Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sirakusi Chiteshi chaPauro Parwendo Rwake Rwomugungwa

Sirakusi Chiteshi chaPauro Parwendo Rwake Rwomugungwa

Sirakusi Chiteshi chaPauro Parwendo Rwake Rwomugungwa

MUNENGE muna 59 C.E., imwe ngarava yakabva pachitsuwa cheMediterranean chinonzi Marita yakananga kuItari. Kumberi kwengarava iyi kwaiva nomufananidzo womusoro we“Vanakomana vaZeusi,” ainzi aiva mwari aidzivirira vaifamba nomugungwa. Munyori weBhaibheri Ruka anorondedzera kuti ngarava yacho yaka“svika pachiteshi chengarava cheSirakusi” kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemhenderekedzo yeSisiri ‘ikagara kwemazuva matatu.’ (Mabasa 28:11, 12) Vaivawo mungarava iyi naRuka ndiAristako nomuapostora Pauro, aiendeswa kuRoma kunotongwa.—Mabasa 27:2.

Hatizivi kana Pauro akabvumirwa kuburuka paSirakusi. Kana iye nevaaifamba navo vakamboburuka pachiteshi ichi, vangave vakaonei?

Munguva yevaGiriki nevaRoma, guta reSirakusi raikosha seAtene neRoma. Maererano nezvinotaurwa, rakavakwa nevaKorinde muna 734 B.C.E. Guta reSirakusi rakamboita mukurumbira uye ndiko kwakaberekerwa vamwe vanhu vaiva nomukurumbira kare, vakadai somunyori wenganonyorwa ainzi Epicharmus uye nyanzvi yemasvomhu Archimedes. Muna 212 B.C.E., vaRoma vakakunda Sirakusi.

Kushanyira guta reSirakusi remazuva ano iri kungaita kuti umbofungidzira zvaraive rakaita mumazuva aPauro. Guta racho rakanga riri muzvikamu zviviri, chimwe chikamu chiri pachitsuwa chinonzi Ortygia, pangangodaro pakamira ngarava yaiva naPauro, uye chimwe chikamu chiri panyika isiri chitsuwa.

Nhasi, pachitsuwa ichi unogona kuwana matongo etemberi yaAporo yekare kare yakavakwa nenyanzvi dzechiGiriki muSisiri muzana remakore rechitanhatu B.C.E. Mune mbiru dzetemberi yakatsaurirwa kuna mwari ainzi Athena, yemuzana remakore rechishanu B.C.E., asi temberi iyi yakabatanidzwa nechechi.

Taundi yeguta iri haizi pachitsuwa kwaunogona kushanyira paki yezvicherwa zvematongo inonzi Neapolis. Pedyo nepagedhi pane imba yemitambo yevaGiriki. Chimwe chezvivako zvinoshamisa zvichiripo chinoratidza unyanzvi hwevaGiriki hwokuvaka dzimba dzemitambo. Zvachakatarisa kugungwa, zvaiita kuti vanhu vanyatsonakidzwa nemitambo yacho. Nechokumaodzanyemba kwepaki iyi kune imba yemitambo yevaRoma yemuzana remakore rechitatu C.E. Yakaita sedenderedzwa risina kuzara, yakareba mamita 140 yakafara mamita 119 uye ndiyo yechitatu pakukura muItari.

Kana ukakwanisa kushanyira Sirakusi, unogona kugara pabhenji rakatarisa mugungwa pachitsuwa cheOrtygia, wovhura Bhaibheri pana Mabasa 28:12, uye wofungidzira muapostora Pauro ari mungarava sezvainomira panzvimbo iyi.

[Dhiyagramu/Mepu iri papeji 30]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Marita

Sisiri

Sirakusi

ITARI

Regiyumu

Puteori

Roma

[Mufananidzo uri papeji 30]

Matongo eimba yemitambo yevaGiriki muSirakusi