Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuraramira Nhasi Chete Here?

Unofanira Kuraramira Nhasi Chete Here?

Unofanira Kuraramira Nhasi Chete Here?

“HANDIFUNGI nezveramangwana. Mangwana anongoerekana asvika.” Mashoko iwayo anogara akadzokororwa akataurwa nomumwe musayendisiti anozivikanwa anonzi Albert Einstein. Vanhu vakawanda vanotaurawo saizvozvo. Vangati, “Ndozvinetserei nezveramangwana?” Kana kuti wakanzwa vanhu vachitaura zvakadai sokuti: “Idya mari yako uchiri mupenyu.” “Munhu wenyama ngaafare.” “Siyana nezveramangwana.”

Chokwadi maonero akadaro haana kutanga nhasi. “Idya, inwa, ufare. Zvimwe zvose hazvikoshi.” Aya ndiwo aiva mafungiro evaEpikuro vekare. Vamwe vakararama panguva yakararama muapostora Pauro vaiva nemafungiro akadaro. Vaiti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Vaidavira kuti tinongorarama kwenguva pfupi chete saka vakasimudzira pfungwa yokuti munhu anofanira kuita zvose zvaanokwanisa achiri mupenyu.

Nezvepfungwa iyi yokuti munhu aite zvose zvaanokwanisa achiri mupenyu, kumamiriyoni evanhu vanogara pasi pano izvi hazvirevi kuraramira mafaro. Vanhu vakawanda vari kuomerwa noupenyu zvokuti vava kupona nehwakumukwaku. Vangafungirei zvavo nezvenguva yemberi, iro “ramangwana” racho kazhinji richiita serakaoma kutsungirira uye risina tariro?

Tinofanira Kurongera Ramangwana Here?

Kunyange vanhu vagere zvakanaka havawanzooni zvichikosha kurongera ramangwana? Vangabvunza kuti, “Ndozvinetserei zvangu?” Vamwe vangafunga kuti vaya vanorongera ramangwana vanoguma vavhiringidzika uye vaodzwa mwoyo. Kunyange tateguru Jobho akaora mwoyo zvikuru paakaona zvirongwa zvake “zvakundikana,” zvichivhiringidza zvaizoita kuti iye nemhuri yake vafare.—Jobho 17:11; Muparidzi 9:11.

Mumwe mudetembi wokuScotland anonzi Robert Burns akafananidza dambudziko redu nezvakaitika paakaparadza asingadi mashe ekambeva nomuromo wegejo. Kambeva kacho kakatiza kuti kararame pashure pokunge kaparadzirwa musha. Mudetembi wacho akati, ‘Chokwadi, kakawanda tinogumirwa patinosangana nemamiriro ezvinhu asina zvatinokwanisa kuita zvokuti tinoona kunyange zvatakanyatsoronga zvichitadza kubudirira.’

Saka hazvibatsiri here kuronga ramangwana? Chokwadi ndechokuti kutadza kunyatsoronga kunogona kuguma nengozi panoitika madutu kana kuti dzimwe njodzi dzinongoitika dzoga. Somuenzaniso, hakuna aigona kumisa dutu reHurricane Katrina. Asi kudai uchenjeri nokufanoronga zvakashandiswa, zvingadai zvisina kuita kuti guta reNew Orleans nevagari varo vasanyanye kukuvara here?

Unofungei? Zvine musoro here kuraramira nhasi chete torega kufunga nezveramangwana? Ona kuti nyaya inotevera inotii nezvenyaya iyi.

[Mifananidzo iri papeji 3]

“Idya, inwa, ufare. Zvimwe zvose hazvikoshi”

[Mufananidzo uri papeji 4]

Uchenjeri nokufanoronga zvingadai zvakabatsira here pakaitika dutu reHurricane Katrina?

[Kwazvakatorwa]

U.S. Coast Guard Digital