Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Teerera Inzwi Rinobva Mukati

Teerera Inzwi Rinobva Mukati

Teerera Inzwi Rinobva Mukati

‘Vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo waMwari vanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa.’—VAROMA 2:14.

1, 2. (a) Vakawanda vakaitirei vamwe nokuti vaivafarira? (b) Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza kufarira vamwe?

RIMWE jaya rine makore 20 rakabatwa netsviyo riri panokwirirwa chitima ndokudonhera munjanji. Achiona izvi, mumwe murume akasiya vanasikana vake ndokusvetukira paraiva. Akadhonzera jaya iri mumugero waiva kunze kwenjanji kuti risatsikwa nechitima. Vamwe vakati murume wacho aiva gamba, asi iye akati: “Unongofanira kuita zvakanaka. Dzinongova tsiye nyoro. Handina kuzviitira mukurumbira kana kukudzwa.”

2 Pamwe ungaziva mumwe munhu akaita chivindi kuti abatsire vamwe. Vakawanda vakazviita muHondo Yenyika II, nokuhwandisa vanhu vavakanga vasingazivi. Chimboyeuka zvakaitika pakaparara ngarava yaiva nomuapostora Pauro nevamwe vake 275 paMarita, pedyo neSisiri. Vanhu vomunzvimbo iyoyo vakabatsira vabvakure ava, vachiva“itira mutsa unoshamisa.” (Mabasa 27:27–28:2) Kana kuti zvakadini nekasikana kechiIsraeri, kakaratidza mutsa kune mumwe wevaSiriya vakanga vakatapa, kunyange zvazvo zvichida kakanga kasiri kuisa upenyu hwako pangozi? (2 Madzimambo 5:1-4) Uye chimbofunga nezvomufananidzo unozivikanwa zvikuru wakataurwa naJesu womuSamariya aigona kugarisana nevamwe. Mupristi nomuRevhi havana kubatsira mumwe wavo wechiJudha uyu akanga oda kufa, asi muSamariya akaita zvose zvaaikwanisa. Mufananidzo uyu wakasvika pamwoyo yevanhu vemarudzi akawanda kwemazana emakore.—Ruka 10:29-37.

3, 4. Unhu hune vanhu vose zvavo hwokuda kubatsirana pasinei nengozi ingavapo hunoratidzei nezvedzidziso yokuti munhu akashanduka?

3 Chokwadi tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo”; vanhu vazhinji “vanotyisa,” uye ‘havadi zvakanaka.’ (2 Timoti 3:1-3) Asi, hatina kumboona here mumwe munhu achibatsirwa kana kuti tichitobatsirwawo? Kuda kubatsira vamwe kunyange tichipinda mungozi kwajairika zvokuti kwava kunzi “ndiko kuva munhu.”

4 Vanhu vose zvavo vanoda kubatsira saizvozvo kunyange zvichitovapinza mungozi, uye izvi zvinopesana nepfungwa yokuti vanhu vakashanduka shanduka, yokuti wafa wafa, zvichireva kuti “chakasimba ndicho chinorarama.” Francis S. Collins, musayendisiti anoongorora zvakaita muviri womunhu akatungamirira hurumende yeUnited States pakuongorora kwayo zvakaita muviri womunhu (DNA), akati: “Vaya vanodavira kuti vanhu vakashanduka shanduka vanoti mhuka nevanhu zvinongonyanya kuzvifunga uye zvinongoda zvakafanana nazvo. Asi kutaura zvazviri, vanhu vane unhu hwokuda kubatsira vamwe vasiri vorudzi rwavo kunyange zvingaisa upenyu hwavo mungozi. Izvi zvinopesana nedzidziso yokuti munhu akashanduka achibva kumhuka.” Akatiwo: “Vamwe vanhu vanotoisa upenyu hwavo mungozi kuti vabatsire vamwe vasiri vorudzi rwavo uye vavasina kutombofanana navo. . . . Dzidziso yokuti vanhu vakashanduka haigoni kutsanangura izvi.”

“Zvinotaurwa Nehana”

5. Chii chine vanhu vose zvavo?

5 Dr. Collins anotaurazve nezveunhu hwedu hwokuda kubatsirana achiti: “Zvinotaurwa nehana zvinotituma kuti tibatsire vamwe kunyange tisina chatinowana kwavari.” * Kutaura kwaakaita nezve“hana” kunotiyeuchidza zvakataurwa nomuapostora Pauro paakati: “Nguva yose vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo pavanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. Ivo ndivo vanoratidza kuti zvinhu zvine chokuita nomutemo zvakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo painenge ichipupurirana navo uye, pane zvavanofunga, vari kupiwa mhosva kana kuti kunyange kupembedzwa.”—VaRoma 2:14, 15.

6. Nei vanhu vose vachizvidavirira kuMusiki?

6 Mutsamba yake yaakanyorera vaRoma, Pauro akaratidza kuti vanhu vanozvidavirira kuna Mwari nokuti tinoona unhu hwake uye kuvapo kwake kubva pane zvaakasika. Zvakanga zvakadaro “kubvira pakasikwa nyika.” (VaRoma 1:18-20; Pisarema 19:1-4) Ichokwadi kuti vakawanda havafungi nezvoMusiki wavo uye vanorarama vachiita unzenza. Kunyange zvakadaro, Mwari anoda kuti vanhu vazive kuti akarurama uye vapfidze pamabasa avo akaipa. (VaRoma 1:22–2:6) Hapana chaitadzisa vaJudha kuita saizvozvo nokuti vakapiwa Mutemo waMwari kuburikidza naMosesi. Asi kunyange vanhu vakanga vasina “mashoko matsvene aMwari” vaifanira kuziva kuti Mwari ariko.—VaRoma 2:8-13; 3:2.

7, 8. Pfungwa yokururamisira yakapararira zvakadini uye izvi zvinoratidzei?

7 Chikonzero chikuru nei vanhu vose vachifanira kubvuma kuti kuna Mwari uye kuita maererano nezvaanoda ndechokuti vanoziva chakanaka nechakaipa. Kuziva kuti tinofanira kururamisira kunoratidza kuti tine hana. Chimbofungidzira izvi: Vamwe vana vakamirira mumutsetse kuti vakwire muzerere. Mumwe mwana anopindira vamwe asina basa navo. Vakawanda vanobva vati, ‘Asi hazvina kumbonaka!’ Zvino chizvibvunza kuti, ‘Nei kunyange vana vakawanda vachingoerekana varatidza kuti vanoziva nezvokururamisira?’ Izvi zvinongoratidza kuti vakangosikwa vachiziva chakanaka nechakaipa. Pauro akati: ‘Nguva yose vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo vanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa.’ Haana kuti, “Kana,” kuita sokuti zvakanga zvisinganyanyi kuitika. Akati “nguva yose,” kana kuti “pose,” kuratidza zvinogara zvichiitika. Kureva kuti vanhu “vanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa,” zvichireva kuti vanotumwa nehana yavo kuti vaite zvinoenderana nezvakanyorwa muMutemo waMwari.

8 Kuziva tsika dzavanofanira kuita kunooneka munyika dzakawanda. Mumwe purofesa wepayunivhesiti yeCambridge akataura nezvetsika dzevaBhabhironi, vaIjipiti, vaGiriki kusanganisira vaAborigine vokuAustralia uye zvizvarwa zvokuAmerica, kuti dzaisanganisira ku“shora kudzvinyirira, kuponda, kunyengera uye kureva nhema, mabatirwo akafanana evakwegura, vaduku, uye vanorwara.” Uye Dr. Collins akanyora kuti: “Pfungwa yezvinhu zvakanaka nezvakaipa inozivikanwa pasi rose.” Hazvikuyeuchidzi nezvaVaRoma 2:14 here?

Hana Yako, Inoshanda Sei?

9. Hana chii uye ingakubatsira sei usati waita chimwe chinhu?

9 Bhaibheri rinoratidza kuti hana ndechimwe chinhu chiri matiri chinokwanisa kuongorora zviito zvedu. Zvinoita sokunge kuti une inzwi rinokuudza kuti izvi zvakanaka kana kuti zvakaipa. Pauro akataura nezveinzwi raiva maari achiti: ‘Hana yangu inopupurirana neni mumudzimu mutsvene.’ (VaRoma 9:1) Somuenzaniso, inzwi iri rinogona kufanokuudza zvokuita paunosarudza zvakanaka kana zvakaipa. Hana yako ingakubatsira kuongorora zvauchazoita uye yokuudza manzwiro ako kana wazviita.

10. Hana inowanzoshanda sei?

10 Kazhinji kacho, hana yako inozokuudza kana wapedza kuita chimwe chinhu. Dhavhidhi paaitiza Mambo Sauro, aikwanisa kuita zvakanga zvisingaremekedzi muzodziwa waMwari uye akazviita. “Pashure paizvozvo hana yaDhavhidhi yakaramba ichimutongesa.” (1 Samueri 24:1-5; Pisarema 32:3, 5) Tose zvedu takamborwadziwa saizvozvo nehana. Takamboita chimwe chinhu zvichibva zvatinetsa, tikashushikana nezvatakanga taita. Vamwe vanhu vakanga vasina kubhadhara mitero vakarwadziwa muhana zvokuti vakazopedzisira vaibhadhara. Vamwe vakatozongopedzisira vareurura chivi choupombwe kune mumwe wavo wavakaroorana naye. (VaHebheru 13:4) Kunyange zvakadaro, munhu paanoteerera hana yake, anonzwa kugutsikana uye anova norugare.

11. Nei zvingava nengozi ‘kungosiya hana yako ichikutungamirira’? Tsanangura.

11 Saka tinogona kungosiya ‘hana yedu ichititungamirira’ here? Chokwadi zvakanaka kuteerera hana yedu, asi dzimwe nguva zvainotiudza zvingatitsausa zvikuru. Kutaura zvazviri, inzwi ro“munhu watiri nechomukati” ringatitsausa. (2 VaKorinde 4:16) Chimbofunga muenzaniso uyu. Bhaibheri rinotiudza nezvaStefani, muteveri aishingaira kwazvo waKristu aiva “azere nenyasha nesimba.” Vamwe vaJudha vakakandira Stefani kunze kweJerusarema ndokumutema nematombo kusvikira afa. Sauro (akazova muapostora Pauro) akanga akamira pedyo uye “achibvumirana nokupondwa” kwaStefani. Zvinoita sokuti vaJudha ivavo vainyatsogutsikana kuti vari kuita zvakarurama zvokuti hazvina kumbovanetsa muhana dzavo. Hana yaSauro inofanira kunge yainzwawo saizvozvo nokuti pashure pacho akanga “achiine shungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe.” Zviri pachena kuti hana yake yakanga isiri kumuudza zvakarurama.—Mabasa 6:8; 7:57–8:1; 9:1.

12. Hana yedu ingakanganiswa sei?

12 Chii chingave chakavhiringidza hana yaSauro? Chimwe chingadaro chakakonzera izvi vanhu vaaishamwaridzana navo. Vakawanda vedu takambotaura pafoni nomunhu ane inzwi rakafanana chaizvo nerababa vake. Ichokwadi kuti mwana wacho angave akatora inzwi rababa vake, asiwo angangodaro achitevedzera matauriro avanoita. Saizvozvowo, Sauro angangodaro aiita achitevedzera vaJudha vaaishamwaridzana navo vaivenga Jesu uye vaishora dzidziso dzake. (Johani 11:47-50; 18:14; Mabasa 5:27, 28, 33) Chokwadi, shamwari dzaSauro dzingave dzakakanganisa hana yake.

13. Hana yomunhu ingakanganiswa sei nevanhu vaanorarama navo?

13 Hana inogona kuumbwa netsika kana kuti nevanhu vatinorarama navo, sezvinongoitika paunochinjwa matauriro ako nevanhu vekwaunogara. (Mateu 26:73) Ndizvo zvingave zvakaitika kuvaAsiriya vekare. Vaizivikanwa nehondo, uye zvivezwa zvavo zvinoratidza vachitambudza vavainge vasunga. (Nahumi 2:11, 12; 3:1) VaNinivhi vomuzuva raJona vanorondedzerwa sevakanga vasingazivi “musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo.” Izvi zvinoreva kuti mukuona kwaMwari vakanga vasingagoni kusiyanisa chakanaka nechakaipa. Chimbofungidzira kuti hana yomunhu aigara muNinivhi ingave yakakanganiswa sei nevanhu vakadaro! (Jona 3:4, 5; 4:11) Saizvozvowo nhasi, hana yomunhu inogona kukanganiswa nemafungiro evanhu vaanorarama navo.

Kunatsiridza Inzwi Romukati

14. Hana yedu inoratidza sei zvinotaurwa pana Genesisi 1:27?

14 Jehovha akapa Adhamu naEvha chipo chehana, uye takagara nhaka hana kubva kwavari. Pana Genesisi 1:27 panotiudza kuti vanhu vakaitwa nomufananidzo waMwari. Izvi hazvirevi kuti tine muviri wakaita sewaMwari nokuti iye mudzimu uye isu tiri venyama. Takasikwa nomufananidzo waMwari mukuti tine unhu hwake, hunosanganisira kuziva tsika dzatinofanira kutevedzera nehana inoshanda. Kuziva izvi kunoratidza kuti pane nzira imwe chete yatinogona kusimbisa nayo hana yedu, zvichiita kuti tivimbe nayo zvikuru. Saka dzidza zvakawanda nezvoMusiki, uye iva noukama hwepedyo naye.

15. Tinogona kubatsirwa sei nokusvika pakuziva Baba vedu?

15 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha ndiBaba vedu tose. (Isaya 64:8) VaKristu vakatendeka, pasinei nokuti vanotarisira kurarama kudenga kana kurarama pasi pano muparadhiso, vangadana Mwari vachiti Baba. (Mateu 6:9) Tinofanira kuda kuva noukama hwepedyo zvikuru naBaba vedu todzidza zvavanoda. (Jakobho 4:8) Vakawanda havafariri kuita kudaro. Vakafanana nevaJudha vakanzi naJesu: “Hamuna kumbonzwa inzwi ravo chero panguva ipi zvayo kana kuona zvavakaita; uye hamuna shoko rake rinoramba riri mamuri.” (Johani 5:37, 38) Hatina kumbonzwa inzwi chairo raMwari, asi tinogona kuziva zvaanofunga nokuverenga shoko rake tosvika pakufanana naye uye pakunzwa sezvaanoita.

16. Nhoroondo yaJosefa inoratidza sei kuti zvinokosha zvikuru kudzidzisa uye kuteerera hana yedu?

16 Nhoroondo yaJosefa ari mumba maPotifari inoratidza izvozvo. Mudzimai waPotifari akaedza kunyengedza Josefa. Kunyange zvazvo pakanga pasina bhuku reBhaibheri rakanyorwa munguva yaakararama uye Mirayiro Gumi yakanga isati yapiwa, Josefa akaramba achiti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” (Genesisi 39:9) Akanga asiri kuramba kuti angofadza mhuri yake nokuti yaigara kure. Waaida kufadza ndiMwari. Josefa aiziva mutemo waMwari wekuroorana wokuti murume mumwe chete anofanira kuva nomukadzi mumwe chete, uye vaviri vanova “nyama imwe.” Uye zvichida angangove akanzwa nezvemanzwiro akaita Abhimereki paakaziva kuti Ribheka aiva mukadzi womunhu, uye kuti zvakanga zvakaipa kumutora zvichiita kuti vanhu vake vave nemhosva. Chokwadi Jehovha akakomborera zvaakaita achiratidza maonero aanoita upombwe. Sezvo Josefa aiziva zvose izvi zvingangove zvakasimbisa hana yake, zvichiita kuti arambe kuita unzenza.—Genesisi 2:24; 12:17-19; 20:1-18; 26:7-14.

17. Patinoedza kuda kufanana naBaba vedu, nei isu tiri pari nani kupfuura Josefa?

17 Chokwadi, isu tiri pari nani iye zvino. Tine Bhaibheri rakazara matinogona kudzidza mafungiro aBaba vedu uye manzwiro avo, kusanganisira zvavanoda nezvavasingadi. Patinonyanya kudzidza Magwaro, tinova noukama hwepedyo zvikuru naMwari tofanana naye. Patinenge tichidaro, zvatinoudzwa nehana yedu zvingangoenderana nemafungiro aBaba vedu. Zvicharamba zvichienderana nezvavanoda.—VaEfeso 5:1-5.

18. Pasinei nezvinenge zvakaitika kumashure, tingaitei kuti hana yedu ititungamirire zvakanaka?

18 Zvakadini nokuchinjwa kunoitwa hana yedu nevanhu vatinorarama navo? Tingave takachinjwa nemafungiro nezviito zvehama dzedu uye nevanhu vatakakura navo. Saka hana yedu ingave yakatiudza zvinhu zvisiri izvo. Yaitaura “sematauriro” evanhu vatairarama navo. Zvisinei, ichokwadi kuti hatigoni kuchinja zvakaitika kare, asi tinogona kutsunga kusarudza shamwari uye nzvimbo zvichaita kuti hana yedu ishande zvakanaka. Chinhu chinokosha kugara tichiwadzana nevaKristu vakazvipira vave vachiedza kwemakore akawanda kuita saBaba vavo. Misangano yeungano, kusanganisira kushamwaridzana kwatinoita isati yatanga uye yapera, kunopa mikana yakanaka zvikuru yokuita kudaro. Tinogona kuona mafungiro anotungamirirwa neBhaibheri nezviito zvevamwe vaKristu, kusanganisira kuda kwavo kuteerera maonero nenzira zvaMwari zvavanoudzwa nehana dzavo. Nokufamba kwenguva, izvi zvinogona kutibatsira kuti tishandise hana yedu maererano nemitemo yeBhaibheri, zvichiita kuti tiratidze unhu hwaMwari zvikuru. Patinoita kuti inzwi redu romukati ritaure zvinoenderana nemitemo yaMwari totevedzera zvakanaka zvinoitwa nevamwe vedu vechiKristu, hana yedu ichatitungamirira zvakanaka uye tichada chaizvo kuteerera zvainotaura.—Isaya 30:21.

19. Zvii zvimwe zvichafanira kukurukurwa nezvehana?

19 Kunyange zvakadaro vamwe vachiri kunetseka kuti vateerere hana yavo zuva nezuva. Nyaya inotevera ichakurukura mamwe mamiriro ezvinhu akasangana nevamwe vaKristu. Kuongorora mamiriro ezvinhu akadaro kungaita kuti tinyatsoona basa rehana, kuti nei hana dzingasiyana, uye zvatingaita kuti tikurumidze kuteerera inzwi rayo.—VaHebheru 6:11, 12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Saizvozvowo, Owen Gingerich, purofesa anoongorora nyeredzi paHarvard University, akanyora kuti: “Unhu hwokuda kubatsira vamwe hunomutsa mubvunzo . . . usingapindurwi nesayenzi zvichibva pakuongorora mararamiro emhuka. Tingawana mhinduro chaiyo inogutsa kubva kumwewo uye zvine chokuita nounhu hwatakapiwa naMwari kusanganisira hana.”

Wadzidzei?

• Nei vanhu vemarudzi ose vachiziva chakanaka nechakaipa, kana kuti vaine hana?

• Nei tichifanira kungwarira kuti tisangosiya hana yedu ichititungamirira?

• Tinganatsiridza inzwi redu romukati nenzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Dhavhidhi akarwadziwa nehana . . .

asi handizvo zvakaitika kuna Sauro weTaso

[Mufananidzo uri papeji 24]

Tinogona kudzidzisa hana yedu