Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Pfekai . . . Pfungwa Dzinozvininipisa”

“Pfekai . . . Pfungwa Dzinozvininipisa”

“Pfekai . . . Pfungwa Dzinozvininipisa”

MURUME wacho aibva kuguta rakakurumbira. Zvinoratidza kuti aibva kumhuri yakakurumbira uye aiva nekodzero yokuva chizvarwa cheRoma. Murume wacho, Sauro, akanga awana dzidzo yakakwirira zvikuru yepanguva yake, achitaura mitauro miviri kana kupfuura uye aiva muFarisi, boka rechitendero raizivikanwa zvikuru rechiJudha.

Sauro anofanira kunge aiva munhu aitarisira pasi vanhuwo zvavo achizviti akarurama. (Ruka 18:11, 12; Mabasa 26:5) Vamwe vake, vaFarisi, vaizvitora uye vaida mukurumbira uye mazita okushamisira. (Mateu 23:6, 7; Ruka 11:43) Zvichida kuwadzana nevanhu vakadaro kwakaita kuti Sauro azvikudze. Tinoziva kuti aishingairira kutambudza vaKristu. Makore akazotevera, ava muapostora Pauro, akati “ndaiva munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa.”—1 Timoti 1:13.

Sauro akazova muKristu, muapostora Pauro, uye unhu hwake hwakanyatsochinja. Somuapostora wechiKristu, akataura achizvininipisa kuti aiva “munhu muduku kupfuura muduku pavatsvene vose.” (VaEfeso 3:8) Akabudirira pakuparidzira, asi haana kumbozvirova dundundu. Pane kudaro, akaratidza kuti Mwari ndiye aiita kuti abudirire. (1 VaKorinde 3:5-9; 2 VaKorinde 11:7) Ndiye akatokurudzira vamwe vaKristu kuti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.

Zano raakapa iri ringashandawo here mazuva ano? Kuzvininipisa kunobatsira here? Kuti kuzvininipisa kunganzi kuchenjera?

Musiki Wemasimbaose Anozvininipisa Here?

Pose panokurukurwa nezvokuzvininipisa panofanira kufungwa kuti Mwari anotii. Nei? Nokuti ndiye Changamire noMusiki wedu. Takasiyana naye pakuti isu tinofanira kuziva zvatisingakwanisi. Hapana chatingaita pasina iye. Mumwe murume wekare akachenjera ainzi Erihu akati: “Kana ari Wemasimbaose, hatina kumuwana; akakwidziridzwa musimba.” (Jobho 37:23) Zvechokwadi, kufungisisa zvose zvakasikwa kunoita kuti tizvininipise! Muprofita Isaya anotikumbira kuti: “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo. Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.”—Isaya 40:26.

Kuwedzera pakuva wemasimbaose, Jehovha Mwari anozvininipisa. Mambo Dhavhidhi akanyengetera kwaari achiti: “Muchandipa nhoo yenyu yoruponeso, kuzvininipisa kwenyu ndiko kunoita kuti ndive mukuru.” (2 Samueri 22:36) Mwari anozvininipisa pakuti ane hanya nevanhu vanozvininipisa vaya vanoedza kumufadza, achivanzwira ngoni. Ari kudenga ikoko, zvinoita sokuti Jehovha anozvideredza kuti aratidze mutsa kuvanhu vanomutya.—Pisarema 113:5-7.

Uyezve, Jehovha anokoshesa kuzvininipisa kwevashumiri vake. Muapostora Petro akanyora kuti: “Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Achitaura nezvemavengero anoita Mwari kudada, mumwe munyori weBhaibheri akati: “Munhu wose ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.” (Zvirevo 16:5) Zvisinei, kuzvininipisa kunganzi kuchenjera sei?

Kuzvininipisa—Zvakusiri

Kuzvininipisa hakuna kufanana nokuninipiswa. Kune mamwe marudzi makare-kare, munhu anozvininipisa aiva muranda, kureva kuti munhu akaderera, anonzwisa urombo, anosiririsa. Asi Bhaibheri rinoti kuva nepfungwa dzinozvininipisa kunoita kuti munhu akudzwe. Somuenzaniso, murume akachenjera akanyora kuti: “Mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.” (Zvirevo 22:4) Uye pana Pisarema 138:6 tinoverenga kuti: “Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa; asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.”

Kuzvininipisa hakurevi kusava nenjere kana kuti kutadza kubudirira pane zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, Jesu Kristu akabvuma kuti akanga ari Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari oga, uye akabvuma kuti ushumiri hwake pasi pano hwaikosha. (Mako 14:61, 62; Johani 6:51) Asi akazvininipisa achiratidza kuti zvose zvaaiita zvaibva kuna Baba vake uye akashandisa simba rake kushumira uye kubatsira vamwe pane kuti avashandisire chisimba kana kuvadzvinyirira.

Chiratidzo Chouchenjeri

Hazvirambike kuti panguva yake Jesu Kristu aizivikanwa somunhu we“mabasa esimba.” (Mabasa 2:22) Asi sokuona kwevamwe, aiva “munhu akaderera kwazvo pakati pevanhu.” (Dhanieri 4:17) Akararama upenyu hwokusazvikudza uyewo aigara achidzidzisa vamwe kukosha kwokuzvininipisa. (Ruka 9:48; Johani 13:2-16) Zvisinei, kuzvininipisa kwake hakuna kumuita munhu akapusa. Akanga asingatyi kupupura nezvezita raBaba vake uye akapedza ushumiri hwake. (VaFiripi 2:6-8) MuBhaibheri, Jesu anofananidzwa neshumba isingatyi. (Zvakazarurwa 5:5) Zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti munhu anozvininipisa haasi mbwende.

Sezvatinoedza kudzidza kuzvininipisa zvechokwadi, tinozoona kuti ibasa chairo kuti munhu agare achizvininipisa. Zvinoda kuzviisa pasi paMwari pane kuita zvinenge zvakatipfavira kana kuti kuita zvinodiwa nenyama. Zvinotoda kusimba kuti tizvininipise, nokuti tinofanira kumbosiya zvatinoda kuti tishumire Jehovha uye tiite zvakanira vamwe.

Zvakanakira Kuzvininipisa

Kuzvininipisa kunoreva kusadada kana kusazvikudza. Magwaro anokurondedzera nemashoko okuti “pfungwa dzinozvininipisa.” (VaEfeso 4:2) Kuva nepfungwa dzinozvininipisa kunoda kuti tinyatsonzwisisa zvatinogona, zvatisingagoni, zvatakabudirira nezvatisina. Pauro akapa zano rakanaka panyaya iyi paakanyora kuti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga; asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzakanaka.” (VaRoma 12:3) Vose vanoteerera zano iri vanoratidza kuti vanozvininipisa.

Kuzvininipisa kunoonekwawo patinoisa zvakanakira vamwe pakutanga nomwoyo wose. Achifuridzirwa, Pauro akarayira vaKristu kuti: “[Musaita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” (VaFiripi 2:3) Izvi zvaienderana nomurayiro waJesu kuvateveri vake wokuti: “Mukuru pakati penyu ngaave mushumiri wenyu. Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Mateu 23:11, 12.

Chokwadi, Mwari anokwidziridza vaya vanozvininipisa. Mudzidzi Jakobho akasimbisa pfungwa iyi paakanyora kuti: “Zvininipisei pamberi paJehovha, uye iye achakukwidziridzai.” (Jakobho 4:10) Ndiani asingadi kukwidziridzwa naMwari?

Kusazvininipisa kwakavhiringidza zvinhu zvakawanda kuchiita kuti pave nemakakatanwa pakati pevanhu. Ukuwo, kuzvininipisa kunobatsira. Tichafara nokuziva kuti Mwari ari kutifarira. (Mika 6:8) Tichava nepfungwa dzakagadzikana nokuti munhu anozvininipisa anowanzova anofara uye anogutsikana kupfuura uya anozvikudza. (Pisarema 101:5) Kugarisana kwatinoita nevomumhuri, shamwari, vatinoshanda navo, nevamwewo kuchava muchechetere uye kuchafadza. Vanhu vanozvininipisa vane ushamwari uye havangoomereri pakuti zvavanoda zviitwe, izvo zvingakonzera hasha, kusava noushamwari uye kutsamwa.—Jakobho 3:14-16.

Chokwadi, kugara tichiedza kuzvininipisa kunoita kuti tigarisane nevamwe. Kunogona kutibatsira pazvinenge zvatiomera munyika ino izere vanhu vanoda zvemakwikwi uye vanongozvifunga. Muapostora Pauro akabatsirwa naMwari kuti akunde kuzvitutumadza uye kudada kwaaimboita. Tingaitawo zvakanaka kana tikagadzirisa pfungwa ipi neipi yokuzvikudza kana yokufunga kuti tiri nani kupfuura vamwe. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.” (Zvirevo 16:18) Tichitevera muenzaniso uye zano raPauro, tichaona kuti ‘kupfeka pfungwa dzinozvininipisa’ kuchenjera.—VaKorose 3:12.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Pauro akakwanisa kukunda kuzvitutumadza uye kudada

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kuzvininipisa kunoita kuti tigarisane nevamwe

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

Anglo-Australian Observatory/David Malin Images