Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndaiyemura Kutsunga Kwake Kunoshamisa”

“Ndaiyemura Kutsunga Kwake Kunoshamisa”

“Ndaiyemura Kutsunga Kwake Kunoshamisa”

MUMWE munyori wokuGermany anonzi Günter Grass uye akahwina mubayiro weMabhuku weNobel Prize muna 1999, akanyora nyaya youpenyu hwake muna 2006. Munyaya yake akabvuma pachena kuti paaiva nemakore 17 akanga anzi apinde muuto reSS (Schutzstaffel), uto repamusoro raHitler. Mubhuku iroro akataura nezvomumwe murume waachiri kuyemura kunyange zvazvo papfuura makore 60. Aiva mumwe murume akaramba aine kutenda paaitambudzwa.

Mubvunzurudzo yakabudiswa mupepanhau rinobuda mazuva ose rinonzi Frankfurter Allgemeine Zeitung, Grass anoyeuka munhu uyu aishamisa, akaramba kupinda muchiuto. Grass akati murume wacho “akanga asingatsigiri dzidziso dzainge dzakakurumbira, akanga asiri muNazi, muKomonisiti, kana weGutsaruzhinji. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Grass haachayeuki zita reChapupu chacho, chaakapa zita remadunhurirwa rokuti Hatiiti-zvinhu-zvakadaro. Zvapupu zvaJehovha zvakatsvakurudza zvikawana kuti murume wacho ainzi Joachim Alfermann. Aigara achirohwa nokunyadziswa, uye akazoiswa mujeri rake oga. Asi haana kutsuduguka uye akaramba kupinda muchiuto.

“Ndaiyemura kutsunga kwake kunoshamisa,” Grass akanyora kudaro. “Ndaizvibvunza kuti: Anozvitsungirira sei? Anombozvigona sei?” Atsungirira zvakaedza kuitwa kuti asavimbika kuna Mwari, pakupedzisira Alfermann akazoendeswa kumusasa wevasungwa wokuStutthof muna February 1944. Paakasunungurwa muna 1945, haana kufa nehondo uye akaramba ari Chapupu chaJehovha chakatendeka kusvikira afa muna 1998.

Alfermann aiva mumwe weZvapupu 13 400 zvaiva muGermany nedzimwe nyika dzaiva nevaNazi zvakatambudzwa noutsinye pamusana pokutenda kwazvo. Zvaitevedzera murayiro weBhaibheri zvichiramba kusapindira mune zvematongerwo enyika uye kuramba kupinda muchiuto. (Mateu 26:52; Johani 18:36) Zvapupu zvinenge 4 200 zvakaiswa mumusasa wevasungwa, uye 1 490 zvakafa. Kunyange nhasi, kutsunga kwazvo kwakashamisa vakawanda vasiri Zvapupu asi vakayemura kusatsuduguka kwazvo.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Joachim Alfermann