Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shoko raJehovha Harimbokundikani

Shoko raJehovha Harimbokundikani

Shoko raJehovha Harimbokundikani

“Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu.”—JOSHUA 23:14.

1. Joshua aiva ani, uye akaitei ava pedyo nokufa?

AIVA mhare uye mutungamiriri wehondo, murume aiva nokutenda, akavimbika. Akafamba naMosesi uye Jehovha pachake ndiye akamusarudza kuti atungamirire vaIsraeri kubuda murenje raityisa ndokuvapinza munyika yaiyerera uchi nomukaka. Ava pedyo nokufa, Joshua murume airemekedzwa zvikuru, akataura nevarume vakuru veIsraeri mashoko okuonekana aikurudzira. Hapana mubvunzo kuti mashoko aya akasimbisa kutenda kwevaya vaimuteerera. Anogona kukusimbisawo.

2, 3. Joshua paakataura nevarume vakuru veIsraeri, zvinhu zvakanga zvakavamirira sei, uye iye akatii?

2 Chimbofungidzira mamiriro acho ezvinhu, sokurondedzerwa kwaanoitwa muBhaibheri: “Pashure pemazuva mazhinji Jehovha apa vaIsraeri zororo pavavengi vavo vose kumativi ose, Joshua paakanga akwegura ava nemazuva mazhinji, Joshua akashevedza vaIsraeri vose, varume vakuru vavo nevakuru vavo nevatongi vavo nevatungamiriri vavo, akati kwavari: ‘Ini ndakwegura, ndava nemazuva mazhinji.’”—Joshua 23:1, 2.

3 Joshua akanga ava kusvitsa makore 110, uye akanga ararama munguva yakaitika zvinhu zvinoshamisa zvikuru munhoroondo yevanhu vaMwari. Aive anyatsozvionera mabasa makuru aMwari, uye akanga aona kuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha zvakawanda. Saka ainyatsova nechivimbo paakati: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.”—Joshua 23:14.

4. Jehovha akavimbisei vaIsraeri?

4 Ndeapi mashoko aJehovha akazadzika munguva yaJoshua? Tichakurukura zvinhu zvitatu izvo Jehovha akavimbisa vaIsraeri. Chokutanga, Mwari aizovanunura pakuva varanda. Chechipiri, aizovadzivirira. Chechitatu, aizovatsigira. Akavimbisawo izvozvo kuvashumiri vake vemazuva ano, uye takazviona zvichizadzika munguva yedu. Zvisinei, tisati takurukura zviri kuitwa naJehovha mazuva ano, ngatikurukurei zvaakaita muzuva raJoshua.

Jehovha Anonunura Vanhu Vake

5, 6. Jehovha akanunura sei vaIsraeri muIjipiti, uye izvi zvakaratidzei?

5 VaIsraeri pavaichema vari varanda muIjipiti, Jehovha akavanzwa. (Eksodho 2:23-25) Paaiva pagwenzi raibvira, Mosesi akaudzwa naJehovha kuti: “Ndichaburuka kuti ndivanunure [vanhu vangu] pamaoko evaIjipiti uye kuti ndivabudise munyika iyoyo kuti ndivaendese kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8) Zvinofanira kuva zvaifadza chaizvo kuona Jehovha achizvizadzisa! Farao paakarambidza vaIsraeri kubuda muIjipiti, Mosesi akamuudza kuti Mwari aizochinja mvura yorwizi rwaNire kuva ropa. Shoko raJehovha harina kukundikana. Mvura yomuna Nire yakachinja kuva ropa. Hove dzakafa uye mvura yacho yakanga isingachanwiki. (Eksodho 7:14-21) Farao akaramba achiomesa musoro, uye Jehovha akaunza mamwe matambudziko mapfumbamwe, achitanga atsanangura rimwe nerimwe. (Eksodho, zvitsauko 8-12) Pakaurayiwa matangwe ose eIjipiti nedambudziko rechigumi, Farao akati vaIsraeri vachienda, uye vakaenda zvechokwadi!—Eksodho 12:29-32.

6 Kununurwa ikoko kwakaita kuti Jehovha asarudze vaIsraeri sorudzi rwake. Kwakakwidziridza Jehovha soMunhu anozadzisa zvaanovimbisa, ane shoko risingakoni. Kwakaratidza kuti Jehovha mukuru pane vanamwari vemamwe marudzi. Kuverenga nezvokununurwa ikoko kunosimbisa kutenda kwedu. Fungidzira kuti zvaiva zvakaita sei kune vakanunurwa! Hapana mubvunzo kuti Joshua akaona kuti Jehovha nde“Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—Pisarema 83:18.

Jehovha Anodzivirira Vanhu Vake

7. Jehovha akadzivirira sei vaIsraeri pauto raFarao?

7 Zvakadini nokuvimbisa kwechipiri kwokuti Jehovha aizodzivirira vanhu vake? Jehovha paakavimbisa kuti aizovanunura kubva muIjipiti achivaisa muNyika Yakapikirwa aitoreva kuti aizovadzivirira. Yeuka kuti Farao ashatirwa, akatevera vaIsraeri neuto rake raiva nesimba, vaine mazana engoro. Hachisi chivimbo chaiva nomurume iyeye aidada, zvikuru paakaona vaIsraeri vachiita sevave parumananzombe pakati pegungwa nemakomo! Mwari akabva avadzivirira paakapindira nokuisa gore pakati pavo nevavengi vavo. Kudivi revaIjipiti kwaiva nerima; kwevaIsraeri kwaiva nechiedza. Gore paraitadzisa vaIjipiti kuswedera, Mosesi akasimudza tsvimbo yake mvura yeGungwa Dzvuku ichibva yakamuka, ichipa vaIsraeri pokubuda napo uku ichiteya vaIjipiti. Jehovha akatsvaira uto raFarao raiva nesimba, achidzivirira vanhu vake kuti vasatsakatiswa.—Eksodho 14:19-28.

8. VaIsraeri vakadzivirirwa sei (a) murenje uye (b) pavakapinda muNyika Yakapikirwa?

8 Pavakayambuka Gungwa Dzvuku, vaIsraeri vakadzungaira munyika inorondedzerwa se“renje guru uye rinotyisa, maiva nenyoka dzine uturu, nezvinyavada nevhu rakaoma risina mvura.” (Dheuteronomio 8:15) Munyika iyoyo Jehovha akadzivirirazve vanhu vake. Ko pakupinda muNyika Yakapikirwa? Mauto evaKenani aiva nesimba aisada kuti vapinde. Asi Jehovha akaudza Joshua kuti: “Simuka, yambuka rwizi rwaJodhani urwu, iwe nevanhu ava vose, mupinde munyika yandiri kuvapa, ivo vanakomana vaIsraeri. Hapana munhu achamira zvakasimba pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako. Ini zvandakava naMosesi ndichavawo newe. Handingakuregi kana kukusiya zvachose.” (Joshua 1:2, 5) Mashoko iwayo aJehovha haana kukundikana. Mumakore anenge matanhatu, Joshua akakunda madzimambo 31 uye akatora nharaunda yakakura yeNyika Yakapikirwa. (Joshua 12:7-24) Kukunda ikoko kwaisambobvira kudai vakanga vasingadzivirirwi naJehovha.

Jehovha Anotsigira Vanhu Vake

9, 10. Jehovha akapa sei vanhu vake zvokurarama nazvo murenje?

9 Chifunga nezvevimbiso yechitatu yokuti Jehovha aizovapa zvokurarama nazvo. Vachangobva kununurwa muIjipiti, Mwari akavimbisa vaIsraeri kuti: “Tarirai ndiri kukunayisirai chingwa chinobva kumatenga; vanhu ngavabude zuva rimwe nerimwe, mumwe nomumwe anhonge chitsama chake chaanokwana.” Mwari akavapa ‘chingwa ichocho chaibva kudenga’ sezvaakanga avimbisa. “Vanakomana vaIsraeri pavakazviona, vakatanga kubvunzana, vachiti: ‘Chii ichi?’” Yaiva mana, chingwa chavakange vavimbiswa naJehovha.—Eksodho 16:4, 13-15.

10 Kwemakore 40 vari murenje, Jehovha akatarisira vaIsraeri, achivapa zvokudya nemvura. Akava nechokwadi chokuti nguo dzavo hadzina kusakara uye kuti tsoka dzavo hadzina kuzvimba. (Dheuteronomio 8:3, 4) Joshua akazviona zvose izvi. Jehovha akanunura, akadzivirira, uye akapa vanhu vake zvokurarama nazvo, sezvaakanga avavimbisa.

Kununurwa Munguva Ino

11. Hama Russell vakati chii muna 1914, uye inguva yei yakanga yasvika?

11 Ko munguva yedu? Musi weChishanu mangwanani, October 2, 1914, Charles Taze Russell, aitungamirira vadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo, akapinda muimba yokudyira yepaBheteri muBrooklyn, kuNew York. Akafaranuka, akati: “Mangwanani mose.” Asati agara pasi, akazivisa achifara kuti: “Nguva dzevamarudzi dzaguma; madzimambo avo haachisina nguva aripo.” Nguva yakanga yasvikazve yokuti Jehovha, Changamire wezvinhu zvose, anunure vanhu vake. Uye akazviita zvechokwadi!

12. Kununurwa kupi kwakaitika muna 1919, uye izvi zvakaita kuti chii chiitike?

12 Kwangopera makore mashanu, Jehovha akanunura vanhu vake mu“Bhabhironi Guru,” umambo hune simba hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 18:2) Vakawanda vedu taive tisati taberekwa pakaitika kununurwa uku. Asi zvatiri kuona zvichiitika zvakabva ipapo. Jehovha akaita kuti kunamata kwakachena kutangezve uye akabatanidza vaya vaida zvikuru kumunamata. Izvi zvakagara zvataurwa nomuprofita Isaya kuti: “Nemazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo, richakwidziridzwa kupfuura zvikomo; uye marudzi ose achadirana achienda kwariri.”—Isaya 2:2.

13. Vanhu vaJehovha vakawedzera zvakadini zvawakaona?

13 Mashoko aIsaya haana kukundikana. Muna 1919 vakazodzwa vasara vakatanga kuparidza noushingi pasi pose vachiita kuti kunamata Mwari wechokwadi kusimudzirwe. Muma1930, zvakava pachena kuti “mamwe makwai” akanga ari kuunganidzwa. (Johani 10:16) Kwakatanga zviuru, ndokuzouya mazana ezviuru, uye iye zvino mamiriyoni ari kutsigira kunamata kwakachena! Mune zvakaratidzwa muapostora Johani, vanorondedzerwa se“boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Ndezvipiwo zvimwe zvakaitika munguva yauri kurarama? Pasi pose paiva neZvapupu zvingani pawakatanga kudzidza chokwadi? Mazuva ano, vaya vari kushumira Jehovha vava kupfuura 6 700 000. Kununura kwakaita Jehovha vanhu vake muBhabhironi Guru, kuri kuita kuti vawedzere zvinonakidza pasi pose.

14. Ndokupi kumwe kununurwa kuchiri mberi?

14 Pane kumwe kununurwa kuchiri mberi, kuchasanganisira munhu wose anenge achirarama pasi pano. Jehovha acharatidza simba rake zvinoshamisa paachatsvaira vose vanenge vachimupikisa, onunura vanhu vake achivapinza munyika itsva yakarurama. Hakusi kufadza kwazvichaita kuona zvakaipa zvichiguma uye nguva yakanakisisa munhoroondo yose yevanhu ichitanga!—Zvakazarurwa 21:1-4.

Kudzivirira Kunoita Jehovha Muzuva Redu

15. Nei kudzivirira kwaJehovha kuchidiwa mazuva ano?

15 Sezvataona, vaIsraeri vomuzuva raJoshua vaida kudzivirirwa naJehovha. Mazuva ano vanhu vaJehovha havadiwo kudzivirirwa here? Vanoda! Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Vanhu vachakuendesai kuti munotambudzwa uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rangu.” (Mateu 24:9) Mumakore ose aya, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvakatsungirira kupikiswa kunorwadza uye kutambudzwa kwoutsinye. Asi Jehovha ave achiratidza kuti anotsigira vanhu vake. (VaRoma 8:31) Shoko rake rinotivimbisa kuti ‘hapana chombo chakagadzirirwa kutirwisa’ chichamisa basa redu rokuparidza Umambo nerokudzidzisa.—Isaya 54:17.

16. Ndezvipi zvawakaona zvinoratidza kuti Jehovha ari kudzivirira vanhu vake?

16 Vanhu vaJehovha vari kuwedzera pasinei nokuti nyika inovavenga. Zvapupu zvaJehovha zviri kubudirira munyika 236—zviri kunyatsoratidza kuti Jehovha ari kutidzivirira pane vaya vanoda kutiparadza kana kuita kuti tisaparidze. Ungayeuka here mazita evatungamiriri vezvematongerwo enyika nevezvitendero vaidzvinyirira vanhu vaMwari zvinorwadza munguva yako? Chii chakazoitika kwavari? Varipi? Vakawanda vavo vakatsakatiswa, sezvakaitwa Farao mumazuva aMosesi naJoshua. Zvakadini nevashumiri vaMwari vemazuva ano vakafa vakatendeka? Vakachengetedzwa nokuti Jehovha anovayeuka. Hapana kudzivirirwa kunopfuura ikoko. Zviri pachena kuti panyaya yokudzivirira, shoko raJehovha raratidza kuti nderechokwadi.

Jehovha Anotsigira Vanhu Vake Nhasi

17. Jehovha akapa vimbiso yei pamusoro pezvokudya zvokunamata?

17 Jehovha akatsigira vanhu vake murenje, uye ari kuvatsigira nhasi. “Muranda akatendeka, akangwara” ari kutipa zvokudya zvokunamata. (Mateu 24:45) Tinojekeserwa chokwadi pamusoro paMwari chakanga chakavanzwa kwemazana emakore. Ngirozi yakaudza Dhanieri kuti: “Vanza mashoko acho uname bhuku racho, kusvikira kunguva yokuguma. Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.”—Dhanieri 12:4.

18. Nei zvinganzi zivo yechokwadi yakawanda chaizvo nhasi?

18 Tiri kurarama munguva yomugumo, uye zivo yechokwadi iri kuwanda chaizvo. Pasi pose, mudzimu mutsvene wakatungamirira vanoda chokwadi kuti vawane zivo yakarurama yaMwari wechokwadi nezvinangwa zvake. MaBhaibheri nemabhuku anobatsira vanhu kunzwisisa chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri ifararira munyika nhasi. Somuenzaniso, funga nezvepeji yezviri mukati yebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? * Zvimwe zvezvitsauko zvacho ndeizvi: “Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?,” “Vakafa Vari Kupi?,” “Umambo hwaMwari Chii?,” uye “Nei Mwari Achibvumira Kutambura?” Kwezviuru zvemakore vanhu vave vachifungisisa mibvunzo iyi. Iye zvino mhinduro dzacho dzavapo. Pasinei nokusaziva uye kudzidzisa nhema kwechiKristudhomu kwemazana emakore, Shoko raMwari rinokunda, richitsigira vose vane nzara yokushumira Jehovha.

19. Zvipikirwa zvipi zvawakaona zvichizadziswa, uye wakasvika pakuti chii?

19 Hapana mubvunzo kuti kubva pane zvatakaona nemaziso edu, tinogona kuti: “Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.” (Joshua 23:14) Jehovha anonunura, anodzivirira, uye anotsigira vashumiri vake. Ungagona here kutaura chinhu chimwe chete chaakapikira chaungati akatadza kuzadzisa panguva yake? Hapana anogona kudaro. Tinoratidza kuti takachenjera kana tikavimba neShoko raMwari rakavimbika.

20. Nei tichifanira kutarira remangwana nechivimbo?

20 Zvakadini neramangwana? Jehovha akatiudza kuti vakawanda vedu vanogona kutarisira kurarama munyika inoyevedza inenge yachinjwa kuva paradhiso. Vashoma vedu vanotarisira kutonga naKristu kudenga. Chero tariro yatingava nayo, tine chikonzero chakanaka chokuramba takatendeka sezvakaitwa naJoshua. Tariro yedu ichizadzika nerimwe zuva. Ipapo tichafunga zvinhu zvose zvakavimbiswa naJehovha, uye isuwo tichati: ‘Zvose zvakaitika.’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Joshua akaona kuzadzika kwezvipikirwa zvipi zvaJehovha?

• Zvipikirwa zvaMwari zvipi zvawakaona zvichizadzika?

• Chii chatingava nechokwadi nacho pamusoro peshoko raMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jehovha akapindira kuti anunure vanhu vake

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jehovha akadzivirira sei vanhu vake paGungwa Dzvuku?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jehovha akatsigira sei vanhu vake murenje?

[Mifananidzo iri papeji 25]

Jehovha anotarisira vanhu vake nhasi