Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuoma Kwakaita Kuzvininipisa

Kuoma Kwakaita Kuzvininipisa

Kuoma Kwakaita Kuzvininipisa

VAKAWANDA vanoona sokunge kuti kuzvininipisa hakubatsiri munyika yanhasi. Vaya vanodada, vanozvikwidziridza uye vanoda kuti zvinhu zviitwe nenzira yavanoda chete ndivo vanonyanya kuonekera uye vanoita sevanobudirira zvikuru. Vanhu vanowanzoyemura vapfumi nevakakurumbira, kwete vanozvininipisa uye vanyoro. Vaya vakabudirira vanowanzozvikudza vachiti vari kudya zvedikita ravo. Pane kuti vazvininipise, vanozvirova dundundu nokubudirira kwavo.

Mumwe mutsvakurudzi wokuCanada akataura nezvo“kuwedzera kwaita vanhu vanoti ‘zvose ndezvangu’” munyika iyoyo. Vamwe vanofunga kuti munyika yatiri kurarama kuwana mafaro kunokosha kupfuura kuzvibata uye kuti vanhu vanongozvifunga vari kuramba vachiwedzera. Munyika yakadaro, zvingaita sokuti hapana anoyemura vaya vanozvininipisa.

Ichokwadi kuti vakawanda vanobvuma kuti zvakanaka kuti vamwe vazvininipise, nokuti vanhu vanozvininipisa vari nyore kurarama navo. Zvisinei, munyika yedu yakazara makwikwi, vamwe vanotya kuti kana ivo pachavo vakazvininipisa vanozonzi vakapusa.

Shoko raMwari, Bhaibheri, rakafanotaura kuti munguva yedu vanhu vaizova “vanozvitutumadza, vanozvikudza.” (2 Timoti 3:1, 2) Haubvumi here kuti uprofita uhwu huri kuzadzika? Unofunga kuti zvinokosha here kuti munhu azvininipise? Kana kuti unofunga here kuti munhu anozvininipisa angazoonekwa seakapusa uye ari nyore kubatira?

Nyaya iripo ndeyokuti Bhaibheri rinotiudza zvakanakira kudzidza uye kukoshesa kuzvininipisa. Rinotibatsira kunyatsoona zvakanaka pfungwa yokuzvininipisa uye rinoratidza kuti kuzvininipisa kuchenjera, kwete kupusa. Nyaya inotevera ichatsanangura kuti zvakadaro sei.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Tinofanira kunzwa sei kana tabudirira?