Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakadzidza Kuvimba naJehovha Zvizere

Ndakadzidza Kuvimba naJehovha Zvizere

Nyaya Youpenyu

Ndakadzidza Kuvimba naJehovha Zvizere

YAKATAURWA NAAUBREY BAXTER

Mumwe musi woMugovera manheru muna 1940, ndakarwiswa nevarume vaviri ndichibva ndadonhera pasi. Mapurisa maviri akanga akamira pedyo, asi pane kuti andibatsire, akandituka akatokuza vaindirova vacho. Kuti ndiitirwe utsinye hwakadai, pane kuchinja kwandaive ndaita muupenyu hwangu makore mashanu akanga adarika pandaishanda pane mumwe mugodhi wemarasha. Regai nditsanangure.

NDAKABEREKWA muna 1913 kuSwansea, taundi reNew South Wales riri mumahombekombe egungwa, kuAustralia. Ndiri wechitatu pavakomana vana. Pandaiva nemakore mashanu, mhuri yedu yose yakabatwa nefuruwenza yaityisa yokuSpain, yakauraya mamiriyoni evanhu pasi pose. Zvinofadza kuti mumhuri medu hapana akafa. Asi nhamo yakazouya muna 1933 pakafa amai vava nemakore 47. Somunhu aida zvokunamata, amai vakanga vapiwa mavhoriyamu maviri ebhuku rainzi Light, aishandiswa pakudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Panguva iyi ndaishanda mumugodhi wemarasha. Basa rangu raiti rikada kuwanda raibva rawandisa, rikada kushomeka ndaitoshaya zvokuita, saka ndaitakura mabhuku aya kubasa ndoaverenga netochi yepaheremeti yangu. Pasina nguva, ndakazoziva kuti ndakanga ndawana chokwadi. Ndakatangawo kuteerera hurukuro dzeBhaibheri dzaibudiswa paredhiyo neZvapupu. Chakawedzera mufaro wangu ndechokuti vanhu vomumba medu vose vakatanga kufarira Bhaibheri.

Takawirwa neimwe nhamo muna 1935 munun’una wangu Billy paakarwara nemabayo achibva afa. Aingova nemakore 16. Zvisinei, panguva ino mhuri yedu yakanyaradzwa netariro yorumuko. (Mabasa 24:15) Nokufamba kwenguva, Baba nevakoma vangu, Verner naHarold, pamwe chete nemadzimai avo vakatsaurira upenyu hwavo kuna Mwari. Pane vomumba medu chaimo hapana achiri mupenyu kunze kwangu. Zvisinei, Marjorie, mudzimai waVerner, uye Elizabeth, mudzimai waHarold, vachiri kushingaira kushumira Jehovha.

Kudzidza Kuvimba naJehovha

Ndakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha muna 1935 pakasvika mumwe mukadzi wokuUkraine pamba pedu aine bhasikoro. Musi weSvondo wakatevera, ndakapinda musangano wechiKristu wokutanga, uye vhiki yakatevera yacho, ndakaendawo kunoparidzira nevamwe. Hama yaiitisa musangano webasa romumunda yakandipa tubhuku uye ndakashamisika kuti handina kupiwa wokuparidzira naye! Pandakasvika pasuo rokutanga, ndainyara zvokuti ndakashaya pokupinda! Asi saimba wacho akanga akasununguka chaizvo zvokuti akatotora tubhuku.

Magwaro akadai saMuparidzi 12:1 naMateu 28:19, 20 akandiita kuti ndifungisise zvokuti ndakada kuva piyona, kana kuti mushumiri wenguva yakazara. Baba vakatsigira zvandakasarudza. Kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa, ndakasarudza kutanga basa racho musi waJuly 15, 1936. Musi iwoyo, ndakaenda kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuSydney, kwandakanzi ndishande nemapiyona 12 mumusha weDulwich Hill. Vakandidzidzisa kushandisa kamuchini kemaoko kaishandiswa nemapiyona kukuya gorosi panguva iyoyo, zvichibatsira kuti tisatenga zvokudya zvakawanda.

Kupayona Kumaruwa

Pashure pokunge ndabhabhatidzwa gore ropera, ndakanzi ndinoshandira kuQueensland pamwe chete nemamwe mapiyona maviri, Aubrey Wills naClive Shade. Midziyo yedu yaisanganisira motokari yaAubrey, mabhasikoro, giramufomu rinotakurika rataishandisa pakuparidzira, tende ratakazogara kwemakore matatu akatevera, mibhedha mitatu, tafura, nepoto yesimbi yokubikira. Mamwe manheru pachaiva chijana changu chokubika, ndakafunga kumbobikira vanhu “mutakunanzva” wokusanganisa miriwo neupfu hwegorosi. Asi zvakanga zvisingadyiki. Ndakazvikandira bhiza raiva pedyo. Rakangofunidza, richibva razunza musoro ndiye tande! Ndopakaperera madanha angu ose okubika-bika.

Tagara-gara takazosarudza kuganhura ndima yedu kuva zvikamu zvitatu uye mumwe nomumwe aishanda chikamu chake. Ndaiwanzovirirwa nezuva ndiri kure nokwataigara, saka dzimwe nguva ndairara mumisha yevanhu vaiva nomutsa. Mumwe musi ndakarara pamubhedha wainge wakanaka kwazvo muimba yevaenzi pane rimwe purazi remombe, mangwana acho ndokuzorara mudumba revanhu vaivhima makangaroo, ndakapoteredzwa nematehwe ainhuhwa. Ndaiwanzorara musango. Rimwe zuva makava akandikomba achigwauta ari kwakadaro uko ndisingaaoni murima. Andishayisa hope usiku hwose, ndakazoziva kuti akanga asingadi ini asi kuti paiva nematumbu akanga akaraswa pedyo nepandaiva ndakarara.

Kuparidzira Nemotokari Ine Gudzanzwi

Taishandisa zvikuru motokari yaiva negudzanzwi kuzivisa Umambo hwaMwari. Takabvumidzwa nemapurisa kumisa motokari yedu pakati chaipo peguta reTownsville kuchamhembe kweQueensland. Zvisinei, mharidzo yakarekodhwa yakagumbura vanhu veSaravhisheni vakabva vati tibvepo. Patakaramba, vashanu vavo vakakomba motokari yedu vakaizunza zvine simba. Ipapo ini ndaiva mukati ndichitoridza giramufomu! Takaona kusiri kuchenjera kuomerera pakuti tabvumirwa nemapurisa, saka pavakangotisiya takabva taenda.

MuBundaberg mumwe murume aifarira akatikweretesa chikepe kuitira kuti tiparidzire tichishandisa gudzanzwi redu tichitevedza Rwizi rwaBurnett, urwo runopinda nomutaundi macho. Aubrey naClive ndivo vakaenda nechikepe ini ndikasara ndiri paimba hombe yatakanga tarenda kuti tipindire misangano. Usiku ihwohwo, inzwi raJoseph F. Rutherford, wokudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, rainzwika nomutinhimira muBundaberg yose, achizivisa nesimba shoko reBhaibheri. Chokwadi, iyoyo yaiva nguva yaifadza kwazvo yaida kuti vanhu vaMwari vave noushingi nokutenda.

Hondo Inokonzera Mamwe Matambudziko

Hondo Yenyika II ichangotanga muna September 1939, Nharireyomurindi yaNovember 1 yakataura nezvokuti vaKristu vasatsigira zvematongerwo enyika kana hondo. Zvakazoitika zvakaita kuti ndifare kuti ndakanga ndadzidza mashoko aya. Tashanda tose kwemakore matatu, ini, Aubrey, naClive, takapiwa mabasa akatiendesa kwakasiyana. Ini ndakagadzwa kuva mutariri anofambira kuchamhembe kweQueensland, basa raizopota richiedza kuvimba kwangu naJehovha.

Muna August 1940, ndakashanyira ungano yomuTownsville, yaiva nemapiyona mana—Percy naIlma Iszlaub * uye Norman naBeatrice Bellotti vaiva hanzvadzi nehanzvadzi. Beatrice akazova mudzimai wangu mushure memakore matanhatu. Mamwe manheru oMugovera tabva kunoparidzira mumugwagwa, ndopakaitika zviya zvandataura patangira nyaya ino. Zvisinei, uku kusabatwa zvakanaka kwakatondisimbisa mubasa raJehovha.

Nechokuchamhembe kwaiva nehanzvadzi mbiri dzaiva mapiyona, Una naMerle Kilpatrick, dzaishingaira chaizvo. Takaswera tichinakidzwa noushumiri, ndokubva vazondikumbira kuti ndivayambutse neigwa kuti vashanyire imwe mhuri yaifarira. Ndaifanira kushambira ndichienda kunotora igwa racho raiva mhiri, ndodzoka naro ndichikwasva, ndozoyambutsa hanzvadzi dziya. Pandakasvika mhiri, ndakawana igwa risina zvokukwasvisa! Takazoziva pava paya kuti mumwe munhu akanga asingatifariri akanga azviviga. Asi zano rake harina kushanda. Ndakamboita basa rokununura vanhu mumvura kwemakore uye ndakanga ndichiri shasha yokushambira. Saka ndakasungirira tambo muchiuno, ndokudhonza igwa riya ndichienda kwaiva nehanzvadzi idzi ndokuzodzoka nadzo. Jehovha akakomborera basa redu, nokuti mhuri yacho yaifarira yakazova Zvapupu.

Kudzivirirwa naJehovha

Kuti achengetedze nzvimbo yacho, mauto akagaririra motokari dzaipinda nokubuda muguta reInnisfail. Sezvo ndaiva mugari wemo, ndaibvumidzwa kupfuura, izvo zvakazobatsira paishanya hama dzaibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Kuti ndivabatsire kupfuura pane mauto, ndaivaviga pasi pechigaro chokumashure chemotokari yangu.

Peturu yainetsa mazuva iwayo, saka motokari dzakawanda dzaiva nechimwe chinhu chaishandisa marasha. Kuti injini irambe ichitinhira, chinhu ichi chaitora mweya mumarasha aibvira. Usiku ndaifamba ndiine masaga emarasha aiva akarongererwa maiva makavanda hama yacho. Pandaimira pane mauto, ndaiavhiringidza nokusiya injini ichitinhira uye kuva nechokwadi chokuti marasha airamba achipisa zvikuru. Mamwe manheru ndakati kwavari nenzwi riri pamusoro, “Ndikangonyaradza injini, inobva yazondinetsa kumutsa.” Kupisa, ruzha noutsi zvakaita kuti vaongorore motokari yangu zvechirango vachibva vangoti ndipfuure.

Mumazuva iwayo, ndakanzi ndironge gungano reZvapupu zvomuTownsville. Sezvo munhu aibvumirwa kutenga zvokudya zvishoma, kuti tiwane zvataida taifanira kupiwa mvumo namejasitiriti. Panguva iyi, hama dzedu dzechiKristu dzaisungwa nokuti dzaisatsigira zvematongerwo enyika. Saka pandakakumbira kuonana namejasitiriti, ndakafunga kuti ‘Kuchenjera here kwandiri kuita uku, kana kuti ndiri kurova shumba nembama?’ Zvisinei, ndakaenda kunomuona.

Akagara kuseri kwezidhesiki, majesitiriti wacho akandiudza kuti ndigare. Pandakamuudza zvandakanga ndavinga, chiso chake chakachinja ndokuramba akanditi ndee. Akabva anyevenuka ndokuti, “Unoda zvokudya zvakawanda sei?” Ndakamutambidza pepa rakanga rakanyorwa zvinhu zvacho zvataida kutenga chaizvo. Akariverenga ndokuti: “Ndiri kuona sezvisingakwani. Tadii kuzvipeta nekaviri.” Ndakabuda muhofisi make, ndichionga chaizvo Jehovha, uyo akanga andidzidzisazve chidzidzo chokuvimba naye.

Muna January 1941 basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muAustralia. Vanhu vakawanda vakatanga kutifungira vachiti taiva vatengesi vaitsigira vanhu vokuJapan! Mumwe musi, mapurisa nemasoja vakanga vakazara mumotokari mbiri vakapitipidzana mupurazi redu rainzi Kingdom Farm, raiva paAtherton Plateau ratakanga tatenga kuti tirime zvokudya. Vakanga vachitsvaka tochi yavakanga vaudzwa kuti taiishandisa kunyevera vavengi vavo. Takapomerwawo kuti taidyara chibage chakaita mitsara inonyora mashoko aiverengeka nomunhu ari mundege! Zvose zvataipomerwa zvakava pachena kuti aiva manyepo.

Pakuendesa mabhuku kuungano, taifanira kungwarira uye kuruka mazano nokuti basa redu rakanga rarambidzwa. Somuenzaniso, pakabudiswa bhuku rainzi Children, ndakatora bhokisi remabhuku acho muBrisbane, ndokuenda kuchamhembe nechitima, ndichibva ndasiya mabhuku acho pazviteshi zvomunzvimbo dzaiva neungano. Kuti mapurisa nemasoja asaita shungu dzokuvhura bhokisi rangu, ndaipota ndichinamira chibanga chesaha remagetsi pabhokisi racho remabhuku pandinenge ndava kuburuka. Kunyange zvazvo zano racho raiita serakapusa, harina kumbokundikana. Vanhu vaJehovha vakatura befu muna June 1943 pakabviswa mutemo wairambidza basa redu uyo wakatsanangurwa nomumwe mutongi wedare kuti “wairatidza kusafunga uye waidzvinyirira.”

Kushevedzwa Kuti Tiende Kuhondo

Gore rakanga rapfuura, ini, Aubrey Wills naNorman Bellotti, takanga tashevedzwa kuti tiende kuhondo. Vakatanga kushevedzwa ndivanaAubrey naNorman vakatongerwa mwedzi mitanhatu mujeri, ini ndikazoshevedzwa pashure pevhiki. Panguva iyoyo, vaishanda kuposvo vaitora nechisimba magazini eNharireyomurindi aienda kuZvapupu zvavaiziva asi vaisiya aya aienda kuvanhu vaiita zvokutumirwa mwedzi woga woga. Saka basa redu rakanga rava rokutsvaka vanhu ivavo, tokopa zvaiva mumagazini avo totumira kune zvimwe Zvapupu. Iyi ndiyo nzira yataigara tichiwana nayo zvokudya zvine chokuita nokunamata.

Pandakapiwa mutongo wangu wemwedzi mitanhatu, ndakabva ndakwidza nyaya yangu, sezvandakanga ndanzi ndiite nehofisi yebazi. Chinangwa chedu chaiva chokuti tinonotse zvinhu kusvikira pagadzwa mumwe munhu aizonditsiva. PaZvapupu 21 zvakanga zviri mujeri kuchamhembe kweQueensland, ndakashandisa rusununguko rwandakanga ndichinarwo kushanyira vamwe vavo. Vazhinji vavo vakanga vari mujeri rimwe chete, uye murindi wejeri aivenga Zvapupu. Pandakamuyeuchidza kuti inga vafundisi vezvimwe zvitendero vanouya vachiona vamwe vavo wani, akagumbuka. Akati nenzwi riri pamusoro, “Kudai ndaigona, ndaiita kuti Zvapupu zvaJehovha zvose zvimire pakadaro zvipfurwe!” Varindi vakabva vandibudisa panze nokukurumidza.

Pakazosvika zuva rokutongwa kwenyaya yangu, ndakapiwa gweta sezvaidiwa nomutemo. Asi kutaura chokwadi ndakazvimirira ndoga panyaya yangu, zvichireva kuti ndaifanira kuvimba naJehovha zvizere. Iyewo haana kundisiya. (Ruka 12:11, 12; VaFiripi 4:6, 7) Chakandishamisa ndechokuti ndakabudirira nokuti pakazoonekwa kuti mapepa airatidza mhosva yandaipomerwa akanga akanganiswa!

Muna 1944, ndakaendeswa kudunhu rakanga rakakura raibatanidza South Australia yose, kuchamhembe kweVictoria, uye Sydney guta rokuNew South Wales. Gore rakazotevera, kwakava nehurukuro yavose yakanzi ikurukurwe pasi pose, uye mukurukuri mumwe nomumwe aifanira kuigadzirira achishandisa pepa rataipiwa raiva nepeji imwe chete. Zvakanga zvakaoma kupa hurukuro kweawa yose, asi takaramba tichivimba naJehovha, uye akatikomborera.

Kuroora uye Mitoro Mitsva

Muna July 1946, ndakaroora Beatrice Bellotti, uye takashanda pamwe chete semapiyona tichigara mukaravhani. Jannyce (Jann), mwanasikana wedu mumwe chete, akaberekwa muna December 1950. Takapayona munzvimbo dzakasiyana-siyana, dzaisanganisira taundi reKempsey, kuNew South Wales, kwakanga kusina zvimwe Zvapupu kunze kwedu. Musi weSvondo woga woga taienda kuimba hombe yekanzuru, uye ndainge ndakagadzirira kupa hurukuro yavose yatainge takakokera vanhu netumapepa. Beatrice naJann ndivo chete vaingova vateereri vangu kwemwedzi yakati. Asi vamwe vakatanga kuuya zvishoma nezvishoma. Iye zvino muKempsey mune ungano mbiri dzinoshingaira.

Jann ava nemakore maviri, takanogara muBrisbane. Paakazopedza chikoro, takapayona tose semhuri kwemakore mana kuCessnock guta riri kuNew South Wales tisati tadzokera kuBrisbane kunotarisira amai vaBeatrice vairwara. Iye zvino ndine ropafadzo yokushanda somukuru muUngano yeChermside.

Ini naBeatrice tinoonga kuti Jehovha akatikomborera nezvinhu zvakawanda zvinosanganisira kubatsira vanhu 32 kuti vamuzive. Ini pachangu ndinoonga Jehovha kuti akandipa mudzimai akanaka, uyo kunyange zvake ari munyoro, ave akashinga kutsigira chokwadi cheBhaibheri. Kuda kwaanoita Mwari, kuvimba kwaanoita naye uye ‘ziso rake rakanaka’ zvakaita kuti ave mudzimai uye amai vanokwanisa. (Mateu 6:22, 23; Zvirevo 12:4) Nomwoyo wose tose tinoti: “Akakomborerwa murume anovimba naJehovha.”—Jeremiya 17:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Nyaya youpenyu yaPercy Iszlaub yakabuda muNharireyomurindi yeChirungu yaMay 15, 1981.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Taishandisa motokari iyi ine gudzanzwi kuchamhembe kweQueensland

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kubatsira vasikana vokwaKilpatrick kusunda motokari yavo munguva yemvura kuchamhembe kweQueensland

[Mufananidzo uri papeji 12]

Zuva romuchato wedu