Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rarama Uchifunga Nezveramangwana

Rarama Uchifunga Nezveramangwana

Rarama Uchifunga Nezveramangwana

“MUSAMBOZVIDYA mwoyo pamusoro pezuva rinotevera,” akadaro Jesu Kristu muhurukuro yake mujinga megomo reGarireya. Maererano neshanduro inonzi Bhaibheri Dzvene, Jesu akaenderera mberi achiti: “Mangwana ane zvawo.”—Mateu 6:34.

Unofunga kuti mashoko okuti “mangwana ane zvawo” anorevei? Anoreva kuti unofanira kungoraramira zuva ranhasi chete worega kufunga nezveramangwana here? Mashoko aya anonyatsoenderana nezvaidavirwa naJesu nevateveri vake here?

“Musambozvidya Mwoyo”

Zviverengere mashoko ose akataurwa naJesu ari pana Mateu 6:25-32. Muchidimbu akati: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. . . . Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. . . . Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo? Uyewo, munozvidyirei mwoyo pamusoro penyaya yezvokupfeka? Dzidzai kumaruva omusango, kukura kwawo; haashandi nesimba, uyewo haaruki . . . Naizvozvo musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.”

Jesu akagumisa hurukuro yake iyi nemazano maviri. Zano rake rokutanga raiti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo [hwaMwari] nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Pane rechipiri racho akati: “Naizvozvo, musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.”—Mateu 6:33, 34.

Baba Venyu Vanoziva Zvamunoda

Unofunga kuti Jesu airambidza vadzidzi vake kusanganisira varimi, kuti ‘vasadyare, vasakohwa, kana kuunganidza zvirimwa zvavo mumatura here’? Kana kuti aivarambidza ‘kushanda nesimba uye kuruka’ kuti vawane zvipfeko zvavaida here? (Zvirevo 21:5; 24:30-34; Muparidzi 11:4) Kwete. Kudai vaizorega kushanda, vaizoguma vava ku“pemha munguva yokukohwa,” vasina zvokudya kana zvokupfeka.—Zvirevo 20:4.

Zvakadini nokuzvidya mwoyo? Jesu aireva kuti vateereri vake vakanga vasingafaniri kuzvidya mwoyo zvachose here? Zvaisazomboita. Jesu akatomboshungurudzika zvikuru nokuzvidya mwoyo usiku huya paakanga asati asungwa.—Ruka 22:44.

Jesu aingotaura chokwadi chinokosha. Kunyanya kuzvidya mwoyo hakumbokubatsiri kugadzirisa zvinetso chero zvipi zvaunosangana nazvo. Somuenzaniso, hakumbokubatsiri kuti urarame makore akawanda. ‘Hakumbowedzeri kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwako,’ akadaro Jesu. (Mateu 6:27) Kutaura zvazviri, kunyanya kuzvidya mwoyo kwenguva refu kungangopfupisa upenyu hwako.

Zano rake raibatsira zvikuru. Zvimwe zvinhu zvatinonetsekana nazvo hazvimboitiki. Mumwe aimbova mutungamiriri wehurumende ainzi Winston Churchill akaziva izvi paipisa Hondo Yenyika II. Pane zvimwe zvaimunetsa panguva iyoyo, akanyora kuti: “Pandinoyeuka zvinhu zvose zvaindidya mwoyo, ndinobva ndafunga nezvenyaya yeimwe harahwa payakanga yofa yakati yaizvidya mwoyo nezvinetso zvoupenyu, asi zvizhinji zvacho hazvina kuzoitika.” Chokwadi, kuchenjera kurarama maererano nezviripo musi iwoyo, kunyanya kana zvinetso zvatinosangana nazvo zvichiita kuti tizvidye mwoyo zvikuru.

‘Rambai Muchitanga Kutsvaka Umambo hwaMwari’

Chaizvoizvo, Jesu aifunga zvinhu zvinokosha zvinopfuura kugara zvakanaka kwevateereri vake. Aiziva kuti kuzvidya mwoyo kuti uwane zvinodiwa muupenyu, uyewo kutsva mwoyo nokudisa pfuma nemafaro, kunogona kutadzisa kuita zvinhu zvinonyanya kukosha. (VaFiripi 1:10) Ungafunga kuti, ‘Chii chinokosha kupfuura kuwana zvinhu zvinodiwa muupenyu?’ Mhinduro yacho kunamata kwatinoita Mwari. Jesu akasimbisa kuti chinhu chinokosha muupenyu hwedu ‘kutanga kutsvaka umambo hwaMwari nokururama kwake.’—Mateu 6:33.

Muzuva raJesu vakawanda vaitsvaka kwazvo pfuma. Vainyanya kukoshesa kuunganidza pfuma. Zvisinei, Jesu akakurudzira vateereri vake kuti vave nemamwe maonero. Sevanhu vakazvitsaurira kuna Mwari, ‘vose vakanga vakasungirwa kuti vatye Mwari wechokwadi nokuchengeta mirayiro yake.’—Muparidzi 12:13.

Kunyanya kufunga nezvepfuma, “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma,” zvaizoparadza kunamata kwevateereri vake. (Mateu 13:22) Muapostora Pauro akanyora kuti, “vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” (1 Timoti 6:9) Kuti avabatsire kunzvenga “musungo” uyu Jesu akayeuchidza vateveri vake kuti Baba vavo vokudenga vaiziva zvinhu zvose zvavaida. Mwari aizongovatarisira sezvaaiita “shiri dzokudenga.” (Mateu 6:26, 32) Pane kuti vadembetembe, vaizongoita zvavanokwanisa zvimwe zvose vozvisiira kuna Jehovha.—VaFiripi 4:6, 7.

Jesu paakati “mangwana ane zvawo,” aireva kuti tifunge nezvezviri kutinetsa nhasi kwete kuzviwedzera nokuzvidya mwoyo tichifunga zvingaitika mangwana. Rimwe Bhaibheri rinoti: “Tisanetseke nezveramangwana; nokuti remangwana rine zvaro. Hatifaniri kuwedzera nhamo pane imwe.”—Mateu 6:34, Today’s English Version.

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Zvisinei, kusanyanya kuzvidya mwoyo nezveramangwana kwakasiyana zvikuru nokusatombofunga nezvaro zvachose. Jesu haana kumbokurudzira vadzidzi vake kuti vasambofunga zvachose nezveramangwana. Pane kudaro akavakurudzira kuti vafarire zvikuru ramangwana. Zvakakodzera kuti vanyengeterere zvinhu zvavanoda panguva ino, zvokudya zvezuva nezuva. Asi vanofanira kutanga vanyengeterera zvinhu zvichiri mberi, Umambo hwaMwari huchauya uye kuda kwaMwari kuti kuitwe pasi pano.—Mateu 6:9-11.

Hatifaniri kuita sevanhu vomuzuva raNoa. Vaiva vakabatikana kwazvo “vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa,” zvokuti “havana kucherechedza” zvakanga zvoda kuitika. Zvikaguma nei? ‘Mafashamo akauya akavakukura vose.’ (Mateu 24:36-42) Muapostora Petro akashandisa chiitiko ichocho kutiyeuchidza kuti tirarame tichifunga nezveramangwana. Akanyora kuti, “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha!”—2 Petro 3:5-7, 11, 12.

Unganidzai Pfuma Kudenga

Chokwadi, ngatirambei ti“chinyatsofunga nezvokuvapo” kwezuva raJehovha. Izvi zvine zvazvichaita pamashandisiro atichaita nguva yedu, simba, zvinhu zvedu, uye mano. Hatifaniri kunyanya kubatikana nokutsvaga pfuma, zvinhu zvatinoda kana kuti mafaro oupenyu, zvokuti tinova nenguva shoma yokuita mabasa anoratidza “kuzvipira kuna Mwari.” Zvinoita sokuti kungofunga nezvanhasi kunokurumidza kutibatsira, asi zvinongotibatsira kwenguva pfupi chete. Jesu akati kuchenjera zvikuru ‘kuzviunganidzira pfuma kudenga’ pane kuzviunganidzira pfuma pasi pano.—Mateu 6:19, 20.

Jesu akasimbisa pfungwa iyi mumufananidzo womurume aiva nezvirongwa zvikuru zveramangwana. Zvaiva zvirongwa zvakanga zvisinei naMwari. Munda womurume wacho wakabereka chaizvo. Akasarudza kupaza matura ake kuti avake mahombe kuitira kuti azorore, adye, anwe, anakirwe zvake. Zvakanga zvakaipei? Akafa asati adya zveziya rake. Zvisinei, zvakatonyanya kuipa ndezvokuti akanga asina kuita ukama hwakanaka naMwari. Jesu akagumisa achiti: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:15-21; Zvirevo 19:21.

Ungaitei?

Usamboita sezvakaitwa nomurume akarondedzerwa naJesu. Tsvaga kuti chinangwa chaMwari chenguva yemberi ndechei uye rarama uchiita zvinhu maererano nechinangwa ichocho. Mwari haana kusiya vanhu vari murima maererano nezvaachaita. Muprofita wekare Amosi akanyora kuti, “Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.” (Amosi 3:7) Zvakaziviswa naJehovha achishandisa vaprofita vake unogona kuzviwana muShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri.—2 Timoti 3:16, 17.

Chimwe chinhu chinotaurwa neBhaibheri chichakurumidza kuitika chichabata vanhu vose pamwero mukuru. Jesu akati: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino.” (Mateu 24:21) Hapana munhu anogona kumisa chiitiko ichi. Chokwadi, hapana chikonzero chokuti vanamati vechokwadi vade kuchimisa. Nei? Nokuti chiitiko ichi chichabvisa uipi hwose, uye chichaita kuti pave ne“matenga matsva nenyika itsva,” kureva hurumende itsva yokudenga nenzanga itsva yevanhu. Munyika itsva iyoyo, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo [vanhu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:1-4.

Saka, hazvina musoro here kuti tiwane nguva yokuongorora zvinotaura Bhaibheri nezvazvo? Unoda kubatsirwa here kuti uite saizvozvo? Kumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikubatsire. Kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino. Chokwadi usangoraramira zvanhasi chete asiwo remangwana rakanaka.

[Mifananidzo iri papeji 7]

“Regai kuzvidya mwoyo . . . Zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro”