange vasiri vaKristu uye nevamwe vasina kana zvavanoziva nezveBhaibheri vaizogumisa zvakarurama kuti ndima iyi inorambidza kuita upombwe. Kubva mundima iyi nedzimwe dziri muBhaibheri zviri pachena kuti Mwari anorambidza murume akaroora kana mukadzi akaroorwa kuti aende pabonde nomumwe munhu waasina kuroorana naye. Zvisinei, zvakadini nevanhu vaviri vasina kuroorana vanoita zvepabonde vachiita zvokunanzvana kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo? Vakawanda vachiri kuyaruka vanoti kuita izvi hakukuvadzi nokuti hakusi kuita zvepabonde chaiko chaiko. MuKristu angaona kuita zvepabonde kunoitwa nokunanzvana kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo sekwakachena here?

8. VaKristu vakasiyana sei nevanhu vakawanda vomunyika pamaonero avanoita kuita zvepabonde vanhu vachinanzvana kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo?

8 VaHebheru 13:4 uye 1 VaKorinde 6:9 dzinosimbisa kuti Mwari anorambidza upombwe noufeve (chiGiriki, por·neiʹa). Ufeve hunosanganisirei? Shoko rechiGiriki iri rinorevawo kushandisa nhengo dzokubereka nadzo nenzira yemasikirwo kana kuti isingagamuchiriki nechinangwa chokuita zvinhu zvinosembura. Zvinosanganisira kuita zvose zvepabonde zvisingabvumirwi nomutemo uye zvinoitwa nevanhu vasina kuroorana maererano neMagwaro. Saka zvinosanganisira kunanzvana kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo pasinei nokuti vechiduku vakawanda vari munyika yose vakaudzwa kana kuti vakagumisa kuti kuita zvepabonde vanhu vachiita zvokunanzvana kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo zvakanaka. VaKristu vechokwadi havatungamirirwi mafungiro avo uye zviito zvavo nevanhu “vanotaura zvinhu zvisina zvazvinobatsira, uye vanonyengera.” (Tito 1:10) Vanoomerera kumitemo yakarurama yeMagwaro Matsvene. Pane kuzvireverera vachiti kuita zvepabonde vanhu vachinanzvana kana kuyamwa nhengo dzokubereka nadzo hakuna kuipa, vanonzwisa kuti kuita izvi ufeve, por·neiʹa, maererano neMagwaro, uye vanodzidzisa hana dzavo kuti vasaite izvi. *Mabasa 21:25; 1 VaKorinde 6:18; VaEfeso 5:3.

Hana Dzakasiyana Dzinosarudza Zvakasiyana

9. Kana “zvinhu zvose zvakachena,” basa rehana nderei?

9 Asi Pauro airevei paakati “zvinhu zvose zvakachena kuvanhu vakachena”? Pauro aireva vaKristu vakanga vachinja mafungiro avo netsika kuti zvienderane nemitemo yaMwari, yatinowana muShoko rake rakafuridzirwa. VaKristu vakadaro vanoziva kuti pazvinhu zvakawanda zvisingarambidzwi zvakananga, vaKristu vanosarudza zvakasiyana. Pane kutonga vamwe, vanoziva kuti zvinhu zvisingarambidzwi naMwari “zvakachena.” Havatarisiri kuti vamwe vose vachafunga sezvavanoita pazvinhu zvoupenyu zvisingarambidzwi zvakananga neBhaibheri. Ngatimboonai kuti zvingadaro sei.

10. Muchato (kana mariro) zvingakonzera sei dambudziko?

10 Kune mhuri dzakawanda dzine murume kana mukadzi akava muKristu asi mumwe wacho asina. (1 Petro 3:1; 4:3) Izvi zvingakonzera matambudziko akasiyana-siyana, pazviitiko zvakadai semichato kana kuti parufu rwehama. Chimbofunga nezvomudzimai wechiKristu ane murume asingatendi. Hama yomurume iri kuchata, uye muchato wacho uchaitirwa muchechi yechiKristudhomu. (Kana kuti hama yacho, zvichida mubereki womurume, yafa, uye mariro acho achaitirwa muchechi.) Vaviri ava vanodaidzwa, uye murume anoda kuti mudzimai wake amuperekedze. Hana yomudzimai inomuudzei? Achaita sei? Chimbofungidzira zvinhu zviviri zvaangaita.

11. Tsanangura zvingafungwa nomumwe mudzimai wechiKristu panyaya yokuenda kumuchato unoitirwa muchechi, achizogumisa kuti kudii?

11 Lois anofungisisa murayiro wakakomba weBhaibheri wokuti, ‘Budai muBhabhironi Guru,’ umambo huri munyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 18:2, 4) Aimbopinda chechi ichaitirwa muchato uye anoziva kuti mumhemberero vose vanenge varipo vachakumbirwa kuita zvimwe zvinhu zvechitendero, zvakadai sokunyengetera, kuimba kana kuti kusimudza maoko. Akatsunga kusabatanidzwa uye haatombodi kuvapo uye kuva panguva yakaoma inogona kukanganisa kuvimbika kwake. Lois anoremekedza murume wake uye anoda kumutsigira somusoro wake maererano neMagwaro, asi haadi kutyora mitemo yeMagwaro. (Mabasa 5:29) Nokudaro, anomutsanangurira nokungwarira kuti kunyange murume wake akaenda, iye haakwanisi kuenda. Angamuudza kuti kana akaenda obva aramba kuita zvimwe zvinhu, murume wake angazonyara nazvo, saka kusaenda kwake kunobatsira murume wake. Zvaanenge asarudza kuita zvinomusiya aine hana yakachena.

12. Mumwe angafungei uye angaitei paanenge akokwa kumuchato uchaitirwa muchechi?

12 Ruth anosanganawo nedambudziko rimwe chete. Anoremekedza murume wake, akatsunga kuramba akavimbika kuna Mwari, uye anoteerera hana yake yakadzidziswa Bhaibheri. Afunga zvakambofungwa naLois, Ruth anonyengetera overenga nyaya inoti “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2002. Anoyeuka kuti vaHebheru vatatu vakateerera murayiro wokuenda kwaizonamatwa chifananidzo asi vakaramba vakavimbika nokusanamata chifananidzo chacho. (Dhanieri 3:15-18) Anosarudza kuperekedza murume wake asi haaiti zvinhu zvechitendero, uye ari kuita maererano nehana yake. Anotsanangurira murume wake nokungwarira asi achijekesa zvaachabvumirwa nehana yake kuti aite uye zvaasiri kuzoita. Ruth anovimba kuti murume wake achaona kusiyana kwakaita kunamata kwechokwadi nekwenhema.—Mabasa 24:16.

13. Nei zvisingafaniri kutinetsa kana vaKristu vaviri vakasarudza zvakasiyana?

13 Zvinhu zvakasiyana zvingasarudzwa nevaKristu vaviri zvingareva here kuti mumwe wavo ane hana isina kusimba? Kwete. Achifunga zvavaiita kare vachiimba uye tsika dzakasiyana-siyana dzavaiita muchechi iyoyo, Lois angafunga kuti akavapo zvingava ngozi kwaari. Uye zvavaimbotaurirana nomurume wake panyaya dzezvitendero zvingakanganisa hana yake. Saka anogutsikana kuti zvaasarudza ndizvo zvakamunakira.

14. VaKristu vanofanira kufunga nezvei panyaya dzokuti munhu azvisarudzire?

14 Asi Ruth anenge asarudza nokusachenjera here? Hazvisi zvevanhu kuti vatonge. Havafaniri kutonga kana kutsoropodza kusarudza kwaanenge aita kuti aende kumuchato wacho asi asingaiti tsika dzipi nedzipi dzechitendero ikoko. Yeuka zano raPauro rokuti munhu asarudze kudya kana kusadya zvimwe zvinhu: “Munhu anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi ngaarege kutonga anodya . . . Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Chokwadi, achamiswa, nokuti Jehovha anogona kumumisa.” (VaRoma 14:3, 4) Kutaura zvazviri hakuna muKristu wechokwadi angada kukurudzira munhu kuti asateerere hana yake yakadzidziswa nokuti kuita izvozvo kungafanana nokumuita kuti asateerera inzwi ringadaro riine mashoko anoponesa upenyu.

15. Nei tichifanira kufunga zvakakomba nezvehana uye manzwiro evamwe?

15 Tichienderera mberi nenyaya iyi, vaKristu vacho vari vaviri vanofanira kufunga nezvezvimwewo zvinhu zvinobatanidzwa, chimwe chacho kuti vamwe vanozviona sei. Pauro akatipa zano rokuti: “Sarudzai izvi, kuti murege kuisa pamberi pehama chinhu chinogumbura kana chinokonzera kuti igumburwe.” (VaRoma 14:13) Lois angave achiziva kuti zvinhu zvakadaro zvakambogumbura vamwe kwazvo muungano kana mumhuri yake, uye zvaangaita zvingavhiringidza zvikuru vana vake. Ukuwo Ruth angave achiziva kuti zvinhu zvakadaro hazvina kumbogumbura ungano kana kuti vanhu vomunharaunda yaanogara. Vakadzi vaviri ava nesu tose, tinofanira kuziva kuti hana yakanyatsodzidziswa inoita kuti tisarudze zvinhu tichifunga kuti vamwe vanozviona sei. Jesu akati: “Munhu wose anogumbura mumwe wevaduku ava vanotenda mandiri, zvakamunakira kuti guyo rakaita seriya rinotenderedzwa nembongoro risungirirwe mumutsipa make, anyudzwe mugungwa rakadzika, rakafara.” (Mateu 18:6) Kana munhu akarega hana yake ichigumbura vamwe, angasvika pakusvibisa hana yake, sezvakaita vamwe vaKristu vaiva kuKrete.

16. Tingatarisira kuti muKristu achinje zvakadini nokufamba kwenguva?

16 MuKristu anofanira kuramba achikura mune zvokunamata, sezvaanongofanira kuita pakuteerera zvinotaurwa nehana yake. Ngatimbofunga nezvaMark, achangobva kubhabhatidzwa. Hana yake inomuudza kuti arege zvachose tsika dzisiri dzepaMagwaro dzaaimboita, zvichida dzaisanganisira zvidhori kana kuti ropa. (Mabasa 21:25) Zvechokwadi iye zvino ava kurega zvose zvakada kuti fananei nezvinorambidzwa naMwari. Ukuwo, anoshamisika kuti nei vamwe vachiramba zvinhu zvaanoona sezvakanaka, zvakadai sedzimwe purogiramu dzeterevhizheni.

17. Taura muenzaniso unoratidza kuti nguva uye kukura mune zvokunamata zvingabatsira sei hana yomuKristu nezvaanosarudza?

17 Nokufamba kwenguva, Mark anowedzera ruzivo rwake uye anova noukama hwepedyo naMwari. (VaKorose 1:9, 10) Zvinoitei paari? Hana yake inodzidziswa zvikuru. Iye zvino Mark ava kuteerera hana yake chaizvo uye anonyatsofunga zvinotaurwa neMagwaro. Kutaura zvazviri, anoona kuti zvinhu “zvose zvakada kuti fananei” zvaairega chaizvoizvo zvakanga zvisingapesani nezvinodiwa naMwari. Uyezve, zvaava kunyatsotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri uye achiteerera zvinotaurwa nehana yake yakanyatsodzidziswa, Mark haachaoni purogiramu dzaaimbofunga kuti dzakanaka. Chokwadi, hana yake yagadziriswa.—Pisarema 37:31.

18. Chii chinotifadza?

18 Muungano dzakawanda, mune vanhu vari pamazera akasiyana-siyana okukura mune zvokunamata. Vamwe vavo vatendi vatsva. Zvichida hana dzavo hadzitomborovi pane zvimwe zvinhu, asi pane zvimwe hana dzavo dzinorova zvikuru. Vakadaro vanoda nguva uye kubatsirwa kuti vaite zvinhu maererano nezvinotaurwa naJehovha uye kuti vateerere hana dzavo dzakadzidziswa. (VaEfeso 4:14, 15) Zvinofadza kuti muungano idzodzi, mungave muine vakawanda vane ruzivo rwakadzama, vagara vachiita zvinotaurwa neBhaibheri, uye vane hana dzinoenderana nezvinodiwa naMwari. Zvinofadza zvikuru kuva pa“vanhu vakachena” vakadaro vanoona zvinhu “zvakachena” mutsika uye mune zvokunamata sezvinogamuchirwa naIshe! (VaEfeso 5:10) Tose zvedu ngativavarirei kusvika ipapo uye tirambe tiine hana inoita zvinhu maererano nezivo yakarurama yechokwadi nokuzvipira kuna Mwari.—Tito 1:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 15, 1983, mapeji 30-1 ine mamwe mashoko okuti vakaroorana vafunge nezvawo.

Ungapindura Sei?

• Nei vamwe vaKristu vokuKrete vaiva nehana yakasviba?

• Zvingafamba sei kuti vaKristu vaviri vane hana dzakadzidziswa vasarudze zvakasiyana?

• Nokufamba kwenguva hana dzedu dzinofanira kuita sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu iri papeji 26]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Sisiri

GIRISI

Krete

ASIA MINOR

Kupro

GUNGWA REMEDITERRANEAN

[Mufananidzo uri papeji 28]

VaKristu vaviri vangasarudza zvakasiyana panyaya imwe chete