Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuongorora “Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”

Kuongorora “Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”

Kuongorora “Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”

“Mudzimu unoongorora zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VAKORINDE 2:10.

1. Ndechipi chimwe chokwadi cheBhaibheri chinofadza vadzidzi vatsva?

VAKAWANDA vedu vari muungano yechiKristu tinoyeuka kufara kwatakaita patakadzidza chokwadi. Takatanga kuziva kuti nei zita raJehovha richikosha, nei achibvumira kutambura, nei vamwe vanhu vachienda kudenga, uye kuti vanhu vakatendeka vachawanei mune ramangwana. Zvimwe taimboverenga Bhaibheri, asi takanga tisingambooni zvinhu izvi, sezvinongoita vamwe vose. Tainge takaita somunhu aitarisa pamepu asi asingagoni kuishandisa kuti asvike kwaari kuenda. Aingoona mazita enzvimbo dzakawanda-wanda. Asi paakawana akamubatsira, akafara kuti akanga ava kuziva mafambiro aaizoita. Ndozvakaitikawo patakatanga kubatsirwa kuti tinzwisise Magwaro, takaravidza “zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VaKorinde 2:8-10.

2. Chii chingaita kuti mufaro watinowana nokudzidza Shoko raMwari usapera?

2 Tinofanira kugutsikana nokungoravidza kwatakaita chokwadi cheBhaibheri here? Mashoko okuti “zvinhu zvakadzama zvaMwari” anosanganisira kunzwisisa uchenjeri hwaMwari hunoziviswa vaKristu nomudzimu mutsvene asi husingazivikanwi nevamwe. (1 VaKorinde 2:7) Tinogona kunakidzwa nokuongorora uchenjeri hwaMwari nokuti hahuperi! Hatizombofi takaziva zvose nezvouchenjeri hwaMwari. Tinogona kuramba tiine mufaro watakava nawo patakatanga kudzidza dzidziso dzokutanga dzeBhaibheri kana tikaramba tichiongorora “zvinhu zvakadzama zvaMwari.”

3. Nei tichifanira kunyatsonzwisisa zvatinotenda?

3 Nei tichifanira kunzwisisa ‘zvinhu izvozvo zvakadzama’? Kunzwisisa zvatinotenda uyewo nei tichizvitenda, kureva zvikonzero zvokutenda ikoko, kunosimbisa kutenda uye chivimbo chedu. Magwaro anotiudza kuti tishandise ‘simba redu rokufunga’ kuti ‘tiedze, tizive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.’ (VaRoma 12:1, 2) Kunzwisisa kuti nei Jehovha achitikumbira kurarama sezvaanoda kunoita kuti titsunge kumuteerera. Saka kuziva “zvinhu zvakadzama” kunotipa simba rokuti tikunde muedzo wokuita zvinhu zvisingabvumirwe nomutemo uye kunoita kuti ‘tishingairire mabasa akanaka.’—Tito 2:14.

4. Kudzidza Bhaibheri kunosanganisirei?

4 Kunzwisisa zvinhu zvakadzama kunoda kuti tidzidze. Zvisinei, kudzidza hakusi kungoverengawo zvako. Kunosanganisira kunyatsoongorora kuti tione kupindirana kwezvatiri kudzidza nezvatagara tichiziva. (2 Timoti 1:13) Kunosanganisirawo kunzwisisa zvikonzero zvezviri kutaurwa. Kudzidza Bhaibheri kunofanira kusanganisira kufungisisa kushandisa kwatingaita zvatiri kudzidza kuti tisarudze nokuchenjera uye kuti tibatsire vamwe. Uyewo, sezvo ‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye ruchibatsira,’ kudzidza kwatinoita kunofanira kusanganisira “mashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (2 Timoti 3:16, 17; Mateu 4:4) Kudzidza Bhaibheri kunogona kuva basa chairo! Asi kunogonawo kunakidza chaizvo, uye kunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari” hakuna kunyanya kuoma.

Jehovha Anobatsira Vanyoro Kunzwisisa

5. Ndivanaani vanogona kunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

5 Kunyange kana wakanga usiri shasha kuchikoro uye usina kujaira kuverenga, haufaniri kufunga kuti haugoni kunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari.” Jesu paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jehovha haana kuita kuti chinangwa chake chinzwisiswe nevakachenjera nevakangwara asi nevanhu vakanga vasina kudzidza uye vanhuwo zvavo vaizvininipisa kuti vadzidziswe nomushumiri waMwari. Vaiita sevacheche kana vachienzaniswa nevaya vakanga vakadzidza kuzvikoro. (Mateu 11:25; Mabasa 4:13) Achitaura nezve“zvinhu izvo Mwari akagadzirira vaya vanomuda,” muapostora Pauro akanyorera vaainamata navo kuti: “Mwari akazvizarurira isu achishandisa mudzimu wake, nokuti mudzimu unoongorora zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VaKorinde 2:9, 10.

6. Mashoko ari pana 1 VaKorinde 2:10 anorevei?

6 Mudzimu waMwari unoongorora sei “zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari”? Pane kuita kuti muKristu mumwe nomumwe anzwisise ari oga, Jehovha anoshandisa mudzimu wake kutungamirira sangano rake, iro rinoita kuti vanhu vake vakabatana vanzwisise Bhaibheri. (Mabasa 20:28; VaEfeso 4:3-6) Pasi pose, ungano dzose dzine purogiramu yakafanana yokudzidza Bhaibheri. Zvinovatorera makore vachidzidza dzidziso dzose dzeBhaibheri kusvikira vadzipedza, votangisazve. Mudzimu mutsvene unoshandisa ungano kubatsira vanhu kuva nemafungiro anodiwa kuti vanzwisise “zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—Mabasa 5:32.

“Zvinhu Zvakadzama zvaMwari” Zvii?

7. Nei vanhu vakawanda vasinganzwisisi “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

7 Hatifaniri hedu kufunga kuti “zvinhu zvakadzama” zvinhu zvakaoma kunzwisisa. Vanhu vakawanda havazivi “zvinhu zvakadzama zvaMwari,” kwete nokuti uchenjeri hwaMwari hwakanyanya kuoma kuwana, asi nokuti Satani anonyengedza vanhu kuti varambe kubatsirwa naJehovha achishandisa sangano rake.—2 VaKorinde 4:3, 4.

8. Zvinhu zvipi zvakadzama zvakataurwa naPauro muchitsauko chechitatu chetsamba yake kuVaEfeso?

8 Chitsauko chechitatu chetsamba yaPauro kuVaEfeso chinoratidza kuti “zvinhu zvakadzama zvaMwari” zvinosanganisira chokwadi chinonyatsonzwiswa nevanhu vaJehovha vakawanda, chakadai sokuzivikanwa kweMwana akapikirwa, kusarudzwa kwevanhu vane tariro yokudenga, uye Umambo hwaMesiya. Pauro akanyora kuti: “Muzvizvarwa zvakapfuura, chakavanzika ichi hachina kuziviswa vanakomana vevanhu sokuzarurwa kwachakaitwa iye zvino kuvaapostora vake vatsvene nevaprofita pachishandiswa mudzimu, kuti, vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuva vagari venhaka pamwe chete nesu uye nhengo dzomuviri pamwe chete nesu uye kuti vagoverane pamwe chete nesu chipikirwa vari pamwe naKristu Jesu.” Pauro akati akanga apiwa basa rokuita kuti “vanhu vaone kuti chakavanzika chitsvene chinotarisirwa sei, chiya chave chakavanzwa muna Mwari.”—VaEfeso 3:5-9.

9. Nei kunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari” iri ropafadzo?

9 Pauro anoenderera mberi achitsanangura zvinodiwawo naMwari zvokuti “vari munzvimbo dzokudenga vaziviswe uchenjeri hwaMwari hunoratidzwa nenzira zhinji dzakasiyana-siyana pachishandiswa ungano.” (VaEfeso 3:10) Ngirozi dzinobatsirwa nokuona uye kunzwisisa uchenjeri hwaJehovha pakushanda kwaanoita neungano yechiKristu. Iropafadzo yakadini kunzwisisa zvinhu zvinofarirwa kunyange nengirozi! (1 Petro 1:10-12) Pauro anozoti tinofanira kuedza “kunzwisisa pamwe chete nevatsvene vose kuti kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwokutenda kwevaKristu kwakaita sei. (VaEfeso 3:11, 18) Iye zvino ngatikurukurei mimwe mienzaniso yezvinhu zvakadzama ingawedzera kunzwisisa kwedu.

Mienzaniso Yezvinhu Zvakadzama

10, 11. Maererano neMagwaro, Jesu akava “mwana” mukuru pavana vo“mukadzi” wokudenga waMwari rini?

10 Tinoziva kuti Jesu ndiye “mwana” mukuru pavana vo“mukadzi” wokudenga waMwari anotaurwa pana Genesisi 3:15. Kuti tiwedzere kunzwisisa kwedu, tingabvunza kuti: ‘Jesu akava Mwana akapikirwa rini? Pangava panguva yaakanga asati auya pasi pano, paakaberekwa somunhu, paakabhabhatidzwa, kana kuti paakamutswa here?’

11 Mwari akanga avimbisa kuti chikamu chokudenga chesangano rake, chinotaurwa so“mukadzi” muuprofita, chaizobereka mwana aizopwanya musoro wenyoka. Asi zviuru zvemakore zvakapera uye mukadzi waMwari haana kubereka mwana aikwanisa kuparadza Satani nemabasa ake. Saka uprofita hwaIsaya hunomuti “ngomwa” uye “ane shungu.” (Isaya 54:1, 5, 6) Jesu akazoberekwa muBheterehema. Asi achangobhabhatidzwa, paakaberekwa nomudzimu kuti ave mwanakomana waMwari womudzimu, Jehovha ndipo paakati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu.” (Mateu 3:17; Johani 3:3) Pakupedzisira, “mwana” mukuru pavana vomukadzi akabva abuda pachena. Pave paya, vateveri vaJesu vakazodzwawo uye vakaberekwa nomudzimu mutsvene. “Mukadzi” waJehovha uyo kwenguva yakareba akanga achinzwa sokuti aiva “mukadzi . . . asina kubereka,” pakupedzisira aigona ‘kushevedzera achifara.’—Isaya 54:1; VaGaratiya 3:29.

12, 13. Magwaro api anoratidza kuti vaKristu vose vakazodzwa vari pasi pano vanoumba “muranda akatendeka, akangwara”?

12 Muenzaniso wechipiri wezvinhu zvakadzama zvatakaziviswa ndewechinangwa chaMwari chokusarudza vanhu 144 000. (Zvakazarurwa 14:1, 4) Tinobvuma dzidziso yokuti vakazodzwa vose vari pasi pano chero panguva ipi zvayo vanoumba “muranda akatendeka, akangwara” akanzi naJesu aizopa veimba yake “zvokudya” panguva yakakodzera. (Mateu 24:45) Magwaro api eBhaibheri anoratidza kuti izvi ndezvechokwadi? Jesu angave aingotaurawo nezvomuKristu chero upi zvake anokurudzira hama dzake pakunamata here?

13 Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Imi muri zvapupu zvangu . . . mushumiri wangu wandakasarudza.” (Isaya 43:10) Asi musi waNisani 11, 33 C.E., Jesu akaudza vatungamiriri vevaIsraeri kuti Mwari akanga aramba rudzi rwavo kuti ruve mushumiri wake. Akati: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” Jesu akati kumapoka evanhu: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateu 21:43; 23:38) Pakuva muranda waJehovha, imba yaIsraeri yakanga isina kutendeka kana kungwara. (Isaya 29:13, 14) Gare gare musi iwoyo, Jesu paakabvunza kuti: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara?” chaizvoizvo akanga achiti, ‘Rudzi rupi rwakangwara ruchatsiva Israeri pakuva muranda akatendeka waMwari?’ Muapostora Petro akapa mhinduro yacho paakaudza ungano yevaKristu vakazodzwa kuti: “Imi muri . . . ‘rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo.’” (1 Petro 1:4; 2:9) Rudzi irworwo, “Israeri waMwari,” rwakava muranda waJehovha mutsva. (VaGaratiya 6:16) Sezvo vaIsraeri vose vekare vaiumba “mushumiri” mumwe chete, naizvozvowo vaKristu vose vakazodzwa vari pasi pano chero panguva ipi zvayo vanoumba “muranda akatendeka, akangwara” mumwe chete. Chokwadi tine ropafadzo yokuwana “zvokudya” kuburikidza nomuranda waMwari!

Unogona Kunakidzwa Nokudzidza Uri Woga

14. Nei kudzidza Bhaibheri kuchinakidza kupfuura kungoriverenga?

14 Patinobatsirwa kunzwisisa Magwaro neimwe nzira itsva, hatifari here kuti kutenda kwedu kunosimbiswa? Ndosaka kudzidza Bhaibheri kuchinakidza kupfuura kungoriverenga. Naizvozvo, paunoverenga mabhuku echiKristu, zvibvunze kuti: ‘Tsanangudzo iyi yakasiyana sei nezvandaimbonzwisisa nezvenyaya yacho? Ndedzipi dzimwe ndima dzeMagwaro kana kuti zvikonzero zvandingafunga nezvazvo zvingawedzera kutsigira zviri kutaurwa munyaya iyi?’ Kana uchida kuwedzera kutsvakurudza, nyora mubvunzo waunoda kuti upindurwe, uye ngauve musoro wenyaya yauchazodzidza.

15. Ndezvipi zvinonakidza zvaungadzidza, uye zvingaramba sei zvichikubatsira?

15 Ndezvipi zvaungadzidza zvingaita kuti unakidzwe nokunzwisisa kutsva? Kunyatsoongorora sungano dzakasiyana-siyana idzo Mwari akaita kuti vanhu vabatsirwe kunoita kuti tiwedzere kujekerwa. Unogona kusimbisa kutenda kwako nokudzidza uprofita hunotaura nezvaJesu Kristu kana kuti kuongorora ndima nendima yerimwe bhuku rouprofita hweBhaibheri. Kuongorora nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha zvemazuva ano uchishandisa bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari kunosimbisawo kutenda. * Uye kudzokorora “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” yakabudiswa muNharireyomurindi zvechokwadi kungaita kuti unzwisise zviri nani mamwe magwaro. Nyatsotarisa kuti Magwaro akashandiswa sei kusvika papfungwa dziri kutaurwa. Izvi zvichakubatsira kurovedza ‘simba rako rokunzwisisa’ uye wova munhu akangwara. (VaHebheru 5:14) Paunenge uchidzidza, nyora pfungwa huru muBhaibheri rako kana kuti pane rimwe pepa kuitira kuti zvaunodzidza zvirambe zvichibatsira iwe nevamwe.

Batsira Vechiduku Kuti Vanakidzwe Nokudzidza Bhaibheri

16. Ungabatsira sei vechiduku kuti vanakidzwe nokudzidza Bhaibheri?

16 Vabereki vangaita zvakawanda kuti vabatsire vana vavo kukudziridza chido chokuva noukama naMwari. Usatarisira pasi mano evechiduku okunzwisisa zvinhu zvakadzama. Kana ukavapa basa rokuti vatsvakurudze pakugadzirira zvamuchadzidza semhuri, unogona kuvabvunza zvavanenge vadzidza. Kudzidza semhuri kungasanganisirawo nguva yokuti vechiduku vadzidzire kudzivirira kutenda kwavo uye kuti varatidze kuti zvavakadzidziswa ndezvechokwadi. Uyezve, ungashandisa bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” * kudzidzisa zvakanga zvakaita nyika dzomunguva yeBhaibheri uye kujekesa zvamuri kudzidza pakuverenga Bhaibheri vhiki nevhiki.

17. Nei tichifanira kuva nemaonero ari pakati nepakati pakudzidza Bhaibheri tiri toga?

17 Kudzidza Bhaibheri uri woga kungafadza uye kungasimbisa kutenda, asi ngwarira kuti kusakudyira nguva yokugadzirira misangano yeungano. Misangano ndeimwe nzira iyo Jehovha anotidzidzisa nayo achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” Zvisinei, kuwedzera kutsvakurudza kungakubatsira kupa mhinduro dzine musoro pamisangano, somuenzaniso, paChidzidzo Chebhuku Cheungano kana kuti papfungwa huru dzeBhaibheri muChikoro chaMwari Choushumiri.

18. Nei zvichikosha kutamburira kudzidza “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

18 Kudzidza Shoko raMwari zvakadzama uri woga kungakubatsira kuswedera pedyo naJehovha. Bhaibheri rinoratidza kukosha kwokudzidza kwakadaro, richiti: “Uchenjeri hunodzivirira kufanana nemari inodzivirira; asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.” (Muparidzi 7:12) Naizvozvo, zvinokosha kuti utamburire kuwedzera kunzwisisa zvinhu zvokunamata. Bhaibheri rinovimbisa vaya vanoramba vachitsvaka kuti: “Uchawana zivo pamusoro paMwari.”—Zvirevo 2:4, 5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 16 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• “Zvinhu zvakadzama zvaMwari” zvii?

• Nei tisingafaniri kurega kudzidza zvinhu zvakadzama?

• Nei muKristu wose achikwanisa kuwana mufaro wokunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

• Tingawedzera sei kubatsirwa ne“zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Jesu akava Mwana akapikirwa rini?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki vangapa vana vavo nyaya dzokutsvakurudza pakugadzirira kudzidza semhuri